Zvipe Umene Kuti Urave
“Shingaira pakurava, napakurayira, napakudzidzisa, kusvikira ndichiuya.”—1 TIMOTIO 4:13.
1. Tinogona sei kubetserwa nokurava Bhaibheri?
JEHOVHA MWARI akapa rudzi rwomunhu mano anoshamisa okudzidza kurava nokunyora. Akagoverawo Shoko rake, Bhaibheri, kuitira kuti tigogona kurayiridzwa zvakanaka. (Isaya 30:20, 21) Chaizvoizvo, mapeji aro anotigonesa ku“famba” nemadzitateguru aitya Mwari akafanana naAbrahama, Isaka, uye Jakobho. Tinogona ku“ona” vakadzi voumwari vakadai saSara, Rebheka, uye muMoabhikadzi akavimbika Rute. Hungu, uye tinogona ku“nzwa” Jesu Kristu achipa Mharidzo yake Yapagomo. Mufaro wose uyu nemurayiridzo wakaisvonaka unobva muMagwaro Matsvene unogona kuva wedu kana tiri varavi vakanaka.
2. Chii chinoratidzira kuti Jesu navaapostora vake vaigona kurava zvakanaka?
2 Pasina panikiro, munhu akakwana Jesu Kristu akanga aine mano okurava akaisvonaka, uye zvirokwazvo aiziva Magwaro echiHebheru zvakanaka zvikuru. Apo akaedzwa naDhiyabhorosi, naizvozvo, Jesu akanongedzera anongedzerazve kwaari ndokuti, “Kwakanyorwa.” (Mateo 4:4, 7, 10) Pane imwe nhambo pasinagoge muNazareta, akarava pachena ndokushandisa kwaari amene chimwe chikamu chouporofita hwaIsaya. (Ruka 4:16-21) Zvakadini navaapostora vaJesu? Mumanyoro avo, vaiwanzonokora mashoko Magwaro echiHebheru. Kunyange zvazvo vatongi vechiJudha vairangarira Petro naJohane savasina kudzidza uye savanhuwo zvavo nemhaka yokuti vakanga vasina kudzidza muzvikoro zvechiHebheru zvedzidzo yapamusoro, tsamba dzavo dzakafuridzirwa naMwari dzinobvumikisa zvakajeka kuti vaigona kurava nokunyora zvakanaka. (Mabasa 4:13) Asi mano okurava anokosha chaizvoizvo here?
“Wakaropafadzwa Uyo Unorava [Zvinonzwika, NW]”
3. Nei kuchikosha kwazvo kurava Magwaro nezvinyorwa zvechiKristu?
3 Kupinza nokushandisa zivo yakarurama yapaMagwaro kunogona kuguma noupenyu husingagumi. (Johane 17:3) Zvapupu zvaJehovha naizvozvo zvinoziva kuti kunokosha zvikuru kurava ndokufunda Magwaro Matsvene nezvinyorwa zvechiKristu zvinogoverwa naMwari kupfurikidza neboka remuranda akatendeka uye akachenjera ravaKristu vakazodzwa. (Mateo 24:45-47) Kutaura idi, kupfurikidza nokushandisa zvinyorwa zvakagadzirwa chaizvo zveWatch Tower, zviuru zvakadzidziswa kurava uye nokudaro kuwana zivo inopa upenyu yeShoko raMwari.
4. (a) Nei mufarwa uchibva mukurava, kufunda, uye kushandisa Shoko raMwari? (b) Pamusoro pekurava, Pauro akaudzei Timotio?
