Jehovha Anonzwa Kudanidzira Kwedu Kwokukurumidzira Nokuda Kwebetsero
BETSERO yakanga ichidikanwa nokukurumidzira. Ikoko kwakanga kuri pachena murusuruvaro rukuru rwechiso chomudiri wamambo. Abvunzwa chakanga chisina kururama, mudiri akataura kusuruvara kwake pamusoro pomugariro wokuparadzwa kweJerusarema namasvingo aro. Ipapo kwakauya mubvunzo unoti: ‘Chii chauri kutsvaka kuwana?’ “Zvino ndakanyengetera kuna Mwari wokudenga,” mudiri Nehemia akanyora kudaro gare gare. Ikoko kwakanga kuri kudanidzira kwokukurumidza, kwechinyararire, kwokukurumidzira nokuda kwebetsero yaJehovha. Uye muuyo wacho? Chokwadi, mambo wePersia Artashasta akakurumidza kubvumira Nehemia kuvakazve masvingo eJerusarema!—Nehemia 2:1-6.
Hungu, Mwari anonzwa zvikumbiro zvokukurumidzira zvaavo vanomuda. (Pisarema 65:2) Naizvozvo kana muedzo uchiratidzika kuva mukuru zvikuru kupfuura waunogona kutsungirira, unganyengetera sezvakaita wezvamapisarema Dhavhidhi muPisarema 70, paakanga achida nokukurumidza betsero youmwari. Mashoko anorondedzera iri pisarema anoratidza kuti donzo raro ndero“kuyeuchidza.” Nechinjo duku, rinodzokorora Pisarema 40:13-17. Asi Pisarema rechi 70 rinogona sei kutibetsera savanhu vaJehovha?
Chikumbiro Chorununuro Rwokukurumidzira
Dhavhidhi anovamba nechikumbiro chinoti: “Kurumidzai, Mwari, kundirwira; kurumidzai kundibatsira, Jehovha.” (Pisarema 70:1) Patinenge tiri munhamo, tinogona kunyengetera kuti Mwari akurumidze kutibetsera. Jehovha haatiedzi nezvinhu zvakaipa, uye iye “anoziva nzira yokununura nayo vanhu vokuzvipira kwoumwari mumuedzo.” (2 Petro 2:9, NW; Jakobho 1:13) Asi zvakadiniko kana akabvumidza muedzo kupfuurira, zvichida kutidzidzisa chimwe chinhu? Ipapo tinogona kumukumbira uchenjeri hwokubata nawo. Kana tikakumbira mukutenda, iye anotipa uchenjeri. (Jakobho 1:5-8) Mwari anotipawo simba rinodikanwa kuti titsungirire miedzo yedu. Somuenzaniso, iye ‘anotitsigira panhovo yourwere.’—Pisarema 41:1-3; VaHebheru 10:36.
Kutadza kwedu kwomuzvarirwo, pamwe chete nokuratidzirwa kumuedzo nguva dzose nenhamburiko dzaDhiabhorosi dzokuparadza ukama hwedu naJehovha, zvinofanira kutisunda kunyengeterera betsero yaMwari zuva rimwe nerimwe. (Pisarema 51:1-5; VaRoma 5:12; 12:12) Anokosha ndeaya mashoko omunyengetero womuenzaniso waJesu: “Musatipinza mumuedzo, asi tinunurei pano wakaipa.” (Mateo 6:13, NW) Hungu, tinogona kukumbira Mwari kuti asatibvumire kutera patinoedzwa kusamuteerera uye kuti adzivise Satani, “wakaipa,” pakutikurira. Asi ngatibatanidzei kudanidzira kwedu nokuda kworununuro nenhano dzokudzivisa migariro ingatiratidzira nenzira isiri madikanwa kumuedzo nemisungo zvaSatani.—2 VaKorinte 2:11.
Avo Vanoti, “Hekani!”
Tingaedzwa chose chose nemhaka yokuti vavengi vanotizvidza nokuda kwokutenda kwatinoshandisa. Kana ikoko kukafanira kuitika kwauri, rangarira mashoko aDhavhidhi: “Ngavanyadziswe, ngavazvidzwe ivo vanotsvaka mweya wangu; ngavadzoserwe shure, vashoorwe ivo vanofarira kundikuvadza. Ngavadzoserwe shure nokuda kwenyadzi dzavo ivo vanoti: ‘Hekani, hekani! waro!’” (Pisarema 70:2, 3) Vavengi vaDhavhidhi vaida kumuona afa; vakanga ‘vachitsvaka mweya wake,’ kana kuti upenyu. Panzvimbo pokuedza kutsiva, zvisinei, iye akashandisa kutenda kwokuti Mwari aizovanyadzisa. Dhavhidhi akanyengetera kuti vavengi vake “vanyadziswe uye vazvidzwe”—vakwenudzwe, vashamiswe, vavhiringidzwe, vakangaidzwe mukuedza kuita gadziriro dzavo dzakaipa. Hungu, avo vanotsvaka kuvadziko yake nokuwana mufaro mungwavaira yake ngavavhiringidzwe ndokuwana ruzvidzo.
