Kurambwa kwaMwari Kwezana Ramakore Rechi 20
“Vanhu vanobvuma kusavapo kwaMwari uye vari kurongaupenyu hwavo vakazvimirira, nokuda kwezvakanaka kana kuti nokudakwezvakaipa, uye pasina kurangarira Mwari kupi nokupi.”—One Hundred Years of Debate Over God—The Sources of Modern Atheism.
KUNYANGE zvazvo uchiorora pakutanga, muti murefu pakupedzisira unorangarirwa sowenhando. Kuvapo kwawo kwakarovedzeka; urefu hwawo hahusati huchatyisa.
Kwakafanana nokusadavira kuvapo kwaMwari. Kunyange zvazvo kwakanyandura kurukurirano yakawanda mukati mezana ramakore rechi 19, kurambwa kwokuvapo kwaMwari hakukatyamadzi uyewo hakukangaidzi nhasi. Nguva yeshiviro yakabvumira kusadavira kuvapo kwaMwari kupinda mukuvapo panguva imwe cheteyo kune rugare nokutenda Mwari.
Hakusati kuri kuti vanhu vakawanda zvikurusa vanoramba Mwari chose chose; mukupesana, migumisiro yenzvero yakabva kunyika 11 mumaAmerica ose, Europe, uye Asia inozivisa kuti, paavhareji, vanopfuura 2 muzana zvishomanene vanotaura kuva vasingadaviri kuvapo kwaMwari. Kunyanguvezvo, mudzimu wokusadavira kuvapo kwaMwari wakapararira—kunyange pakati pavakawanda vanodavira kuti Mwari aripo. Ikoku kunogona sei kuva kwakadaro?
Kuramba Chiremera chaMwari
“Pane dzimwe nguva kusadavira kuvapo kwaMwari kunonongedzera zvako kukurambwa kunoshanda kana kuti kufuratirwa kwaMwari,” inodaro The Encyclopedia Americana. Nokuda kweichi chikonzero, The New Shorter Oxford English Dictionary rinopa rondedzero yechipiri inotevera ya“asingadaviri kuvapo kwaMwari”: “Munhu anoramba Mwari mutsika; munhu asina umwari.”—Kutsveyamisa mashoko ndokwedu.
Hungu, kusadavira kuvapo kwaMwari kungabatanidza kurambwa kwokuvapo kwaMwari kana kuti zvimwe kwechiremera chake kana kuti kwezvose zviri zviviri. Bhaibheri rinonongedzera kuuyu mudzimu wokusadavira kuvapo kwaMwari pana Tito 1:16, richiti: “Vanoti vanobvuma Mwari, asi vanomuramba nezviito zvavo.”—The New English Bible; Enzanisa nePisarema 14:1.
Kurambwa kwakadaro kwechiremera chaMwari kunogona kurondwa kudzokera shure kusvikira kuvanhu vaviri vokutanga. Evha akabvuma kuvapo kwaMwari; bva, aida ku“va saMwari, [a]chiziva zvakanaka nezvakaipa.” Revo yakanga iri yokuti iye aigona ‘kuva bhasi wake amene’ uye kuita bumbiro rake amene retsika. Adhama gare gare akakumbanira Evha muuku kurambwa kwechiremera chaMwari.—Genesi 3:5, 6.
Ichi chimiro chendangariro chakapararira here nhasi? Hungu. Kusadavira kuvapo kwaMwari kwamanomano kunoratidzirwa mukutsvakwa kwouzvimiriri. “Vanhu nhasi vaneta nokugara vachinzverwa naMwari,” rinodaro bhuku rinonzi One Hundred Years of Debate Over God—The Sources of Modern Atheism. “Ivo . . . vanoda zvavo kugara vakasununguka.” Bumbiro remitemo yetsika reBhaibheri rinorambwa serisingashandi, risiri rechokwadi. Kufunga kwavakawanda kwakafanana zvikuru nouko kwaFarao weEgipita uyo akazivisa noruzvidzo, kuti: “Jehovha ndiye aniko, kuti nditeerere inzwi rake . . . ? Handimuzivi iye Jehovha.” Iye akaramba chiremera chaJehovha.—Eksodho 5:2.
