ChiKristudhomu Chinoratidzirwa Somutsigiri Wokunamata Kwenhema
“Urwu ndirwo rudzi rusinganzwi shoko raJehovha Mwari wavo, kana kutenda kurangwa.”—JEREMIA 7:28.
1, 2. Jeremia akaita sei kumugove wake wakapiwa naMwari?
“MWOTO wokutenda kwechokwadi wakapisa mukati make; kwakanga kune simba rinogombedzera rokutaura zvokwadi, kutuka asiwo kusimbisa.” Namashoko iwayo nyanzvi mbiri dzechiHebheru dzinorondedzera basa raJeremia. Kunyange zvazvo mugove wake wakabva kuna Mwari wakanga uchityisa, aiziva kuti aifanira kuita mutoro wake kurudzi rwaJudha. Iye amene akati: “Nokuti shoko raJehovha rakaitwa kwandiri chinhu chinoshorwa nechinhu chinosekwa zuva rose. Kana ndichiti: ‘Handichamurangariri, kana kutaura zita rake.’” Hungu, dzvinyiriro nechitambudzo zvakadokuva zvakamunyanyira. Asi akarega here?—Jeremia 20:8, 9a.
2 Jeremia akapfuurira, kuti: “Ipapo mumwoyo mangu mava somwoto unopfuta, wakapfigirwa mumapfupa angu; ndaneta nokutsungirira; handichagoni.” (Jeremia 20:9b) Jeremia haana kufuratira basa rake rokuzivisa marutongeso aMwari kuna Judha.—Jeremia 6:10, 11.
Jeremia Wazvino Uno
3. Chimiroi icho Jesu navadzidzi vakaratidza kumugove wavo?
3 Kufanana naJeremia, Kristu Jesu uye vadzidzi vechiKristu vapakuvamba vakazivisa nokusatya shoko risingadikanwi roUmambo hwaMwari kuvaJudha namarudzi. Kunyange zvazvo kare akapinzwa mutorongo nokuda kwokuparidzira, Petro navamwe vaapostora vakapindura noushingi vapomeri vavo vorudzidziso, vachiti: “Tinofanira kuteerera Mwari kupfuura vanhu.” Pakuraira kwezviremera zvorudzidziso, ivo vakarohwa nokuda kwoushingi hwavo. Vaapostora vakaita seiko? “Zuva riri rose mutembere napaimba neimba ivo vakapfuurira vasingaregi kudzidzisa nokuzivisa mashoko akanaka pamusoro paKristu, Jesu.”—Mabasa 5:29, 40-42, NW; Mateo 23:13-33.
4. Ndivanaani vakatevera muenzaniso waJeremia muzana ramakore rechi 20, uye ivo vakaita sei ikoku?
4 Nokudaro maKristu akazodzwa apakuvamba akaita saJeremia. Kunyange zvazvo akatarisana nezvitambudzo zvihombe navavengi vorudzidziso vane chisimbwa, ivo vakazivisa marutongeso aMwari. Zvino, ndivanaani muzana rino ramakore rechi 20 vakatevera muenzaniso mumwe cheteyo? Ndivanaani vakazivisa pachena uye paimba neimba marutongeso aMwari patsika ino yezvinhu uye zvikurukuru pamubiyake weJerusarema, chiKristudhomu? Hufakazi hwenhau hwave huchikura kwamakore anopfuura 68 kuratidza kuti boka razvino raJeremia rave riri boka duku asi rine ushingi reZvapupu zvakazodzwa zvaJehovha. Ivava vakawedzerwa ndokuyamurwa chibviro cha 1935 ne“boka guru” rinokura ramamirioni eshamwari dzinodisa, vanozivikanwawo seZvapupu zvaJehovha. Nenzwi rakabatana, ivo vakazadzika basa ravo raJeremia kupfurikidza nokushurikidza rudzidziso rwenhema somusungo norusina kutendeseka.—Zvakazarurwa 7:9, 10; 14:1-5, NW.