4 Mufarwa unobva mukurava, kufunda, uye kushandisa Shoko raMwari. Ikoku kwakadaro nemhaka yokuti nenzira iyoyo tinofadza nokukudza Mwari, tinowana chikomborero chake, uye tinowana mufaro. Jehovha anoda kuti vabatiri vake vafare. Nokudaro, akarayira vaprista kurava Mutemo wake kuvanhu vaIsraeri wakare. (Dheuteronomio 31:9-12) Apo Ezra munyori navamwe vakarava Mutemo kuvanhu vose vakanga vakaungana muJerusarema, revo yawo yakajekeswa, uye mugumisiro wakava “kufara kwazvo.” (Nehemia 8:6-8, 12) Muapostora wechiKristu Pauro gare gare akaudza mushandi biyake Timotio, kuti: “Shingaira pakurava, napakurayira, napakudzidzisa, kusvikira ndichiuya.” (1 Timotio 4:13) Imwe shanduro inorava, kuti: “Zvipe umene kuti urave Magwaro pachena.”—New International Version.
5. Zvakazarurwa 1:3 inobatanidza sei mufarwa nokurava?
5 Kuti mufaro wedu unotsamira pakurava uye kushandisa Shoko raMwari kunojekeswa pana Zvakazarurwa 1:3. Ipapo tinoudzwa, kuti: “Wakaropafadzwa uyo unorava [zvinonzwika, NW], navanonzwa mashoko okuporofita, vachichengeta zvakanyorwa imomo, nokuti nguva yava pedyo.” Hungu, tinofanira kurava zvinonzwika ndokunzwa mashoko ouporofita aMwari ari muna Zvakazarurwa nemuMagwaro mose. Munhu anofara zvirokwazvo ndeuya ano“farira murayiro waJehovha; unofungisisa murayiro wake masikati nousiku.” Mugumisiro wacho? “Chinhu chipi nechipi chaanoita chichaendika.” (Pisarema 1:1-3) Nokuda kwezvikonzero zvakanaka, naizvozvo, sangano raJehovha rinokurudzira mumwe nomumwe wedu kurava ndokufunda Shoko rake somunhu oga, semhuri, uye neshamwari.
Funga Nokushingaira uye Fungisisa
6. Joshua akarayirwa kuravei, uye ikoku kwaibetsera sei?
6 Unogona sei kuwana zvizhinjisa mukurava kwako Shoko raMwari nezvinyorwa zvechiKristu? Sezvingabvira uchakuwana kuchibetsera kuita zvakaitwa naJoshua, mutungamiriri aitya Mwari waIsraeri wakare. Akarayirwa, kuti: “Bhuku iyi yomurayiro haifaniri kubva pamuromo wako, asi unofanira kui[rava nenzwi rakaderera] masikati nousiku, kuti uchenjere kuita zvose zvakanyorwamo; nokuti nokudaro uchazviwanira mufaro panzira yako nokubata nokuchenjera.” (Joshua 1:8) ‘Kurava nenzwi rakaderera’ kunoreva kutaura mashoko acho kwauri umene nenzwi rakaderera. Ikoku iyamuro yokuyeuka, nokuti kunoroverera mashoko acho pandangariro. Joshua akanga achifanira kurava Mutemo waMwari “masikati nousiku,” kana kuti nguva dzose. Ndiyo yakanga iri nzira yokubudirira nayo nokuita nokuchenjera mukuita mabasa akapiwa naMwari. Kurava nguva dzose kwakadaro Shoko raMwari kunogona kukubetsera nenzira yakafanana.
7. Nei tisingafaniri kurega pfungwa yokukurumidza ichidzora apo tinorava Shoko raMwari?
7 Usarege pfungwa yokukurumidza ichidzora pakurava Shoko raMwari. Kana uchinge waronga kupedza nhambo yakati yenguva uchirava Bhaibheri kana kuti chimwe chinyorwa chechiKristu, ungada kutora nguva yako. Ikoku kunokosha zvikurukuru apo unenge uchifunda nechinangwa chokuyeuka mapfundo anokosha. Uye apo unorava, funga nokushingaira. Ongorora kutaura kwomunyori weBhaibheri. Zvibvunze umene kuti, ‘Pfundo rake nderipi? Ndinofanira kuitei namashoko aya?’
