RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w91 3/15 p. 29
  • Mibvunzo Inobva Kuvaravi

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mibvunzo Inobva Kuvaravi
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
  • Mashoko Akafanana
  • Mwari Akafuridzira Sei Bhaibheri?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
  • Bhaibheri—Bhuku Redu Guru Rinofundwa
    Bhuku rinoTungamirira reChikoro choUshumiri choUbati-ushe hwoUmwari
  • Mibvunzo Inobva Kuvaverengi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
  • Pane Angaziva Kuti Ndiani Akanyora Bhaibheri Here?
    Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
w91 3/15 p. 29

Mibvunzo Inobva Kuvaravi

◼ Munyori upi weBhaibheri akanga ari “mutungamiriri wehondo,” sezvinodudzwa mubhuku rinonzi The Bible—God’s Word or Man’s?a

Bhuku iroro rinobetsera pamusoro peShoko raMwari rinoti papeji 10: “Bhaibheri nderechienziwo nemhaka yokutaura kwakaitwa navazhinji vavanyori varo. Vanhu 40, kubatanidza madzimambo, vafudzi, varedzi, vabatiri vehurumende, vaprista, anenge mutungamiriri mumwe wehondo, uye chiremba, vakabetsera mukunyora mativi akasiana-siana eBhaibheri. Asi nguva nenguva, vanyori vakaita kutaura kumwe cheteko: kuti ivo vakanga vachinyora kwete mifungo yavo vamene asi yaMwari.”

Vamwe vakabvunza kuti vanyori vapi veBhaibheri vakaziviswa namabasa iwayo akasiana-siana kana kuti mibato. Muna ikoku, tapota rangarira vanotevera:

Madzimambo: Chiverengero chakati chavanyori veBhaibheri akanga ari madzimambo. Dhavhidhi naSoromoni vangauya kundangariro nyore nyore zvikurusa. (Pisarema 3, mashoko anorondedzera; Zvirevo 1:1; Muparidzi 1:1) Zvisinei, rwiyo rwuri muna Isaya 38:10-20 rwakanyorwa naHezekia. (Isa 38 Ndima 9) Nyanzvi dzakawanda dzinodavira kuti iye akaumbawo Pisarema 119, zvichida asati ava mambo. Uye Hezekia akaita basa mukuumba Zvirevo ganhuro 25-29. (Zvirevo 25:1) Ganhuro yokupedzisira yaZvirevo yakagadzirwa na“Ramueri mambo.” Vamwe vanomuzivisa naMambo Hezekia, kunyange zvazvo vamwe vachifunga kuti Ramueri akanga ari Mambo Soromoni.—Zvirevo 31:1.

Vafudzi: Dhavhidhi nomuporofita Amosi vakashanda savafudzi. (1 Samueri 16:11-13; 17:15, 28, 34; Amosi 1:1) Amosi akanyora bhuku reBhaibheri rine zita rake, uye Dhavhidhi akaumba mapisarema akawanda. Pisarema 23 rakakurumbira zvamazvirokwazvo rinoratidzira rovedzano yaDhavhidhi nokufudza.

Varedzi: Pavaapostora vaJesu vakanga vari varedzi, Johane naPetro gare gare vakafuridzirwa kunyora mabhuku eBhaibheri. (Mateo 4:18-22) Mukufuridzirwa nenzira youmwari Johane akanyora nhauro yeEvhangeri pamwe chete netsamba nhatu nebhuku raZvakazarurwa. Petro akanyora tsamba mbiri dzakafuridzirwa.

Vabatiri vehurumende: Vose vari vaviri Dhanieri naNehemia vakanga vari vabatiri vehurumende dzokumwe idzo dzakashandisa simba pavanhu vaMwari. (Nehemia 1:1, 11; 2:1, 2; Dhanieri 1:19; 2:49; 6:1-3) Mabhuku maviri eBhaibheri ane mazita eava varume.

Vaprista: Vaviri vavaporofita vaMwari vakashandiswa kunyora mabhuku eBhaibheri vakanga vari vaprista. Ivo vakanga vari Jeremia naEzekieri. (Jeremia 1:1; Ezekieri 1:1-3) Mukuwedzera, Ezra akanga ari muprista waAroni uyo “akanga ari munyori ane unyanzvi mumutemo waMosesi.” Iye “akagadzirira mwoyo wake kunzvera mutemo waJehovha nokuuita nokudzidzisa muna Israeri murairo neruramisiro.”—Ezra 7:1-6, 10, 11, NW.

Mutungamiriri wehondo: Basa iro Joshua akaita mukutungamirira hondo sezvo vaIsraeri vakapinda muNyika Yakapikirwa ndokurwisana namarudzi akawanda avavengi rinomukwanirisa somutungamiriri wehondo. (Joshua 1:1-3; 11:5, 6) Iye akaropafadzwa kunyora bhuku raJoshua. Ipapowo, vamwe varavi veBhaibheri vangarangarira Dhavhidhi somunhu akashanda somutungamiriri wehondo asati ava mambo.—1 Samueri 19:8; 23:1-5.

Chiremba: Pakupedzisira, VaKorose 4:14 (NW), inodudza “Ruka chiremba anodiwa.” Ruka akanyora Evhangeri ine zita rake, uye sezviri pachena Mabasa aVaapostorawo.

[Mashoko Omuzasi]

a Rakabudiswa muna 1989 neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe