Rugare
SHA·LOHMʹ, shoko rechiHebheru rinoshandurwa kuti “rugare,” rinonongedzera kumamirire ezvinhu okuva akasunungurwa muhondo kana kuti vhiringidziko (Vatongi 4:17; 1 Samueri 7:14; 1 Madzimambo 4:24; 2 Makoronike 15:5, Jobho 21:9; Muparidzi 3:8); rinogona kupa mufungo weutano, kotsekano, kunaka (Genesi 37:14, NW, mashoko omuzasi), garikano (Genesi 41:16), ushamwari (Pisarema 41:9), uye kuzara kana kuti kukwana (Jeremia 13:19). Shoko rechiGiriki nokuda kwarugare (ei·reʹne) rakava nerevo huru dzimwe chetedzo neshoko rechiHebheru sha·lohmʹ uye ringareva pfungwa dzegarikano, ruponeso, uye wirirano, mukuwedzera kusavapo kwerwisano. Rinooneka mukutaura kweonekano kwokuti “enda norugare,” uko kunotiwiriranei nekutaura kwokuti ‘ngazvive zvakanaka nemi.’—Marko 5:34; Ruka 7:50; 8:48; Jakobho 2:16; enzanisa na1 Samueri 1:17; 20:42; 25:35; 29:7; 2 Samueri 15:9; 2 Madzimambo 5:19.
Sezvo “rugare” risina kuenzana chaizvoizvo nguva dzose nemashoko omutauro wapakuvamba, mashoko akapoteredza anofanira kurangarirwa kuziva chinorehwa. Somuenzaniso, ku‘endeswa murugare’ kungagona kuratidzira kuendeswa noushamwari, pasina rutyo rwedzongonyedzo inobva kune uyo anopa mvumo yokuenda. (Genesi 26:29; 44:17; Eksodho 4:18) Ku‘dzokera murugare, sokubva muhondo, kwakareva kudzokera pasina kukuvadzwa kana kuti norukundo. (Genesi 28:21; Joshua 10:21; Vatongi 8:9; 11:31; 2 Makoronike 18:26, 27; 19:1) ‘Kukumbira kune chokuita norugare’ kwomunhu kwakareva kubvunza pamusoro pokuti akanga achiita sei. (Genesi 29:6, mashoko omuzasi; Gen. 43:27, NW, mashoko omuzasi) ‘Kushandira rugare’ rwomumwe munhu kwakaratidzira kushandira garikano yomunhu iyeyo. (Dheuteronomio 23:6) Kuti munhu afire murugare kwaigona kureva kufa kwake rufu rworunyararo mushure mokufarikanya upenyu hwakazara kana kuti kuitika kwetariro yaidikanwa. (Enzanisa naGenesi 15:15; Ruka 2:29; 1 Madzimambo 2:6.) Uporofita pamusoro po‘kuvigwa mubwiro hwake norugare’ kwaJosia hwakaratidzira kuti aizofa ngwavaira yakafanotaurwa pamusoro peJerusarema isati yasvika. (2 Madzimambo 22:20; 2 Makoronike 34:28; enzanisa na2 Madzimambo 20:19.) Pana Isaya 57:1, 2 akarurama anoratidzirwa seanopinda murugare parufu, nenzira iyoyo achipukunyuka ngwavaira.
Kuwana Rugare
Jehovha ndiMwari werugare (1 VaKorinte 14:33; 2 VaKorinte 13:11; 1 VaTesaronika 5:23; VaHebheru 13:20) uye Manyuko orugare (Numeri 6:26; 1 Makoronike 22:9; Pisarema 4:8; 29:11; 147:14; Isaya 45:7; VaRoma 15:33; 16:20), irwo rwuchiva chibereko chomudzimu. (VaGaratia 5:22) Nokuda kwechikonzero ichocho rugare rwechokwadi runogona kuwanwa bedzi naavo vari parugare naMwari. Kudarika kwakakomba kunoisa dzvinyiriro paukama hwomunhu naMwari ndokuparira munhu wacho kuvhiringidzika. Wezvamapisarema akati: “Hakuchina ukukutu panyama yangu nokuda kwehasha dzenyu.” (Pisarema 38:3) Avo vanoshuva kutsvaka ndokuronda rugare vanofanira naizvozvo “kubva pane zvakaipa, ndokuita zvakanaka.” (Pisarema 34:14, NW) Pasina kururama, hapagoni kuva norugare. (Pisarema 72:3; 85:10; Isaya 32:17) Ndicho chikonzero nei vakaipa vasingagoni kuva norugare. (Isaya 48:22; 57:21; enzanisa naIsaya 59:2-8.) Kune rumwe rutivi, rugare chinhu cheavo vakazvipira zvizere kuna Jehovha, vanoda mutemo wake (Pisarema 119:165), nokuchengeta mirayiro yake.— Isaya 48:18.
Shoko rorugare rakaziviswa naJesu navateveri vake rakafadza ku‘shamwari dzorugare’ ndiko kuti, kuvanhu vaishuva kuyananiswa naMwari. (Mateo 10:13; Ruka 10:5, 6; Mabasa 10:36) Panguva imwe cheteyo shoko irori rakakonzera mapoka mumhuri, sezvo vamwe vakarigamuchira nepo vamwe vakariramba. (Mateo 10:34; Ruka 12:51) Vazhinji vevaJudha vakaramba shoko racho uye nokudaro vakakundikana kunzwisisa “zvinhu zvingakupa rugare,” sezviri pachena kubatanidza rupfidzo uye kugamuchirwa kwaJesu saMesiya. (Enzanisa naRuka 1:79; 3:3-6; Johane 1:29-34.) Kukundikana kwavo kwakaguma nokuparadzwa kweJerusarema kwakaitwa nehondo dzeRoma muna 70 C.E.—Ruka 19:42-44.
Zvisinei, kunyange vaJudha vakagamuchira “rugare” vakanga vari vatadzi uye vaida kuti kudarika kwavo kuyananiswe kuitira kuti vagofarikanya rugare naJehovha Mwari. Rufu rwaJesu sechibayiro chorudzikinuro rwakatarisira icho chinodikanwa. Sezvakanga zvafanotaurwa: “Kurohwa kwakativigira rugare kwakanga kuri pamusoro pake, takaporeswa namavanga ake.” (Isaya 53:5) Rufu rwechibayiro rwaJesu padanda rokutambudzikira rwakagoverawo hwaro hwokubvisa Mutemo waMosesi, waikamura vaJudha navaisava vaJudha. Naizvozvo, pakuva vaKristu, marudzi ose ari maviri aigona kuva norugare naMwari uye nomumwe nomumwe. Muapostora Pauro akanyora, kuti: “[Kristu] ndiye rugare rwedu, iye wakaita zvinhu zviviri kuti chive chinhu chimwe, akaputsa rusvingo rwapakati rwaiparadzanisa; zvaakaparadza munyama yake kuvengana, iwo murayiro wezvakarairwa pazvirevo; kuti asike ava vaviri vave munhu mutsva maari, aite rugare saizvozvo; kuti mumuchinjikwa ayananisezve vose vaviri, vave muviri mumwe kuna Mwari, zvaakauraya kuvengana naiwo muchinjikwa; akasvika, akaparidza rugare kwamuri, imi maiva kure, norugare kuna ivo vaiva pedyo; nokuti isu tose tinopinda naiye noMweya mumwe kuna Baba.”—VaEfeso 2:14-18; enzanisa naVaRoma 2:10, 11; VaKorose 1:20-23.
“Rugare rwaMwari,” urwo rwuri teramo nerunyararo runobva muukama hunokosha hwomuKristu naJehovha Mwari, runodzivirira mwoyo wake nemasimba endangariro pakufunganya pamusoro pezvinodikanwa zvake. Iye ane nyaradzo iyo Jehovha Mwari anogovera vabatiri vake uye anopindura minyengetero yavo. Ikoku kunozorodza mwoyo wake nendangariro. (VaFiripi 4:6, 7) Nenzira yakafanana, rugare urwo Jesu Kristu akapa kuvadzidzi vake, rwaitsamira pakumutenda kwavo seMwanakomana waMwari, rwakabatira kunyaradza mwoyo yavo nendangariro. Kunyange zvazvo Jesu akavaudza kuti nguva yakanga ichiuya apo iye aisazovazve navo pachake, vaisava nechikonzero chokutambudzika kana kuti chokutya. Akanga asiri kuvasiya vasina betsero asi akavapikira kuvatumira mudzimu mutsvene.—Johane 14:26, 27; 16:33; enzanisa naVaKorose 3:15.
Nokudaro kwakafanotaurwa kuti vanhu vechimiro chendangariro chinokuvadza, choumhuka vaizorega nzira dzavo dzoutsinye ndokugara murugare nevavakidzani vavo vakapfava zvikuru. Zvisinei, kushandiswa kwouporofita kwemhuka nenzira yokufananidzira kuratidzira mamirire ezvinhu ane rugare kuti achatekeshera pakati pavanhu vaMwari kunoreva kuti kuchavawo nerugare pakati pemhuka chaidzoidzo mukutonga kwaKristu Jesu, kunyange sezvarwaivapo sezviri pachena muEdheni.