Kudzidza Kuwana Mufaro Mukutya Jehovha
“Uyai imi vana, munditeerere; ndichakudzidzisai kutya Jehovha.” —PISAREMA 34:11.
1. Kutya kuchabviswa sei noUmambo hwaMwari, asi ikoko kunoreva kutya kwose here?
VANHU kunzvimbo iri yose vanoshuva rusununguko pakutya—kutya utsotsi namasimba masimba, kutya kushaya basa, kutya chirwere chakakomba. Richava zuva guru rakadini apo rusununguko irworwo ruchava rwechokwadi muUmambo hwaMwari! (Isaya 33:24; 65:21-23; Mika 4:4) Bva, hakusati kuri kutya kwose kuchabviswa panguva iyeyo, uyewo hatifaniri kutsvaka kubvisa kutya kwose muupenyu hwedu zvino. Pane kutya uko kuri kwakanaka nokutya uko kuri kwakaipa.
2. (a) Rudzii rwokutya rwakaipa, uye rudzii runoshuviwa? (b) Kutya kwoumwari chii, uye magwaro adudzwa anoratidzira sei ikoko?
2 Kutya kunogona kuva chepfu yendangariro, kuchikuvadza mano omunhu okurangarira. Kunogona kunetesa ushingi ndokuparadza tariro. Kutya kwakadaro kungawanwa nomumwe munhu uyo anotyisidzirwa mumuviri nomuvengi. (Jeremia 51:30) Kungawanwa nomunhu anobatanidza ukoshi hwakanyanya zvikuru nokuva netendero yavanhu vakati vanopesvedzera. (Zvirevo 29:25) Asi panewo kutya uko kuri kwakanaka, rudzi urwo runotidzivisa kuita chinhu chipi nechipi chokusangwarira, pakuzvikuvadza timene. Kutya kwoumwari kunobatanidza zvinotopfuura izvozvo. Kukudzwa kwaJehovha, kumuremekedza zvikuru, kwakabatanidzwa nokutya kwakanaka kwokusamufadza. (Pisarema 89:7) Uku kutya kuwana kusafadza Mwari kunobva mukuonga mutsa wake worudo uye runako. (Pisarema 5:7; Hosea 3:5) Kunobatanidzawo kuziva kuti Jehovha ndiye Mutongi Mukurusa naWamasimba ose, uyo ane simba rokuranga, kunyange rufu, pana avo vanoramba kumuteerera.—VaRoma 14:10-12.
3. Kutya Jehovha kunosiyana sei nouko kwakabatana navamwari vechihedheni?
3 Kutya kwoumwari kwakanaka, hakuna kuipa. Kunosunda munhu kuva akatsiga nokuda kwechakarurama, kwete kubvumirana pane zvisina kufanira nokuita zvakaipa. Hakuna kufanana nokutya kwakabatanidzwa namwari wakare wechiGiriki Phobos, anorondedzerwa samwari akaipa aiparira rutyo. Uye hakuna kufanana nokutya kwakabatanidzwa namwarikadzi wechiHindu Kali, uyo padzimwe nguva anoratidzirwa saanodisa kudeura ropa, anoshandisa zvitunha, nyoka, uye madehenya sezvishongo. Kutya kwoumwari kunokweva; hakudzingi. Kwakabatanidzwa norudo nokuonga. Nokudaro, kutya kwoumwari kunotiswededza kuna Jehovha.—Dheuteronomio 10:12, 13; Pisarema 2:11.
