Unogona Kushandisa Shiviriro Here?
JEHOVHA akaudza Abrama, kuti: “Ibva panyika yako, . . . uende kunyika yandichakuratidza iyo; ndichakuita rudzi rukuru, ndichakuropafadza, ndichakudza zita rako.” (Genesi 12:1, 2) Panguva iyeyo Abrama akanga ava namakore 75 okukura. Akateerera uye akashandisa shiviriro nokuchenjera rutivi rwakasara rwoupenyu hwake, achimirira Jehovha.
Pakupedzisira, Mwari akaita ichi chipikirwa kuna Abrahama (Abrama) anoshivirira achiti: “Zvirokwazvo nokuropafadza ndichakuropafadza, nokuwanza ndichakuwanza.” Muapostora Pauro akawedzera, kuti: “Nokudaro wakati a[shiv]irira, akawana chipikirwa.”—VaHebheru 6:13-15.
Shiviriro chii? Maduramashoko anoirondedzera semano “okumirira chimwe chinhu nokuterama” kana kuti kuratidzira “kuzvidzora mukutsamwiswa kana kuti dzvinyiriro.” Naizvozvo shiviriro yako inoedzwa apo unofanira kumirira mumwe munhu kana kuti chimwe chinhu, kana kuti apo unotsamwiswa kana kuti unodzvinyirirwa. Mumigariro yakadaro munhu anoshivirira anoramba akadzikama; asina shiviriro anova anokurumidza uye anoshatirwa.
Nyika Yedu Yazvino Uno Isingashiviriri
Zvikurukuru munharaunda dzakawanda dzamaguta, simbiso haiiswi pashiviriro asi pakumhanya. Nokuda kwamamirioni avanhu anogara mumaguta ane vanhu vakawandisa, zuva rimwe nerimwe rinovamba apo bhero rewachi rinorira. Ikoko kunotanga chiito chokukurumidza—kuenda kune imwe nzvimbo, kuona mumwe munhu, kuwana chimwe chinhu. Kunomboshamisa here kuti vakawanda vakaoma uye havashiviriri?
Unoshatirwa here apo unotarisana nezvikanganiso zvavamwe? “Handidi kusasvika nenguva,” anodaro Albert. Vakawanda zvikuru vaizobvuma kuti kumirira mumwe munhu anonoka kunonetsa, zvikurukuru kana pane chinofanira kuitwa panguva yakati. NezvaDuke weNewcastle, wezvematongerwe enyika weBritain womuzana ramakore rechi 18, kwakanzi: ‘Anononoka nguva dzose.’ Kudai waizofanira kuvimba nomunhu akadaro zuva nezuva, waizoramba uchishivirira here?
Pakuchaira motokari, unokurumidza kugumbuka, kuzengurira kumirira, kana kuti kuedzwa kuchaira nokunyanyomhanyisa here? Mumigariro yakadaro, kusashivirira kunowanzoreva ngwavaira. Mukati ma 1989, muyaichimbova West Germany, tsaona dzomumugwagwa dzinopfuura 400 000 dzakaguma nekuvadziko kana kuti rufu. Pane idzodzi, imwe munhatu yakaparirwa nokuchaira kwokunyanyomhanyisa kana kuti vari pedyo zvikurusa. Kunenge kusvikira kutambanuko yakati, naizvozvo, kuva asingashiviriri kwakaparira kuvadziko kana kuti rufu zvavanhu vanopfuura 137 000. Mutengo wakadini wokuripa nokuda kwokuva asingashiviriri!
“Ndinokuwana kwakaoma kuramba ndichishivirira apo mumwe munhu anodzongonyedza nguva yose,” anonyunyuta kudaro Ann, “kana kuti apo mumwe munhu anovhaira zvikuru.” Karl-Hermann anobvuma kuti shiviriro yake inodenhwa na“vechiduku vasingaremekedzi vakwegura.”
Iyi nemimwe migariro ingakuita asingashiviriri. Unogona sei, ipapoka, kusakurira shiviriro huru?