Kudai taiva nechinganzi mufaro unokuvadza apo ngwavaira yakawira muvengi, taizofanira kuzvidavirira kuna Jehovha nokuda kwechivi chedu. (Zvirevo 17:5; 24:17, 18) Zvisinei, apo vavengi vanozvidza Mwari navanhu vake, tinogona kunyengetera kuti nokuda kwezita rake dzvene, Jehovha ‘avadzosere shure ndokuvaparira kutambura manyadzi’ vachionekwa navanhu vavanotsvaka mbiri pamberi pavo. (Pisarema 106:8) Matsive ndaaMwari, uye iye anogona kunyonganisa ndokunyadzisa vavengi vake nevedu. (Dheuteronomio 32:35) Somuenzaniso, mutungamiriri weNazi Adolf Hitler akatsvaka kuparadza Zvapupu zvaJehovha muGermany. Akakundikana zvinosiririsa sei, nokuti zviuru zvizhinji zvavo zvino zvinozivisa shoko roUmambo imomo!
Mukuseka kwokunyomba, vavengi vedu vangati: “Hekani, hekani! waro!” Sezvo vachituka Mwari navanhu vake, vatadzi ivavo “ngavadzoserwe shure nokuda kwenyadzi dzavo,” vachitambura ruzvidzo. Tichinyengeterera ikoku, ngatichengetei perero yedu ndokuita kuti mwoyo waJehovha ufare, kuti agopindura Satani nomunhu ari wose zvake ari kuMutuka. (Zvirevo 27:11) Uye hatitongofaniri kutya vavengi vedu vanozvitutumadza, nokuti “ani naani unovimba naJehovha, uchachengetwa.” (Zvirevo 29:25) Mambo anodada weBhabhironi Nebhukadnezari, uyo akanga atapa vanhu vaMwari, akawana ruzvidzo uye aifanira kubvuma kuti ‘Mambo wamatenga anokwanisa kunyadzisa avo vanofamba murudado.’—Dhanieri 4:37.
“Mwari Ngaakudzwe!”
Kunyange zvazvo vavengi vangatiparira chinetso, nguva dzose ngatirumbidze Jehovha pamwe chete navanamati biyedu. Panzvimbo pokuzvibvumira amene kuremedzwa kwazvo nenhamo zvokuti akakundikana kukudza Mwari, Dhavhidhi akati: “Vose vanokutsvakai ngavafarise vave nomufaro mamuri; vanoda kuponesa kwenyu—ngavarambe vachiti: ‘Mwari ngaakudzwe!’” (Pisarema 70:4) Vanhu vaJehovha vanopfuurira kuva vanofara zvikuru nemhaka yokuti “vanofara uye vane mufaro” maari. SeZvapupu zvake zvakazvitsaurira, zvakabhapatidzwa, zvine mufaro mukuru unobva muukama hwapedyo naye. (Pisarema 25:14) Bva, vangarangarirwa savatsvaki vanozvininipisa vaMwari. Vachiva vatendi vanochengeta mirairo yaMwari, vanopfuurira kutsvaka imwe zivo yake neShoko rake.—Muparidzi 3:11; 12:13, 14; Isaya 54:13.
Sezvo Zvapupu zvaJehovha zvinozivisa mashoko akanaka, chaizvoizvo zvinoramba zvichiti: “Mwari ngaakudzwe!” Zvinorumbidza Jehovha, zvichimuremekedza zvikurusa. Nomufaro, zvinobetsera vatsvaki vezvokwadi kudzidza pamusoro paMwari uyewo kumurumbidza. Kusafanana navadi vemifarwa venyika, vanhu vaJehovha ‘vanoda ruponeso rwake.’ (2 Timotio 3:1-5) Vachiziva kutadza kwavo kwomuzvarirwo, vanoonga zvikuru nokuda kwegadziriro yorudo yaJehovha Mwari yoruponeso kuupenyu husingagumi, rwakaitwa kuti rubvire kupfurikidza nechibairo chinoyananisa choMwanakomana wake anodiwa, Jesu Kristu. (Johane 3:16; VaRoma 5:8; 1 Johane 2:1, 2) Uri kukudza Mwari ndokuratidza kuti ‘unoda ruponeso rwake’ kupfurikidza nokushandisa kunamata kwechokwadi kurumbidzo yake here?—Johane 4:23, 24.
