Unotevera Miraidzo Here?
BABA ane rudo acharaidza vana vake kuti vagova vanobudirira muupenyu navanofara apo vanova vakuru. Uye vana vanoda ndokuremekedza vabereki vavo vachagamuchira muraidzo wakadaro nemhaka yokuti vanoziva kuti uri nokuda kwenakirwo yavo vamene. Nenzira yakafanana, Baba vedu vokudenga vane rudo, Jehovha, vanogovera vabatiri vavo nhungamiro inovaunzira budiriro nomufarwa muupenyu hwavo. Naizvozvo, kunokosha kuti titevere miraidzo yatinopiwa naMwari kupfurikidza neShoko rake, Bhaibheri, uye sangano rake rapasi.
Mukati Memhuri
Pane nzvimbo dzakasiana-siana dzatinopirwa miraidzo. Imwe iri mukati meboka remhuri. Roorano nemhuri ndezvamavambo oumwari. Bhaibheri rinotaura kuti Mwari akachatisa vaviri vokutanga vohunhu ndokuvaudza kuva navana. (Genesi 1:27, 28; 2:22-24) Musiki akagovera mirairidzo nokuda kwemitezo yose yemhuri pamusoro pamabasa avo akatsaukana. Somuenzaniso, murume uye baba ndiye musoro wemba, kunoreva kuti iye ane mutoro wokugovera muraidzo, zvokudya, zvipfeko, pokugara, dziviriro, uye chirango. Iye anoitawo zvisarudzo zvinokosha zvemhuri. Somurume, iye anofanira kuratidza rangariro nokuda kwomudzimai wake ndokumugovera rukudzo sokumudziyo usina simba. (VaEfeso 5:22, 23; 1 Timotio 5:8; 1 Petro 3:7) Mudzimai anofanira kuzviisa pasi pomurume wake, kumuratidza ruremekedzo rukuru, uye kuva mubetseri wake nomukwanisi. Uye Magwaro anoonesa kuti vana vanofanira kuva vanoteerera vabereki vavo.—Genesi 2:18; VaEfeso 6:1-3; 1 Petro 3:1, 2.
Chii chinoitika kana iyi mirairidzo ikafuratirwa? Kusabvumirana nenharo zvinovapo apo varume vanoshaiwa kurangarira vadzimai vavo, uye vadzimai vanoratidza ruremekedzo ruduku nokuda kwoumusoro hwomurume. Kutaura idi, zvinhu zvakadaro zvakaparira kuputsika kweroorano zhinji. Kusateerera nokupanduka kwavana kwakaunzira vabereki vazhinji rusuruvaro rukuru. Kazhinji kazhinji, vabereki vanoshorwa zvikuru nokuda kwokusarera vana vavo mukuwirirana nechirango chakafanira, nokudaro vachivatsamwisa.—VaEfeso 6:4.
Kunyange zvazvo vashandi vomunzanga, nyanzvi dzokushanda kwendangariro, uye vamwe vakapa mhatsa huru yezvikarakadzo pamusoro pamabatirwe ezvinetso zvemhuri, hakuna zano rinobudirira zvikuru kupfuura miraidzo inogoverwa muBhaibheri noMusiki wemhuri. Kutevera iyoyi kunounza mufarwa wechokwadi negutsikano.—Pisarema 19:7-9.
Muungano
Tinofanira kutevera miraidzo iyo Musoro weungano yechiKristu, Jesu Kristu, anopa kupfurikidza no“muranda akatendeka naakachenjera,” mukoto wakagadzwa wesangano raMwari pano pasi pano. (Mateo 24:45-47, NW; VaEfeso 5:23) Kuti muve norugare nechinzwano muungano, mitezo yayo yose inofanira kushanda mutsinhirano nenhungamiro inopiwa. Somuenzaniso, avo vanotungamirira mukudzidzisa ungano nomukubetsera vamwe vanhu vanofanira kuomerera kunhungamiro dzavanogamuchira kusangano raJehovha. Ikoku kuchapira kukubudirira kwebasa ravo. Miraidzo ingava pamusoro penzira yokugoverana nayo mumubato wokuparidzira, nzira yokubata nayo nezvinetso muungano, nzira yokupa nayo zano nekurudziro, nzira yokunyaradza nayo vanotambudzika, uye zvichingodaro. Panewo nhungamiro pamusoro penzira yokugadzirira nayo misangano inorairidza neinovaka nokuda kwavose vanosonganirana neungano yechiKristu.—Mabasa 20:20; VaRoma 12:6-8; VaGaratia 6:1; 1 VaTesaronika 3:1-3.
Vakuru veungano, kana kuti vatariri, vanofanira zvikurukuru kugadza muenzaniso wakanaka muna ikoku. Mutumbi Unodzora unotumira miraidzo iyo vakuru vanofanira kutevera nokungwarira uye nokutendeka. Vanofanira kugadziridza ndokushandisa miraidzo yacho kumigariro yomunzvimbomo. Tinofanira kurangarira kuti uyo anotungamirira ungano yechiKristu ndiJesu Kristu. Iye anonzwisisa zvakakwana zvinodikanwa zveungano dzose kupote nyika, uye iye anogovera kurudziro inodikanwa nebetsero. Naizvozvo, vakuru havafaniri kuzengurira kushandisa nhungamiro dzipi nedzipi dzavanogamuchira kusangano raMwari roubati ushe hwaMwari. Ikoku kuchabatira somuenzaniso wakaisvonaka nokuda kwavose vari muungano imwe neimwe uye kuchavabetsera kubatanidzwa pakati pavo vamene norutivi rwose rwasara rwouhama hwechiKristu kupote pasi.—Mabasa 15:1-31; VaHebheru 13:7; Zvakazarurwa 5:6.
Miuyo Inofadza
Apo muvaki anovaka chivako chikuru, iye anotevera nokungwarira mapurani avanyori vamapurani ezvivako kuti chaanovaka chizogare kwenguva refu. Mumazuva amasimba masimba pamberi paMafashamo, Noa akatumwa kuvaka areka. Iye akaudzwa mavakirwe ayo uye kuti vanhui nemhuka zvaifanira kupinzwa mairi nokuda kwokupukunyuka muMafashamo anouya. Noa akapindura sei? Bhaibheri rinoti: “Noa akaita saizvozvo; sezvaakarairwa naMwari, wakaita zvose saizvozvo.” Noa bedzi naavo vakanga vanaye muareka vakapukunyuka Mafashamo. (Genesi 6:5, 13-22; 7:23) Nhasi, tiri kurarama munguva dzakafanana zvikuru nezuva raNoa, uye nokuda kweichi chikonzero Mwari achaparadza vanhu vose vakaipa. Bhaibheri rinotiudza kuti inhanoi dzatinofanira kuita kana tichida kuva pakati pavapukunyuki.—Mateo 24:37-39; 2 Petro 3:5-7, 11.
Naizvozvo, ngatigamuchirei nokuonga ndokushandisa miraidzo iyo Jehovha anopa kupfurikidza neShoko rake rakanyorwa nesangano rake rapasi. Kuita ikoku kuchatiunzira budiriro nomufaro uye kuchaponesawo upenyu hwedu.