Kukunda Hondo Yokurwisana Nokuora Mwoyo
“CHINHU chinokurira zvikurusa chandaifanira kubata nacho,” akadaro Lola, “yakanga iri mhaka yokunzwa ndisina tariro sezvo, somumwe wavabatiri vaJehovha, ndaifunga kuti handifaniri kunzwa nenzira iyoyo.” Uku kunzwisisa kusakafanira kunozivikanwa navose kazhinji kazhinji ndiko muvengi wokutanga uyo muKristu akaora mwoyo anofanira kukurira. Lola akawedzera, kuti: “Apo bedzi ndakarega kuzvirova ndimene mundangariro nokuda kwokunzwa nenzira yandainzwa nayo ndokupa ngwariro pakunaya, ndaigona zviri nani kugonana nokuora mwoyo.” Hungu, kuora mwoyo makuri kumene hakuzi chikonzero chokuti iwe ufunge kuti wakatadzira Mwari.
Sezvadudzwa munyaya yapfuura, chisakiso chokuora mwoyo chingava chendangariro. Muna 1915, kare kare pamberi penzvero yemisi ichangobva kupfuura inobatanidza hosha dzakawanda dzomuviri nokuora mwoyo, The Watch Tower yakati: “Uku kusuruvara kwomudzimu, kana kuti kunzwa kwoushoma nokuora mwoyo, ndokwomuzvarirwo padzimwe nguva kurudzi rwose rwomunhu . . . [Iko] kunosimbiswa kusvikira patambanuko yakati nomugariro woutano hwomuviri.” Nokudaro, kana chimiro chendangariro chokuora mwoyo chikagara kwenguva refu, nzvero inoitwa nachiremba ingava inobetsera. Kana mugariro wacho wakakomba, munhu angada kuita kuti hosha yacho irapwe nenyanzvi iri nyanzvi mukuora mwoyo.a
Asi kunyange apo chisakiso chinenge chisiri chomuviri, hakusati kuri kwechokwadi kukarira kuti mumwe wavabatiri vaMwari haasati achizombova akasuruvara kana kuti anoodzwa mwoyo. Imborangarira zvako kuti Hana akatendeka akava sei ‘ano mweya unotambudzika ndokuchema zvikuru.’ (1 Samueri 1:7, 10) Nehemia ‘akachemawo [ndokurira] kwamazuva’ uye akava ne“shungu dzomwoyo.” (Nehemia 1:4; 2:2) Jobho akazvidza upenyu hwake ndokurangarira kuti Mwari akanga amusiya. (Jobho 10:1; 29:2, 4, 5) Mambo Dhavhidhi akataura kuti mudzimu wake wakapera mukati make uye kuti mwoyo wake wakaziya. (Pisarema 143:4) Uye muapostora Pauro akataura nezvokuva no“rutyo mukati” noku“deredzwa” kana kuti “kukandirwa pasi” mundangariro.—2 VaKorinte 4:9; 7:5, 6.
Kunyange zvazvo vose ivava vakanga vari vabatiri vakatendeka vaMwari, nhamo dzakasiana-siana, rutyo, kana kuti zvinoodza mwoyo zvakakasharara kwenguva yakati zvakanga zvavaparira rusuruvaro. Bva, Mwari akanga asina kuvasiya kana kuti kubvisa mudzimu mutsvene wake. Chimiro chavo chendangariro chokuora mwoyo chakanga chisiri nemhaka yekundikano yomudzimu. Pane imwe nguva apo Dhavhidhi akatambudzwa, akateterera mumunyengetero, achiti: “Fadzai mweya womuranda wenyu.” Mwari akanyaradza Dhavhidhi mukati meiri ‘zuva renhamo’ uye akamubetsera, pashure penguva yakati, kufara. (Pisarema 86:1, 4, 7) Jehovha nenzira yakafanana achabetsera vabatiri vake zvino.
Sezvo kuora mwoyo kusati kuri makuri kumene chitendiso chekundikano yomudzimu kana kuti zvimwe utera hwendangariro, muKristu anotambudzwa nako haasati achifanira kuramba akanyarara nemhaka yokukwenudzwa. Panzvimbo pezvo, iye anofanira kutora imwe yenhano dzinokosha zvikurusa mukurwisa iyi hosha. Chii iyoyo?
