Kunyange Zvadzo Dziri Vapoteri, Dzinofara Kubatira Mwari
HONDO, nzara, ngwavaira, uye kusaterama. Nokuda kwavamwe vanhu idzi dzinongova chete nhau dzapapeji yokutanga yepepanhau. Nokuda kwavamwe vakawanda rutivi rwoupenyu hwezuva nezuva. Zvazviri sangano romunyika yose ravaKristu, Zvapupu zvaJehovha zvinosanoziva kuti nguva ipi neipi hondo inotanga kana kuti ngwavaira inorova, rutivi rwouhama hwazvo hwamarudzi ose rungatambura. Uye apo vanhu vanofanira kutiza nokuda kwoupenyu hwavo, hama dzedu dzingafanira kuita zvimwe chetezvo.
Kwamakore Zvapupu munyika dzakati muAfrica zvakafanira kutsungirira zvakaitika zvakadaro. Vakawanda vazvo vaifanira kurongedza chipi kana chipi chavaigona kutakura ndokutsvaka pokupotera kune imwe nzvimbo. Kunyange vashomanene vakava nomutoo wakati wechokufambisa, zvichida bhasikoro, voruzhinji vaifanira kufamba zvikuru kwazvo—kwamazuva, kunyange vhiki dzakati—kuti vasvike nzvimbo yavaienda kwairi.
Nzvimbo imwe yavaienda kwairi yakadaro rakanga riri taundi duku rinonzi Mboki, muCentral African Republic. Makore akapfuura, varume navakadzi, vaduku navakuru, vakauya muzviuru. Pakati pavo pakanga pane hama dzedu dzechiKristu nehanzvadzi dzakati, dzichiperekedzwa navanhu vanofarira. Chokwadika, vaKristu biyadzo vapahofisi yebazu yeWatch Tower Society muBangui, dzimbahwe reCentral African Republic, vaifarira zvikuru kusangana naava vapoteri kuti vagovere betsero. Kashanu, mumwe mumiriri akatumwa nemari, zvokudya, zvipfeko, uye mishonga, zvakagoverwa norupo neZvapupu muBangui, kure namakiromita anenge 1 130. Kunyange avo vaigovera iyi betsero yorupo vaiva nezvishomanene mune zvemari, vakafara kuita zvavaigona.
Kusvika kuMboki
Hama dzapahofisi yebazu dzaida kuona kuti chiizve chaigona kuitwa uye kuti vapoteri vaigona sei kubetserwa mumudzimu. Naizvozvo mudzimai wangu neni takavamba rwendo tiri muLand Cruiser inofambiswa namavhiri mana, tichiperekedzwa naSymphorien, piyona chaiye, uye mudzimai wake. Symphorien aisanoziva mugwagwa wacho, uye anotaura chiZande, mutauro wavapoteri muMboki. Kwakatitorera mazuva marefu mana kusvikako.
Makiromita 400 okupedzisira akanga ari nomunharaunda yakaisvonaka yenyika ine makakwirira nemakadzika nemiuyu mihombe. Pano naapo takapfuura misha miduku. Paichi chikamu chomugwagwa, mudzimai wangu akaverenga mabhiriji 50 chaiwoiwo—akawanda akashata zvikuru, mamwe asingapfuuriki. Takagadzira mamwe mabhiriji nemiti namatanda akaora, kuita kuti motokari ifambiswe namavhiri mana, kunyengetera, uye kupfuurira nokungwarira zvikuru. Kana pakanga pane musha muduku uri pedyo, vaduku vaiuya vachimhanya kuzobetsera—nokuda kwomuripo muduku. Takashamiswa kuti nguva dzose vaiwana zvidimbu zvemiti namabhodhi pabhiriji muuswa hukuru napasi pamakwenzi ari pedyo. Kwakatishamisa kana izvo zvakabviswa ndokuchengetwa ikoko nokuda kwavafambi vaizvida.
Panhambo nhatu takaramba betsero yavaduku ivavo, nokuti mabhiriji acho airatidzika kuva ane ngozi zvikuru zvokusagona kuyambukwa. Naizvozvo takabva mumugwagwa macho, kupinda mukarwizi, pamusoro pamabwe, kukwira gomo zvakare, uye kudzokera mumugwagwa macho. Takafara sei kuti chakanga chiri chirimo, sezvo kudai kwakanga kusina kudaro kungadai kusina kuva nenzira yokuti tiite nayo rwendo rwacho, kunze zvichida neherikoputa!
Mboki yaizova yakaita sei? Ikoku kwaiwanzouya kundangariro dzedu tichifamba paiyi “piste” isingagumi, shoko rechiFrench rinoshandiswa muCentral African Republic nokuda kwomugwagwa kana kuti kamugwagwa kejecha, mabwe, uye marara—uye zviuru zvamakomba.
