Rondai Kuzvipira Kwoumwari samaKristu Akabhapatidzwa
“Zvisinei, iwe, haiwa munhu waMwari, . . . ronda kururama, kuzvipira kwoumwari.”—1 TIMOTIO 6:11, “NW.”
1. Ungapindura sei mubvunzo wokuti, Nderipi riri zuva rinokosha zvikurusa muupenyu hwako? Nei uchipindura saizvozvo?
NDERIPI riri zuva rinokosha zvikurusa muupenyu hwako? Kana uri Chapupu chakabhapatidzwa chaJehovha, pasina panikiro uchapindura kuti, ‘Chokwadi, zuva randakabhapatidzwa!’ Chokwadi, rubhapatidzo inhano inokosha zvikurusa muupenyu hwako. Irwo chiratidzo chokunze chokuti wakaita tsauriro yakakwana neyachose chose kuna Jehovha kuti uite kuda kwake. Rubhapatidzo rwako rwunoratidzira musi wokugadzwa kwako somushumiri waMwari Wokumusorosoro, Jehovha.
2. (a) Kungaenzanisirwa sei kuti rubhapatidzo harwuzi nhano yokupedzisira yokuita muuKristu hwako? (b) Ndedzipi dziri nhano dzokutanga dzinokosha dzawakaita usati wabhapatidzwa?
2 Ko rubhapatidzo, kunyanguvezvo, inhano yokupedzisira here yaunoita muuKristu hwako? Kana! Kuenzanisira: Munyika zhinji mutambo womuchato unoratidzira mugumo wenhambo yokuronga negadziriro (uye kazhinji kazhinji yenyengano). Panguva imwe cheteyo, unoratidzira mavambo oupenyu pamwe chete savaroorani. Nenzira yakafanana, rubhapatidzo rwako mugumo wenhambo yegadziriro mukati mayo iwe wakaita chiverengero chakati chenhano dzokutanga dzinokosha. Wakawana zivo yaMwari naKristu. (Johane 17:3) Wakavamba kushandisa kutenda muna Jehovha saMwari wechokwadi, muna Kristu soMuponesi wako, uye muBhaibheri seShoko raMwari. (Mabasa 4:12; 1 VaTesaronika 2:13; VaHebheru 11:6) Wakaratidzira kutenda ikoko kupfurikidza nokupfidza yaichimbova nzira yako yechiito ndokuchinjira kunzira yakarurama. (Mabasa 3:19) Ipapo wakaita chisarudzo chokuzvitsaurira umene kuna Jehovha kuti uite kuda kwake. (Mateo 16:24) Pakupedzisira, wakabhapatidzwa.—Mateo 28:19, 20.
3. (a) Tinogona sei kuratidzira kuti rubhapatidzo rwedu rwunoratidzira mavambo oupenyu hwebasa rakatsaurirwa kuna Mwari? (b) Mibvunzoi inomuka, uye nei mhinduro dzichifanira kuva dzefariro huru kwatiri?
3 Rubhapatidzo rwako, kunyanguvezvo, harusati rwuri mugumo asi mavambo oupenyu hwebasa rinoyera rakatsaurirwa kuna Mwari. Sokutaura kwakaita imwe nyanzvi yeBhaibheri, upenyu hwechiKristu haufaniri kuva ‘shingairo yapakuvamba inoteverwa nokuneta kwenguva dzose.’ Ipapoka, unogona sei kuratidzira kuti kwauri, rubhapatidzo harwumiriri ‘shingairo yapakuvamba’ zvayo? Kuri kupfurikidza nokuronda nzira yenduramo yose yokuzvipira kwoumwari. Chii chiri uku kuzvipira kwoumwari? Neiko kuri madikanwa kukuronda? Unogona sei kukusakurira zvizere zvikuru muupenyu hwako? Mhinduro dzacho dzinofanira kuva dzefariro huru kwatiri, nokuti tinofanira kuva vanhu vanozivikanwa na“mabasa okuzvipira kwoumwari” kana tichizopukunyuka zuva rosvika rorutongeso rwaJehovha.—2 Petro 3:11, 12.