ChiKristudhomu—Neiko Chiri Mubiyake Wazvino Uno weJerusarema
5. ChiKristudhomu chakafanana neJerusarema rakare munzirai?
5 ‘Asi,’ mumwe angabvunza, ‘ndapapi patinowana fanano pakati peJerusarema rakare nechiKristudhomu?’ Kupfurikidza nezvimiro zvakafanana nemigariro zviri muchiKristudhomu chinodada nhasi. Ivo vanoisa chivimbo chavo mu‘maguta matsvene’ avo nezvivako zvitsvene, zvakadai seRoma, Jerusarema, Canterbury, Fatima, Guadalupe, uye Zaragoza, kungodudza mashomanene chete. Ivo vanoda kukudza macathedral avo, mabasilica, matembere, uye chechi, vachidada pamusoro pokuva kwazvo zvekare nomugadzirirwo wazvo, sokunge izvozvi zvakavapa chimiro chaicho chakati naMwari. Ivo vanototaura kuti zvivako zvavo zvorudzidziso zvakavakwa ‘kumbiri yaMwari.’ Bva, zvingani zveizvi zvivako zvine chaizvoizvo zita raJehovha Mwari? Mukupesana, munhu anoyeuchidzwa nguva dzose nezvavanyori vamapurani vakazvigadzira, nyanzvi navavezi vakazvinyerenyetedza, vabetseri vakapfuma vakazvibhadhara, kana kuti “vatsvene” kwazvinotsaurirwa. Chivimbo chechiKristudhomu mukuva zvekare negamuchidzanwa ndezvenhema sezvakanga zvakangoita chivimbo chaJudha mutembere yaro tsvene.—Jeremia 7:4.
6. Kushurikidza kwaJesu vakuru vorudzidziso vechiJudha kunoshanda sei kuvakuru vechiKristudhomu?
6 Muwirirano nokushurikidza kwaJeremia vaprista vechiJudha navaporofita, chii chinogona kutaurwa nezvavatungamiriri vorudzidziso vechiKristudhomu nhasi? Norujeko rwakafanana nerwaJeremia, Jesu akapa kurondedzerwa kwavakuru vorudzidziso vechiJudha uko kunokodzera vakuru vorudzidziso vechiKristudhomu kusvikira kuzuva rino: “Ivo havashandisi zvavanoparidzira . . . Chinhu chiri chose chavanoita chinoitwa kukwezva ngwariro . . . vanoda kutora nzvimbo yorukudzo pamadyo nezvigaro zvapamberi mumasinagoge.” (Mateo 23:3-7, The Jerusalem Bible) Tinoona kazhinji kazhinji sei vakuru vorudzidziso vakatanhamara navaparidziri vachikomborera misangano namagungano ezvamatongerwe enyika nezvourudzi nokuvapo kwavo—uye kugoverana zvinobudisa nhau zvakatanhamara navezvamatongerwe enyika!
7. (a) Vaparidziri vari kutsausa sei vanhu? (b) Idenhoi iyo vakuru vorudzidziso vakadzivisa?
7 Zvino, muzera reterevhizheni, tine vaparidziri vomuTV vanoshandisa chinobudisa nhau ichocho norudzi rwuri rwose rwamaminimini apachikuva nenyengedzo yendangariro kunyengera vanhu ndokupedza homwe dzeboka. Shurikidzo yaJeremia yakafanira sei kunyange zvino, makore 2 600 gare gare! “Nokuti kubva kuvaduku pakati pavo kusvikira kuvakuru pakati pavo mumwe nomumwe unokarira pfuma; uye kubva kuvaporofita kusvikira kuvaprista mumwe nomumwe unoita nokunyengera.” Panguva imwe cheteyo, hapana nomumwe wavo anoda kugamuchira denho youshumiri hwechokwadi hwechiKristu, kutarisana navanhu, paimba neimba. Zvinongova Zvapupu zvaJehovha bedzi—boka rakazodzwa raJeremia ne“boka guru”—vakagamuchira mutoro iwoyo.—Jeremia 6:13; Mabasa 20:20, 21.
ChiKristudhomu Chakaponeswa Here?
8. Neiko chiKristudhomu chichidavira kuti hachisvikwi neArmagedhoni?
8 Vaparidziri vomuTV vamwe chete ivava vanonyaradza vanhu kuti vapinde mupfungwa yenhema yechengeteko nokushandisa kwavo kutaura noumwari zvakashata zvokuti “kuberekwazve” uye “ukaponeswa kamwe, waponeswa nguva dzose.” Mamirioni avanhu anobva murunodokuva rudzidziso rwuri rwose nesekete zvechiKristudhomu akatungamirirwa kudavira kuti “akaberekwazve” uye “akaponeswa.” Vezvamatongerwe enyika vasinganyari vanotaura zvimwe chetezvo nomufaro. Hungu, vaparidziri vavo vavanoda vanovaudza kuti vane rugare naMwari nemhaka yokuti “vakaponeswa”—uye ikoku pasinei zvapo namapoka avo orudzidziso, ezvamatongerwe enyika, uye orudzi! Uye vanhu vanokuda, kunyange sezvavakaita muzuva raJeremia! (Jeremia 5:31; 14:14) Ivo vanofunga kuti havagoni kusvikwa norutongeso rwaMwari rweArmagedhoni.—Jeremia 6:14; 23:17; 1 VaKorinte 1:10; Zvakazarurwa 16:14, 16.