Pazuva rechina, pashure chaipo pamasikati makuru, Symphorien akanongedza kudzimba dzouswa dzakapoteredzwa nemipopo neminda yemijumbuya. “Voilà! Apa ndipo panotangira Mboki,” akadanidzira kudaro. Takashamiswa zvikuru nezvatakaona. “Iyi ndiyo Mboki? Musasa wacho uri kupi?” takabvunza kudaro, nokuti watakaona wakanga usiri musasa, dzimba chete dzakapararira. Dzakanga dziri dzimba duku asi dzakachena dzine matenga ouswa. Kwakanga kunewo miti namakwenzi munzvimbo iri yose. Vanhu vanosima zvirimwa pedyo nedzimba dzavo. Mboki rwakanga rwusiri rudzi rwomusasa rwataikarira kuona; wakanga uri musha mukuru, wakareba makiromita anenge 35.
Kusangana Nehama
Hama muMboki dzaiziva kuti takanga tichiuya, kunyange zvadzo dzakafunga kuti rwendo rwedu rwaizotora mazuva mashanu. Apo dzakanzwa motokari yedu, dzakauya dzichimhanya. Varume, vakadzi, uye vana vakachimbidza kubuda mudzimba dzavo nekomboni ndokupinda vachibva kuminda yavo kuzotikwazisa. Munhu ari wose akanga achinyemwerera, achiseka, uye achikwazisa, kanoverengeka kana kwaibvira. Vanaamai vakatikwazisa vakabata vana vavo. Vose vaida kuti kwaziwai, uye vakatigamuchira nomwoyo wose zvikurusa.
Kwakanga kusina zvakawanda zvokuti mudzimai wangu neni tiite panguva yacho nemhaka yemhinganidzo yomutauro. Takaedza nechiFrench chishomanene, chiSango chishomanene, chiNgezi chishomanene, uye chiArabhu. Vakawanda zvikurusa vehama dzedu vanotaura, kurava, uye kunyora chiZande. Symphorien aifanira kushandura, achitsanangura gadziriro yeshanyo yedu.
Takapfuurira mamwe mamaira mashomanene ndokusvika paHoro yoUmambo. Yakanga iri “chechi” yokutanga yakavakwa navapoteri vorudzidziso rupi norupi muMboki. Hama dzakawanda navana vadzo navanhu vanofarira vakauya kuzotikwazisa. Kunyange vana vapedyo vakawanda vakauya pamwe chete nehama kuzotikwazisa.
Hama dzedu dzakanga dzatigadzirira dzimba mbiri duku, vashanyi vadzo. Idzo dzakanga dzakachena zvikuru. Mabhakiti emvura yakachena akanga akatigadzirirwa uye akatimirira. Takanga tauya nezvokudya zvedu timene nemvura yokunwa, tichikarira zvakaipisisa uye kuti tigorega kuremedza hama dzedu. Apo takanga tichiburutsa zvinhu mumotokari, mumwe musikana muduku akauya ndokubvunza kuti tingada kuti huku ibikwe sei usiku ihwohwo, yakagochwa kana kuti yakabikwa mumuto? Hatina kutongokarira ikoko ndokubvunza chavakanga varonga kudya nayo. Mhinduro yacho: mujumbuya, kana kuti mufarinya. Naizvozvo takasarudza huku mumuto une zvinonhuwira. Nzara yedu huru yakasanopedzwa usiku ihwohwo. Asi vakaramba vachitipa zvokudya zuva riri rose—masikati makuru namadekwana. Hatina kutongogona kukudavira—vapoteri vanotipa zvokudya nokutitarisira, kunyange zvavo ivo vamene vakanga vasina zvakawanda.
Ungano Duku Inofara
Takasvika, munzvimbo iri kure yakadaro asi pakati pe 21 vehama dzedu. Vaviri bedzi vadzo vakauya muno vatobhapatidzwa. Vamwe vose vasara vakanga vari vanhu vanofarira apo vakauya. Vakapfuurira kufunda uye vakabhapatidzwa mumakore maviri akapfuura. Vamwe vana vakabhapatidzwa murwizi rwuri pedyo mukati meshanyo yedu.