Revo Yokuzvipira Kwoumwari
4. Pauro akapa zano Timotio kuitei, uye chii chaiva chechokwadi nezvaTimotio panguva ino?
4 Pane imwe nguva pakati pa 61 na 64 N.V., muapostora Pauro akanyora tsamba yake yokutanga yakafuridzirwa kumudzidzi wechiKristu Timotio. Pashure pokurondedzera ngozi uko rudo rwemari runogona kutungamirira kwadziri, Pauro akanyora, kuti: “Zvisinei, iwe, haiwa munhu waMwari, tiza zvinhu izvi. Asi ronda . . . kuzvipira kwoumwari.” (1 Timotio 6:9-11, NW) Nenzira inofadza, panguva ino Timotio zvichida aiva mumakore ake apakuvamba kwama 30. Akanga atofamba zvikuru nomuapostora Pauro uye akanga apiwa simba rokugadza vatariri navabatiri vanoshumira muungano. (Mabasa 16:3; 1 Timotio 5:22) Bva, Pauro akapa zano uyu murume akakura mumudzimu akazvitsaurira naakabhapatidzwa wechiKristu kuronda kuzvipira kwoumwari.
5. Chii chiri revo yokutaura kwokuti “kuzvipira kwoumwari”?
5 Pauro akareveiko nokutaura kwokuti “kuzvipira kwoumwari”? Shoko rapakuvamba rechiGiriki (eu·seʹbei·a) ringashandurwa chaizvoizvo so“kusanoremekedza.” Pamusoro perevo yaro, tinorava, kuti: “Eusebeia anooneka panhambo nenhambo mupfungwa inokarakadza kuzvipira kworudzidziso kwomunhu oga mumanyoro apanguva yacho . . . asi revo yaro inozivikanwa navose zvikuru muchiGiriki chakakurumbira chenhambo yeRoma yakanga iri ‘ruvimbiko.’ . . . Nokuda kwamaKristu eusebeia rudzi rwakakwirira zvikurusa rwokuzvipira kuna Mwari.” (Christian Words, rakanyorwa naNigel Turner) Naizvozvo sezvakwakashandiswa muMagwaro, kutaura kwokuti “kuzvipira kwoumwari” kunonongedzera kururemekedzo kana kuti kuzvipira noruvimbiko kuna Jehovha Mwari somunhu oga.
6. MuKristu anopa sei ufakazi hwokuzvipira kwake kwoumwari?
6 Uku kuzvipira kwoumwari, nyanguvezvo, hakusati kuchingova zvako kunzwa kwokunamata. Sezvo “kutenda kusina mabasa kwakafa,” naizvozvowo, kuzvipira kwoumwari kunofanira kuratidzirwa muupenyu hwomunhu. (Jakobho 2:26) MuNew Testament Words, William Barclay akanyora, kuti: “[Eu·seʹbei·a namashoko anowirirana] haasati achiratidzira bedzi kunzwa kuya kworutyo noruremekedzo, asi anorevawo namato inokodzera rutyo irworwo, uye upenyu hweteerero yokushingaira hwakakodzera ruremekedzo irworwo.” Eu·seʹbei·a anorondedzerwazve so“kuzivikanwa kunoshanda zvikuru kwaMwari murutivi rwuri rwose rwoupenyu.” (The Second Epistle General of Peter and the General Epistle of Jude, rakanyorwa naMichael Green) MuKristu, ipapoka, anofanira kupa ufakazi hwebatano yake yomunhu oga kuna Jehovha nenzira yaanorarama nayo upenyu hwake.—1 Timotio 2:2; 2 Petro 3:11.
