Denho Yokudyara Mbeu yoUmambo muChile yokuMaodzanyemba
KUNOFADZA sei kufamba mumugwagwa wakanyarara womunyika muChile yokumaodzanyemba! Mombe dzinofura norugare muminda ine miti mumakomo anoputika akaisvonaka akafukidzwa nesinou. Unogona kunzwa shiri dzichikororodza uye mashizha achizhakatika mukamuferefere. Kunyange zvazvo mhoteredzo dzakadaro dzingava dzinofadza, kune denho muno nokuda kwaavo vanodyara mbeu dzezvokwadi yoUmambo.
Ungada here kusangana namamwe amapiona edu, kana kuti vazivisi voUmambo venguva yakazara? Zvakadiniko nokupedza zuva rimwe kana kuti maviri unavo sezvavanoparidzira mashoko akanaka? Kutanga, ngatiteererei sezvo Jaime naOscar vanorondedzera zvinofadza nedenho zvezuva rakadaro mumaodzanyemba eChile.
Zuva Mubasa Rokuparidzira
“Tinotanga kumuka ndokuziva nezvechando chakapinda muimba yedu duku. Akapfeka masokisi eshinda uye nekepisi yakanga ichiri mumusoro make, Oscar anobuda mumubhedha. Anobatidza chitofu chehuni, anobatidza mbaura duku yegasi kuti abvise kutonhora mukamuri, uye ipapo anodzokera kukudziya kwomubhedha wake. Kunze kuchakasviba, uye tinogona kunzwa mvura yave ichinaya usiku hwose. Tinotarira kunze napawindo uye ipapo kumumwe nomumwe. Haiwa, kwaizova kuri nyore sei kusashanda zuva rino! Ipapo tinoyeuka rongedzero dzedu dzezuva racho nokudikanwa kwokushanda ndima iri yoga isina kutongosvikwa gore rapera. Tinonyandurwa kutanga.
“Tichienda 8 kiroko isati yakakwana, tinofamba nokukurumidza ndokukarira kuti mumwe munhu achatikwidza mumotokari kana kuti bhazi richasvika, kuitira kuti tigogona kukurumidzisa rwendo rwedu kumigwagwa yeshure inotungamirira kumisha iri yoga nedzimba zvendima yedu. Heino turakita iri kudhonza turera ine vashandi mairi. Muchairi anomira uye anotibvumira kukwira. Tinofara kuti, kuonga kumvura yousiku hwapfuura, nhasi tinodzivisirwa chinoitika chenguva dzose chokufamba mugore reguruva. Sezvo tinotauka tichifamba, tinogoverana mashoko akanaka navarimi. Apo inova nguva yokuburuka, tinovapa magazini mashomanene. Tinoonga sei kutakurwa kwatidzivisira kufamba [makiromita gumi namaviri]!
“Richava zuva refu sezvo tinogura-gura nyika tichitsvaka vakafanira. Apo kutanga takatanga mumugove wedu, taisagona kunzwisisa chikonzero nei vanhu vaibvumirana neizvo takanga tichitaura asi vairatidzika kuva vanozengurira kugamuchira mabhuku eBhaibheri. Takaziva kuti kazhinji kazhinji ikoku kwakanga kuri nemhaka yokuti vaisagona kurava. Naizvozvo tinokuwana kuchibetsera kuonesa kuti mabhuku edu chipo chinoshamisa nokuda kwavana vavo nehama dzokunyama, avowo vanogona kugoverana zviri mukati navo. Vazhinjisa vaavo tinotaura kwavari havana zvakawanda zvezvinhu zvenyika ino. Asi sezvo ivo vachifara kugoverana zvavanazvo, apo vanenge vagamuchira mabhuku eBhaibheri, kazhinji kazhinji vakatipa mazai, mbatatisi, mabhitiruti, hanyanisi, bhinzi, malentil, uye magarbanzo.”
Jaime akadzidza kuita zvikarakadzo apo saimba anoda kupa zvinhu nokuda kwamabhuku eBhaibheri anopiwa. Neiko? Pane imwe nhambo, mapiona akadzokera namakirogiramu 15 emirivo, uye mubiyake aifanira kutakura huku mhenyu mubhegi rake ramabhuku rutivi rwakanaka rwezuva! Jaime anowanzokarakadza merquén, chinorungwa chinonaka chinogadzirwa nemhiripiri nezvinonhuwira. Nhauro yacho inopfuurira:
“Tichigura minda, tinosvika parucas [misha] yavaMapuche vemo [kureva kuti, “Vanhu venyika ino”]. Kwakaoma kutaura nomuMapuche akura, nokuti vazhinji vanotaura bedzi mutauro wavo. Apo vaduku vanenge vari pedyo, vanowanzobatira savashanduri. Sezvo tinopinda zvikuru munyika macho, tinosangana navanhu vasina kutongoona Bhaibheri kana kuti kushanyira guta guru rakafanana neTemuco, dzimbahwe renharaunda yacho. Ikoku kunopa denho yokuvabetsera kunzwisisa kuti migariro yenyika iri kuipa sei. Tinofanira kuita ikoku nhano nenhano, tichivaratidza kuti zvinetso zvomunzvimbomo zvinoratidzira sei chiri kuitika kune imwe nzvimbo.