Chikonzero Nei Vamwe Vanako uye Vamwe Vasina
4. Sezvakarondedzerwa nomuapostora Pauro, rudzi rwomunhu rwakasvika kumumiriroi wezvinhu, uye chii chinoparira ikoku?
4 Rudzi rwomunhu rwose zvarwo harusundwi nevara rokutya kwoumwari. Pana VaRoma 3:9-18, muapostora Pauro anorondedzera kuti vanhu vakatadza zvikuru sei vachibva pakukwana kwapakuvamba. Pashure pokutaura kuti vose vari muchivi, Pauro anonokora mashoko muMapisarema, achiti: “Hapana unoita zvakanaka.” (Ona Pisarema 14:1.) Ipapo anogovera udzame kupfurikidza nokududza zvinhu zvakadai sokuregeredza kworudzi rwomunhu mukutsvaka Mwari, kushaiwa kwavo mutsa, kutaura kwavo kunonyengera, kutuka, uye kudeura ropa. Ikoko kunorondedzera zvakarurama sei nyika nhasi! Voruzhinji vavanhu havafariri Mwari nezvinangwa zvake. Kuratidzwa kupi nokupi kwomutsa kunowanzochengeterwa zvikuru nhambo apo kunenge kune chimwe chinhu chinowanwa kupfurikidza nakwo. Kureva nhema nokutaura kwakaipa zvinozivikanwa. Kudeurwa kweropa hakutanhamariswi munhau bedzi asiwo muvaraidzo. Chii chinoparira mamiriro ezvinhu akadaro? Ichokwadi kuti tose zvedu tiri vazukuru vomutadzi Adhama, asi apo vanhu vanogamuchira samagariro avo zvinhu zvakarondedzerwa nomuapostora Pauro, chimwe chinhu chinopfuura izvozvo chinobatanidzwa. Ndima 18 inotsanangura chakuri, ichiti: “Hakuna kutya Mwari pamberi pameso ake.”—Ona Pisarema 36:1.
5. Neiko vamwe vanhu vane kutya kwoumwari, nepo vamwe vasina?
5 Nei, kunyanguvezvo kuri kuti, vamwe vanhu vane kutya kwoumwari, nepo vamwe vasina? Kukataurwa zvakapfava, imhaka yokuti vamwe vanhu vanokusakurira, nepo vamwe vasati. Hapana navamwe vedu vanoberekwa nako, asi tose zvedu tine mano ako. Kutya kwoumwari chimwe chinhu chatinofanira kudzidza. Ipapo, kuti iko kuve simba rinonyandura rine simba muupenyu hwedu, tinofanira kukusakurira.
Kokero Inofadza
6. Ndiani anotambanudzira kwatiri kokero yakanyorwa paPisarema 34:11, uye rugwaro urwu runoratidza sei kuti kutya kwoumwari kunofanira kudzidzwa?
6 Kokero inofadza yokudzidza kutya Jehovha inopiwa kwatiri muPisarema 34. Iri ipisarema raDhavhidhi. Uye Dhavhidhi akafanofananidzira ani? Hapana mumwe kunze kwaIshe Jesu Kristu. Uporofita uhwo muapostora Johane akashandisira Jesu zvakananga hwakanyorwa mundima 20 yeiri pisarema. (Johane 19:36) Muzuva redu, Jesu ndiye anotambanudzira kokero seiyo iri mundima 11, inoti: “Uyai imi vana, munditeerere; ndichakudzidzisai kutya Jehovha.” Ikoku kunoratidza zvakajeka kuti kutya kwoumwari ndichimwe chinhu chinogona kudzidzwa, uye Jesu Kristu akakwaniriswa zvakaisvonaka kutidzidzisa. Neiko kwakadaro?
7. Neiko Jesu ari zvikurukuru munhu wokudzidza kwaari kutya kwoumwari?
7 Jesu Kristu anoziva ukoshi hwokutya kwoumwari. VaHebheru 5:7 inoti pamusoro pake: “Iye, pamazuva enyama yake, wakauya kuna iye wakanga achigona kumurwira parufu, neminyengetero nemikumbiro, achichema nokuchema kukuru nemisodzi, akanzwika nokuda kwokutya kwake Mwari.” Kutya kwoumwari kwakadaro kwakanga kuri vara iro Jesu Kristu akaratidzira kunyange asati anangana norufu padanda rokutambudzira. Yeuka, muna Zvirevo ganhuro 8, Mwanakomana waMwari anorondedzerwa souchenjeri hunotaurwa somunhu. Uye pana Zvirevo 9:10, tinoudzwa, kuti: “Kuvamba kwouchenjeri ndiko kutya Jehovha.” Naizvozvo uku kutya kwoumwari kwakanga kuri rutivi runokosha rwounhu hwoMwanakomana waMwari kare kare asati auya kupasi.
