CHITSAUKO 1
“Ndaisa Mashoko Angu Mumuromo Mako”
1, 2. Nei uchivimba nezvaunoverenga muBhaibheri?
“KUNE shamwari inonamatira kupfuura mukoma.” (Zvir. 18:24) Pane zvakaitika kwauri here zvinoratidza kuti mashoko aya akafuridzirwa ndeechokwadi? Unogona kuvimba nezvinotaurwa neshamwari yechokwadi. Painokuudza chimwe chinhu chakanaka kana kuti kutsanangura zvaichaita, unozvidavira. Kana ikataura chimwe chinhu chinenge chichida kugadziridzwa, zviri nyore kuti ubvume woita zvinofanira kuitwa. Kwenguva yakareba, yave ichiratidza kuti inoda chaizvo kukubatsira, kunyange painenge ichikupa zano. Inoda kuti ubudirire uye unodawo kuti ibudirire kuitira kuti ushamwari hwenyu hurambe huripo.
2 Ungawana shamwari dzakadaro pavarume vakashandiswa naMwari kunyora mabhuku eBhaibheri. Unogona kudavira zvavanotaura. Une chokwadi chokuti zvavanotaura zvinokubatsira. VaIsraeri vekare vaifanira kunge vakafunga saizvozvo nezve“vanhu vakataura zvichibva kuna Mwari sezvavaitungamirirwa nomudzimu mutsvene.” (2 Pet. 1:20, 21) Munhu akashandiswa naMwari kunyora bhuku rouprofita rakakura kudarika ose ndiJeremiya, ndiye akanyorawo bhuku reMariro uye mamwe mabhuku maviri eBhaibheri.
3, 4. Vamwe vanhu vanoona sei bhuku raJeremiya nereMariro, asi nei kuri kurasika? Ipa muenzaniso.
3 Kunyange zvakadaro, ungave wakaona kuti vamwe vaverengi veBhaibheri vanowanzoona zvakanyorwa naJeremiya sezvisingavabatsiri. Vangafungidzira kuti bhuku raJeremiya nereMariro anongopa nyevero nouprofita zvinotyisa.a Asi zvine musoro here kuona bhuku raJeremiya nereMariro saizvozvo?
4 Ichokwadi kuti zvakanyorwa naJeremiya zvinonyevera uye zvinopa mazano zvakananga, asi unoziva kuti dzimwe nguva shamwari inoitawo izvozvo. Kunyange Jesu akataura pachena apo shamwari dzake, vaapostora, dzakaratidza mafungiro akaipa; akadziruramisa zvakananga. (Mako 9:33-37) Zvisinei, shoko guru raJesu rakanga rakanaka, richiratidza kuti munhu angafarirwa sei naMwari uye angawana sei mufaro mune ramangwana. (Mat. 5:3-10, 43-45) Ndozvakaitawo zvakanyorwa naJeremiya, izvo zviri chikamu cho“Rugwaro rwose” runobatsira “pakururamisa zvinhu.” (2 Tim. 3:16) Jeremiya akanyatsotaura maonero anoita Mwari vaya vaiti vanoshumira Jehovha asi vakanga vakakodzera kuti vakohwe zvakaipa zvavakanga vadyara. Kunyange zvakadaro, bhuku raJeremiya nereMariro ane mashoko etariro uye anoratidza kuti ramangwana redu ringava sei nezvikomborero. Jeremiya akanyorawo uprofita hunotaura kuti zvaizoitwa naMwari zvaizoitika sei, uye mazuva ano tinobatanidzwa zvakananga nokuzadzika kwahwo. Uyezve, mumabhuku maviri iwayo uchaona mashoko akanaka uye anokurudzira.—Verenga Jeremiya 31:13, 33; 33:10, 11; Mariro 3:22, 23.