Nhamburiko Yakasimba Inodikanwa
7. Pauro akarevei paakakurudzira Timotio, kunyange zvazvo akanga akabhapatidzwa, “kuronda” kuzvipira kwoumwari?
7 Chii, kunyanguvezvo, chinobatanidzwa mukutanga nokuratidzira kuzvipira kwoumwari? Inongova zvayo nhau yokubhapatidzwa here? Yeuka kuti Timotio, kunyange zvazvo akanga abhapatidzwa, akakurudzirwa ku“ronda [chaizvoizvo, ‘ronda’]” iko.a (1 Timotio 6:11, Kingdom Interlinear). Sezviri pachena, Pauro akanga asiri kukarakadza kuti mudzidzi Timotio akanga asina kuzvipira kwoumwari. Panzvimbo pezvo, iye akanga achiroverera paari kudikanwa kwokupfuurira kukuronda nouchokwadi neshingairo. (Enzanisa naVaFiripi 3:14.) Sezviri pachena, ikoku kwaifanira kuva kuronda kwenduramo yose. Timotio, kufanana namaKristu ose akabhapatidzwa, aigona kupfuurira kuita fambiro mberi mukuratidzira kuzvipira kwoumwari.
8. Petro akaratidza sei kuti nhamburiko yakasimba inodikanwa kuti muKristu akazvitsaurira, akabhapatidzwa aronde kuzvipira kwoumwari?
8 Nhamburiko yakasimba inodikanwa kuti muKristu akazvitsaurira, akabhapatidzwa aronde kuzvipira kwoumwari. Achinyorera maKristu akabhapatidzwa aiva nekariro yo‘kuva vagoverani muchimiro choumwari,’ muapostora Petro akati: “Zvino nemhaka iyi muchishingaira kwazvo wedzerai kunaka pakutenda kwenyu, napakunaka wedzerai kuziva; napakuziva, kuzvidzora; napazvidzora, kutsungirira; napakutsungirira, [kuzvipira kwoumwari, NW].” (2 Petro 1:4-6) Sezvinooneka, mwero wakati wokutenda unodikanwa kuti tigozvipa timene nokuda kworubhapatidzo. Zvisinei, pashure porubhapatidzo hatigoni kuva gudzamudungwe, tichizvigutsa timene nouKristuwo zvahwo. Panzvimbo pezvo, sezvatinoita fambiro mberi mukurarama kwechiKristu, tinofanira kupfuurira kutanga mamwe mavara akaisvonaka, kubatanidza kuzvipira kwoumwari, uko kunogona kuwedzerwa kukutenda kwedu. Ikoku, Petro anodaro, kunoda nhamburiko yedu yapachokwadi.
9. (a) Shoko rechiGiriki nokuda kwa“wedzerai” rinoratidzira sei mwero wenhamburiko inodikanwa kuvamba kuzvipira kwoumwari? (b) Petro ari kutikurudzira kuitei?
9 Shoko rechiGiriki iro Petro anoshandisa nokuda kwa“wedzerai” (e·pi·kho·re·geʹo) rine mavambo anofadza uye rinoenzanisira mwero wenhamburiko iri madikanwa. Rinobva muzita rokuti (kho·re·gosʹ) iro chaizvoizvo rinoreva “mutungamiriri wavaimbi.” Rainongedzera kune mumwe munhu aibhadhara ndyiko dzose dzokurovedza nokuchengeta vaimbi mukuita mutambo. Varume vakadaro vaiita uyu mutoro nokuzvidira nokuda kworudo rweguta ravo ndokubhadhara ndyiko kubva muhomwe dzavo vamene. Rwaiva rudado rwavarume vakadaro kushandisa norupo kuti vagovere zvose zvaidikanwa kuti vaimbe zvakanaka. Shoko racho rakakura kureva “kugovera, kupa zvakawanda.” (Enzanisa na 2 Petro 1:11.) Naizvozvo Petro anotikurudzira kuzvigovera timene, kwete bedzi mupimo wakati wokuzvipira kwoumwari, asi kuratidzirwa kunobvira kukurusa kweiri vara rinokosha.