8. Pana Isaya 11:2, 3, chii chatinodzidza pamusoro pokutya Jehovha?
8 Kupfuurirazve, pamusoro paJesu saMambo wouMesiya, Isaya 11:2, 3 inoti: “Mweya waJehovha uchagara pamusoro pake, mweya wenjere nowokungwara, mweya wamano nesimba, mweya wokuziva nokutya Jehovha. Mufaro wake uchava pakutya Jehovha.” Ikoko kunotaurwa zvakaisvonaka sei! Kutya Jehovha hakusi chinhu chisingafadzi. Kunobetsera uye kunovaka. Ivara richatekeshera munzvimbo yose pamusoro payo Kristu anotonga saMambo. Iye ari kutonga zvino, uye kuna vose avo vari kuunganidzwa savadzorwi vake, ari kupa mirayiridzo mukutya Jehovha. Seiko?
9. Jesu Kristu ari kutidzidzisa sei kutya Jehovha, uye chii chaanoda kuti tidzidze pamusoro pako?
9 Kupfurikidza nemisangano yedu yeungano, magungano, uye kokorodzano, Jesu, soMusoro wakagadzwa weungano uye saMambo wouMesiya, anotibetsera kunzwisisa zvakajeka icho chiri kutya kwoumwari uye chikonzero nei kuchibetsera kwazvo. Nokudaro anoedza kukudza kunzwisisa kwedu zvokuti tichadzidza kuwana mufaro mukutya Jehovha sezvaanongoita.
Uchaita Nhamburiko Here?
10. Pakupinda misangano yechiKristu, chii chatinofanira kuita kana tichizonzwisisa kutya Jehovha?
10 Chokwadika, kungorava kwedu Bhaibheri kana kuti kupinda misangano muHoro yoUmambo hakusati kuchizovimbisa kuti tichava nokutya kwoumwari. Cherekedza chatinofanira kuita kana tichizonzwisisa chaizvoizvo kutya Jehovha. Zvirevo 2:1-5 inoti: “Mwanakomana wangu, kana ukagamuchira mashoko angu, nokuchengeta mirayiro yangu kwauri; kuti urerekere nzeve yako iteerere uchenjeri, nokurwadza mwoyo wako, kuti unzwisise; kana ukachemera kunzwisisa, ukadanidzira nenzwi rako kuti uwane njere; zvirokwazvo kana ukautsvaka sesirvheri, ukautsvakisisa sefuma yakavanzwa; ipapo uchanzwisisa kutya Jehovha, nokuwana zivo yaMwari.” Naizvozvo pakupinda misangano, tinofanira kupa ngwariro kune zvinotaurwa, kuita nhamburiko yapachokwadi kuti tipe ngwariro pakuri ndokuyeuka mifungo inokosha, kufunga zvikuru pamusoro pamanzwire atinoita pamusoro paJehovha kuti anofanira sei kupesvedzera chimiro chedu chendangariro kuzano rinopiwa—hungu, kuzarura mwoyo yedu. Ipapo tichanzwisisa kutya Jehovha.
11. Kuti tisakurire kutya kwoumwari, chii chatinofanira kuita zvapachokwadi uye kazhinji kazhinji?
11 Pisarema 86:11 rinokwevera ngwariro kuchimwe chinhu chinokosha, icho chomunyengetero. “Ndidzidzisei nzira yenyu, Jehovha, ndichafamba muzvokwadi yenyu,” akanyengetera kudaro wezvamapisarema. “Batanidzai mwoyo wangu kuti nditye zita renyu.” Jehovha akatendera munyengetero iwoyo, nokuti akaita kuti unyorwe muBhaibheri. Kuti tisakurire kutya kwoumwari, isuwo tinofanira kunyengetera kuna Jehovha nokuda kwebetsero yake, uye tichabetserwa kupfurikidza nokunyengetera zvapachokwadi uye kazhinji kazhinji.—Ruka 18:1-8.