5. Zvakanyorwa naJeremiya zvingatibatsira sei?
5 Kufara kwatinoita iye zvino sevanhu vaMwari uye kutarisira kwatinoita ramangwana kunoenderana nezvakanyorwa naJeremiya. Mumwe muenzaniso ndewokubatana kwatakaita sehama. Zvaakanyora zvichatibatsira kusimbisa ukama ihwohwo uye kushandisa zano romuapostora Pauro rokuti: “Hama, rambai muchifara, muchiruramiswa, muchinyaradzwa, muchibvumirana pakufunga, muchigara norugare; uye Mwari worudo neworugare achava nemi.” (2 VaK. 13:11) Zvakanyorwa naJeremiya zvinewo chokuita neshoko ratinoparidza. Kunyange zvazvo tichiudza vamwe nezvemazuva okupedzisira uye tichivanyevera nezvokuguma kwemamiriro ezvinhu epanguva ino kwava pedyo, mashoko edu akangonaka, anopa tariro. Uyewo, zvakanyorwa naJeremiya zvinogona kutibatsira mukurarama kwedu. Zviri kuitika panguva yedu zvakafanana munzira dzakawanda nezvaiitika muupenyu hwake uye mumashoko ake. Kuti unzwisise izvozvo, funga nezvoupenyu uye basa romuprofita uyu ane muenzaniso wakanaka akanzi naMwari: “Tarira ndaisa mashoko angu mumuromo mako.”—Jer. 1:9.
6, 7. Tingava sei nechokwadi chokuti Mwari aifarira Jeremiya, uye zvii zvaiitika muJudha panguva yaakaberekwa?
6 Murume nomudzimai vanenge vachimirira kuzvarwa kwemwana vanowanzofunga nezvemwanakomana (kana mwanasikana) wavo wavari kumirira. Achange akaita sei, uye achaitei muupenyu—zvaachafarira, basa rake, uye zvaachakwanisa kuita? Vabereki vako vangangodaro vakafungawo zvinhu zvakadaro. Zvinofanira kunge zviri izvo zvakaitwa nevabereki vaJeremiya. Zvisinei, zvaJeremiya zvakanga zvakasiyana nezvevamwe. Nei? Musiki wezvinhu zvose aifarira zvikuru zvinhu zvine chokuita noupenyu hwaJeremiya uye zvaaizoita.—Verenga Jeremiya 1:5.
7 Ichokwadi kuti Jeremiya asati aberekwa, Mwari akashandisa kufanoziva kwaanoita. Akafarira zvikuru mukomana aizoberekerwa mumhuri youpristi yaigara kuchamhembe kweJerusarema. Paiva pakati pezana remakore rechinomwe B.C.E., nguva yakanga isingafadzi munyika yaJudha pamusana pokutonga kwakaipa kwaMambo Manase. (Ona peji 19.) Akaita zvakaipa mukuona kwaJehovha nguva yakawanda yokutonga kwaakaita kwemakore 55. Pashure pacho, mwanakomana wake Amoni akaitawo saizvozvo. (2 Madz. 21:1-9, 19-26) Zvinhu zvakangochinja zvinoshamisa pakutonga kwamambo waJudha akazotevera. Chokwadi, Mambo Josiya akatsvaka Jehovha. Pakazosvika gore rechi18 rokutonga kwake, Josiya akanga abvisa kunamatwa kwezvidhori munyika yacho. Izvi zvinofanira kunge zvakafadza vabereki vaJeremiya; Mwari akapa mwanakomana wavo basa panguva yaitonga Josiya.—2 Mak. 34:3-8.
Nei uchifanira kufarira bhuku raJeremiya uye reMariro?
MWARI ANOSARUDZA MUTAURIRI
8. Jeremiya akapiwa basa rei, uye akaitei?
8 Hatizivi kuti Jeremiya aiva nemakore mangani Mwari paakamuudza kuti: “Ndakakuita muprofita kumarudzi.” Anogona kunge akanga ava kuda kusvitsa makore 25, zera rokuti mupristi aigona kupinda muchikamu chokutanga chebasa rake. (Num. 8:24) Chero raiva zera rake, Jeremiya akapindura achiti: “Maiwe, haiwa, Changamire Ishe Jehovha! Tarirai handigoni kutaura, nokuti ndinongovawo hangu mukomana.” (Jer. 1:6) Akanzwa asingadi kuzviita, pamwe aifunga kuti akanga ari muduku zvikuru kana kuti aisakwanisa kuita basa risiri rokutamba naro uye kutaura paruzhinji zvaifanira kuitwa nomuprofita.
9, 10. Zvinhu zvakanga zvakamira sei Jeremiya paakatanga basa rake, asi nei basa racho rakava rinotyisa, nokufamba kwenguva?