8. Nei kuchibetsera kufungisisa pakurava Magwaro?
8 Wana nguva yokufungisisa apo unenge uchirava Magwaro Matsvene. Ikoku kuchakubetsera kuyeuka nhoroondo dzeBhaibheri nokushandisa nheyo dzapaMagwaro. Kufungisisa Shoko raMwari uye nokudaro kuroverera mapfundo mundangariro yako kuchakugonesawo kutaura zvinobva mumwoyo, uchipa vabvunzi vapachokwadi mhinduro dzakaisvonaka panzvimbo pokutaura chimwe chinhu icho gare gare ungademba. Chimwe chirevo chakafuridzirwa noumwari chinoti: “Mwoyo wowakarurama unombofunga chaungapindura.”—Zvirevo 15:28.
Batanidza Mapfundo Matsva Neekare
9, 10. Kurava kwako Bhaibheri kunogona sei kuvandudzwa kupfurikidza nekubatanidza mapfundo matsva apaMagwaro neayo unotoziva?
9 VaKristu vazhinjisa vanofanira kubvuma kuti pane imwe nguva vaiziva zvishomanene pamusoro paMwari, Shoko rake, uye zvinangwa zvake. Nhasi, zvisinei, vashumiri ava vechiKristu, kutanga nokusikwa uye kuwira kwomunhu muchivi, vanogona kutsanangura chinangwa chechibayiro chaKristu, vanogona kutaura nezveruparadziko rwetsika ino yakaipa yezvinhu, uye vanogona kuratidza nzira iyo rudzi rwomunhu rwunoteerera ruchakomborerwa nayo neupenyu husingagumi muparadhiso yapasi. Ikoku kunobvira zvikuru nemhaka yokuti ava vabatiri vaJehovha vakapinza “kuziva Mwari kumene” kupfurikidza nokufunda Bhaibheri nezvinyorwa zvechiKristu. (Zvirevo 2:1-5, NW) Zvishoma nezvishoma vakabatanidza mapfundo matsva akadzidzwa neekare anotonzwisiswa.
10 Kubatanidza mapfundo matsva apaMagwaro neayo unotoziva kunobetsera uye kunotusa. (Isaya 48:17) Apo mitemo yeBhaibheri, nheyo, kana kuti kunyange mifungo yakatiomei inopiwa, batanidza izvozvi nezvaunotoziva. Tsinhiranisa mashoko acho nezvawakadzidza pamusoro pe“mashoko akarurama.” (2 Timotio 1:13) Tsvaka mashoko angakubetsera kusimbisa ukama hwako naMwari, kuvandudza unhu hwako hwechiKristu, kana kuti kukubatsira kugoverana zvokwadi dzeBhaibheri navamwe.
11. Chii chaungaite pakurava chimwe chinhu icho Bhaibheri rinotaura pamusoro pemufambiro? Enzanisira.
11 Pakurava chimwe chinhu icho Bhaibheri rinotaura pamusoro pemufambiro, edza kunzwisisa nheyo inobatanidzwa. Ifungisise, uye sarudza chawaizoita mumamiriro ezvinhu akafanana. Mwanakomana waJakobho Josefa nguva dzose akaramba kubatanidzwa muutere nemudzimai waPotifari, achibvunza, kuti: “Ndingaita seiko chinhu ichi chakaipa zvikuru nditadzire Mwari?” (Genesi 39:7-9) Mune iyi nhoroondo inonyandura, unowana nheyo huru—utere chivi kuna Mwari. Mundangariro unogona kubatanidza nheyo iyi nekumwe kutaura kuri muShoko raMwari, uye unogona kuiyeuka nebetsero kana ukaedzwa kupinda muchakaipa chakadaro.—1 VaKorinte 6:9-11.