Mwoyo Wako Unobatanidzwa
12. Neiko mwoyo uchifanira kupiwa ngwariro chaiyo, uye ikoko kunobatanidzei?
12 Pane chimwe chinhuzve chatinofanira kucherechedza paPisarema 86:11. Wezvamapisarema akanga asingangokumbiri zvake kunzwisisa kwoungwaru kwokutya Mwari. Iye anodudza mwoyo wake. Kusakurirwa kwokutya kwoumwari kunobatanidza mwoyo wokufananidzira, uyo unoda ngwariro chaiyo nemhaka yokuti ndiwo munhu womukati seanoratidzirwa mumibato yedu yose youpenyu uye unobatanidza mifungo yedu, zvimiro zvedu zvendangariro, zvishuvo zvedu, vavariro dzedu, nharidzano dzedu.
13. (a) Chii chingaratidzira kuti mwoyo womunhu wakakamukana? (b) Sezvatinosakurira kutya kwoumwari, tinofanira kushandira nharidzanoi?
13 Bhaibheri rinotinyevera kuti mwoyo womunhu ungava wakakamukana. Unogona kuva unonyengera. (Pisarema 12:2; Jeremia 17:9) Ungatisunda kugoverana mumibato yakanaka—kuenda kumisangano yeungano nokubuda muushumiri hwomumunda—asi ungadawo mativi akati amararamire enyika. Ikoku kungatidzivisa pakuva vomwoyo wose zvirokwazvo mukusimudzira fariro dzoUmambo. Ipapo mwoyo unonyengera ungaedza kutipesvedzera kuti, pashure pokurangarira zvose, tiri kuita zvizhinji savamwe vakawanda. Kana kuti zvichida muchikoro kana kuti panzvimbo yedu yebasa rokunyika, mwoyo ungapesvedzerwa nokutya munhu. Somugumisiro, mumhoteredzo idzodzo tingazengurira kuzvizivisa timene seZvapupu zvaJehovha uye tingatoita zvinhu izvo zvisina kufanira vaKristu. Pashure, zvisinei, hana yedu inotitambudza. Irworwo handirwo rudzi rwomunhu rwatinoda kuva. Pamwe nowezvamapisarema, naizvozvo, tinonyengetera kuna Jehovha, kuti: “Batanidzai mwoyo wangu kuti nditye zita renyu.” Tinoda kuti munhu wose womukati, seanooneka mumibato yedu yose youpenyu, ape ufakazi hwokuti isu tino“tya Mwari [nokuchengeta] mirayiro yake.”—Muparidzi 12:13.
14, 15. (a) Pakufanotaura kudzorerwa kwaIsraeri kubva muutapwa muBhabhironi, Jehovha akapikira kupei vanhu vake? (b) Jehovha akaitei nomurangariro wokudyara kutya Mwari mumwoyo yavanhu vake? (c) Neiko Israeri akabva munzira dzaJehovha?
14 Jehovha akapikira kuti aizopa mwoyo unotya Mwari wakadaro kuvanhu vake. Iye akafanotaura kudzoserwa kwaIsraeri uye akati, sezvatinorava pana Jeremia 32:37-39: “Ndichavadzoserazve kunzvimbo ino, nokuvagarisa vakachengetwa. Ivo vachava vanhu vangu, neni ndichava Mwari wavo. Ndichavapa mwoyo mumwe nenzira imwe, kuti vanditye nokusingaperi, vaitirwe zvakanaka ivo, navana vavo vanovatevera.” Mundima 40, chipikirwa chaMwari chinosimbiswa, kuti: “Ndichaisa kutya mumwoyo yavo kuti vanditye, kuti varege kuzotsauka kwandiri.” Muna 537 B.C.E., Jehovha akavadzosera kuJerusarema sezvaakanga apikira. Asi zvakadiniko norutivi rwose rwasara rwechipikirwa ichocho—rwokuti aizovapa ‘mwoyo mumwe kuti vamutye nguva dzose’? Neiko rudzi rwakare rwaIsraeri rwakabva kuna Jehovha pashure pokunge avadzosera vachibva Bhabhironi, zvokuti tembere yavo yakaparadzwa muna 70 C.E., zvokusazotongovakwazve?