Kuramba Mwari kwechiKristudhomu
Kurambwa kunokatyamadza zvikurusa kwechiremera chaMwari kunobva kuvafundisi vechiKristudhomu, avo vakatsiva namagamuchidzanwa akaitwa navanhu zvokwadi dzeBhaibheri dzakachena. (Enzanisa naMateo 15:9.) Mukuwedzera, ivo vakatsigira hondo dzine chishava zvikurusa dzezana ramakore rechi 20, nokudaro vachiramba murayiro weBhaibheri wokuratidzira rudo rwechokwadi.—Johane 13:35.
Vafundisi vakarambawo Mwari kupfurikidza nokurinza makotsi avo pamipimo yake yetsika—sezvinoratidzirwa, somuenzaniso, nenhevedzano yakatsiga yenhau dzomumatare mukurwisana navaprista vanopomerwa kuvatana nevana. Mamirire ezvinhu muchiKristudhomu akafanana neayo aIsraeri wakare naJudha. “Nyika izere neropa, neguta rizere nezvisakarurama,” muporofita Ezekieri akaudzwa kudaro, “nokuti vanoti: Jehovha wakabva panyika, Jehovha haaoni.” (Ezekieri 9:9; enzanisa naIsaya 29:15.) Hakushamisi kuti vakawanda vakasiya chose chose chechi dzechiKristudhomu! Asi vanofanira kurega kudavira Mwari here?
Zvikonzero Zvakanaka Zvokusadavira Kuvapo kwaMwari Here?
Kana vakacherekedza unyengeri hworudzidziso kana kuti kwete, vasingadaviri kuvapo kwaMwari vakawanda havagoni kuwiriranisa kudavira Mwari nokutambura kuri munyika. Simone de Beauvoir akamboti: “Kwakanga kuri nyore zvikuru kuti ndifunge nezvenyika isina musiki kupfuura nezvomusiki anoremedzwa nepokanidzano dzenyika.”
Ko kusaruramisira kwenyika—kubatanidza uko kunonyandurwa nevezvorudzidziso vanonyengera—kunobvumikisa kuti hakuna Mwari here? Rangarira: Kana banga rikashandiswa kutyisidzira, kukuvadza, kana kuti kunyange kuponda munhu asina mhaka, ikoku kunobvumikisa here kuti banga rakanga risina muiti? Hakuratidzi here panzvimbo pezvo kuti chinhu chacho chakashandiswa zvakaipa? Nenzira yakafanana, yakawanda yenhamo yavanhu inopa ufakazi hwokuti vanhu vari kushandisa zvisakafanira mano avo akapiwa naMwari pamwe chete nepasi rimene.
Vamwe, zvisinei, vanorangarira kuti kudavira Mwari hakuna mufungo, sezvo tisingagoni kumuona. Asi zvakadiniko nemhepo, masaisai ezvinonzwika, uye kunhuwa? Hatigoni kuona chipi nechipi chezvinhu izvozvi, bva tinoziva kuti zviripo. Mapapu edu, nzeve, uye mhino zvinotiudza saizvozvo. Zvirokwazvo, tinodavira chisingagoni kuonwa kana tine ufakazi.
Pashure pokurangarira ufakazi hunooneka—kubatanidza maelectron, maproton, maatom, maamino acid, uye uropi hwakaoma kunzwisisa—musayendisiti wechisiko Irving William Knobloch akasundwa kuti: “Ndinodavira Mwari nemhaka yokuti kwandiri kuvapo Kwake kwouMwari ndiko tsananguro bedzi ine mufungo yezvinhu sezvazvakaita.” (Enzanisa nePisarema 104:24.) Nenzira yakafanana, muzivi wokushanda kwemiviri yezvinhu zvipenyu Marlin Books Kreider anoti: “Zvose zviri zviviri somunhuwo zvake, uyewo somunhu anopa upenyu hwake kufundo nenzvero zvesayenzi, handina nepokano yose pamusoro pokuvapo kwaMwari.”
Ava varume havasati vari voga. Maererano napurofesa wephysics Henry Margenau, “kana ukarangarira vasayendisiti vakurusa, unowana vasingadaviri kuvapo kwaMwari vashomanene zvikuru pakati pavo.” Fambiro mberi dzesayenzi kana kuti zvimwe kundikano yorudzidziso hazvifaniri kutimanikidzira kurega kudavira Musiki. Ngatinzverei chikonzero nei.