Jehovha Anogona Kusimbisa Shiviriro Yako
Vanhu vakawanda vanofunga kuti shiviriro inoratidzira kusaziva kuita chisarudzo kana kuti utera. Kuna Jehovha, zvisinei, kunoratidzira simba. Iye amene “an[oshivirira, NW] . . . nokuti haadi kuti vamwe varashike, asi kuti vose vatendeuke.” (2 Petro 3:9) Kuti usimbise kuzvidzora kwako umene, naizvozvo, omerera kuna Jehovha uye vimba naye nomwoyo wako wose. Kuti usimbise ukama hwako naMwari ndiyo nhano imwe inokosha zvikurusa kukusakurira chimiro chendangariro chokushivirira.
Uyezve, kunokosha kuziva madonzo aJehovha nokuda kwapasi navanhu. Abrahama “wakanga achitarira guta rine nheyo [Umambo hwaMwari], Mwari ari mhizha nomuvaki waro.” (VaHebheru 11:10) Nenzira yakafanana, kuchava kunobetsera kuchengeta chiono chakajeka chezvipikirwa zvoumwari uye kugutswa nokumirira Jehovha. Ipapo uchaziva kuti shiviriro, kure nokuratidza kuzengurira, chaizvoizvo inowana vanhu kukunamata kwechokwadi. Nokudaro, “[shiviriro ya, NW]She wedu ruponeso.”—2 Petro 3:15.
Zvakadiniko kana migariro yako yomunhu oga ikaedza shiviriro yako nenzira inodokuva isingatsungiririki? Ko vasingatendi vanokudzvinyirira zvinoshatirisa here? Wave uchirwara kweinoratidzika kuva nguva refu isingagumi here? Muchinoitika chakadaro, rangarira izvo mudzidzi Jakobho akanyora. Pashure pokunongedzera kumuenzaniso uyo vaporofita vakagovera mukushandisa shiviriro, akazivisa chakavanzika chokuramba wakaterama mudzvinyiriro yakakomba. Jakobho akati: “Kuno mumwe unotambudzika pakati penyu here? Ngaanyengetere.”—Jakobho 5:10, 13.
Kumbira Mwari zvapachokwadi mumunyengetero kuti asimbise shiviriro yako uye kukubetsera kudzora mudzimu wako mumuedzo. Tendeukira watendeukirazve kuna Jehovha, uye iye achakubetsera kuziva migariro kana kuti tsika zvavamwe izvo zvinopa tyisidziro yakati kudzikamo yako. Kunyengetera pachine nguva mberi pamusoro pemigariro ine bviro yokuva inoedza kunogona kukubetsera kuramba wakaterama.
Murangariro Wakafanira Wako Umene Navamwe
Kuti uchengete chimiro chendangariro chakaterama, unofanira kuzvirangarira umene navamwe nomutoo wakafanira. Ikoku kunobvira kupfurikidza nefundo yeBhaibheri, nokuti rinoratidza kuti munhu ari wose akagara nhaka kusakwana uye naizvozvo ane zvikanganiso. Uyezve, zivo yeBhaibheri ichakubetsera kukura murudo. Iri vara rinokosha kuti uratidzire shiviriro kuna vamwe.—Johane 13:34, 35; VaRoma 5:12; VaFiripi 1:9.
Rudo nokudisa kukanganwira zvinogona kukuteramisa apo unovhiringidzwa. Kana mumwe munhu ane tsika dzinokushatirisa, rudo ruchakuyeuchidza kuti itsika dzaunowana dzisingafadzi, kwete munhu wacho. Rangarira kuti utera hwako umene hunofanira kuedza shiviriro yaMwari kazhinji kazhinji sei uye hunofanira kutsamwisa vamwe.