15 Ikoku kwakanga kusiri nemhaka yokukundikana kupi nokupi kwaJehovha. Jehovha, zvirokwazvo, akaita nhano dzokuisa kutyiwa kwaMwari mumwoyo yavanhu vake. Kupfurikidza nengoni dzaakaratidza mukuvanunura muBhabhironi nokuvadzosera kunyika yokumusha kwavo, akavapa chikonzero chiri chose chokumurangarira noruremekedzo rukuru. Mwari akasimbisa kwose ikoko nezviyeuchidzo, zano, uye kutsiura kupfurikidza navaporofita Hagai, Zakaria, uye Maraki; kupfurikidza naEzra, uyo akatumwa kwavari somudzidzisi; kupfurikidza naGavhuna Nehemia; uye kupfurikidza noMwanakomana waMwari amene. Padzimwe nguva vanhu vakateerera. Vakaita kudaro apo vakavakazve tembere yaJehovha pakukurudzira kwaHagai naZakaria uye pavakadzinga vadzimai vokumwe mumazuva aEzra. (Ezra 5:1, 2; 10:1-4) Asi kazhinji zvikuru havana kuteerera. Ivo vakanga vasiri venguva dzose pamusoro pokupa ngwariro; havana kupfuurira kuva vanogamuchira zano; havana kuchengeta mwoyo yavo yakazaruka. VaIsraeri vakanga vasiri kusakurira kutya kwoumwari, uye somugumisiro, kwakanga kusiri simba rinosunda rine simba muupenyu hwavo.—Maraki 1:6; Mateo 15:7, 8.
16. Mumwoyo yavanaani umo Jehovha akasima kutya kwoumwari?
16 Bva, chipikirwa chaJehovha chokuisa kutya kwoumwari mumwoyo yavanhu vake hachina kukundikana. Iye akaita sungano itsva naIsraeri womudzimu, vaKristu vaye vakaisa tariro yokudenga pamberi pavo. (Jeremia 31:33; VaGaratia 6:16) Muna 1919, Mwari akavadzosera kubva muutapwa hweBhabhironi Guru, umambo hwenyika hworudzidziso rwenhema. Mumwoyo yavo akasima zvakasimba kutyiwa kwake. Ikoku kwakaunza betsero dzakapfuma kwavari uye ku“vazhinji zhinji,” vane tariro youpenyu savadzorwi vapasi voUmambo. (Jeremia 32:39; Zvakazarurwa 7:9) Kutya Jehovha kwakasvika pakuva mumwoyo yavowo.
Nzira Iyo Kutya Kwoumwari Kunosimwa Nayo Mumwoyo Yedu
17. Jehovha akaisa sei kutya kwoumwari mumwoyo yedu?
17 Jehovha akasima sei uku kutya kwoumwari mumwoyo yedu? Kupfurikidza nokushanda kwomudzimu wake. Uye chii chatinacho chiri chibereko chomudzimu mutsvene? Bhaibheri, Shoko raMwari rakafuridzirwa. (2 Timotio 3:16, 17) Kupfurikidza nezvaakaita munguva yakapfuura, kupfurikidza nokubata kwake navabatiri vake zvino mukuzadzikwa kweShoko rake rouporofita, uye kupfurikidza nouporofita hwezvinhu zvichauya, Jehovha anogovera hwaro hwakanaka nokuda kwedu tose kuti tikudziridze kutya kwoumwari.—Joshua 24:2-15; VaHebheru 10:30, 31.