Isa Muchiono Zviitiko zvapaMagwaro
12. Nei uchifanira kuisa muchiono nhoroondo dzeBhaibheri sezvaunodzirava?
12 Kuti uroverere mapfundo pandangariro yako sezvaunorava, isa muchiono zviri kuitika. Mundangariro ona nyika yacho, misha yacho, vanhu vacho. Inzwa manzwi avo. Nhuwidza chingwa chiri kubikwa muhovhoni. Ita kuti zviono zvacho zvive noupenyu zvakare. Ipapo kurava kwako kuchava chiitiko chinosunda, nokuti ungaona guta rakare, kukwira gomo guru, kushamiswa nezvishamiso zvechisiko, kana kuti kusonganirana navarume navakadzi vekutenda kukuru.
13. Ungarondedzera sei zvakanyorwa pana Vatongi 7:19-22?
13 Ngatitii uri kurava Vatongi 7:19-22. Isa muchiono zviri kuitika. Mutongi Gidheoni nevarume vaIsraeri vane simba mazana matatu vatora nzvimbo dzavo pamuganhu wemusasa wavaMidhiani. Nguva dzinenge 10 kiroko manheru, kuvamba kwe“nguva yapakati pousiku.” Varindiri veMidhiani vachangobva kuiswa munzvimbo dzavo, uye rima rinofukidza musasa wavavengi vaIsraeri vakarara. Tarira! Gidheoni navarume vake vakashongedzerwa nehwamanda. Vane zvirongo zvikuru izvo zvinofukidza mwenje yavo yakabatwa mumaoko avo oruboshwe. Kamwe kamwe, mapoka matatu evane zana mune rimwe nerimwe anoridza hwamanda, anopunza zvirongo zvacho, anosimudza mwenje, uye anodanidzira, kuti: “Munondo waJehovha nowaGidheoni!” Unotarira kumusasa. Chokwadi, vaMidhiani vanotiza uye vanovamba kudanidzira! Sezvo vane mazana matatu vanopfuurira kuridza hwamanda dzavo, Mwari anoita kuti minondo yavaMidhiani irwisane. Midhiani adzingwa, uye Jehovha apa Israeri rukundo.
Kudzidza Zvidzidzo Zvinokosha
14. Vatongi ganhuro 9 ingashandiswa sei kudzidzisa mwana kudikanwa kwokuzvininipisa?
14 Kupfurikidza nokurava Shoko raMwari, tinogona kudzidza zvidzidzo zvizhinji. Somuenzaniso, zvichida unoda kuorora vana vako nekudikanwa kwokuva vanozvininipisa. Eya, kunofanira kuva kuri nyore kuisa muchiono ndokunzwisisa zvakataurwa muuporofita hwemwanakomana waGidheoni Jotami. Vamba kurava pana Vatongi 9:8. “Imwe nguva,” akadaro Jotami, “miti yakandozvizodzera mambo wayo.” Muorivhi, muonde, uye muzambiringa yakaramba kutonga. Rukato rwakaderera rwakafara kuva mutongi. Pashure pokunge warava nhoroondo yacho zvinonzwika kuvana vako, ungatsanangura kuti miti inokosha yaimirira vanhu vakafanira avo vasina kutsvaka nzvimbo yeumambo pana vaIsraeri biyavo. Rukato, urwo rwaingobatsira bedzi nokuda kwekubatidza mwoto, rwaimirira umambo hwaAbimereki aidada, mupondi uyo aida kudzora vamwe asi akaguma mukuzadzikwa kwouporofita hwaJotami. (Vatongi, ganhuro 9) Mwana upi angada kukura ndokuva serukato?