Musiyano Worudzidziso Rwechokwadi
Muna 1803, purezidhendi weUnited States Thomas Jefferson akanyora, kuti: “Ini, zvirokwazvo, ndinoshora ushati hwechiKristu; asi kwete mitemo yechokwadi yaJesu amene.” Hungu, pane musiyano uri pakati pechiKristudhomu nechiKristu. Zvakawanda zvezvitendero zvechiKristudhomu zvakavakirwa pamagamuchidzanwa avanhu. Mukupesana, chiKristu chechokwadi chinovakira zvitendero zvacho chose chose paBhaibheri. Nokudaro, Pauro akanyorera vaKorose vomuzana rokutanga ramakore kuti vanofanira kuwana “zivo yakarurama,” “uchenjeri,” uye “nzwisiso yomudzimu.”—VaKorose 1:9, 10, NW.
Izvozvi ndizvo zvatinofanira kukarira kuvaKristu vechokwadi, nokuti Jesu akarayira vateveri vake, kuti: “Mudzidzise marudzi ose, muvabhapatidze . . . muvadzidzise kuchengeta zvose zvandakakurayirai imi.”—Mateo 28:19, 20.
Nhasi, Zvapupu zvaJehovha zviri kuita uyu murayiro munyika 231 kupota nyika. Zvakashandura Bhaibheri mumitauro 12 uye zvakatsikirira makopi anosanopfuura 74 000 000. Uyezve, kupfurikidza negadziriro yefundo yeBhaibheri yapamusha, panguva ino zviri kubetsera vanhu vanopfuura 4 500 000 ku‘chengeta zvinhu zvose izvo Jesu akarayira.’
Iyi gadziriro yedzidzo iri kuva nemigumisiro inosvika kure. Inounza vhenekero yechokwadi, nokuti yakavakirwa, kwete pamifungo yomunhu, asi pauchenjeri hwaMwari. (Zvirevo 4:18) Kupfuurirazve, iri kubetsera vanhu vanobva mumarudzi ose namadzinza kuita chimwe chinhu icho “Nhambo Yokurangarira” yomunhu yaisatongogona kuita—kupfeka “unhu hutsva” hunovagonesa kutanga rudo rwechokwadi nokuda kwomumwe nomumwe.—VaKorose 3:9, 10, NW.
Rudzidziso rwechokwadi ruri kukurira muzana redu ramakore rechi 20. Harurambi Mwari—kuvapo kwake kana kuti zvimwe chiremera chake. Tinokukumbira kuti uzvionere umene ikoku kupfurikidza nokushanyira Zvapupu zvaJehovha paimwe yeHoro dzazvo dzoUmambo.
[Bhokisi riri papeji 6]
KUSIMBISA MAVAMBO OKUSADAVIRA KUVAPO KWAMWARI
Pakati pezana ramakore rechi 18, muzivi Denis Diderot akatumwa kuti ashandure enisaikoropedhiya ine vhoriyamu imwe kubva muchiNgezi kupinza muchiFrench. Zvisinei, iye akapfuura zvikuru kariro dzomushandirwi wake. Diderot akapedza anenge makore ane makumi matatu achironga Encyclopédie yake, bhuku rine mavhoriyamu 28 iro rakabata mudzimu wenhambo yacho.
Kunyange zvazvo Encyclopédie yacho yaiva namashoko akawanda anoshanda, simbiso yayo yakanga iri pauchenjeri hwavanhu. Maererano namabhuku anonzi Great Ages of Man, iwo “akatsunga kuparidza chitendero chakanyanyisa [chavazivi] chokuti munhu aigona kuvandudza mararamire ake kana akatsiva kutenda nokurangarira senheyo yake inotungamirira.” Kududzwa kwaMwari kwaisavapo nenzira yakajeka. “Kupfurikidza nechisarudzo chavo chenhau,” rinodaro bhuku rinonzi The Modern Heritage, “vapepeti vakajekesa kuti rudzidziso chakanga chisati chiri chimwe chezvinhu icho munhu aida kuziva.” Nenzira isingashamisi, chechi yakaedza kudzvinyirira Encyclopédie yacho. Gweta rakairamba seinopandukira matongerwe enyika, tsika, uye rudzidziso.
Pasinei zvapo navavengi vayo, Encyclopédie yaDiderot yakakumbirwa navanhu 4 000—nhamba yakatanhamara, tichirangarira mutengo wayo mukuru. Yaingova zvayo nhau yenguva uyu murangariro wakavanda wokusadavira kuvapo kwaMwari usati wakura kuva kurambwa kukuru kwaMwari.