Taura Mirangariro Yako
Iye anofanira kutaura kuno mumwe munhu pamusoro pako. Zvirevo 12:25 inoti: “Kutambudzika pamwoyo womunhu kunouremedza; asi shoko nyoro rinoufadza.” Hakuna mumwe munhu anogona kuziva ukuru hwokutambudzika mumwoyo wako kutoti ukazaruka ndokutaura pamusoro pako. Kupfurikidza nokuudza zvakavanzika munhu anonzwira urombo uyo anogona kubetsera, sezvingabvira ungaziva kuti vamwe vakava nemirangariro nezvinetso zvakafanana. Uyewo, kuisa mirangariro mumashoko muitiro unoporesa, nokuti kunosunungura mwoyo kuti utaure chinoitika chinorwadza panzvimbo pokuchipfigira. Naizvozvo, mweya yakaora mwoyo inofanira kutaura zvakavanzika kumukwanyina weroorano, mubereki, kana kuti shamwari inonzwira urombo kana kuti yakakwaniriswa mumudzimu.—VaGaratia 6:1.
Rutivi rwechinetso chaMarie (adudzwa munyaya yapfuura) chakanga chiri chokuti iye akapfigira mirangariro inotambudza iyo yakatungamirira kukuora mwoyo kwake. “Mumakore akapfuura, ndakanga ndanyengedzera,” iye akadaro. “Vamwe havasati vaizotongofungidzira kuti ndaiva nechinetso chakadaro chokubata neiyi mirangariro yokuva asina maturo.” Asi Marie akataura kumukuru womuungano. Mukuru kupfurikidza nemibvunzo yokuchenjera ‘akabudisa’ mumwoyo make funganyo yaaitakura ndokumubetsera kuzvinzwisisa amene zviri nani. (Zvirevo 20:5) Mashoko ake akanaka akabva muMagwaro akamupazve chivimbo. “Kwenguva yokutanga, ndakavamba kuwana betsero yokupedza mirangariro yakati iyo yakagovera kukuora mwoyo kwangu,” akatsanangura Marie.
Naizvozvo kutaura kumukuru anonzwisisa kungagovera “mvura” inozorodza mumudzimu kumunhu ane “mweya wakafanana nenyika yaomerwa.” (Isaya 32:1, 2; Pisarema 143:6, NW) Mupi wezano womudzimu anonzwisisa angatokubetsera kuona kuti unogona sei kuita nhano dzinoshanda kubata neicho ungave wakarangarira kuva mugariro usina tariro. (Zvirevo 24:6) Asi zvakawanda zvinodikanwa kupfuura kungotaura zvakavanzika kumumwe.
Ziva Ukoshi Hwako Chaihwoihwo
Mirangariro yokuva asina maturo chinhu chikuru mukuora mwoyo. Zvichida nemhaka yohuduku husingafadzi, mamwe maKristu ane kuzvikoshesa kwakaderera. Asi kunyange zvazvo kushatiswa mumuviri, mundangariro, kana kuti muvatano munguva yakapfuura kwakasiya mavanga endangariro, ikoku hakuchinji faniro yomunhu. Nokudaro, unofanira kuvavarira kuva nomurangariro wakadzikama woukoshi hwako hwechokwadi somunhu. “Ndingataura kumunhu ari wose wenyu,” akakurudzira muapostora Pauro, “kusazvirangarira amene kupfuura ukoshi hwake chaihwoihwo, asi kuita kuyerwa kwakafanira kwake amene.” (VaRoma 12:3, Charles B. Williams) Paunenge uchidzivisa kuzvitutumadza, unofanira kuedza kusaenda kukumwe kunyanyisa. Avo vane ukama naMwari vanokosha, vanodikanwa naye, nokuti iye anosarudza vanhu kuti vave “pfuma chaiyo” yake. Iropafadzo yakatanhamara zvakadini!—Maraki 3:17; Hagai 2:7.
