Rava Shoko raMwari Ndokumubatira Muzvokwadi
“Ndidzidzisei nzira yenyu, Jehovha, ndichafamba muzvokwadi yenyu.”—PISAREMA 86:11.
1. Chaizvoizvo, chii icho chinyorwa chekutanga chemagazini ino chakataura pamusoro pezvokwadi?
JEHOVHA anotuma chiedza nezvokwadi. (Pisarema 43:3) Anotipawo mano okurava Shoko rake, Bhaibheri, uye okudzidza zvokwadi. Chinyorwa chekutanga chemagazini ino—July 1879—chakati: “Zvokwadi, seruva duku rakapfava riri murenje roupenyu, rakakomberedzwa uye rinodokuva rakavhungwa nokukura kukuru kwamasora enhema. Kudai waizozviziva unofanira kungwarira nguva dzose. Kudai waizoona runako rwaro unofanira kubvisa masora enhema nerukato rwokusindimara. Kudai uchida kuva naro unofanira kukotama kuti uriwane. Usagutsikane neruva rimwe rezvokwadi. Kudai rimwe rakanga rakakwana kungadai kusisina. Ramba uchiunganidza, tsvaka mamwe.” Kurava uye kufunda Shoko raMwari kunotigonesa kuwana zivo yakarurama ndokufamba muzvokwadi yake.—Pisarema 86:11.
2. Chii chakava mugumisiro apo Ezra nevamwe vakaravira Mutemo waMwari vaJudha vaiva muJerusarema rakare?
2 Pashure pokunge masvingo eJerusarema avakwazve muna 455 B.C.E., muprista Ezra navamwe vakaravira vaJudha Mutemo waMwari. Ikoku kwakateverwa neMutambo weMatumba unofadza, kureururwa kwezvivi, uye kuita “sungano ine simba.” (Nehemia 8:1–9:38) Tinorava, kuti: “Vakarava zvichinzwika kwazvo mubhuku yomurayiro waMwari; vakazvidudzira, vakanzwisisa zvinorahwa.” (Nehemia 8:8) Vamwe vanokarakadza kuti vaJudha vaisanzwisisa chiHebheru zvakanaka uye kuti kumwe kutaurwa nechiAramaiki kwakaitwa. Asi rugwaro rwacho haruratidziri kujekeswawo zvako kwemashoko omutauro. Ezra navamwe vakatsanangura Mutemo zvokuti vanhu vaigona kunzwisisa nheyo dzawo ndokudzishandisa. Zvinyorwa zvechiKristu nemisangano zvinobatirawo ku‘isa revo mu’Shoko raMwari. Ndizvo zvinoitawo vakuru vakagadzwa, avo vano“ziva kudzidzisa.”—1 Timotio 3:1, 2; 2 Timotio 2:24.
Betsero Dzinogara
3. Ndedzipi dziri dzimwe betsero dzinowanwa mukurava Bhaibheri?
3 Apo mhuri dzechiKristu dzinorava Bhaibheri pamwe chete, sezvingabvira dzichawana betsero dzinogara. Dzinova dzakarovedzana nemitemo yaMwari ndokudzidza zvokwadi pamusoro pedzidziso, nhau dzouporofita, uye dzimwe nhau. Pashure pokunge chimwe chikamu cheBhaibheri charaviwa, musoro wemhuri angabvunza, kuti: Ichochi chinofanira kutitapura sei? Ichochi chinobatana nedzimwe dzidziso dzeBhaibheri munzirai? Tinogona sei kushandisa mapfundo aya mukuparidza mashoko akanaka? Mhuri inowana kunzwisisa kukuru pakurava Bhaibheri kana vachinzvera kupfurikidza nokushandisa Watch Tower Publications Index kana kuti dzimwe indekisi. Mavhoriyamu maviri eInsight on the Scriptures anogona kunzverwa nebudiriro.