“Sezvo zuva rinofambira mberi, makumbo edu aneta anoraira zororo. Mugariro wokunze wachinja pakati pechiedza chakajeka chezuva nemvura yakasimba inoita kuti amburera ive isina basa. Minda ichangobva kurimwa yasiya bhutsu dzedu dzanamwa namadhaka. Apo tinonzwa mashoko anoti Pase no más (Pindai), tinopinda mukicheni nokuonga ndokufarikanya kudziya kwechitofu chehuni, kapu ye‘kofi’ yabikwa namacereal, chizi, uye chingwa chakanaka chakabikwa pamba. Aha, kunhuwira ikoko kunonaka kwechingwa chakanaka!
“Nesimba ramutsidzirwa, tinopfuurira kupinda mukutanga kwamadekwana, tichigura minda isingawanzoparadzaniswa nefenzi, kunyange zvazvo uchawana minda yegorosi yakaganhurwa negwenzi rinonzi pica-pica, gwenzi rakasvibira nguva dzose namaruva eyero. Sezvo zuva richakurumidza kunyangarika uye tichifanira kusvika mumwe mugwagwa mukuru kuti tibate bhazi rokupedzisira rokudzokera kutaundi, rwendo rwedu [rwamakiromita 20] ruchakurumidza kuguma.
“Tinodzokera takachengeteka uye takasimba, taneta asi tichifara, nokuti tava nekurukurirano dzinofadza dzakawanda navakafanana namakwai. Pashure pezvokudya, tinohwirudzura zuva uye ipapo tinokwevera miviri yedu yaneta pamubhedha.”
Shanyo kuChiloé
Boka rezvitsuwa zveChiloé rakaumbwa nechiverengero chakati chezvitsuwa zviduku. Chitsuwa charo chikuru chakareba makiromita 180 uye chine makomo akasvibira akaparadzaniswa nenyanza duku. Uye zviono zvomurutivi megungwa zvinokwezva zvakadini uye misha yechienzi yakadini yokuredza zvinogona kuonwa kupi kana kupi kwaunoenda!
Mutaundi reAchao, kungoti ibvei pachitsuwa chikuru, tinowana Rubén naCecilia. Apo vakasvika muna March 1988, muprista womunzvimbomo akanyevera vanhu ‘kusateerera varoorani vanofamba-famba pachitsuwa chose vachitaura pamusoro peBhaibheri.’ Tsinhiro dzake dzakaipa dzakavhara ndangariro dzavamwe asi dzakanyandura kuda kuziva kwavamwe. Pashure penguva yakati Rubén naCecilia vakanga voitisa fundo dzeBhaibheri 28. Dzinoverengeka dzefundo dzacho dziri navadzidzisi, vana vavo vanoshandisa zvinyorwa zveWatch Tower “All Scripture Is Inspired of God and Beneficial” uye Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri kudzidzisa kirasi dzorudzidziso muzvikoro zvavo.
Jehovha anotarisira aya mapiona anoshanda zvakaoma, ayo anofamba kusvikira kumakiromita 34 pazuva mubasa rokuparidzira Umambo nokuita vadzidzi. (Mateo 24:14; 28:19, 20) Rimwe zuva, Rubén naCecilia vakanga vachifamba munzira iri murutivi memhenderekedzo yegungwa apo vakacherekedza kuti pamwero wakaderera choritos (rudzi rwakati rwerwamba) dzakawanda dzaisvikwa zviri nyore. Rubén akavamba kuunganidza kwake, asi vaizodziendesa sei kumba? Cecilia akapedza chinetso ichocho. Masokisi ake akava mabhegi. Mapiona zvino akava nezvokuita nazvo zvokudya zvinonaka zvomugungwa!
Kuchamhembe kweAchao, vaparidzi vaviri voUmambo venguva yakazara vanozivikanwa samapiona chaiwo vanosonganirana neungano duku muLinao. Basa rokuparidzira rakava namavambo aro ikoko muna 1968, uye Chapupu chokutanga chaJehovha muLinao chakabhapatidzwa muna 1970. Kwamakore mana iyi hama yakanga iri yoga mubasa rokuparidzira uye yaifanira kutsungirira kunyomba kunobva kumitezo yemhuri navazivikanwi. Pakupedzisira, muna 1974, mudzimai wayo akagamuchira zvokwadi yeBhaibheri zvakanaka uye akabhapatidzwa. Ikoku kwakateverwa norubhapatidzo rwavanun’una vokunyama vana, hanzvadzi ina, vanasekuru vana, vazukuru vatanhatu, uye tezvara nomudzimai wake. Ungano yakaumbwa ikoko yakanga iri mhuri imwe huru. Pashure penguva yakati, vatatu vevanun’una vashanu vakavamba kubatira savakuru uye mumwe somubatiri anoshumira.