Muenzaniso mumwe wakatanhamara ndiFaustino. Asati auya kuMboki, akadzidza zvokwadi huru dzeBhaibheri kushamwari. Faustino akanzwisisa zvaakanga achidzidza. Nokukurumidza iye neshamwari yake vakatanga kuparidza kuvamwe, asi vakapinda muchishoro uye vakaiswa mutorongo nokuda kwoku“nyandura vagari vemo” norudzidziso rwavo. Vari mutorongo, shamwari yaFaustino yakarega nemhaka yorutyo uye yakasunungurwa. Mwedzi miviri gare gare Faustino akatongwa. Zvisinei, kwakanga kwakajeka kuti pomero dzaakaitirwa dzakanga dzisina zvikonzero, naizvozvo akasunungurwa. Apo hondo yakauya kunharaunda yake, Faustino akatizira kuCentral African Republic, uko akasangana nehama ndokutangazve fundo yake yeBhaibheri. Akabhapatidzwa muna July 1991, uye muna 1992 akatora ushumiri hwenguva yakazara sapiyona wenguva dzose.
Ungano duku inofara neine ushamwari muMboki zvino yakaumbwa napiyona chaiye mumwe navaparidzi 21. Hama mbiri dzinotaura chiNgezi dzinobatira savakuru uye dzinokwaniswa kuramba dzichikurukurirana zvakanaka nehofisi yebazu muBangui. Taikarira hama dzedu vapoteri kuva mumugariro wakaipa, wokupererwa nezano, asi ikoku kwakanga kusina kudaro. Kunyange zvadzo dzaiva varombo mune zvokunyama, hapana munhu akanga achinyunyuta, achizvidya mwoyo, kana kuti achin’un’una. Chibviro chokusvika kwadzo hama dzakavaka dzimba dzadzo uye dzakatanga kurima zvokudya ndokuchengeta huku. Dzine zvishomanene kupfuura zvadzaichimbova nazvo, asi imhenyu uye dzine vaKristu biyadzo.
Sezvo kune vapoteri vari pakati pe 17 000 ne 20 000 muMboki, vakawanda vachiuya mwedzi mumwe nomumwe, hama dzedu dzine munda mukuru woushumiri hwadzo. Takaenda kundoparidza nadzo, uko kwakanga kuchifadza zvikuru, zvirokwazvo. Dzinowanzoshandisa Bhaibheri muchiZande, uye iyi shanduro ine zita raMwari muMagwaro echiHebheru uye munzvimbo dzinoverengeka muMagwaro echiGiriki echiKristu. Kuava vanhu, Mwari haasati achingova chete “Mboli” (chiZande nokuda kwa“Mwari”) asi “Yekova,” kuri kududza kwavanoita zita romunhu oga raMwari. “Mboli Yekova” kutaura kunozivikanwa navose. Shanduro dzechiPurotesitendi mumimwe mitauro yakawanda yeAfrica hadziteveri uku kushandura kwakarurama; panzvimbo pezvo, dzinotsiva “Jehovha” na“Nzapa,” “Nzambe,” kana kuti mamwe mazita eAfrica nokuda kwaMwari.
Maererano nouporofita hwaJesu, mashoko akanaka oUmambo ari kuparidzwa munyika yose, kunyange muMboki. (Mateo 24:14) Ungano yacho zvino inosanogoverwa maBhaibheri, mabhuku, magazini, mabhukwana, uye maturakiti mumitauro yose yavanoda. Zvichida munguva yemberi, zvinyorwa zvakawanda zvichawanikwa muchiZande.
Kumirira Musha Wechigarire
Pamadekwana okutanga, takaratidza purogiramu yamasiraidhi yeSosaiti “Vakokorodzani Vanofara muEastern Europe Vanorumbidza Jehovha.” Usiku hwakatevera hwacho purogiramu yakanga iri “Bringing the Many to Righteousness in the Time of the End.” Kuratidza kwacho kwakaitirwa panze, pedyo neHoro yoUmambo, pasi pedenga rakajeka nomwedzi wesirivha. Mamirire ezvinhu akadini! Mazana akauya kuzotarira uku kuratidzwa kwamasiraidhi, uye hama dzedu dzakafara uye dzaidada kupa chimwe chinhu chaicho kuvagari vemo.
Apo Muvhuro wakasvika, takagadzirira rwendo rwedu rwokudzokera. Rwaizova rumwe rwendo rwamazuva mana mumigwagwa mimwe cheteyo nokuyambuka mabhiriji mamwe chetewo 50. Imwe hanzvadzi yakaomerera pakubika zvokudya zvorwendo—dzimwe huku mbiri, dzakatogochwa ndokunatswa negariki. Dzakanhuwira zvakanaka kwazvo mukati mamaawa amangwanani muLand Cruiser. Pamasikati makuru takamira musango kuti tifarikanye huku yakagochwa tichifunga nezvehama dzedu muMboki. Kunyange zvadzo dzichisungirwa kuva vapoteri, dzinopfuurira kubatira Jehovha nokutendeka, dzichimirira musha wechigarire worugare mupasi idzva rakapikirwa raMwari. (2 Petro 3:13)—Yakagoverwa.