9. (a) “Kuberekwazve” kunoshanda kuna ani chaizvoizvo? (b) Chii chinotaura Bhaibheri pamusoro pomweya? (Nokuda kwemibvunzo yose iri miviri, govera imwe tsigiro inobva muna Reasoning From the Scriptures.)
9 Zvisinei, kufundwa kwokungwarira kweShoko raMwari nedzidziso dzaKristu kunoratidza kuti chiverengero chakaganhurirwa bedzi chinogoverana ropafadzo yokuberekwazve, kuberekwa ‘nemvura nomudzimu,’ kuti nokudaro vagoverane ubati ushe hwokudenga naKristu. (Johane 3:3-5; VaRoma 8:16, 17; Zvakazarurwa 14:1-3) “Boka guru” ramaKristu echokwadi nhasi haridikanirwi kuberekwazve, sezvo tariro yavo youpenyu husingaperi iri yapasi, kwete yokudenga. (2 Petro 3:13; Zvakazarurwa 21:3, 4) Kupfuurirazve, dzidziso yechiKristudhomu yakavakirwa pahwaro hwenhema—hwokuti munhu ane mweya usingafi unoda ruponeso. Hapana nzvimbo iri muBhaibheri pane tsigiro yedzidziso yakadaro, iyo kutaura idi yakatorwa muuzivi hwakare hwechiGiriki.a
Havafariri Shoko Rake Kana Kuti Zita
10. Vazhinjisa vavakuru vorudzidziso vanorangarira sei Bhaibheri?
10 Pane mamwe mapfundo efanano pakati peJerusarema rakare nechiKristudhomu chazvino uno. Jeremia akati: “Tarirai, shoko raJehovha rava kwavari chinhu chinodadirwa, havarifariri.” (Jeremia 6:10) Vakuru vorudzidziso vanoda zvavo kunokora mashoko vazivi namasayendisiti, panzvimbo peShoko raJehovha. Vazhinji vanonyadziswa neBhaibheri; ivo vanotorinyomba kupfurikidza ne“tsoropodzo huru” yavo. Ivo vanotaura kuti ingano dzakanyorwa zvakanaka. (Jeremia 7:28) Uye kana riri zita roMunyori waro, ivo vanorizvidza. Chitendisoiko chatinacho chouku kutaura?
11. Musianoi uripo pakati pechiKristudhomu naJeremia mukushandisa kwavo zita raMwari?
11 Kunyange zvazvo tetragrammaton yechiHebheru (יהוה) ichioneka kanodokusvika 7 000 muMagwaro echiHebheru, zita rokuti “Jehovha” kana kuti “Yahwe” rakatsiviwa mumaBhaibheri akawanda echiShona na“ISHE” asina zita. Somuenzaniso, zita racho rakabviswa chose chose mushanduro dzazvino dzeBhaibheri dzechiBhunu. Shanduro yeSpanish Franquesa-Solé yakashandisa zita racho muchinyorwa chayo chapakuvamba. Apo chinyorwa chakavandudzwa chakabudiswa, zita roumwari rakanga ranyangarika, ratsiviwa naSeñor (Ishe). Uye kunyange apo shanduro dzechiKristudhomu dzinobatanidza zita raMwari, vakuru vorudzidziso havawanzorishandisa. Bva, Jeremia akashandisa zita rinosianisa raMwari ka 726 mushoko rake rouporofita!b
“Vahosi voKudenga” Nokunamata Zvidhori
12-14. (a) Mhuri dzechiJudha dzakabatanidzwa mumubatoi wokushingaira? (b) Jehovha akarangarira sei kunamata kwavo?
12 Tinowana imwe fanano sezvatinonzvera shoko raJeremia kuJerusarema. Apo Jehovha akaudza muporofita wake kusanyengeterera vanhu, iye akaonesa chikonzero nei. “Hauoni here zvavanoita mumaguta aJudha nomunzira dzomuJerusarema? Vana vanounganidza huni, madzibaba ndokubatidza mwoto, vakadzi vanokanya upfu.” Uye mhuri yose yakanga yakabatidzwa mubasai rokushingaira? “Kuti vabikire ‘vahosi vokudenga’ zvingwa”!—Jeremia 7:16-18; 44:15, 19.