18, 19. Kokorodzano, magungano, uye misangano yeungano zvinotibetsera sei kuwana kutya kwoumwari?
18 Kunokosha zvikuru kuti, sezvinoshumwa pana Dheuteronomio 4:10, Jehovha akati kuna Mosesi: “Ndiunganidzire vanhu, ndivaudze mashoko angu, kuti vadzidze kunditya mazuva ose avachagara panyika, vagodzidzisa vana vavowo.” Nenzira yakafanana nhasi, Jehovha akaita gadziriro dzakawanda kuti abetsere vanhu vake kudzidza kumutya. Pakokorodzano, magungano, uye misangano yeungano, tinorondedzera ufakazi hwomutsa worudo waJehovha norunako rwake. Ndizvo zvatiri kuita pakufunda bhuku raMunhu Mukurusa Ati Amborarama. Fundo yacho iri kukutapura sei iwe nechimiro chako chendangariro kuna Jehovha? Sezvaunoona mativi akasiyana-siyana ounhu hwakaisvonaka hwaBaba vedu vokudenga huchiratidzirwa muMwanakomana wavo, ikoku hakusi kusimbisa chishuvo chako chokusatongova asingafadzi kuna Mwari here?—VaKorose 1:15.
19 Pamisangano yedu, tinofundawo nhoroondo dzokununura kwaJehovha vanhu vake munguva dzakapfuura. (2 Samueri 7:23) Sezvatakafunda bhuku reBhaibheri raZvakazarurwa neyamuro yebhuku raZvakazarurwa—Mugumo Wazvo Une Mbiri Waswedera Pedyo!, takadzidza pamusoro pezviono zvouporofita zvakatozadzikwa muzana rino ramakore rechi 20 uye pamusoro pezviitiko zvinotyisa zvichigere kuuya. Pamusoro pezvinhu zvose zvakadaro zvaMwari, Pisarema 66:5 rinoti: “Uyai, muone mabasa aMwari; unotyisa pane zvaanoitira vana vavanhu.” Hungu, zvichirangarirwa zvakafanira, izvi zviito zvaMwari zvinodyara mumwoyo yedu kutya Jehovha, ruremekedzo rukuru. Nokudaro tinogona kuona nzira iyo Jehovha Mwari anozadzika nayo chipikirwa chake, chokuti: “Ndichaisa kutya mumwoyo yavo kuti vanditye, kuti varege kuzotsauka kwandiri.”—Jeremia 32:40.
20. Kuitira kuti kutya kwoumwari kusimwe zvakasimba mumwoyo yedu, chii chinodikanwa kwatiri?
20 Kuri pachena, zvisinei, kuti kutya kwoumwari hakuvi mumwoyo yedu pasina nhamburiko kwatiri. Migumisiro haierekani yaitika. Jehovha anoita rutivi rwake. Tinofanira kuita rwedu kupfurikidza nokusakurira kutya kwoumwari. (Dheuteronomio 5:29) Israeri wokunyama akakundikana kuita izvozvo. Asi nokuvimba naJehovha, vaIsraeri vomudzimu neshamwari dzavo vava kutowana dzakawanda dzebetsero dzinouya kuavo vanotya Mwari. Ticharangarira dzimwe dzebetsero idzodzi munyaya inotevera.
Waizopindura Sei?
◻ Kutya kwoumwari chii?
◻ Tiri kudzidziswa sei kuti tiwane mufaro mukutya Jehovha?
◻ Kuti tive nokutya kwoumwari, inhamburikoi inodikanwa kwatiri?
◻ Neiko kuwana kutya kwoumwari kuchibatanidza mativi ose omwoyo wedu wokufananidzira?
[Mifananidzo iri papeji 12, 13]
Kufunda kwokushingaira kunodikanwa kuti tinzwisise kutya Jehovha