Uyewo, rukudzo rwakadini kuva “vashandi biyake vaMwari” kupfurikidza nokupinda mubasa rechiKristu rokuita vadzidzi. (1 VaKorinte 3:9, NW; Mateo 28:19, 20) MaKristu akaora mwoyo akawanda akawana kuti iri basa rinovaka kuzvikoshesa. “Kunyange pashure pokuva muKristu, ndakanzwa ndichiperevedza zvikuru,” akabvuma Marie. Zvisinei, iye akaomerera mubasa rokuparidzira, uye rimwe zuva iye akasangana nomumwe mukadzi muduku akakuvadzwa uropi uyo aida kudzidziswa Bhaibheri. “Iye aida mumwe munhu aizova anomushivirira, sezvo akanga ari mudzidzi anononoka,” anodaro Marie. “Nemhaka yokuti akatora yakawanda kwazvo yengwariro yangu, ndakakanganwa pamusoro pangu ndimene nokuperevedza kwangu. Iye aida betsero yangu, uye ndakaziva kuti ndaigona kuipa kwaari musimba raJehovha. Kumuona achibhapatidzwa kwakandikurudzira kupfuura zvinogona kutaurwa. Kuzviremekedza kwangu kwakakura, uye kuora mwoyo kwakakomba kwakapera zvachose.” Ndokwechokwadi sei kuti “chipavhurire uchakodzwa; uye unodiridza uchadiridzwawo”!—Zvirevo 11:25.
Zvisinei, vanhu vazhinji vakaora mwoyo vanogamuchira sezvakaita mumwe mukadzi wechiKristu akaora mwoyo zvikuru, uyo akabvuma, kuti: “Kunyange zvazvo ndichishanda zvakaoma zvikuru kuchenesa nokubika nokuva nomutsa, ndinotenderuka ndokuzvitsoropodza ndimene pamusoro pechikanganiso chiduku chiri chose.” Kuzviwanira mhaka kwakadaro kusina mufungo kunosekesa zvikuru kuzviremekedza. Yeuka kuti Mwari wedu anonzwisisa uye “haasati nguva yose achiramba achiwana chikanganiso.” (Pisarema 103:8-10, 14, NW) Kana Jehovha, uyo ane mufungo wakakwirira zvikuru wechakarurama kupfuura watinawo, asati achitinetsa pamusoro pechikanganiso chiduku chiri chose uye achidisa kuratidzira shiviriro yakadaro, hatifaniri here kuvavarira kumutevedzera mukubata kwedu nesu timene?
Tose zvedu tine zvikanganiso noutera. Bva, tinewo masimba. Muapostora Pauro haana kukarira zvakaisvonaka pamusoro pake amene muvavariro dzake dzose. “Zvino kunyange ndisinganatsi pakutaura, handina kudaro pakuziva,” iye akadaro. Pauro haana kunzwa akaderera nemhaka bedzi bedzi yokuti iye angave asina kuita zvakanaka somukurukuri wapachena. (2 VaKorinte 11:6) Nenzira yakafanana, vakaora mwoyo vanofanira kunangidzira ndangariro pazvinhu zvavanoita zvakanaka.
“Huchenjeri huri kuvanozvininipisa,” kana kuti avo vanoziva ndokugamuchira ganhuriro dzavo. (Zvirevo 11:2) Mumwe nomumwe wedu mweya wakasiana une migariro yakasiana, simba romuviri, uye mano. Sezvaunobatira Jehovha nomweya wose, uchiita izvo iwe unogona, iye anofadzwa. (Marko 12:30-33) Mwari haasati ari munhu asati achitongogutswa nenhamburiko dzavanamati vake vakazvipira. Leora, mumwe muKristu uyo akarwisa nenzira inobudirira kuora mwoyo kwake, akati: “Handisati ndichiita zvakanaka somunhu ari wose zvake muzvimwe zvinhu, zvakadai semharidzo muushumiri hwomumunda. Asi ndiri kuedza. Chandinoita ndichakanakisisa changu.”