13 Imwe tsinhiro yechiJudha inoti: “Rudzidziso rwa‘vahosi vedenga’ rwaiitwa nokudisa uye pachena.” Nenzira isingadaviriki, rudzi rwaJudha rwakanga rwuchishandisa kunamata zvidhori, kunamata mwarikadzi wechihedheni, sezvinobvira mwarikadzi woruzvaro weBhabhironi, Ishtar, mwari wechitatu woutatu hwenyeredzi hweBhabhironi. Kana kuti uyu “vahosi” aigona kuva aiva mwarikadzi anowirirana wechiKanani, Ashtoreti.—1 Madzimambo 11:5, 33.
14 Mukuwedzera kuuku kunamatwa kwamwarikadzi, ivo vakanga vachipinda mukumwe kunamata zvidhori. Jehovha akavashurikidza nokuda kwaikoku, achiti: “Vakanditsamwisireiko nezvifananidzo zvavo zvakavezwa, nezvavatorwa zvisina maturo?” Pomero yacho yakapfuurira, kuti: “Asi vakatevera ukukutu hwemwoyo yavo navaBhaari, izvo zvavakadzidziswa namadzibaba avo.” (Jeremia 8:19; 9:13, 14) Ko chiKristudhomu chakawira mumusungo mumwe chetewo here?
15. (a) Mugariroi pamusoro pokunamata zvidhori watinowana muchiKristudhomu nhasi? Dudza mienzaniso yomunzvimbomo. (b) Chimiroi pamusoro paMaria chinotora maKristu echokwadi? (Onawo Reasoning From the Scriptures, mapeji 254-61.)
15 Shanyira inodokuva chechi ipi neipi kana kuti cathedral—Purotesitendi, Katurike, kana kuti Orthodox—uye uchawana mifananidzo yechipiyaniso. Asi munzvimbo dzeKaturike neOrthodox, mune mifananidzo ya“Maria Musande mhandara nguva yose, Mai vaMwari Wechokwadi” mumhatsa isingagumi yemigariro nezvimiro.c Zita rokuremekedza gurusa riri rose rinotutirwa paari, kubatanidza “Vahosi vedenga” uye “Vahosi venyika yose”!d Pano rumwe rutivi, boka raJeremia, nepo richiremekedza Maria samai vaJesu nomutendi akazodzwa, rakasanotevera zano ravaapostora, rinoti: “Zvidzivirirei mumene pazvidhori.”—1 Johane 5:21, NW; Jeremia 10:14.
Utatu Hunotsiva Changamire Ishe Mumwe Jehovha
16. Idzidzisoi yakagadzirira nzira kuremekedzwa kwaMaria, uye sei?
16 ‘Asi,’ ungabvunza kuti, ‘uku kunamatwa nokukudzwa kwaMaria kwakavapo sei?’ Kupfurikidza nechimwe chiito chakaitwa nechechi yakawa pakutenda yapakuvamba chokubatanidza vanamati venhema. Murangariro wavamwari vatatu muno mumwe waidavirwa zvakafara munyika yechihedheni. VaRoma vakare vaiva netembere dzaiva namapoka enzvimbo nhatu “dzakatsaurirwa kuutatu hwavamwari vakabatanidzwa muzvitendero nokunamata. Ndozvakwakanga kwakaita netembere yaJupiter Optimus Maximus muCapitol, yakatsaurirwa kuutatu hwecapitoline Jupiter-Juno-Minerva.”e
17, 18. (a) Chii chakadziviswa, nokudaro kuchibvumira dzidziso yoUtatu kubudirira? (b) Ipa zvibvumikiso zvokuwedzera zvinobva muna Reasoning From the Scriptures.
17 Nokuda kwokusimudzira dzidziso inomuka yo“Utatu Husande Zvikurusa” mumazana amakore rechitatu nerechina, kwakanga kuri madikanwa kuti Chechi yeKaturike idzivise murangariro wechiHebheru wakataurwa zvakajeka kwazvo mumashoko aJeremia, unoti: “Hakuna wakafanana nemi Jehovha; imi muri mukuru, zita renyu iguru nesimba raro. Asi Jehovha ndiye Mwari wezvokwadi; ndiye Mwari mupenyu; naMambo usingaperi.” Jesu akasimbisa nzwisiso iyoyo paakanokora mumashoko aMosesi: “Chinzwa Israeri, Jehovha Mwari wedu ndiJehovha mumwe chete.”—Jeremia 10:6, 10; Marko 12:29; Dheutoronomio 6:4.
