Rambai Makasimba Mukutenda!
Mapfundo Makuru Anobva Muna Petro Wokutanga
ZVAPUPU ZVAJEHOVHA zvinotarisana nemiedzo yakasiana-siana, kana kuti kuedzwa kwokutenda kwazvo. Mudzimwe nyika, basa razvo rokuparidzira Umambo rinoitwa mukutarisana nechitambudzo chikuru. Seri kwaizvozvi nedzimwe nhamburiko dzokuparadza ukama hwazvo naMwari kuna Satani Dhiabhorosi. Asi haasati achizobudirira, nokuti Jehovha anoita kuti vabatiri vake vatsige—hungu, vasimbe mukutenda.
Muapostora Petro akaropafadzwa kuti a‘simbise hama dzake’ dzakanga dzichi“chemedzwa nemiedzo mizhinji.” (Ruka 22:32; 1 Petro 1:6, 7) Iye akaita saizvozvo mutsamba yake yokutanga, yakanyorwa munenge muna 62-64 N.V. ari muBhabhironi. Mairi Petro akapa zano, akanyaradza, uye akakurudzira maKristu echiJudha naaMarudzi, achiabetsera kudzivisa denho dzaSatani ndokuramba aka“simba mukutenda.” (1 Petro 1:1, 2; 5:8, 9) Zvino izvo nguva yaDhiabhorosi yava pfupi uye denho dzake dzichityisa zvikuru, zvirokwazvo vanhu vaJehovha vanogona kubetserwa namashoko akafuridzirwa aPetro.
Mufambiro Wakavakirwa Panheyo Dzoumwari
Kana tariro yedu iri yokudenga kana kuti yapasi, inofanira kutibetsera kutsungirira miedzo ndokuita nenzira youmwari. (1:1–2:12) Tariro yenhaka yokudenga inoparira kuti vakazodzwa vafare mukutarisana nemiedzo, iyo chaizvoizvo inonatsa kutenda kwavo. Seimba yomudzimu yakavakirwa panheyo yaKristu, vanopa zvibairo zvomudzimu zvinogamuchirika kuna Mwari uye vanozvibata vamene nomutoo wakaisvonaka unoMuvigira mbiri.
Kubata kwedu navanhu biyedu vose kunofanira kudzorwa nenheyo dzoumwari. (2:13–3:12) Petro akaratidza kuti tinofanira kuzviisa pasi pavatongi vavanhu. Vashandi vomudzimba vaifanira kuzviisa pasi pavatenzi vavo, uye vadzimai pavarume vavo. Mufambiro woumwari womudzimai wechiKristu ungawana murume wake asingatendi kukutenda kwechokwadi. Uye murume anotenda anofanira ‘kupa mudzimai wake rukudzo sokumudziyo une simba duku.’ MaKristu ose anofanira kuratidza tsitsi, kuva nechidakadaka chouhama, kuita zvakanaka, uye kuronda rugare.
Tsungiriro Inounza Zvikomborero
Tsungiriro yokutendeka yamaKristu echokwadi yokutambura ichaguma nezvikomborero. (3:13–4:19) Kana tikatambura nokuda kwokururama, tinofanira kufara. Uyezve, sezvo Kristu akatambura munyama kuti atitungamirire kuna Mwari, tinofanira kusachararamazve mukuwirirana nezvishuvo zvenyama. Kana tikatsungirira miedzo nenzira yokutendeka, tichagoverana mukufara kukuru pakuratidzwa kwaJesu. Kutakura ruzvidzo nokuda kwezita raKristu, kana kuti savadzidzi vake, kunofanira kutifadza nemhaka yokuti kunobvumikisa kuti tine mudzimu waJehovha. Naizvozvo sezvatinotambura mukuwirirana nokuda kwaMwari, ngatizvirumbidze timene kwaari ndokupfuurira kuita zvakanaka.
SamaKristu, tinofanira kuita mabasa edu nenzira yokutendeka ndokuzvininipisa timene pasi poruoko rune simba rwaMwari. (5:1-14) Vakuru vanofanira kufudza boka raMwari nokudisa, uye tose zvedu tinofanira kukandira funganyo yedu pana Jehovha, tichiziva kuti iye anotiitira hanya chaizvoizvo. Tinofanirawo kumira zvakasimba mukurwisana naDhiabhorosi ndokusatongoora mwoyo, nokuti hama dzedu dzinotambura zvimwe chetezvo sezvatinoita. Nguva dzose yeuka kuti Jehovha Mwari achatiita kuti titsige uye achatigonesa kuramba takasimba mukutenda.
[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 30]
Chishongo Chechikadzi: Muzano kuvakadzi vechiKristu, Petro akati: “Kushonga kwenyu ngakurege kuva kwokunze, kwokuruka vhudzi, nokushonga ndarama, kana kupfeka nguvo, asi ngakuve munhu wakavanzika womwoyo, wakashonga zvisingaori zvomweya munyoro wakanyarara, unokosha, zvikuru pamberi paMwari.” (1 Petro 3:3, 4) Mukati mezana rokutanga ramakore N.V., vakadzi vechihedheni vaiwanzova namagadzirirwo evhudzi akanyanyisa, kuruka vhudzi ravo refu kuva magadzirirwo okuorora uye kuisa zvishongo zvendarama muvhudzi rakarukwa. Sezvingabvira, vazhinji vaiita saizvozvo seratidziro yokuzvitutumadza—chimwe chinhu chisina kufanira kumaKristu. (1 Timotio 2:9, 10) Bva, hachisi chishongo chose chisina kururama, nokuti Petro anobatanidza “kupfeka nguvo”—nenzira yakajeka chinhu chiri madikanwa. Mabwe anokosha aishandiswawo navabatiri vaMwari vomunguva dzakare. (Genesi 24:53; Eksodho 3:22; 2 Samueri 1:24; Jeremia 2:32; Ruka 15:22) Zvisinei, mukadzi wechiKristu anodzivisa nenzira yokuchenjera zvishongo zvakanyanyisa nomupfekero unotapura uye anofanira kungwarira kuti kushandiswa kupi nokupi kwezvinozorwa kwakanaka. Pfundo rezano romuapostora nderokuti iye anofanira kuisa simbiso, kwete pachishongo chokunze, asi chomukati. Kuti akwezve zvirokwazvo, iye anofanira kupfeka zvine mwero ndokuva nechimiro chouyo anotya Mwari.—Zvirevo 31:30; Mika 6:8.
[Kwazvakatorwa]
Israel Department of Antiquities and Museums; Israel Museum/David Harris