10, 11. (a) Nei nhamburiko ichidikanwa kusakurira nokuratidzira kuzvipira kwoumwari? (b) Tinogona sei kukunda rwisano yacho?
10 Nei, kunyanguvezvo, nhamburiko yakadaro ichidikanwa kusakurira nokuratidzira kuzvipira kwoumwari? Kutanga, pane kurwisana nenyama yakawa. Sezvo “kufunga kwomwoyo womunhu kwakaipa kubva pauduku hwake,” hakusati kuri nyore kuronda upenyu hweteerero yokushingaira kuna Mwari. (Genesi 8:21; VaRoma 7:21-23) “Vose vanoshuva kurarama nokuzvipira kwoumwari musonganirano naKristu Jesu vachatambudzwawo,” anodaro muapostora Pauro. (2 Timotio 3:12, NW) Hungu, muKristu anotamburira kurarama nenzira inofadza Mwari anofanira kuva akasiana nenyika. Iye ane mipimo yakasiana namadonzo akasiana. Sokunyevera kwakaita Jesu, ikoku kunomutsa ruvengo rwenyika yakaipa.—Johane 15:19; 1 Petro 4:4.
11 Kunyanguvezvo, tinogona kukunda rwisano yacho, nokuti “Jehovha anoziva masunungurirwe avanhu vokuzvipira kwoumwari mumuedzo.” (2 Petro 2:9, NW) Isu, kunyanguvezvo, tinofanira kuita rutivi rwedu kupfurikidza nokupfuurira kuronda kuzvipira kwoumwari.
Kusakurira Kuzvipira Kwoumwari
12. Petro anoratidzira sei chinodikanwa kuvamba kuzvipira kwoumwari pamwero wakazara zvikuru?
12 Ipapoka, unogona sei kusakurira uku kuzvipira kwoumwari mumwero wakazara zvikuru? Muapostora Petro anogovera nzira. Pana 2 Petro 1:5, 6, pakuronga mavara anofanira kugoverwa kukutenda kwedu, iye anoronga zivo pamberi pokuzvipira kwoumwari. Pakuvamba muganhuro imwe cheteyo, iye akanyora, kuti: “Simba rake roumwari rakatipa pachena zvinhu zvose izvo zvine chokuita noupenyu nokuzvipira kwoumwari, kupfurikidza nezivo yakarurama youyo akatidana.” (2 Petro 1:3, NW) Petro nokudaro anobatanidza kuzvipira kwoumwari nezivo yakarurama yaJehovha.
13. Nei zivo yakarurama ichikosha mukuvamba kuzvipira kwoumwari?
13 Kutaura chokwadi, pasina zivo yakarurama hakubviri kusakurira kuzvipira kwoumwari. Neiko? Eya, yeuka kuti kuzvipira kwoumwari kwakanangidzirwa kuna Jehovha somunhu oga uye kunoratidzirwa nenzira yatinorarama nayo upenyu hwedu. Zivo yakarurama yaJehovha nokudaro inokosha, sezvo ichibatanidza kusvika pakumuziva somunhu oga, zvikuru, kuva akarovedzana zvikuru namavara ake nenzira dzake. Kupfuura izvozvo, kunobatanidza kutamburira kumutevedzera. (VaEfeso 5:1) Kana tikafambira mberi zvikuru mukudzidza nezvaJehovha nomukuratidzira nzira dzake namavara muupenyu hwedu, tinosvika pakumuziva zviri nani. (2 VaKorinte 3:18; enzanisa na 1 Johane 2:3-6.) Ikokuwo, kunoguma nokunzwisiswa kukuru kwamavara anokosha aJehovha, mwero wakazara zvikuru wokuzvipira kwoumwari.