9 Jeremiya akapiwa basa panguva iyo Mambo Josiya akanga achibvisa kunamata kwenhema kwaisemesa uye achikurudzira kunamata kwechokwadi. Pasinei nokuti Jeremiya naJosiya vaitaura vose kakawanda zvakadini, zviri pachena kuti mamiriro acho ezvinhu akanga akanakira muprofita wechokwadi. Zefaniya naNahumi vakashumirawo muJudha pakutanga kwokutonga kwaJosiya.b Ndizvo zvimwe chetewo naHuridha muprofitakadzi, asi akafanotaura nezvenguva dzakaipa dzaizouya. Uye Jeremiya akararama kusvikira izvozvo zvaitika. (2 Madz. 22:14) Pane dzimwe nguva, shamwari dzakadai saEbhedhi-mereki naBharuki dzaitofanira kununura Jeremiya kuti asafa kana kumudzivirira pavavengi vaiva noutsinye.
10 Unganzwa sei kana Mwari akakuudza kuti wagadzwa somuprofita kuti uendese shoko rakasimba? (Verenga Jeremiya 1:10.) Chimbofunga nezvemuenzaniso mumwe chete wezvaifanira kuziviswa naJeremiya. Muna 609 B.C.E., mauto eBhabhironi aifamba akananga kuJerusarema. Mambo Zedhekiya akatsvaka mashoko anofadza kubva kuna Mwari achishandisa Jeremiya. Asi Mwari akanga asina mashoko anofadza okuudza mambo iyeye.—Verenga Jeremiya 21:4-7, 10.
MUNHU AKAFANANA NESU
11. Nei Jeremiya angave akaona zvakaoma asi zvichikurudzira kuita basa rake?
11 Chimbofungidzira tichinzi tinofanira kuendesa mashoko okutsoropodza zviri pachena uye okutongwa kumadzimambo akaipa, vapristi vane uori uye vaprofita venhema. Jeremiya aifanira kuita izvozvo. Asi tinenge tichitsigirwa naMwari, uye ndizvo zvakaitawo Jeremiya. (Jer. 1:7-9) Mwari akaratidza kuvimba naJeremiya muduku, achimusimbisa nemashoko okuti: “Nhasi ndakuita guta rakavakirirwa, mbiru yesimbi uye masvingo emhangura kuti urwisane nenyika yose, nemadzimambo aJudha, nemachinda ake, nevapristi vake uye nevanhu vomunyika yacho. Vacharwa newe, asi havazokukundi, nokuti ‘Ini ndinewe,’ ndizvo zvinotaura Jehovha, ‘kuti ndikununure.’”—Jer. 1:18, 19.
12. Ndezvipi zvimwe zvikonzero zvingaita kuti tive nemanzwiro akafanana neaJeremiya?
12 Hatifaniri kufunga kuti Jeremiya aiva munhu anoshamisa, akasiyana nevamwe. Aiva munhuwo sesu. Uyewo, zvinokosha kuziva kuti kunyange zvazvo Jeremiya akararama panguva yakasiyana neyedu, akavawo mumamiriro ezvinhu akafanana needu. Tinokurukura nevanhu vakasiyana-siyana mukurarama kwedu uye patinoita mabasa eungano, kungofananawo naJeremiya aikurukura nevamwe vanhu. Zvose izvi zvinoratidza zvatingadzidza kuna Jeremiya, uyo kungofanana nomuprofita Eriya, akanga ari “munhu aiva nemanzwiro akafanana needu.” (Jak. 5:17) Funga nezvemimwe mienzaniso yezvatingadzidza kuna Jeremiya.
13, 14. Nei vamwe vaKristu vangati zvakaitika kwavari zvakafanana nezvakaitwa Jeremiya naPashuri, sezvinoratidzwa papeji 10?
13 Hapana mubvunzo kuti muupenyu hwako wakava nenguva dzakanaka nedzakaipa. Ndizvo zvakaitawo Jeremiya. Pane imwe nguva, Pashuri, mupristi aiva nemukurumbira akarova Jeremiya uye akaita kuti asungwe mumatanda. Kwemaawa, akanga akasungwa akaiswa muchinhu chakagadzirwa nemapuranga chaive chakabata makumbo ake, maoko, uye mutsipa, zvichiita kuti akombame. Kuwedzera pakurwadziwa kwaaiita, aifanira kutsungirira kusekwa zvikuru kwaaiitwa nevaimushora. Unofunga kuti unogona kutsungirira kusekwa kwakaipa kunyange kurwadziswa here?—Jer. 20:1-4.