Kubata Nezvikanganiso Nokusanzwisisa
Zvakadiniko, kunyanguvezvo, kana iwe ukaita chikanganiso chakakomba? Zvichida unonzwa saMambo Dhavhidhi, uyo ‘akafamba-famba akasuruvara muswere wose wezuva’ nemhaka yemhosho dzake, kana kuti chivi. Asi uku kunzwa kumene kungava ufakazi hwokuti hauna kuenda kure zvikuru uye hauna kuita chivi chisingakanganwirwi! (Pisarema 38:3-6, 8) Mirangariro yokuva nemhaka ingaratidza kuti munhu akatadza ane mwoyo wakatendeseka uye hana yakanaka. Naizvozvo kuva nemhaka kungagona seiko kubatwa nako? Eya, wakanyengetera here kanganwiro yaMwari ndokuita nhano dzokururamisa chakaipa chacho? (2 VaKorinte 7:9-11) Kana zvakadaro, iva nokutenda mungoni dzoUyo anokanganwira zvikuru, uchitsunga kusadzokorora chivi chacho. (Isaya 55:7) Kana iwe wakarangwa, usa‘pera mwoyo apo unoruramiswa, nokuti Jehovha anoranga waanoda.’ (VaHebheru 12:5, 6) Ruramiso yakadaro ine donzo rokubetsera kusimbisazve gwai rinorasika. Haisati ichibvisa ukoshi hwake somunhu.
Kunyange kana mwoyo wedu timene uchitishurikidza, hatifaniri kugumisa kuti Jehovha akatishurikidza. “Tigosimbisa mwoyo yedu pamberi pake; nokuti kana mwoyo yedu ichitipa mhaka, Mwari mukuru kumwoyo yedu, unoziva zvose.” (1 Johane 3:19, 20) Jehovha anoona zvinopfuura zvivi zvedu nezvikanganiso. Iye anoziva migariro inonetesa, upenyu hwedu hwose, vavariro dzedu namadonzo. Ukuru hwezivo yake hunomugonesa kunzwa netsitsi minyengetero yedu yapachokwadi yekanganirwo, sezvaakanzwa yaDhavhidhi.
Kusanzwisisana navamwe nokunyanyoitira hanya kuva netendero yavo kunogoverawo kukuva tisina faniro, zvichida kunyange kusvikira pakunzwa kwokurambwa. Nemhaka yokusakwana, muKristu biyako angataura kwauri nenzira inoratidzika kuva yokusakendenga kana kuti isina mutsa. Zvisinei, kusanzwisisana kwakawanda kunogona kupedzwa kupfurikidzwa nokuudza munhu wacho kuti wakatapurwa sei netsinhiro yacho. (Enzanisa naMateo 5:23, 24.) Uyewo, Soromoni akapangira: “Usava nehanya namashoko ose anotaurwa.” Neiko? “Kazhinji mwoyo wako unoziva kuti newewo wakatuka vamwe saizvozvo.” (Muparidzi 7:21, 22) Usakarira nenzira isiri yechokwadi kukwana kwauri umene kana kuti muukama hwako navamwe vanhu vasina kukwana. Kurumidza kukanganwira uye shivirirai vamwe.—VaKorose 3:13.
Kupfuurirazve, ukoshi hwako hwechokwadi hahusati huchiyerwa zvikurukuru nokuti unodiwa here navamwe kana kuti kwete. Kristu “haana kukudzwa,” uye iye ‘akayerwa mumurangariro wavamwe’ zvakaderera zvikuru. (Isaya 53:3, NW; Zekaria 11:13) Ko ikoku kwakachinja kufanira kwake chaikoiko kana kuti nzira iyo Mwari akamuyera nayo here? Aiwa, nokuti kunyange kudai takakwana, kufanana naJesu, hatingagoni kufadza munhu ari wose.
Simba Rokutsungirira
Padzimwe nguva, kuora mwoyo kwakakomba kungapfuurira pasinei zvapo nenhamburiko dzedu dzokukukurira. Marwadzo endangariro angatoparira mamwe maKristu kunzwa sezvakaita Jona: “Zviri nani kwandiri kuti ndife pakuti ndirarame.” (Jona 4:1-3) Bva, nhamo yake yakanga isiri yechigarire. Akaikurira. Naizvozvo kana kuora mwoyo kuchiita kuti upenyu hwako huratidzike kuva husingatsungiririki, yeuka kuti kwakafanana nenhamo iyo Pauro akati yakanga iri “yechinguvana.” (2 VaKorinte 4:8, 9, 16-18, NW) Ichasvika kumugumo! Hakuna mugariro uri usina tariro. Jehovha anopikira “kumutsidzira mwoyo waavo vanorwadziwa.”—Isaya 57:15, Lamsa.