14. Kuti tiwane zivo yakarurama, gadziriro yedu yefundo yedu yomunhu oga inofanira kubatanidzei, uye nei?
14 Unogona sei kuwana zivo yakarurama yakadaro? Hapana nhimbu. Kuti tiwane zivo yakarurama, tinofanira kuva vanoshingaira mukufunda Shoko raMwari nezvinyorwa zvakavakirwa paBhaibheri. Fundo yakadaro yomunhu oga inofanira kubatanidza gadziriro yenguva dzose yokurava Bhaibheri, seyakarongwa pamusoro peChikoro Choushumiri Choubati Ushe Hwoumwari. (Pisarema 1:2) Sezvo Bhaibheri riri chipo chakabva kuna Jehovha, zvatinoita mufundo yeBhaibheri yomunhu oga chiratidziro chokuti tinoonga sei chipo ichocho. Miitiro yako yefundo yomunhu oga inoratidzirei pamusoro poukuru hwokuonga kwako gadziriro dzomudzimu dzaJehovha?—Pisarema 119:97.
15, 16. (a) Chii chinogona kutibetsera kuvamba chishuvo chomudzimu chefundo yeBhaibheri yomunhu oga? (b) Kana fundo yeBhaibheri yomunhu oga ichizoguma nokuvamba kwedu kuzvipira kwoumwari, chii chinofanira kuitwa pakurava chikamu cheShoko raMwari?
15 Sezvinobvumwa, kurava nokufunda hazvisi nyore nokuda kwavamwe. Asi nenguva nenhamburiko, unogona kuvamba chishuvo chomudzimu chefundo yeBhaibheri yomunhu oga. (1 Petro 2:2) Apo unorangarira nokuonga zvose izvo Jehovha Mwari akaita, ari kuita, uye achigere kuita nokuda kwako, mwoyo wako uchakusunda kudzidza zvose zvaunogona nezvake.—Pisarema 25:4.
16 Asi kana fundo yeBhaibheri yomunhu oga yakadaro ichizoguma nokuvamba kwako kuzvipira kwoumwari, vavariro yako haigoni kungova zvayo yokufukidza mapeji amashoko kana kuti kuzadza ndangariro yako namashoko. Panzvimbo pezvo, apo unorava chikamu cheShoko raMwari, unofanira kuwana nguva yokurangarira pamusoro pamashoko acho, uchizvibvunza umene mibvunzo yakadai seiyi: ‘Chinodzidzisei nezvamavara manyoro aJehovha nenzira? Ndinogona sei kuva akafanana zvikuru naJehovha mumativi iwawa?’
17. (a) Tinodzidzei nezvengoni dzaJehovha mubhuku raHosea? (b) Kurangarira pamusoro pengoni dzaJehovha kunofanira kutitapura sei?
17 Rangarira muenzaniso. Nguva yakati yapfuura kurava kwedu Bhaibheri kwakagoverwa muChikoro Choushumiri Choubati Ushe Hwoumwari kwakatipedzisa bhuku raHosea. Pashure pokupedza kurava bhuku iri reBhaibheri, ungazvibvunza umene, kuti: ‘Ndinodzidzei nezvaJehovha soMunhu—mavara ake nenzira dzake—mubhuku iri?’ Nzira yarinoshandiswa nayo navanyori veBhaibheri vapashure inoratidzira kuti tinodzidza zvizhinji nezvengoni nyoro dzaJehovha mubhuku raHosea (Enzanisa Mateo 9:13 naHosea 6:6; VaRoma 9:22-26 naHosea 1:10 uye 2:21-23.) Kuda kwaJehovha kuratidza ngoni kuna Israeri kwakaratidzirwa nokubata kwaHosea nomudzimai wake, Gomeri. (Hosea 1:2; 3:1-5) Kunyange zvazvo kudeura ropa, kuba, ufeve, uye kunamata zvidhori zvakanga zvapararira muna Israeri, Jehovha ‘akataura kumwoyo waIsraeri.’ (Hosea 2:13, 14; 4:2) Jehovha haana kusungirwa kuratidza ngoni dzakadaro asi aizoita saizvozvo “nokuda kwake amene,” chero bedzi vaIsraeri vakaratidzira rupfidzo rwechokwadi ndokubva panzira yavo yokutadza. (Hosea 14:4; enzanisa naHosea 3:3.) Sezvaunorangarira neiyi nzira nezvengoni dzechienzi dzaJehovha kuchanyandura mwoyo wako, kuchisimbisa batano yako yomunhu oga naye.