Luis naJuan vaparidziri venguva yakazara avo vanopa ngwariro pakudyara mbeu yoUmambo muQuemchi, taundi duku makiromita 30 kubva kuLinao. Zuva nezuva, vanokwira fenzi, vanoyambuka minda ine miti yakawanda, uye vanofamba vachikwira nokuburuka makomo, nemhepo nemvura seshamwari dzenguva dzose. Kuti vasvike zvitsuwa zviri pedyo, vanoshandisa magwa maduku ayo anoenda kuchitsuwa cheChiloé kaviri kana kuti katatu pavhiki. Ivo vanogara pachitsuwa kwamazuva akati. Rwendo rwapakati pezvitsuwa runogona kuita kuti munhu asina kujaira kufamba mugungwa anzwe achiti rwarei, asi mutsa wavagari vapazvitsuwa netsitsi zvinopfuura kutsiva ikoku. Luis naJuan vakakumbanirwa nomumwe muparidzi woUmambo, uye pamwe chete vanoedza kusvika vagari vemo vane 11 500 vari mundima mavo. Kunyange zvazvo wedzero yakanga ichinonoka, Luis naJuan vakafadzwa zvikuru nokuva ne 36 vaivapo nokuda kwechengetwo yeChirangaridzo cha 1989.
Kudzokera Kunyika Huru
Tichipfuurira kuchamhembe, tinoyambuka muronga weChacao ndokusvika nyika huru. Muiyi nharaunda, mapiona Ramón naIrene vanoshanda ndima huru iyo inobatanidza mapoka ari oga muMaullín, Carelmapu, uye Pargua. Zvapupu zvapachitsuwa cheChiloé zvinofamba kweawa uye ipapo zvinotora transbordador (igwa) kuti zviyambuke pakatetepa ndokupinda misangano yechiKristu muPargua. Ramón anofamba awa namaminiti 20 nebhazi achibva Maullín kundoitisa misangano iyo inowanzopindwa navanhu vazhinji nakaviri kupfuura vaparidzi. Neiko kuchitora nguva refu kwazvo kuenda chinhambwe chamakiromita 38 bedzi? Imhaka yokuti bhazi rinomira mumugwagwa mose kuti ritakure vakwiri vakaremerwa namabhegi emichero nemirivo, masaga embatatisi nehanyanisi, uye pane dzimwe nguva kunyange nguruve mhenyu nehuku. Chinhu chipi nechipi chisingagoni kuiswa pamusoro pebhazi chinopinda mukati. Muuyo wose rwendo rurefu rune kunhuhwa kwakawanda, zviono, uye manzwi.
Sezvo vashomanene zvikuru vaaya mapiona vane motokari, kupotsa bhazi rinofamba pakati pamataundi kunoguma nokufamba kurefu, kutoti mumwe munhu akakukwidza motokari. Sezvo Ramón nomudzidzi weBhaibheri vakafamba nomuchairi mumwe, iye akabvunza, kuti: “Vanhu vari kuita sei kubasa renyu?” Achicherekedza kuringa kwavo kwokuda kuziva, iye akati: “Ndini muprista mumusha uno, uye imi muri Zvapupu zvaJehovha. Ndinosanoziva basa renyu uye ndinoda magazini enyu.” Kwakava norusando rwakati rwemibvunzo nemhinduro asati avaburutsa muPargua munguva nokuda kwomusangano. Muprista wacho zvirokwazvo akapindurirwa mimwe mibvunzo sezvo akapfuurira kurava magazini edu.
Hakusi nyore nguva dzose kuti Ramón naIrene vasvike misha 20 umo vanoitisa fundo dzeBhaibheri dzapamusha. Mimwe iri mhiri kwoRwizi rwaMaullín kana kuti mumisha yokuredza iri yoga uye inofanira kusvikwa negwa duku. Kunyange zvazvo mvura zhinji ichigona kuva inoodza mwoyo, kwakanga kwakajeka kuti tsungiriro inoratidzirwa navo navamwe vaparidzi voUmambo 18 vakapararira muiyi ndima yomuruwa yakanga ichibereka chibereko apo 77 vakaungana pamwe chete nokuda kweChirangaridzo.