14 Sezvo Jeremiya aifanira kutarisana nezvinhu zvakaoma kudaro, hazvishamisi kuti akanzwa achida kutaura kuti: “Zuva randakaberekwa ngaritukwe! . . . Ndakabudirei muchibereko kuti ndione basa rakaoma nokushungurudzwa uye kuti mazuva angu agumire munyadzi?” (Jer. 20:14-18) Zviri pachena kuti aiva nechikonzero chokuora mwoyo. Wakamboora mwoyo here zvokuti wakanga usina chokwadi chokuti unokosha, usina chokwadi nezvawaiita, kunyange kana zvakanga zviine basa kuti urambe uchishumira Jehovha? Vose vakambova nemanzwiro akadaro vanogona kubatsirwa nokunzwisisa zvakaitika kuna Jeremiya uye kuti zvakazoguma nei.
Chii chaunofarira pakupiwa basa kwakaitwa Jeremiya naJehovha? Nei tinganzwisisa manzwiro aiita Jeremiya?
15. Nei tingabatsirwa nokuona kuchinja kwaiita manzwiro aJeremiya?
15 Mashoko okushaya tariro atinoverenga pana Jeremiya 20:14-18 anouya pashure chaipo pokunge muprofita wacho ataura nezvokuimbira Jehovha nokumurumbidza. (Verenga Jeremiya 20:12, 13.) Wakacherechedza here kuchinja kwaunoerekana waita pamanzwiro ako pane dzimwe nguva? Waifara zvikuru, uye manzwiro ako akabva achinja ukatanga kunzwa kuora mwoyo. Tose zvedu tingangobatsirwa nokuongorora zvakaitika kuna Jeremiya. Zviri pachena kuti aiva nemanzwiro akangofanana neevanhu vose, sezvatakangoitawo. Saka tinogona kubatsirwa zvikuru nokuongorora zvaiitwa nomurume uyu akashandiswa zvikuru noMusiki somutauriri.—2 Mak. 36:12, 21, 22; Ezra 1:1.
16. Ndivanaani vangabatsirwa nokusaroora kwaJeremiya?
16 Chimwe chikonzero chinoita kuti vamwe vave nemanzwiro akafanana neaJeremiya chine chokuita nokusaroora kwake. Mwari akapa Jeremiya murayiro usina kujairika uye zvimwe wakanga wakaoma wokuti: Usaroora. (Verenga Jeremiya 16:2.) Nei Jehovha akaudza Jeremiya izvozvo, uye izvi zvakamuita sei? Chii chiri munyaya iyi chinogona kuenderana nehama nehanzvadzi dzisina wadzakaroorana naye, pamwe nokuti ndizvo zvadzakasarudza kana kuti pamusana pemamiriro ezvinhu? Kutaura zvazviri, mashoko aJehovha kuna Jeremiya ane here zvinofanira kufungisiswa neZvapupu zvakaroora kana kuroorwa? Uye zvakadini nevakaroorana vasina “vanakomana nevanasikana”? Nyaya yaJeremiya ingakubatsirai sei?
17. Mashoko omuprofita wacho anowanika pana Jeremiya 38:20 angaita kuti tifunge nezvei?
17 Zvinofadza kuti pane imwe nguva Jeremiya akakurudzira mambo waJudha aitonga kuti: “Ndapota, teererai inzwi raJehovha pane zvandiri kukuudzai, zvichakufambirai zvakanaka, uye mweya wenyu ucharamba uchirarama.” (Jer. 38:20) Nyaya iyi inotidzidzisa zvakanaka zvikuru nezvokukurukura kwatinoita nevamwe. Izvozvo zvinosanganisira zvatinoita nevanhu vaya vasati vava kushumira Jehovha asi vatingakwanisa kubatsira. Uyewo, zvaiitwa naJeremiya kune vaya vaiteerera Mwari zvinotipa muenzaniso wakanaka nhasi. Chokwadi tinogona kudzidza zvakawanda zvikuru kuna Jeremiya.
ZVII ZVIRI MUBHUKU RINO?
18, 19. Ndedzipi dzimwe nzira dzingashandiswa kudzidza bhuku raJeremiya nereMariro?