Vimba Nomugoveri Worusununguko
Apo Dhavhidhi akazvitaurira amene muiri pisarema, akanzwa nhamo yokupererwa nezano zvokuti akati: “Asi ini ndiri murombo nomushaiwi; kurumidzai muuye kwandiri, Mwari; imi muri mubatsiri wangu no[Mugoveri worusununguko, NW] wangu; regai kunonoka, Jehovha.” (Pisarema 70:5) Tatambudzwa nemiedzo inodenha vatendi—matambudziko akadai sechitambudzo, miedzo, uye denho dzinoitwa naSatani—tingaratidzika kuva “varombo.” Kunyange zvazvo tingasava vanoshaiwa, tinoratidzika kuva vasina dziviriro pavavengi vakaipa. Zvisinei, tinogona kuva nechivimbo chokuti Jehovha anogona uye achatinunura savabatiri vake vakatendeka.—Pisarema 9:17-20.
Jehovha “Mugoveri worusununguko” (NW) apo tinomuda. Zvikanganiso zvedu timene zvingava zvakatipinza mumugariro unotambudza zvikuru. Asi kana ‘upenzi hwedu hwakakanganisa nzira yedu,’ mwoyo wedu ngaurege ‘kuva unotsamwira Jehovha.’ (Zvirevo 19:3) Haafaniri kushorwa, uye akagadzirira kutibetsera kana tikanyengetera kwaari mukutenda. (Pisarema 37:5) Zvakadiniko kana tichiparapatika kudzivisa chivi? Ipapo ngativei vakananga pamusoro paikoku mumunyengetero, tichikumbira betsero youmwari kuti tipfuurire kuronda nzira yakarurama. (Mateo 5:6; VaRoma 7:21-25) Mwari achapindura munyengetero wedu wapachokwadi, uye tichabudirira mumudzimu kana tikazviisa pasi penhungamiro yomudzimu mutsvene wake.—Pisarema 51:17; VaEfeso 4:30.
Patinenge tiri mumarwadzo omuedzo wokutenda, tinganzwa kuti hatigoni kutsungirira kwenguva refu. Sezvo nyama yedu inotadza yakaneta, ingashuva rusununguko rwokukurumidza. (Marko 14:38) Naizvozvo tingakumbira, kuti: “Regai kunonoka, Jehovha.” Zvikurukuru kana tichiitira hanya pamusoro poruzvidzo rwuri pazita raMwari, tingasundwa kunyengetera sezvakaita muporofita Dhanieri, kuti: “Haiwa, Ishe, inzwai; Ishe, kanganwirai, Ishe, teererai, muite, regai kunonoka, nokuda kwenyu, imi Mwari wangu . . . nokuda kwavanhu venyu vakatumidzwa zita renyu.” (Dhanieri 9:19) Tinogona kuva nokutenda kwokuti Baba vedu vokudenga havasati vachizonyanyononoka, nokuti muapostora Pauro akapa ichi chipikirwa: “Ngatiswederei . . . norusununguko rwokutaura kuchigaro choumambo chomutsa usakafanirwa, kuti tigowana tsitsi ndokuwana mutsa usakafanirwa nokuda kwebetsero panguva yakarurama.”—VaHebheru 4:16, NW.
Usatongokanganwa kuti Jehovha Mugoveri worusununguko. Savabatiri vake, kuchatinakira kuyeuka ikoku nemirangariro yomunyengetero yePisarema 70. Padzimwe nguva tingada kunyengetera tanyengeterazve pamusoro penhau yeitiro hanya huru. (1 VaTesaronika 5:17) Pangaratidzika kuva pasina mhinduro kuchinetso chakati, pasina nzira yokubuda nayo muchinetso chedu. Asi Baba vedu vokudenga vane rudo vachatisimbisa uye havasati vachizotibvumira kuedzwa kupfuura kwatinogona kutsungirira. Naizvozvo, usatongoneta kuenda pamberi pechigaro choumambo chaMambo Asingagumi mumunyengetero wapachokwadi. (1 VaKorinte 10:13; VaFiripi 4:6, 7, 13; Zvakazarurwa 15:3) Nyengetera mukutenda, uye vimba naye chose chose, nokuti Jehovha anonzwa kudanidzira kwedu kwokukurumidzira nokuda kwebetsero.