RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w90 7/1 pp. 5-6
  • Kudzivirira Pasi Pakuparadzwa

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kudzivirira Pasi Pakuparadzwa
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kuparadzwa Kwapasi
  • Pasi Rakadzivirirwa Pakuparadzwa
  • Mugumo Wava Pedyo Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2015
  • Chii Chiri Kuita Munhu Kupasi?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
  • Kununurwa Kwapasi Kwava Pedyo
    Mukai!—1993
  • Pasi Rava Pedyo Nokuva Paradhiso!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
w90 7/1 pp. 5-6

Kudzivirira Pasi Pakuparadzwa

PANE imwe nguva kare munhau yavanhu, Mwari akadzivirira pasi pakuparadzwa nesimba ravanhu. Iye akaita saizvozvo kupfurikidza namafashamo apasi rose mumazuva aNoa. Isu hatina chinyorwa chokuti vanhu vakanga vachiparadza mhoteredzo inooneka shure panguva iyeyo. Asi pasi rakaparadzwa neimwe nzira kusvikira patambanuko yakadaro zvokuti Mwari akanzwa kudikanwa kwokuita chimwe chinhu noukombi hukurusa.

Bhaibheri rinoshuma, kuti: “Pasi rakasvika pakuparadzwa pamberi paMwari wechokwadi uye pasi rakazadzwa namasimba masimba. Naizvozvo Mwari akaona pasi uye, tarira! rakanga raparadzwa, nemhaka yokuti nyama yose yakanga yaparadza nzira yayo pasi pano.” (Genesi 6:4, 11, 12, NW) Hungu, muzuva raNoa Mwari akarangarira pasi seraparadzwa nemhaka yamasimba masimba nouipi zvorudzi rwomunhu.

Nenzira yakafanana, apo Israeri wakare akavamba kutora Nyika Yakapikirwa, Mwari akanyevera, kuti: “Hamusati muchifanira kusvibisa nyika mamuri; nemhaka yokuti ndiro ropa rinoshatisa nyika . . . Uye hamufaniri kusvibisa nyika.” (Numeri 35:33, 34, NW) Nokudaro, Kanani yakaparadzwa nemhaka yemhaka yeropa yavagari vemo vayo. Muenzaniso unotyisa waikoku wakanga uri kushandisa kwavo kubaira vana vaduku kuva Mwari vavo.

VaKanani vakanga vane uterewo zvakakomba, uye ikokuwo kwakatapura murangariro waMwari wenyika yacho. Iye akanyevera Israeri: “Regai kuzviita mumene vasina kuchena kupfurikidza noupi noupi weiyi [miitiro youtere], nemhaka yokuti marudzi andiri kubudisa pamberi penyu akazviita amene asina kuchena nezvinhu izvozvi zvose. Naizvozvo nyika haina kuchena, uye . . . nyika icharutsa vagari vemo vayo.” (Revhitiko 18:24, 25, NW) Utere nokudeura ropa zvakaparadza Kanani kusvikira patambanuko yakadaro zvokuti Mwari akaparadza marudzi eKanani.

Kuparadzwa Kwapasi

Zvakadiniko nhasi? Hatisi kuraramawo here muzera ramasimba masimba asingadzorwi, kudeurwa kweropa, uye utere? Pasinei zvapo neizvo munhu anoita kuedza kururamisa kuvadziko yaakaita kupasi rinooneka, haatongogoni kudzorera kuupenyu vanorangarirwa kuva vane mirioni ine zana rimwe vakafira muhondo dzake mukati mezana rino ramakore; uyewo haagoni kudzorera mamirioni akaurawa namatsotsi kana kuti vanyajambwa vanosuruvarisa vasingaverengeki vanofa nenzara. Zvamazvirokwazvo, iye haagoni kudzorera vana vasina kuberekwa vanorangarirwa kuva vane mamirioni 40 kusvikira ku 60 vano upenyu hunogumiswa nokubvisa pamuviri gore rimwe nerimwe. Tinogona here kupanikira kuti pasi riri kuparadzwa pamberi paMwari nezvinhu zvakadaro—tisingadudzi hedu noutere hwakapararira kwazvo nhasi?

Rangariro inotiudza kuti Mwari anofanira kukurumidza kuita chimwe chinhu kudzivirira pasi pamibato inoparadza yomunhu, uye uporofita hweBhaibheri hunosimbisa ikoko. Asi chii chaachaita? Bhaibheri rinotaura kuti iye acha“paradza avo vanoparadza pasi.” (Zvakazarurwa 11:18, NW; enzanisa naMateo 24:3-14.) Kufanana nomwene wenzvimbo anodzinga roja rinoparadza, naizvozvo Mwari acha“dzinga” avo vanoparadza chisiko chake chakaisvonaka, pasi.