18. Pashure pokurangarira pamusoro pengoni dzaJehovha sezvinosimbiswa muna Hosea, chii chaungazvibvunza umene?
18 Zvizhinji, kunyanguvezvo, zviri madikanwa. “Vanofara vane ngoni, nokuti vacharatidzwa ngoni,” akadaro Jesu. (Mateo 5:7, NW) Nokudaro, pashure pokurangarira pamusoro pengoni dzaJehovha sezvinosimbiswa mubhuku raHosea, zvibvunze umene, kuti: ‘Ndinogona sei kutevedzera zviri nani ngoni dzaJehovha mukubata kwangu navamwe? Kana hama kana kuti hanzvadzi yakanditadzira kana kuti yakandigumbura ikakumbira kanganwiro, ko ndinokanganwira no“mufaro” here’? (VaRoma 12:8; VaEfeso 4:32) Kana uchibatira muungano somukuru akagadzwa, ungazvibvunza umene, kuti: ‘Pakubata nhau dzokutonga, ndinogona sei kutevedzera Jehovha zviri nani, uyo “akagadzirira kukanganwira,” zvikurukuru apo mutadzi anopa ufakazi hwechokwadi hworupfidzo rwechokwadi?’ (Pisarema 86:5; Zvirevo 28:13) ‘Ndinofanira kutsvakei sehwaro hwokutambanudzira ngoni?’—Enzanisa Hosea 5:4 na 7:14.
19, 20. (a) Chii chinovapo apo fundo yeBhaibheri inoitwa nomutoo wakakwana? (b) Ndeipi iri imwe yamuro mukusakurira kuzvipira kwoumwari?
19 Fundo yako yomunhu oga yeBhaibheri inova inotusa sei apo inoitwa nomutoo wakadaro wakakwana! Mwoyo wako uchazara nokunzwisisa mavara anokosha aJehovha. Uye kupfurikidza nokupfuurira kutamburira kutevedzera aya mavara muupenyu hwako, uchasimbisa batano yako yomunhu oga naye. Nomutoo iwoyo uchave uchironda kuzvipira kwoumwari somubatiri akazvitsaurira, akabhapatidzwa waJehovha.—1 Timotio 6:11.
20 Imwe yamuro mukusakurira iri vara rinokosha inogona kuwanwa muna Jesu Kristu—muenzaniso wakakwana wokuzvipira kwoumwari. Kutevera muenzaniso waJesu kuchakuyamura sei muzvose zviri zviviri kusakurira nomukuratidzira kuzvipira kwoumwari? Nyaya iri papeji 18 ichakurukura ikoku nemibvunzo inowirirana.
[Mashoko Omuzasi]
a Pamusoro peshoko rechiGiriki di·oʹko (“ronda”), The New International Dictionary of New Testament Theology inotsanangura kuti mumanyoro ekare akaisvonaka shoko racho “rinoreva cha[izvoizvo] kutandanisa, kuronda, kudzingirira, . . . uye noku[fananidzira] kuronda chimwe chinhu nokushingaira, kuedza kuwana chimwe chinhu, kuedza kuwana.”
Ungapindura Sei?
◻ Nei rubhapatidzo isiri nhano yokupedzisira yaunoita muuKristu hwako?
◻ Chii chiri revo yo“kuzvipira kwoumwari,” uye unopa sei ufakazi hwako?
◻ Nei nhamburiko yakasimba ichidikanwa kuvamba kuzvipira kwoumwari?
◻ Unogona sei kusakurira kuzvipira kwoumwari mumwero wakazara zvikuru?