15. Ukoshi hwekuvimbika hunosimbiswa sei mubhuku raRute?
15 Ukoshi hwekuvimbika hunojekeswa mubhuku reBhaibheri raRute. Ngatitii mitezo yemhuri yako iri kuchinjana kurava nhoroondo iyoyo zvinonzwika uye ichiedza kunzwisisa zvainotaura. Unoona muMoabhikadzi Rute ari parwendo rwokuenda kuBhetrehema navamwene vake vari chirikadzi, Naomi, uye unonzwa Rute achiti: “Vanhu venyu vachava vanhu vangu, naMwari wenyu uchava Mwari wangu.” (Rute 1:16) Rute anobishaira anoonekwa achiunganidza ari shure kwavacheki mumunda waBhoazi. Unomunzwa achimurumbidza, achiti: “Vose veguta rangu vanoziva kuti uri mukadzi wakanaka kwazvo.” (Rute 3:11) Nokukurumidza, Bhoazi anoroora Rute. Mutsinhirano yegadziriro yekuroorana kwavaramu, kupfurikidza naBhoazi anoberekera “Naomi” mwanakomana. Rute anova tategurukadzi waDhavhidhi uye pakupedzisira waJesu Kristu. Naizvozvo akawana “mubayiro wakakwana.” Uyezve, avo vanorava nhoroondo yapaMagwaro vanodzidza chidzidzo chinokosha: Iva akavimbika kuna Jehovha, uye uchakomborerwa zvikuru.—Rute 2:12; 4:17-22; Zvirevo 10:22; Mateo 1:1, 5, 6.
16. VaHebheru vatatu vakatambura muedzoi, uye nhoroondo iyi inogona sei kutibetsera?
16 Nhoroondo yavaHebheru vainzi Shadraki, Meshaki, uye Abhedhi-nego inogona kutibetsera kuva vakatendeka kuna Mwari mumamiriro ezvinhu akaoma. Isa muchiono chiitiko chacho sezvo Dhanieri ganhuro 3 inoraviwa zvinonzwika. Mufananidzo mukuru wendarama wakamira mubani reDhura, apo vakuru vakuru veBhabhironi vaunganidzwa. Pakurira kwezviridzwa, vanowira pasi ndokunamata mufananidzo uwo Mambo Nebhukadnezari akanga amisa. Ndiko kuti, vose kusara kwaShadraki, Meshaki, uye Abhedhi-nego vanoita saizvozvo. Nokuremekedza, asi nenzira yakasimba, vanoudza mambo kuti havasati vachizobatira vamwari vake ndokunamata mufananidzo wendarama. Ava vaHebheru vaduku vanokandirwa muchoto chinopisa zvikuru. Asi chii chinoitika? Achitarira mukati, mambo anoona varume vana vakasimba, mumwe wavo “akaita somwanakomana wavamwari.” (Dhanieri 3:25) VaHebheru vatatu vanobudiswa muchoto, uye Nebhukadnezari anorumbidza Mwari wavo. Kwave kuchitusa kuisa muchiono nhoroondo yacho. Uye chidzidzo chakadini chainogovera pamusoro pekutendeka kuna Jehovha mumuedzo!
Betserwai Nokurava Bhaibheri Semhuri
17. Nokupfupikisa dudza zvimwe zvezvinhu zvinobetsera izvo mhuri yako inogona kudzidza kupfurikidza nokurava Bhaibheri pamwe chete.
17 Mhuri yako inogona kufarikanya betsero zhinji kana nguva dzose mukapedza nguva muchirava Bhaibheri pamwe chete. Kuvambira muna Genesi, unogona kuona chisiko ndokuona musha womunhu wapakuvamba weParadhiso. Unogona kugoverana zvakaitika zvemadzitateguru akatendeka nemhuri dzawo ndokutevera vaIsraeri sezvavanoyambuka Gungwa Dzvuku tsoka dzakaoma. Unogona kuona mukomana mufudzi Dhavhidhi achikunda hofori yechiFiristia Goriati. Mhuri yako inogona kucherekedza kuvakwa kwetembere yaJehovha muJerusarema, inogona kuona kuparadzwa kwayo namapoka eBhabhironi, uye inogona kuona kuvakwazve kwayo mukutungamirira kwaGavhuna Zerubhabheri. Pamwe chete nevafudzi vakaderera pedyo neBhetrehema, unogona kunzwa kuzivisa kwengirozi kuberekwa kwaJesu. Unogona kuwana udzame pamusoro perubhapatidzo rwake neushumiri hwake, unogona kumuona achipa upenyu hwake hwomunhu serudzikinuro, uye unogona kugoverana mufaro wekumutswa kwake. Tevere, unogona kufamba nemuapostora Pauro ndokucherekedza kuvambwa kweungano sezvo chiKristu chinopararira. Ipapo, mubhuku raZvakazarurwa, mhuri yako inogona kufarikanya chiono chinoshamisa chaJohane cheramangwana, kubatanidza Kutonga Kwamakore Ane Chiuru kwaKristu.
