Mwari Anoteerera Apo Unonyengetera Here?
MUTARISIRI mukuru anosarudza kana acharonzesa nhau kana kuti achaitarisira somunhu oga. Nenzira yakafanana, Changamire Mutongi wechisiko chapose pose ane chisarudzo chokuziva tambanuko yokubatanidzwa kwake kwomunhu oga munhau ipi neipi. Magwaro anodzidzisa kuti Mwari akasarudza kuzvibatanidza amene somunhu oga muminyengetero yedu uye naizvozvo anotiraira kutaura iyoyi kwaari.—Pisarema 66:19; 69:13.
Chisarudzo chaMwari muiyi nhau chinozivisa fariro yake yomunhu oga muminyengetero yavabatiri vake vohunhu. Panzvimbo pokuodza mwoyo vanhu vake kumusvika nomufungo uri wose nefunganyo, iye anovapangira, kuti: “Nyengeterai nguva dzose,” “pfuurirai mumunyengetero,” “kandira mutoro wako pana Jehovha amene,” “kandirai funganyo yenyu yose pana [Mwari].”—1 VaTesaronika 5:17; VaRoma 12:12; Pisarema 55:22; 1 Petro 5:7, NW.
Kudai Mwari asingadi kupa ngwariro kuminyengetero yavabatiri vake, angadai asina kutongoronga kusvika kwakadaro kwaari ndokukurudzira kushandiswa kwakasununguka kwako. Ikoku, ipapoka, kusarudza kwaMwari kuzviita amene anosvikika kwazvo kuvanhu vake, chikonzero chimwe chechivimbo chokuti anoteerera chaizvoizvo. Hungu, iye anorangarira mumwe nomumwe weminyengetero yavabatiri vake.
Risingafaniri kufuratirwa iidi rokuti Bhaibheri rinotaura zvakajeka kuti Mwari anoteerera munyengetero. Muapostora Johane, somuenzaniso, anonyora, kuti: “Ndiko kusatya, kwatinako kwaari, kuti kana tichikumbira chinhu nokuda kwake, unotinzwa.” (1 Johane 5:14) Mambo Dhavhidhi akanongedzera kuna Jehovha Mwari so“Munzwi womunyengetero” ndokutaura nechivimbo, kuti: “Iye anonzwa inzwi rangu.”—Pisarema 55:17; 65:2, NW.
Naizvozvo nepo chiito chokunyengetera pasina panikiro chine betsero machiri chimene, Magwaro anoratidza kuti zvakawanda zvikuru zvinobatanidzwa apo munhu akarurama anonyengetera. Mumwe munhu ari kuteerera. Muteereri iyeyo ndiMwari.—Jakobho 5:16-18.
Minyengetero Yakanzwiwa
Bhaibheri rakazara nenhauro dzavanhu vane minyengetero iyo, kutaura idi, yakanzwiwa ndokupindurwa naMwari. Zvinoitika zvavo zvinosimbisa nenzira yakajeka kuti betsero dzomunyengetero dzinopfuura muuyo wakanaka wokusarudza nokutaura mifungo yako. Zvinopfuura nhamburiko dzomumwe munhu dzomunhu oga mutsinhirano neminyengetero yake.
Somuenzaniso, paakanangana nebangano raAbsaromi rokubvuta umambo hwaIsraeri, Mambo Dhavhidhi akanyengetera, kuti: “Haiwa Jehovha, shandurai henyu mashoko aAhitoferi [mupi wezano waAbsaromi] ave mashoko oupenzi.” Chakanga chisati chiri chikumbiro chiduku, sezvo “mano aAhitoferi . . . akanga akaita samashoko akabvunzwa kuna Mwari; ndizvo zvakanga zvakaita mano aAhitoferi.” Pashure pacho Absaromi akaramba zano rakakarakadzwa raAhitoferi rokukurira Mambo Dhavhidhi. Neiko? “Nokuti Jehovha akanga atema kuti zano rakanaka raAhitoferi rikoneswe, kuti Jehovha apinze Absaromi panjodzi.” Nenzira yakajeka, munyengetero waDhavhidhi wakanzwiwa.—2 Samueri 15:31; 16:23; 17:14.
Nenzira yakafanana, pashure pokunge Hezekia akumbira Mwari kuti anunurwe muchirwere chake chinouraya, iye akanaya. Ikoku kwakanga kungoriwo zvako nemhaka yebetsero dzepfungwa kuna Hezekia somuuyo wokuva akanyengetera here? Aiwa, zvamazvirokwazvo! Shoko raJehovha kuna Hezekia, serakapiwa nomuporofita Isaya, rakanga riri rokuti: “Ndanzwa kunyengetera kwako, ndaona misodzi yako; zvino tarira, ndichakuporesa.”—2 Madzimambo 20:1-6.
Dhanieri, ane munyengetero wakapindurwa pashure kupfuura zvaangave akakarira, akavimbiswa nengirozi yaJehovha, kuti: “Mashoko ako anzwika.” Minyengetero yavamwe, yakadai seiyo yaHana, vadzidzi vaJesu, uye mukuru mukuru wehondo Kornerio, yakapindurwa munzira dzisingagoni kunzi dzakaparirwa namano omunhu oga. Bhaibheri, ipapoka, rinodzidzisa nenzira yakajeka kuti minyengetero inotsinhirana nokuda kwoumwari inogamuchirwa, inonzwiwa, uye inopindurwa naMwari.—Dhanieri 10:2-14; 1 Samueri 1:1-20; Mabasa 4:24-31; 10:1-7.
Asi Mwari anopindura sei minyengetero yavabatiri vake vakatendeka nhasi?
Mhinduro Kuminyengetero
Minyengetero yadudzwa pamusoro apa yakapindurwa nenzira dzinoshamisa, dzenenji. Tapota rangarira, kunyanguvezvo, kuti kunyange munguva dzeBhaibheri, mhinduro dzakawanda zvikurusa kuminyengetero dzakanga dzisinganzwisiswi nenzira iri nyore kwazvo. Ikoku imhaka yokuti dzaiva nechokuita nokupa simba retsika uye jekeso, zvichigonesa vabatiri vaMwari kubatisisa kunzira yakarurama. Zvikurukuru nokuda kwamaKristu, mhinduro kuminyengetero dzaibatanidza nhau dzakanga dziri zvikurukuru dzomudzimu, kwete mabasa anoshamisa kana kuti esimba.—VaKorose 1:9.
Nokudaro, usaodzwa mwoyo kana minyengetero yako isati ichipindurwa nguva dzose munzira yaunokarira kana kuti kuda hako. Somuenzaniso, panzvimbo pokubvisa muedzo, Mwari angasarudza kukupa “simba rinopfuura renguva dzose” kuti uutsungirire. (2 VaKorinte 4:7, NW; 2 Timotio 4:17) Hatitongofaniri kuderedza ukoshi hwesimba rakadaro, uyewo hatifaniri kugumisa kuti Jehovha haana kutongopindura chaizvoizvo munyengetero wedu.
Rangarira chinoitika chaasati ari mumwe kunze kwoMwanakomana waMwari, Jesu Kristu. Muitiro hanya yake yokusafa somumhuri waMwari ari pachena, Jesu akanyengetera, kuti: “Baba, kana muchida, bvisai mukombe uyu pandiri.” Uyu munyengetero wakanzwiwa zvakanaka naMwari here? Hungu, sezvinosimbiswa pana VaHebheru 5:7. Jehovha haana kubvisira Mwanakomana wake kudikanwa kwokufa padanda rokutambudzira. Panzvimbo pezvo, “ngirozi yakabva kudenga yakaoneka kwaari ndokumusimbisa.”—Ruka 22:42, 43, NW.
Imhinduro inoshamisa, yenenji here? Kune upi noupi wedu, yaizova yakadaro! Asi kuna Jehovha Mwari, manyuko esimba rakadaro, iri rakanga risati riri nenji. Uye Jesu, kubvira paupenyu hwake hwapakuvamba mudenga, akanga akarovedzana nezvinoitika zvomunguva yakapfuura apo ngirozi dzaioneka kuvanhu. Naizvozvo kuoneka kwengirozi kwaisazova nesimba rinoshamisa paari rakwaizova naro patiri. Kunyanguvezvo, iyi ngirozi, iyo Jesu sezviri pachena aiziva somunhu oga kubvira pakuvapo Kwake asati ava munhu, yakabetsera kuMusimbisa nokuda kwomuedzo waiva pamberi chaipo.
Mukupindura minyengetero yavabatiri vake vakatendeka nhasi, Jehovha kazhinji kazhinji anopa simba rinodikanwa rokutsungirira. Iyi tsigiro ingava nechimiro chekurudziro inobva kuvanamati biyedu vatinosonganirana navo somunhu oga. Upi noupi wedu aizoda kuramba kurudziro iyoyo here, zvichida achigumisa kuti sezvo vabatiri biyedu vasina kutambura miedzo yakafanana neyedu, havakwanisi kutisimbisa? Jesu aigona kuva akava nomurangariro wakadaro chaizvo kungirozi yakaoneka kwaari. Panzvimbo pezvo, iye akagamuchira kurudziro yacho semhinduro yaJehovha kumunyengetero wake ndizvo akakwanisa kuita nenzira yokutendeka kuda kwaBaba vake. Isuwo tichada kugamuchira nenyasha simba iro Mwari anopa mumhinduro kuminyengetero yedu. Yeukawo, kuti nhambo dzakadaro dzetsungiriro yokushivirira dzinowanzoteverwa nezvikomborero zvisingatauriki.—Muparidzi 11:6; Jakobho 5:11.
Iva Nechivimbo Chokuti Mwari Anoteerera
Usatongorasikirwa nechivimbo mukushanda kwomunyengetero kana usingapindurwi pakarepo. Mhinduro kumimwe minyengetero, yakadai seiyo yebetsero yomunhu oga munhamo kana kuti yomutoro wakawedzerwa mubasa rako kuna Mwari, ingafanira kumirira nguva iyo Mwari anoziva kuti yakarurama uye yakanakisisa. (Ruka 18:7, 8; 1 Petro 5:6) Kana uri kunyengetera pamusoro penhau yeitiro hanya huru yomunhu oga, ratidza Mwari kupfurikidza nokupfuurira kwako kuti chishuvo chako chikuru, vavariro yako yakachena uye ndeyepachokwadi. Jakobho akaratidzira uyu mudzimu apo, pashure pokuita mutsimba kwenguva refu nengirozi, iye akati: “Handisati ndichizokuregai muchienda kutozosvikira matanga kundikomborera.” (Genesi 32:24-32, NW) Tinofanira kuva nechivimbo chakafanana chokuti kana tikaramba tichikumbira, tichagamuchira chikomborero munguva yakafanira.—Ruka 11:9.
Mufungo mumwe wokupedzisira. Kuti titeererwe naChangamire wechisiko chapose pose iropafadzo inokosha. Nemhaka yaikoku, tinosanoteerera here apo Jehovha Mwari, kupfurikidza neShoko rake, anotaura kwatiri nezvezvinodikanwa zvake? Sezvo minyengetero yedu ichitiswededza pedyo zvikuru noMusiki wedu, tichada kupa rangariro yakakomba kuchinhu chiri chose chaanotaura kwatiri.
[Mufananidzo uri papeji 6]
Mwari anoteerera minyengetero. Tinomuteerera kupfurikidza neShoko rake here?