Murangariro wakarurama wako umene uchakubetserawo kumirira nokushivirira. Somuenzaniso, wave uchisvasvavirira ropafadzo mubasa raJehovha, kuzongoodzwa mwoyo bedzi here? Unonzwa shiviriro yako ichiguma here? Kana ikoko kwakadaro, ipapo yeuka kuti kusashivirira kukuru kwakavakirwa murudado. “Uno mwoyo murefu unopfuura uno mwoyo unozvikudza,” akadaro Soromoni. (Muparidzi 7:8) Hungu, rudado idziviso huru kukusakurirwa kweshiviriro. Hachisi chokwadi here kuti munhu anozvininipisa anokuwana kuri nyore zvikuru kumirira nenzira yokuterama? Naizvozvo, sakurira kuzvininipisa, uye uchakwanisa zviri nani kugamuchira kunonoka norugare rwendangariro.—Zvirevo 15:33.
Shiviriro Inopa Tuso Huru
Abrahama anozivikanwa zvikurukuru nokuda kwokutenda kwake. (VaRoma 4:11) Bva, shiviriro yakasimbisa kutenda kwake. Ndeipi yakanga iri tuso yake yokumirira Jehovha?
Abrahama akapiwa chivimbo chinowedzera chaJehovha. Zita raAbrahama nokudaro rakava guru uye vana vake rudzi rune simba. Marudzi ose apasi anogona kuzvikomborera amene kupfurikidza nembeu yake. Abrahama akabatira somutauriri waMwari uye kunyange somufananidzo woMusiki. Kwaigona kuve kwakava netuso yakakura ipi neipi nokuda kwokutenda kwaAbrahama neshiviriro here?
“[Jehovha, NW] uno mwoyo munyoro kwazvo” kuvaKristu vanotsungirira miedzo nokushivirira. (Jakobo 5:10, 11) Vanhu vakadaro vanofarikanya hana yakachena nemhaka yokuita kuda kwake. Muchinoitika chako, ipapoka, kana ukamirira Jehovha ndokutsungirira miidzo nokushivirira, kuzvidzora kwako kuchaguma netenderwo nechikomborero zvaJehovha.
Shiviriro inobatira zvakanaka vanhu vaMwari murutivi ruri rwose rwoupenyu. Vaviri vavabatiri vaJehovha, vanonzi Christian naAgnes, vakawana ikoku apo vakasarudza kuvimbisana roorano. Vakanonotsa vimbisano yeroorano nokuda kwokuremekedza vabereki vaChristian, avo vaida nguva yokuziva Agnes. Muuyoi uyo ichi chiito chakava navo?
“Pakanga pari pashure bedzi apo takaziva kuti shiviriro yedu yakareva zvakawanda sei kuvabereki vangu,” anotsanangura kudaro Christian. “Kumirira kwedu nokushivirira hakuna kuuraya ukama pakati pomudzimai wangu neni. Asi kwakanga kuri chokuvakisa chokutanga muukama hwedu navabereki vangu.” Hungu, shiviriro inopa tuso huru.
Shiviriro inosimudzirawo rugare. Mhuri neshamwari vachaonga kuti hauiti nharo pamusoro pechikanganiso chavo chiri chose. Kuterama nenzwisiso zvako apo vamwe vanoita zvikanganiso zvichadzivisa zvinoitika zvinokangaidza. Chirevo chechiChina chinoti: “Shiviriro munhambo yehasha ichakudzivirira pamazuva ane zana enhamo.”
Shiviriro inovandudza hunhu hwako, chaizvoizvo inobetsera kuchengeta mamwe mavara ako ari mumugariro wakanaka. Inoita kuti kutenda kwako kusimbe, rugare rwako rugare nguva refu, uye rudo rwako rusingazununguke. Kuva anoshivirira kuchakubetsera kuva anofara uchishandisa mutsa, runako, uye unyoro. Kushandisa shiviriro kunovaka simba rinokosha kukusakurirwa kwomwoyo murefu nokuzvidzora.
Mirira nokushivirira kuzadzikwa kwezvipikirwa zvaJehovha, ipapo, uye unovimbiswa nguva yemberi inoshamisa. Kufanana naAbrahama, “kupfurikidza nokutenda neshiviriro [gara] nhaka zvipikirwa.”—VaHebheru 6:12.
[Mufananidzo uri papeji 23]
Ukama hwapedyo naJehovha huchakubetsera kuratidzira shiviriro, sezvakaita Abrahama