18, 19. Zvikarakadzoi zvinogoverwa pamusoro pekurava Bhaibheri kwemhuri?
18 Kana muri kurava Bhaibheri zvinonzwika semhuri, riravei norujeko nembavarira. Pakurava zvimwe zvikamu zveMagwaro, mutezo mumwe wemhuri—sezvinobvira baba—ungarava mashoko enhoroondo yacho. Vamwe venyu vanogona kutora nzvimbo dzavanhu vemuBhaibheri, muchirava mativi enyu nekunzwa kwakakodzera.
19 Sezvaunogoverana mukurava Bhaibheri semhuri, mano ako ekurava angavandudzika. Sezvingabvira, kuziva kwako Mwari kuchawedzera, uye ikoku kunofanira kukuswededza pedyo zvikuru naye. Asafi akaimba, kuti: “Kana ndirini, kuswedera pedyo [kwa]ari ndizvo zvinondifadza; Ishe Mwari ndakamuita nhare yangu, kuti ndiparidze mabasa enyu ose.” (Pisarema 73:28) Ikoku kuchabetsera mhuri yako kuva saMosesi, uyo “akatsungirira somunhu unoona iye usingaonekwi,” ndiko kuti, Jehovha Mwari.—VaHebheru 11:27.
Kurava uye Ushumiri hwechiKristu
20, 21. Basa redu rokuparidza rakabatana sei namano okurava?
20 Chishuvo chedu chokunamata “usingaonekwi” chinofanira kutisunda kushandira kuva varavi vakanaka. Mano okurava zvakanaka anotibetsera kupupurira zvinobva muShoko raMwari. Zvirokwazvo kunotibetsera kupfuurira mubasa rokuparidza Umambo iro Jesu akatuma vateveri vake apo akati: “Endai . . . mudzidzise marudzi ose, muvabhapatidze muzita raBaba, neroMwanakomana, neroMweya Mutsvene; muvadzidzise kuchengeta zvose zvandakakurairai imi.” (Mateo 28:19, 20; Mabasa 1:8) Kupupura ibasa guru ravanhu vaJehovha, uye mano okurava anotibetsera kuriita.
21 Nhamburiko inodikanwa yokuva muravi akanaka nomudzidzisi ane unyanzvi weShoko raMwari. (VaEfeso 6:17) Naizvozvo, ‘ita unani hwako kuti uzvipe umene uchitenderwa kuna Mwari, uchibata shoko rezvokwadi zvakarurama.’ (2 Timotio 2:15) Wedzera zivo yako yezvokwadi yapaMagwaro nemano ako seChapupu chaJehovha kupfurikidza nokuzvipa umene kuti urave.
Ndedzipi Dziri Mhinduro Dzako?
◻ Mufarwa unotsamira sei pakurava Shoko raMwari?
◻ Nei uchifanira kufungisisa zvaunorava muBhaibheri?
◻ Nei uchifanira kushandisa kubatanidza nekuisa muchiono pakurava Magwaro?
◻ Ndezvipi zviri zvimwe zvidzidzo zvinofanira kudzidzwa mukurava Bhaibheri?
◻ Nei muchifanira kurava Bhaibheri zvinonzwika semhuri, uye kurava kune batanoi neushumiri hwechiKristu?
[Mifananidzo iri papeji 13]
Pakurava Bhaibheri semhuri, isai muchiono nhoroondo dzacho ndokufungisisa revo yadzo