Bhaibheri rinoti: “Asi vakaipa vachaparadzwa panyika; vanoita nokunyengedzera vachadzurwapo.” (Zvirevo 2:22) Ichi chiito choumwari chiri kuuya Bhaibheri rinodana kuti Armagedhoni. (Zvakazarurwa 16:16) Jesu akachidanawo kuti “dambudziko guru rakadai serisati rakamboitika chifo chapamavambo enyika kusvikira zvino, aiwa, uyewo harisati richizoitikazve.” (Mateo 24:21, NW) Richava rakatokura zvikuru kupfuura Mafashamo.

Ko uyu mushonga wakanyanyisa kana kuti usakarurama here? Aiwa, Mwari, soMusiki wapasi, ana maruramiro okusarudza acharigara. Iye anewo maruramiro okuita kuti munhu ave nomutoro wamabasa ake. Uyezve, kana Mwari akabvumidza munhu kupfuuridzira nzira yake asingadziviswi, pasi richaparadzwa nokuda kwomunhu ari wose, uye upenyu huchava husingabviri. Pane rumwe rutivi, kupfurikidza no‘kuparadza avo vanoparadza pasi,’ Mwari anochengetedza nhaka yedu yapasi nokuda kwavanoonga. Bhaibheri rinopikira, kuti: “Nokuti vakarurama vachagara panyika; vakakwana vacharambirapo.”—Zvirevo 2:21.

Nebetsero yaMwari, mamirioni akawana simba rokuzviratidzira vamene kuva vasina mhaka nemhaka yokuti vanoda kusiiwa kuti vafarikanye chisiko chaMwari. Ivo vanoteverawo mipimo yetsika yakakwirira yaMwari ndokudzivisa masimba masimba nemhaka yeropa kunyange nenzira isina kunanga. Nokudaro, ivo havasi vaparadzi vapasi mupfungwa ino inokosha.

Pasi Rakadzivirirwa Pakuparadzwa

Vakadaro zvino vane kariro inofadza yokuona pasi richishandurwa kubva mumugariro waro wazvino wokuparadzwa kuva paradhiso yakaisvonaka. Chokwadi, kunyange miviri yavo ichacheneswa, kubvisa miuyo inoparadza yechivi. Bhuku rokupedzisira reBhaibheri rinorondedzera gadziriro yaMwari yokuita kuti kwose ikoku kuve kunobvira so“rwizi rwemvura youpenyu” rwokufananidzira. Parutivi rumwe norumwe rworwizi irworwu, “kwakanga kune muti woupenyu unobereka zvibereko zvamarudzi ane gumi namaviri, uchiita zvibereko zvawo mwedzi mumwe nomumwe; namashizha omuti aiva mushonga wokuporesa ndudzi.”—Zvakazarurwa 22:1, 2.

Ichi chiono chakafuridzirwa ivimbiso yokuti Mwari achadzivirira pasi norudzi rwomunhu rwuri pariri pakuparadzika. Mamwe mauporofita anopa rumbonera rwapachine nguva mberi rwepasi iroro rwakadzorerwa. Rangarira, somuenzaniso, chiono chapachine nguva mberi chokudetembedza chaIsaya: “Renje nenyika yakaoma zvichafara; sango richafara kwazvo, richatumbuka seruva. Richatumbuka zvizhinji, nokufara kwazvo nomufaro nokuimba.” (Isaya 35:1, 2) Panguva iyoyo hakusati kuchizova namakungwa akashatiswa, ivhu rapamusoro rakaparadzwa, kana kuti mhepo yakapoteredza pasi ine chepfu.

Zvinokosha zvikuru, pasi harisati richizoparadzwa namasimba masimba, kudeurwa kweropa, kana kuti utere. Avo bedzi vanoremekedza Mwari, mipimo yake, uye chisiko chake vachavamo. (Zvakazarurwa 21:7, 8) Teerera zvino miuyo ine mbiri yeizvi zvinhu zvose: “[Mwari] achapukuta musodzi uri wose pamaziso avo, uye rufu harusati ruchizovapozve, uyewo kuchema kana kuti kurira hazvisati zvichizotongovapozve. Zvinhu zvokutanga zvapfuura. . . . ‘Tarira! Ndiri kuita zvinhu zvose zvive zvitsva.’”—Zvakazarurwa 21:4, 5, NW.

Muuyo unofadza zvakadini! Tinofara sei kuti Mwari nokukurumidza acha“paradza avo vanoparadza pasi”! Uye zvipikirwa izvozvi zvakafuridzirwa zvinotisunda sei kuda kubatira Mwari uyo achadzivirira pasi pakuparadzwa ndokuriita musha weparadhiso nokuda kworudzi rwomunhu rune mwoyo wakarurama!

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 6]

Bhaibheri rinotaura kuti Mwari acha“paradza avo vanoparadza pasi.”—Zvakazarurwa  11:18, “NW”

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe