Pwere—Munoteerera Dzidziso Yaani?
“Vamwe vachatsauka pakutenda, vachiteerera . . . dzidziso dze[madhemoni, NW].”—1 TIMOITO 4:1.
1. (a) Pwere dzine chisarudzoi? (b) Jehovha anodzidzisa sei?
MUBVUNZO pano unobvunzwa pwere ndouyu, Idzidziso yaani yamunoteerera? Ikoku kunokarakadza kuti imi vaduku mune chisarudzo. Chisarudzo chiri pakati pokugamuchira dzidziso youmwari nokutevera dzidziso dzemadhemoni. Jehovha anodzidzisa kupfurikidza neShoko rake, Bhaibheri, pamwe chete nokupfurikidza noushumiri hwaavo anoshandisa savamiriri vake pasi pano. (Isaya 54:13; Mabasa 8:26-39; Mateo 24:45-47) Asi unoshamiswa here kuti madhemoni anodzidzisawo?
2. Neiko kuchikosha kungwarira dzidziso dzemadhemoni zvikurukuru panguva ino?
2 Muapostora Pauro akanyora kuti: “Panguva dzinouya vamwe vachatsauka pakutenda, vachiteerera mweya inonyengera nedzidziso dze[madhemoni, NW].” (1 Timotio 4:1) Sezvo tiri kurarama mu“mazuva okupedzisira” apo Satani nemadhemoni ake vari kushingaira zvikuru, unoona here chikonzero nei tichibvunza mubvunzo wokuti, Idzidziso yaani yaunoteerera? (2 Timotio 3:1-5; Zvakazarurwa 12:7-12) Nemhaka yokuti Satani nemadhemoni ake vana manomano kwazvo, vanonyengera kwazvo mumitoo yavo yokushanda, kunokosha kuti iwe usanorangarire uyu mubvunzo.—2 VaKorinte 11:14, 15.
Madhemoni Nedzidziso Dzawo
3. Madhemoni ndivanaani, chii chiri donzo rawo, uye anotsvaka sei kuriita?
3 Madhemoni pane imwe nguva aiva ngirozi dzaJehovha, asi dzakapandukira Musiki wadzo uye nokudaro dzakava vatsigiri vaSatani. (Mateo 12:24) Donzo rawo nderokushatisa vanhu ndokuvabvisa pakubatira Mwari. Kuti aite ikoku, madhemoni anoshandisa vadzidzisi vohunhu kusimudzira mararamire oudyire, outere anoshurikidzwa naJehovha. (Enzanisa na 2 Petro 2:1, 12-15.) Hwirudzuro yokuti dzaichimbova ngirozi dzakatendeka dzakava sei madhemoni ichakubetserai kuziva dzidziso dzawo namararamire ayo idzi dzidziso dzinosimudzira.
4. (a) Neiko ngirozi dzisingateereri dzakauya kupasi muzuva raNoa? (b) Chii chakaitika kungirozi dzakaipa navana vadzo mukati maMafashamo?
4 Mumazuva aNoa, ngirozi dzakati dzakava dzinokwezverwa kwazvo kuvanasikana vakaisvonaka vavanhu zvokuti izvi zvisikwa zvomudzimu zvakasiya nzvimbo yazvo iri mudenga kuti zviuye kupasi. Kuvatana kwazvo navakadzi kwakaguma nehofori navana vomubatanidzwa vavaNefirimi. Sezvo kusiri kwomuzvarirwo kuti zvisikwa zvomudzimu zvigare pamwe chete navanhu, icho ngirozi dzisingateereri dzakaita navakadzi ivavo chakanga chakaipa chaizvo sezvakanga zvakaita zviito zvevatano zvavanhu vane mitezo mimweyo yokubereka nayo vanovatana zvakaitwa gare gare navarume navakomana veSodhoma. (Genesi 6:1-4; 19:4-11; Judhasi 6, 7) Kunyange zvazvo vakwanyina vengirozi vakaparara mumafashamo emvura pamwe chete navana vavo vomubatanidzwa, ngirozi dzakaipa dzakapfekenura miviri yadzo yakapfekwa yenyama ndokudzokera kudenga uko dzakava vakumbaniri voudhemoni vaSatani Dhiabhorosi.—2 Petro 2:4.
5. Madhemoni zvisikwa zvorudzii, uye anoedza sei kushatisa mitemo yaMwari?
5 Nemhaka youyu mugariro wekare wenhau, unonzwisisa here kuti madhemoni rudzii chaizvoizvo rwezvisikwa? Iwo vashandisi zvisina kufanira vevatano avo vari vashandisi vasingaoneki venyika ino yapenga nevatano. Kunyange zvazvo vakadziviswa kupfekazve miviri savanhu, vanowana mufaro mukushatisa vatano kwaavo vanogona kushatisa pasi pano. (VaEfeso 6:11, 12) Madhemoni anoedza kushatisa mitemo yaJehovha pamusoro porucheno netsika kupfurikidza nokuiita kuti iratidzike seinodzivirira zvisiri madikanwa. Idzi ngirozi dzakaipa dzinotsigira utere hwevatano samararamire omuzvarirwo, anofadza.
Kusimudzira Dzidziso Dzemadhemoni
6. Neiko tisingafaniri kushamiswa kuti madhemoni anosimudzira dzidziso dzawo nenzira yamanomano?
6 Kuti madhemoni aizosimudzira dzidziso dzawo nenzira yamanomano hakufaniri kutishamisa, sezvo uyu uri mutoo uyo mutungamiriri wawo, Satani Dhiabhorosi, akashandisa mukunyengera Evha. Yeuka kuti akataura kwaari sokunge aida kuva webetsero. “Nhai, ndizvo here kuti Mwari wakati: Regai kudya miti yose yomunda?” akabvunza kudaro Satani. Ipapo akaedza nenzira yamanomano kusekesa dzidziso yaMwari nokuudza Evha kuti aizobetserwa nokudya pamuti wakarambidzwa. “Nomusi wamunozvidya nawo,” Dhiabhorosi akavimbisa kudaro, “meso enyu achasvinudzwa, mukava saMwari, muchiziva zvakanaka nezvakaipa.” (Genesi 3:1-5) Nokudaro Evha akanyengerwa, hungu akanyengedzwa, kupinda mukusateerera Mwari.—2 VaKorinte 11:3; 1 Timotio 2:13, 14.
7. Chii chave chiri muuyo wedzidziso dzamanomano dzemadhemoni, uye inyeveroi iyo iyoyi inogovera?
7 Munguva dzichangobva kupfuurawo vakawanda vakanyengedzwa. Madhemoni akasimudzira nenzira yamanomano utere hwevatano zvokuti hwazova hunogamuchirwa navakawanda vaichimbohushurikidza. Somuenzaniso, apo mumwe munyori wechikamu chepepanhau chinopa zano anosanozivikanwa muUnited States akapindura tsamba pamusoro penhau yokuvatana kwavanhu vasina kuroorana, iye akanyora, kuti: “Handina kutongofunga kuti ndaizozvichinja ndimene panhau iyi, asi zvino ndinodavira kuti vakwanyina vanorangarira zvakakomba pamusoro peroorano vanofanira kuita nzendo shomanene pakupera kwevhiki pamwe chete kuti vaedze wirirano yavo.” Ipapo akawedzera, kuti: “Handigoni kudavira kuti ndakanyora izvozvo!” Kunyange iye aisagona kudavira kuti akanga arumbidza ufeve, asi akanga adaro! Nenzira yakajeka, tinofanira kungwarira kuti dzidziso dzemadhemoni hadzitapuri murangariro wedu wemiitiro iyo Mwari anoshurikidza.—VaRoma 1:26, 27; VaEfeso 5:5, 10-12.
8. (a) Shoko rokuti “nyika” rinoshandiswa sei muBhaibheri? (b) Ndiani anotonga nyika, uye vateveri vaJesu vanofanira kurangarira sei nyika?
8 Hatifaniri kutongokanganwa kuti Satani ndiye “muchinda wenyika ino.” Kutaura idi, muapostora Johane akataura kuti “nyika yose igere muna iye wakaipa.” (Johane 12:31; 1 Johane 5:19) Chokwadi, Jesu pane dzimwe nguva akashandisa shoko rokuti “nyika” kunongedzera kurudzi rwose rwomunhu. (Mateo 26:13; Johane 3:16; 12:46) Kazhinji kazhinji zvikuru, zvisinei, akashandisa shoko rokuti “nyika” kunongedzera kuchaunga chose chavanhu chakarongwa chiripo kunze kweungano yechokwadi yechiKristu. Somuenzaniso, Jesu akataura kuti vateveri vake vanofanira ku“sava rutivi rwenyika” (chaunga chavanhu chisina kururama) uye kuti nemhaka yokuti vaisava rutivi rwenyika, nyika yaizovavenga. (Johane 15:19, NW; Joh. 17:14-16) Bhaibheri rakanyeverazve kuti tinofanira kudzivisa kuva shamwari dzenyika ino inotongwa naSatani.—Jakobho 4:4.
9, 10. (a) Zvinhui zvenyika zvinonyandura chishuvo chevatano chisina kufanira? (b) Kunobvira sei kuziva ari kutsigira icho varaidzo yenyika inodzidzisa?
9 Muapostora Johane akakurudzira, kuti: “Musada nyika kunyange nezvinhu zviri munyika.” Iye akatiwo: “Zvose zviri munyika, zvinoti, kuchiva kwenyama, nokuchiva kwameso, nokuzvikudza kwoupenyu, hazvibvi kuna Baba, asi panyika.” (1 Johane 2:15, 16) Funga pamusoro paikoku. Chii chirimo munyika nhasi chinonyandura chishuvo chakaipa, ngatiti chevatano isiri yapamutemo? (1 VaTesaronika 4:3-5) Zvakadiniko nedzakawanda dzenziyo dzenyika? Mumwe mupurisa weCalifornia anonzvera nokutarisira vasungwa vari kuedzwa akati: “Zvikurukuru, nziyo dzinodzidzisa kuti haufaniri kuteerera vabereki vako, uye kuti unofanira kurarama upenyu nenzira yaunoda.” Unoziva here manyuko edzidziso inogoverwa nenziyo dzakadaro?
10 Yeuka kuti Satani, chaizvoizvo, akaudza Evha, kuti: ‘Muri kurasikirwa. Raramai upenyu nenzira yamunoda. Itai chisarudzo chenyu mumene pamusoro pechiri chakanaka nechiri chakaipa. Hamufaniri kuteerera Mwari.’ (Genesi 3:1-5) Irworwo harusati rwuri rudzi rumwe cheterwo here rweshoko runowanwa munziyo dzakawanda dzenyika? Asi madhemoni haadzidzisi bedzi nenziyo. Anoshandisawo purogiramu dzokutengeserana dzeterevhizheni, mabhaisikopo, uye mavhidhiyo kudzidzisa. Seiko? Eya, mitoo yekurukurirano yenyika inopa varaidzo iyo inoita kuti dzidziso dzetsika dzaMwari dziratidzike sedzinodzvinyirira. Inoreverera ufeve kupfurikidza nokuhusimbisa nokuhupa sohunoshuviwa.
11. Kutaura nezvetsika, terevhizheni inowanzodzidzisei?
11 Magazini yeU.S.News & World Report yakati: “Muna 1991, zviteshi zvitatu [United States] zvakaratidzira zvinoitika zvevatano zvinopfuura 10 000 mukati menguva yamanheru; nokuda kwechinoitika chimwe nechimwe chinoratidzira vatano pakati pavakaroorana, zviteshi zvacho zvakaratidza zvinoitika 14 zvevatano iri kunze kweroorano.” Kupfurikidza nokuratidza zvinoitika zvinopfuura 9 000 zvevatano isiri yapamutemo mukati menguva yamanheru mugore rimwe, chii chaungataura kuti terevhizheni iri kudzidzisa? Barry S. Sapolsky, akanyorawo mushumo unoti “Vatano Muterevhizheni Yenguva Yamanheru: 1979 Anorwisana na 1989,” anoti: “Kana muyaruki akatarira TV kwamakore umo vanhu vanopinda mumufambiro wenyengano kana kuti wevatano yakajeka, izvi zviuru zvemifanikiso mumakore akawanda zvichavadzidzisa kuti vatano inofadza—uye pasina miuyo ipi neipi.” Hapana panikiro pamusoro paikoku: Varaidzo yenyika inodzidzisa vanhu vaduku kuti hapana mitemo, kuti ufeve hunogamuchirika, uye kuti hapana miuyo yakashata yokurarama munzira iyo Mwari anoshurikidza.—1 VaKorinte 6:18; VaEfeso 5:3-5.
12. Neiko varaidzo yenyika ichipa tyisidziro zvikurukuru kupwere dzechiKristu?
12 Nziyo dzenyika, mabhaisikopo, mavhidhiyo, uye terevhizheni zvakarongedzerwa kufadza vanhu vaduku. Zvinoparadzira dzidziso dzakashata dzemadhemoni! Asi ikoku kunofanira kuva kunoshamisa here? Funga nezvako. Kana rudzidziso rwenhema nezvamatongerwe enyika zviri rutivi rwenyika yaSatani—uye zvakadaro nenzira yakajeka—kunova nomufungo here kudavira kuti varaidzo inosimudzirwa nenyika haina pesvedzero yemadhemoni? Imi vanhu vaduku zvikurukuru munofanira kungwarira kusa“rega nyika ichikumanikidzirai muforoma yayo imene.”—VaRoma 12:2, The New Testament in Modern English, rakanyorwa naJ. B. Phillips.
Zvinzvere Umene
13. Kuzvinzverai kunofanira kuitwa?
13 Nhau yokuti idzidziso dzaani dzaunoteerera inosarudzwa kwete bedzi nokutaura kwako asiwo nezviito zvako. (VaRoma 6:16) Naizvozvo zvibvunze umene, ‘Chimiro changu chendangariro nemararamire angu zviri kutapurwa nenzira isina kukodzera nezvandinodzidza kupfurikidza nemitoo yeparadziro yenyika here? Dzidziso dzemadhemoni dzingagona kuva dziri kupinda muupenyu hwangu here?’ Kukubetsera kupindura mibvunzo yakadaro, huregererei kuenzanisa chitsama chenguva nenhamburiko zvaunopedza uchifunda Bhaibheri, uchipinda misangano yechiKristu, uye kutaura kuna vamwe pamusoro poUmambo hwaMwari neicho chinopedzerwa mukutarira TV, kuteerera nziyo, kutora rutivi mumutambo waunoda zvikuru, kana kuti kupinda mumibato yakafanana? Sezvo zvakawanda kwazvo—zvamazvirokwazvo, upenyu hwako humene—huri mungozi, zvinzvere umene nokutendeseka.—2 VaKorinte 13:5.
14. Chii chichatapura utano hwedu hwomudzimu, uye ipfungwai yakakomba yatinofanira kurangarira?
14 Unosanoziva kuti zvokudya zvokunyama zvaunodya zvichatapura utano hwako hwomuviri. Nenzira yakafanana, utano hwako hwomudzimu hunotapurwa nezvaunodyisa ndangariro nomwoyo wako. (1 Petro 2:1, 2) Nepo ungazvinyengera umene pamusoro pezviri fariro dzako chaidzoidzo, haugoni kunyengera Mutongi wedu, Jesu Kristu. (Johane 5:30) Naizvozvo zvibvunze umene kuti, ‘Kudai Jesu aiva pasi pano, ndaizonyara here kana akapinda mukamuri rangu ndokunzwa nziyo dzangu kana kuti kuona zvandiri kutarira?’ Idi rakakomba nderokuti Jesu ari kutarira uye anoziva zviito zvedu.—Zvakazarurwa 3:15.
Dzivisa Dzidziso Dzemadhemoni
15. Neiko vaKristu vachifanira kurwa zvakaoma kuti udzivise dzidziso dzemadhemoni?
15 Dzvinyiriro iyo madhemoni anoshandisa pavanhu vaduku yokuteerera dzidziso dzawo ihuru. Iyi midzimu yakaipa inoratidzika kuva inopa upenyu hwokuzvigutsa pakarepo—hwokunakidzwa nohwomufaro. Kuti afadze Mwari, Mosesi wekare akaramba “kufarira zvivi nguva duku” somutezo wakatanhamara weimba yaFarao. (VaHebheru 11:24-27) Hakusi nyore kuramba zvinopiwa nemadhemoni, naizvozvo munofanira kurwisa zvakaoma kuti muite chakarurama. Ikoku ndokwechokwadi zvikuru nemhaka yokuti takagara nhaka chivi uye mwoyo yedu kazhinji kazhinji inoshuva kuita chiri chakaipa. (Genesi 8:21; VaRoma 5:12) Nemhaka yezvimiro zvendangariro zvokutadza, kunyange muapostora Pauro aitofanira kuzviomesera amene ndokusabvumira zvishuvo zvake zvenyama kumudzora.—1 VaKorinte 9:27; VaRoma 7:21-23.
16. Pwere dzinogona sei kudzivisa dzvinyiriro dzokupinda mumufambiro woutere?
16 Kunyange zvazvo ungaedzwa ku“tevera vazhinji pakuita zvakaipa,” Mwari anogona kukubetsera kudzivisa dzvinyiriro inobva kuvaenzani vako yokuronda nzira yavo isina kururama. (Eksodho 23:2; 1 VaKorinte 10:13) Asi unofanira kuteerera nhungamiro dzaJehovha, uchikoshesa kutaura kwake mumwoyo mako. (Pisarema 119:9, 11) Unofanira kuziva kuti apo vanhu vaduku vanozviparadzanisa vamene, chishuvo chevatano chinogona kukura ndokutungamirira kukuputsa mutemo waMwari. “Apo ndinenge ndiri ndoga nomukomana wangu, muviri wangu unoda kuita chinhu chimwe uye uropi hwangu hunondiudza kuita chimwe,” yakabvuma kudaro imwe pwere. Naizvozvo ziva miganhu yako uye ziva kuti mwoyo wako unonyengera. (Jeremia 17:9) Usazviparadzanisa umene. (Zvirevo 18:1) Isa miganhu pamashoko orudo. Uye choukoshi ukuru, ramba uchisanosonganirana bedzi naavo vanoda Jehovha uye vanoremekedza zvikuru mitemo yake.—Pisarema 119:63; Zvirevo 13:20; 1 VaKorinte 15:33.
17. Chii chinogona kubetsera pwere dzechiKristu kuwana simba rokudzivisa dzidziso dzemadhemoni?
17 Kusanofundwa kwezvinyorwa zvechiKristu zvakagadzirirwa kusimbiswa kwako kwomudzimu kuchakubetsera. Somuenzaniso, rangarira bhuku rinonzi Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda uye ganhuro inoti “Kurwa Kwokuita Chiri Chakarurama” mubhuku raIwe Unogona Kurarama Nokusingaperi muParadhiso Pasi pano. Rega murairidzo wapaMagwaro unogoverwa unyure mundangariro nomwoyo zvako, uye uchakusimbisa. Idi rausingafaniri kutongokanganwa nderokuti munyika ino inodzorwa nemadhemoni kuita chiri chakarurama hakusi nyore. Naizvozvo irwa zvakasimba. (Ruka 13:24) Vaka simba rako romudzimu. Usatevedzera vakaneta, vanotya vanotevera boka.
Betserwa Nedzidziso Youmwari
18. Chii chiri betsero dzokuteerera dzidziso youmwari?
18 Yeukawo kuti hausati uchizotongorasikirwa nechinhu chipi nechipi chakafanira kupfurikidza nokuteerera dzidziso yaJehovha. Zvirokwazvo anokuda, uye ndicho chikonzero nei ari ku“kudzidzisa zvinokubatsira.” (Isaya 48:17) Naizvozvo teerera dzidziso yaJehovha, ndokudzivisa kutambura kwehana yakaparadzwa, kurasikirwa nokuzviremekedza umene, pamuviri pasingadikanwi, hosha dzinopfuudzwa muvatano, kana kuti nhamo dzakafanana. Jehovha anofara apo vabatiri vake vanomupa mhinduro kudenho yaSatani yokuti vanhu havasati vachizoramba vakatendeka kuna Mwari mumuedzo. (Jobho 1:6-12) Kana ukaita kuti mwoyo waJehovha ufare kupfurikidza nokuva akatendeka kwaari, uchapukunyuka apo anoita rutongeso rwakaipa panyika ino, nepo vose vanozvidza mitemo yake vachaparara.—Zvirevo 27:11; 1 VaKorinte 6:9, 10; 1 Johane 2:17.
19. Chii chiri ukoshi hwokusonganirana naavo vanoonga betsero dzedzidziso dzaJehovha?
19 Kana uchisanosonganirana naavo vanoonga izvo Jehovha akavaitira, unogona kudzidza muruzivo rwavo rwokuzviwanira. Mumwe munhu aichimbova akapindwa muropa nemirimo uye akanga aita utere akatsanangura, kuti: “Kudai ndakanga ndisina kuteerera Jehovha, ndingadai ndakafa. Munhu wandaifanira kuroora akafa neAIDS. Dzaichimbova shamwari dzangu dzose dzapedyo dzenyika dzakafa neAIDS kana kuti dzodokufa. Ndinowanzodziona mumigwagwa, uye ndinoonga Jehovha zuva riri rose nokuda kwemitemo yake inodzora vanhu vake uye ichatichengeta tiri vatsvene kana tikaishandisa bedzi. Handina kutongova anofara, akagutswa, uye akachengeteka muupenyu hwangu sazvino.” Zvirokwazvo, kuteerera dzidziso yaJehovha kunotibetsera nguva dzose!
Ita Chisarudzo Chakarurama
20, 21. (a) Pwere dzine zvisarudzoi zviviri? (b) Ibetseroi inogarisa ichabva mukuteerera dzidziso youmwari?
20 Tinokukurudzirai imi vaduku: Itai chisarudzo chakarurama kupfurikidza nokubatira Jehovha. Ipapo ivai vakasimba mukunamatira kuchisarudzo ichocho. (Joshua 24:15) Zvomenemene, munogona kuita bedzi chimwe chezvisarudzo zviviri. Jesu akataura kuti pane nzira yakafara neyakapamhama—iyo iri nyore yokuita chinofadza munhu amene. Nzira iyoyo inoenda kumugumo, kuruparadziko. Imwe nzira yakamanikana. Inzira yakaoma kufamba munyika ino youtere, inodzorwa nemadhemoni. Asi nzira iyeyo pakupedzisira ichapinza avo vanofamba mairi munyika itsva inoshamisa yaMwari. (Mateo 7:13, 14) Uchatora nzira ipi? Idzidziso yaani yauchateerera?
21 Jehovha anosiyira chisarudzo chacho kwauri. Iye haaedzi kukumanikidza kuti umubatire. “Ndaisa pamberi pako upenyu norufu,” akadaro muporofita waMwari Mosesi, achikurudzira, kuti: “Tsaura upenyu.” Ichi chisarudzo chinoitwa noku“[da] Jehovha Mwari wako, nokuteerera inzwi rake, nokumunamatira.” (Dheutoronomio 29:2; 30:19, 20) Sarudza nokuchenjera kuti uteerere dzidziso youmwari ndokufarikanya upenyu husina mugumo munyika itsva yaMwari ine mbiri.
Waizopindura Sei?
◻ Madhemoni ndivanaani, uye anodzidzisei?
◻ Madhemoni anosimudzira sei dzidziso dzawo nhasi?
◻ Kunobvira sei kudzivisa dzidziso dzemadhemoni?
◻ Chii chiri betsero dzokuteerera dzidziso yaJehovha?
[Mufananidzo uri papeji 16]
Pamberi paMafashamo, ngirozi dzingateereri navana vadzo dzakasimudzira masimba masimba nemitambo yakaipa
[Mufananidzo uri papeji 18]
Waizonyadziswa here kudai Jesu akanzwa nziyo dzaunoda zvikuru?