MuLos Muermos, vazivisi voUmambo venguva yakazara Juan naGladys vakaitisa fundo dzeBhaibheri 23. Kufamba kurefu mumigwagwa ine madhaka kunotuswa apo mbeu yoUmambo inomera mumwoyo yavanhu vanodzidzisika. Munharaunda imwe iri yoga murwenze rwomumhenderekedzo yegungwa pedyo neEstaquilla, Juan naGladys vakashanda nharaunda yakanga isina kushanyirwa kare. Ivo vakakumbira mudzidzi weBhaibheri kana aizovabwerekesa bhiza rake kwezuva. “Chokwadika,” iye akapindura kudaro. “Ndingaenda nemi here?” Juan akakurumidza kuziva kuti ikoku kunofanira kuva kwaiva nenhungamiro yaJehovha. Kungadai kwakava kuri nyore kurasika mumasango makuru, asi munhu anofarira aiziva nharaunda yacho zvakanaka uye akavatungamirira kumisha isingaoneki iri munzira dzomugomo. Aneta chose pashure pamaawa mapfumbamwe okufamba nokutasva bhiza, mumwe wamapiona chaiwo akabvunza mudzidzi weBhaibheri kuti ainzwa sei. Murume wacho akapindura, kuti: “Chinhu bedzi ndinokumbira ndechokuti unditore nguva inotevera.” Uyu munhu anoonga akapfuurira kuita fambiro mberi yomudzimu uye akabhapatidzwa muna January 1988. Mudzimai wake akakurumidza kubhapatidzwa pagungano redunhu rakatevera.
Mukati meshanyo yakaitwa nomutariri wedunhu, vaparidzi 11 muEstaquilla vakafadzwa nokuva navane 110 vanopinda hurukuro yavose. Mutaundi duku ravane 1 000 riri pedyo zvikuru neLos Muermos, 66 vakasangana nokuda kweChirangaridzo. Naizvozvo kune zvakawanda zvokuita muuyu munda mukuru.—Mateo 9:37, 38.
Kure kuchamhembe, tinowana mapiona Alan naFernando. Sezvo vakafamba mumugwagwa une guruva rimwe zuva, muchairi akavakwidza shure kwerori yake. Pashure pokusimuka, vaifanira kuseka nemhaka yokuti guruva gobvu rakavafukidza kuvambira kumusoro kusvikira kuchigunwe. Kufadzwa nomufaro wokuitisa fundo dzeBhaiberi dzapamusha 20 zvinobetsera kukurira zvisakafanira zvakadaro. Uye fungidzira mufaro wavo apo vane 65 vakapinda Chirangaridzo uye vanhu vaviri vokutanga vomunzvimbomo vakavakumbanira mubasa rokuparidzira mwedzi wakatevera wacho!
Kuyambuka Bío-Bío
Kusvika vakafanana namakwai vari pedyo zvikuru neAndes Mountains, kuri madikanwa kuyambuka mumanimani une mvura dzinorira dzoRwizi rwaBío-Bío mamita 50 pasi. Ikoku kunoitwa padanda risina kusimba rakaturikwa patambo inoyambuka mumanimani. Nepanikiro, unokwira ndokufambisa mhikuriso iyo inosunungura chikuva kuti chidzike patambo. Unorembera pamipingo yechikuva sezvaunofamba nokukurumidza uchibuda pakati pomumanimani, apo unovheya kundomira. Pashure pokufemuruka, unodzorera nokuendesa mberi imwe mhikuriso, zvishoma nezvishoma uchiyambuka imwe hafu. Chaizvoizvo kwete nokuda kwavanotya! Bva, imwe hanzvadzi inoita ikoku vhiki riri rose kuti isvike munhu akafanana negwai ari mumusha womugomo uri kure!
Muenzaniso wakaisvonaka unogadzwa namapiona navamwe vaparidzi voUmambo unokurudzira vanofarira avo vane mwoyo inoonga kuti vaite nhamburiko inowirirana kuti vapinde misangano yechiKristu. (VaHebheru 10:24, 25) Mhuri imwe inofamba makiromita 40 yakatasva bhiza kuenda kuRwizi rwaBío-Bío uye ipapo inofamba mamwe makiromita 12 kuenda kuHoro yoUmambo.
Chii chinoyeuka mapiona apo anotarira shure mumakore apfuura? Makomo anoputika akafukidzwa nesinou, minda yakaisvonaka, uye nzizi dzinokurumidza kuyerera here? Guruva, mvura, madhaka, uye kufamba kurefu here? Hungu, asi anoyeuka zvikurukuru vanhu vane ushamwari vanogamuchira zvakanaka mashoko akanaka. Ava vakafanana namakwai zvirokwazvo vanoita kuti nhamburiko yose ive yakafanira. Mufaro wakadini kudyara mbeu yoUmambo muChile yokumaodzanyemba!