18 Kuchiyamurwa nokutenda mashura kwechiJudha kwokusadudza “Yahwe,” kana kuti “Jehovha,” kushandiswa kwezita raMwari kwakaregwa nechiKristudhomu chakawa pakutenda. Ikoku kwakabvumidza nzvimbo isina chinhu yorudzidziso iyo ‘Utatu Husande’ hwaigona kuzadza.f
19. (a) Ndoupi wave uri muuyo wokugamuchira kwechiKristudhomu Utatu? (b) Inyengedzoi yakatendeukirwa kwairi nokuda kwokutsigira chibvumikiso choUtatu?
19 Nokudaro, chiKristudhomu chakasarudza ‘kutevera mumwe mwari,’ mwari woutatu, uyo akanga asingazivikanwi chose chose kuvaJudha nokuna Kristu namaKristu echokwadi. Uye kutsigira ichi chakavanzika chavatatu muno mumwe, vashanduri vechiKristudhomu vakatotendeukira kunyengedzo muKing James Version yavo.g Kupfuurirazve, somuuyo une mufungo wedzidziso yoUtatu, chikamu chikuru chechiKristudhomu chakapindawo mukunamatwa kana kuti kukudzwa kwa“Vahosi voKudenga” vacho.—Jeremia 7:17, 18, New International Version.
Vakuru Vorudzidziso Vanotsigira Chitambudzo
20, 21. Inzirai yakatevera vakuru vechiKristudhomu, uye mibvunzoi yakakodzera zvino?
20 Nemhaka yezvichangobva kududzwa, mubvunzo waJeremia wakakodzera nokuda kwavakuru vechiKristudhomu, unoti: “Munoreva seiko, muchiti: ‘Takachenjera, murairo waJehovha tinawo?’ Asi tarirai, peni yenhema yavanyori inonyengera. . . . Tarirai, vakaramba shoko raJehovha, zvino kuva nenjere dzakadiniko?” (Jeremia 8:8, 9) Ivo vakaramba Jehovha navamiriri vake, zvapupu zvake. Seizvo vaprista navaporofita vakatambudza Jeremia, naizvozvo vakuru vechiKristudhomu vave vachitsigira kukurusa kwokutambudzwa kwoutsinye kweZvapupu zvaJehovha muzana rino rose ramakore.
21 Asi neiko ivo vakatsigira ichi chitambudzo? Chii chakaita Zvapupu kunyandura hasha dzavo ndokukweva mwoto wavo? Nyaya yokupedzisira iri munhevedzano ino ichaongorora mibvunzo iyoyo nezvinowirirana.
[Mashoko Omuzasi]
a Nokuda kwerangarirwo ine udzame yaaya mapfundo, ona mapeji 76-80, 356-61, 379-80 muReasoning From the Scriptures, rakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.
b Nokuda kwamamwe mashoko pamusoro pokudziviswa kwezita roumwari, ona bhurocha rina mapeji 32 Zita raMwari Richagara Nokusingaperi, rakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.
c The Image of Guadalupe—Myth or Miracle?, rakanyorwa naJody Brant Smith, peji 6.
d The Glories of Mary, rakanyorwa naAlphonsus de Liguori, peji 424.
e Las Grandes Religiones Ilustradas, (The Great Religions Illustrated), peji 408
f Nokuda kwokufundwa kwedzidziso yoUtatu, ona Reasoning From the Scriptures, mapeji 405-26.
g 1 Johane 5:7 iwedzero yenhema, uye Mateo 24:36, iyo isina “kana Mwanakomana,” kubviswa kwokunyengera. Ona mashoko omuzasi eThe Emphatic Diaglott, peji 803, yakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc., uye The Codex Sinaiticus and The Codex Alexandrinus, peji 27, yakabudiswa neTrustees of the British Museum.
Unoyeuka Here?
◻ Boka razvino uno raJeremia rakaziviswa sei?
◻ Ndedzipi dziri dzakati kuti dzefanano pakati peJerusarema rakare nechiKristudhomu?
◻ Vakuru vorudzidziso vakanyaradza sei vanhu kuti vapinde mukudavira kuti vane rugare naMwari?
◻ Iregeredzoi nokunamata zvidhori zvave zvichiitwa nechiKristudhomu?
[Mufananidzo uri papeji 16]
Muna 1938 Zvapupu zvakanga zvichishurikidza rudzidziso rwenhema
[Mifananidzo iri papeji 17]
ChiKristudhomu chinovimba nedzimba dzacho tsvene dzagara nguva refu kungofanana navaJudha vaivimba netembere
[Mufananidzo uri papeji 18]
Vaparidziri vomuTV vechiKristudhomu vanonyaradza mamirioni kuti apinde mukudavira kuti iwo “akaponeswa” kana kuti “akaberekwazve”