18 Bhuku rino richakubatsira kuongorora mabhuku omuBhaibheri, raJeremiya nereMariro uye kudzidza kubva maari. Sei? Afuridzirwa, muapostora Pauro akanyora kuti: “Rugwaro rwose rwakafuridzirwa naMwari uye runobatsira pakudzidzisa, pakutsiura, pakururamisa zvinhu, pakuranga nokururama.” (2 Tim. 3:16) Izvozvo zvinosanganisira mabhuku maviri ataurwa.
19 Chokwadi, bhuku raJeremiya uye reMariro anogona kudzidzwa nenzira dzakasiyana-siyana zvinobatsira. Somuenzaniso, munhu anogona kudzidza mabhuku acho maviri achitevera ndima nendima, kuti anzwisise zvinorehwa nendima imwe neimwe. Kana kuti anogona kutsvaka nyaya dzinoshanda dzinoenderana—vanhu uye zviitiko zvinotsanangurwa muna Jeremiya nezviri muna Mariro zvichienzaniswa kana kuti zvichisiyaniswa nezviri kuitika mazuva ano. (Enzanisa naJeremiya 24:6, 7; 1 VaKorinde 3:6.) Imwewo nzira ingava yokudzidza nhoroondo dzezvaiitika panguva yakararama Jeremiya. (Jer. 39:1-9) Chokwadi, mamwe emashoko akadaro anodiwa pakuongorora bhuku raJeremiya uye reMariro zvinobatsira. Naizvozvo, Chitsauko 2, “Kushumira Mu‘mazuva Okupedzisira,’” chichatibatsira kunzwisisa mamiriro akanga akaita zvinhu panguva yakararama Jeremiya uye kuti Mwari akatungamirira sei zvaiitika.
20. Tichadzidza sei bhuku raJeremiya nereMariro mubhuku rino?
20 Asi chinangwa chikuru chebhuku rino chakasiyana neizvozvo. Tichadzidza bhuku raJeremiya uye reMariro sezvipo zvinobva kuna Mwari kuti zvitibatsire kurarama sevaKristu mazuva ano. (Tito 2:12) Tichanyatsonzwisisa kuti mabhuku maviri aya ane mashoko akawanda ‘anobatsira pakudzidzisa.’ Anopa mazano anobatsira uye mienzaniso ingaita kuti tikwanise uye tive vakagadzirira kutarisana nematambudziko oupenyu. Ndizvo zvazviri, tingave tisina kuroora kana kuroorwa, takaroora kana kuroorwa, tiri vakuru, mapiyona, vanoriritira mhuri, madzimai epamba, kana vadzidzi vari kuchikoro. Mumabhuku maviri aya akafuridzirwa, mumwe nomumwe wedu achawana rubatsiro runobva kuna Mwari kuti ave “akashongedzerwa . . . kuita mabasa ose akanaka.”—2 Tim. 3:17.
21. Nei uchitarisira zvikuru purogiramu yokudzidza inotevera?
21 Sezvauchadzidza chitsauko chimwe nechimwe mubhuku rino, tsvaka pfungwa dzaunogona kushandisa. Hapana mubvunzo kuti bhuku raJeremiya nereMariro achanyatsoratidza zvakanyorwa naPauro kuti: “Zvinhu zvose zvakanyorwa kare zvakanyorerwa kuti tirayiridzwe, kuti nokutsungirira kwedu uye nokunyaradza kunobva muMagwaro, tive netariro.”—VaR. 15:4.
Nezvoupenyu hwako, ungadzidzei mubhuku raJeremiya nereMariro?
a Mitauro yakawanda inoshandisa shoko rine chokuita naJeremiya rinoreva “kunyunyuta kwokutsoropodza” kana kuti “kutsoropodza nehasha.” Pepanhau rinonzi The Washington Post rakashandisa shoko iroro kutsanangura firimu yezvokuchinja kwemararamiro ezvinhu zvipenyu uye mamiriro ekunze.
b Nokufamba kwenguva Jeremiya paaiita basa rake rouprofita, vamwe vaprofita vakararamawo panguva imwe chete naye: Habhakuki, Obhadhiya, Dhanieri, uye Ezekieri. Jeremiya akanga ava nemakore 40 achiita basa rake Jerusarema parakawirwa nedambudziko muna 607 B.C.E., uye akararama makore anopfuura 20 pashure pacho.