4. Joshua akanga achifanira kushandisa sei murayiridzo wakanyorwa pana Joshua 1:8?
4 Nheyo dzinowanwa muMagwaro dzinogona kutitungamirira muupenyu. Uyezve, kurava nokufunda ‘manyoro matsvene kunogona kutiita vakachenjera nokuda kworuponeso.’ (2 Timotio 3:15) Kana tikarega Shoko raMwari richititungamirira, ticharamba tichifamba muzvokwadi yake uye zvishuvo zvedu zvakarurama zvichawanwa. (Pisarema 26:3; 119:130) Zvisinei, tinofanira kutsvaka kunzwisisa, sezvakaita mutsvivi waMosesi, Joshua. “Bhuku . . . yomurayiro” yaisafanira kubva pamuromo wake, uye akanga achifanira kuirava masikati nousiku. (Joshua 1:8) Kusarega “bhuku . . . yomurayiro” ichibva pamuromo wake kwakareva kuti Joshua akanga asingafaniri kurega kuudza vamwe zvinhu zvinorayiridza zvayaitaura. Kurava Murayiro masikati nousiku kwakareva kuti Joshua aifanira kuufungisisa, aifanira kuufunda. Muapostora Pauro nenzira yakafanana akakurudzira Timotio ku“shingairira”—kufungisisa—mufambiro wake, ushumiri, uye kudzidzisa. Somukuru wechiKristu, Timotio aifanira zvikuru kungwarira kuti upenyu hwake hwakanga huri hwomuenzaniso uye kuti aidzidzisa zvokwadi yapaMagwaro.—1 Timotio 4:15.
5. Chii chinodikanwa kana tichizowana zvokwadi yaMwari?
5 Zvokwadi yaMwari ipfuma inokosha. Kuiwana kunoda kuchera, kutsvaka Magwaro kunopfuurira. Tinowana bedzi uchenjeri ndokunzwisisa kutya Jehovha kwokuremekedza savadzidzi vakafanana navana veMurayiridzi Mukuru. (Zvirevo 1:7; Isaya 30:20, 21) Chokwadika, tinofanira kubvumikisa zvinhu nenzira yapaMagwaro. (1 Petro 2:1, 2) VaJudha vaiva muBherea “vakanga vakanaka kukunda veTesaronika, vakagamuchira shoko nomwoyo wose, vachinzvera Magwaro zuva rimwe nerimwe, kana zvinhu izvozvo [zvakataurwa naPauro] zviri izvo.” VaBherea vakarumbidzwa panzvimbo pokutukwa nokuda kwokuita ikoku.—Mabasa 17:10, 11.
6. Nei Jesu aigona kuratidzira kuti kwakanga kusina kunakira vamwe vaJudha kunzvera Magwaro?
6 Jesu akaudza vamwe vaJudha, kuti: “Munonzvera Magwaro, nokuti munoti upenyu husingaperi munahwo maari; ndiwo anondipupurira ini. Asi hamudi kuuya kwandiri, kuti muve noupenyu.” (Johane 5:39, 40) Vakanzvera Magwaro nechinangwa chakarurama—chokuti iwaya aigona kuvatungamirira kuupenyu. Zvirokwazvo, Magwaro aiva neuporofita hwaMesiya uhwo hwainongedzera kuna Jesu semutoo woupenyu. Asi vaJudha vakamuramba. Kunzvera Magwaro, nokudaro, hakuna kuvabetsera.
7. Chii chinodikanwa kuti tikure mukunzwisisa Bhaibheri, uye nei?
7 Kuti tikure mukunzwisisa kwedu Bhaibheri, tinoda nhungamiro yemudzimu waMwari, kana kuti simba rinobata basa. “Mweya unonzvera zvose, nezvakadzika zvaMwari” kuitira kuti uburitse revo yazvo. (1 VaKorinte 2:10) VaKristu vaiva muTesaronika vakanga vachifanira ku“idza . . . zvinhu zvose” muuporofita hupi nohupi hwavakanzwa. (1 VaTesaronika 5:20, 21) Apo Pauro akanyorera vaTesaronika (munenge muna 50 C.E.), rutivi bedzi rwaMagwaro echiGiriki rwakanga rwatonyorwa yakanga iri Evhangeri yaMateo. Naizvozvo vaTesaronika navaBherea vaigona kuva nechokwadi chezvinhu zvose, sezvingabvira kupfurikidza nokunzvera shanduro yeSeptuagint yechiGiriki yaMagwaro echiHebheru. Vaifanira kurava ndokufunda Magwaro, uye nesuwo tinofanira kudaro.