Usatongorega kunyengetera, kunyange kana minyengetero yako ichiratidzika kuva isina maturo. Dhavhidhi akateterera, kuti: “Inzwai kuchema kwangu, Mwari; . . . kana mwoyo wangu waziya; ndiperekedzerei kudombo randisingasvikiri.” (Pisarema 61:1, 2) Mwari anotitungamirira sei kuchivimbo chomukati icho chinoratidzika kuva chisingasvikiki nesimba redu timene? Eileen, uyo akarwisana nokuora mwoyo kwamakore, anopindura, achiti: “Jehovha haana kundirega ndichineta. Ikoku kunondipa tariro yokuti kana ndikaramba ndichiedza, iye acharamba achibetsera. Kuziva zvokwadi yeBhaibheri kwakandichengeta chaizvoizvo ndiri mupenyu. Kupfurikidza nenzira dzakawanda dzakasiana-siana—munyengetero, ushumiri, misangano, zvinyorwa, mhuri, uye shamwari—Jehovha akagovera simba rokuti ndichiedza.”
Rangarira chirwere chacho somuedzo wokutenda kwako. “Munogona kuvimba naMwari,” muapostora Pauro anotipikira. “Iye haasati achizokuregai muchiedzwa zvinopfuura zvamunogona kutsungirira. Asi apo munoedzwa, Iye achaitawo nzira yokubuda nayo kuti mugogona kukutsungirira.” (1 VaKorinte 10:13, Beck) Hungu, Mwari achakupai “simba rinopfuura romuzvarirwo” rokutakura mutoro upi noupi wendangariro.—2 VaKorinte 4:7, NW.
Nyika Itsva Isina Kuora Mwoyo!
Mwari akapikira kukurumidza kubvisa, kupfurikidza noUmambo hwake hwokudenga, mugariro yose inoodza mwoyo iri papasi pedu. Shoko rake rinozivisa, kuti: “Ndinosika denga idzva nenyika itsva; zvinhu zvakare hazvingarangarirwi, kana kufungwa mumwoyo. Asi imi farai mufarisise nokusingaperi pamusoro pezvandinosika.” (Isaya 65:17, 18) Aya mashoko akatanga kuzadzikwa shure muna 537 P.N.V., panguva apo rudzi rwakare rwaIsraeri rwakadzorerwa kunyika yokumusha kwarwo. Vanhu vake panguva iyeyo vakaimba, vachiti: “Isu takanga takafanana navanorota hope. Panguva iyo muromo wedu wakanga uzere nokuseka, norurimi rwedu nokuimba.” (Pisarema 126:1, 2) Zadziko yokupedzisira ichakurumidza kuitika youporofita ihwohwu hunofadza munyika itsva yaMwari ichava yakaisvonaka zvikuru sei!—2 Petro 3:13; Zvakazarurwa 21:1-4.
MuUmambo hwaMwari (“matenga matsva”), chaunga chakarurama chavanhu pasi pano (“pasi idzva”) richadzorerwa kuutano hwomurangariro, hwomuviri, uye hwomudzimu hwakakwana. Hakusati kuri kuti ivava havasati vachizova neyeuko yenguva yakapfuura, asi nemhaka yezvinhu zvose zvinofadza izvo panguva iyeyo vachafanira kufunga pamusoro pazvo nokufara pamusoro pazvo, hakusati kuchizova nechikonzero chokuti vayeuke kana kuti kunangidzira ngwariro pazvinoitika zvinosuruvarisa zvomunguva yakapfuura. Fungidzira, mangwanani mamwe namamwe kumuka nendangariro yakajeka zvikuru, inodisa kupfuurira nomubato wezuva—isati ichadziviswa nomugariro wokuora mwoyo!
Apwiswa zvizere nouchokwadi hweiyi tariro, Lola (adudzwa pamavambo), akati: “Kuyeuka kuti Umambo hwaJehovha hucharuramisa ichi chinetso kwakanga kuri betsero yangu hurusa. Ndaiziva kuti kuora mwoyo hakusati kwaizogara nokusingaperi.” Hungu, unogona kuva nechokwadi chokuti Mwari nokukurumidza achabvirisa rukundo rwakakwana pakuora mwoyo!
[Mashoko Omuzasi]
a Ona “Attacking Major Depression—Professional Treatments” muchinyorwa chaMukai! muchiNgezi chaOctober 22, 1981.