Kunokosha Nokuda Kwavose
8. Nei vakuru vakagadzwa vachifanira kuita zvakanaka mukuziva Bhaibheri?
8 Vakuru vakagadzwa vanofanira kuita zvakanaka mukuziva Bhaibheri. Vanofanira ku“ziva kudzidzisa” uye vanofanira ‘kubatisisa shoko rakatendeka.’ Mutariri Timotio akanga achifanira ku‘bata shoko razvokwadi zvakarurama.’ (1 Timotio 3:2; Tito 1:9; 2 Timotio 2:15) Amai vake, Juniki, uye ambuya vake Roisi vakanga vamudzidzisa manyoro matsvene kubva paucheche, vachiroverera ‘kutenda kusinganyengeri’ maari, kunyange zvazvo baba vake vakanga vasiri mutendi. (2 Timotio 1:5; 3:15) Vanababa vanotenda vanofanira kurera vana vavo “pakuranga nokurayira kwaShe,” uye vakuru vari vanababa vanofanira zvikuru kuva na‘vana vanotenda vasiri vasingadzoreki kana kuti vasingazvibati.’ (VaEfeso 6:4; Tito 1:6) Pasinei zvapo nemamiriro edu ezvinhu, ipapo, tinofanira kurangarira zvakakomba zvikuru kudikanwa kwokurava, kufunda, uye kushandisa Shoko raMwari.
9. Nei tichifanira kufunda Bhaibheri pamwe chete navaKristu biyedu?
9 Tinofanirawo kufunda Bhaibheri pamwe chete navatendi biyedu. Pauro aida kuti vaKristu veTesaronika vakurukurirane zano rake. (1 VaTesaronika 4:18) Kuti tiwedzere kunzwisisa kwedu zvokwadi, hakuna chinhu chiri nani kupfuura kubatanidza vamwe vadzidzi vakazvipira mukunzvera Magwaro. Chirevo chechokwadi ndechinoti: “Simbi inorodza simbi; saizvozvo munhu unorodza chiso cheshamwari yake.” (Zvirevo 27:17) Chishandiswa chesimbi chinogona kuva nengura kana chisingachengetwi chichishanda uye chisingarodzwi. Nenzira yakafanana, tinofanira kusangana nguva dzose ndokurodzana kupfurikidza nokugoverana zivo yatakawana mukurava, mukufunda, uye mukufungisisa Shoko raMwari rezvokwadi. (VaHebheru 10:24, 25) Uyezve, iyi ndiyo nzira imwe yatinova nayo nechokwadi chokuti tinobetserwa nekupenya kwechiedza chomudzimu.—Pisarema 97:11; Zvirevo 4:18.
10. Kufamba muzvokwadi kunorevei?
10 Mukufunda kwedu Magwaro, tinogona nenzira yakafanira kunyengetera kuna Mwari sezvakaita wezvamapisarema, kuti: “Tumai chiedza chenyu nezvokwadi yenyu; zvinditungamirire.” (Pisarema 43:3) Kana tichishuva kuva netendero yaMwari, tinofanira kufamba muzvokwadi yake. (3 Johane 3, 4) Ikoku kunobatanidza kuchengeta zvinodikanwa zvake uye kumubatira nokutendeka neuchokwadi. (Pisarema 25:4, 5; Johane 4:23, 24) Tinofanira kubatira Jehovha muzvokwadi, sezvinoziviswa muShoko rake ndokujekeswa muzvinyorwa zve“muranda wakatendeka, wakangwara.” (Mateo 24:45-47) Ikoku kunorayira kuziva Magwaro kwakarurama. Ipapo, tinofanira sei kurava nokufunda Shoko raMwari? Tinofanira kutanga kurirava kubva kuna Genesi ganhuro 1, ndima 1, kusvikira kumabhuku 66 here? Hungu, muKristu ari wose ane Bhaibheri rakakwana mumutauro wake anofanira kurirava kubvira kuna Genesi kusvikira kuna Zvakazarurwa. Uye chinangwa chedu mukurava Bhaibheri nezvinyorwa zvechiKristu chinofanira kuva chokuwedzera kunzwisisa kwedu ukuru hwezvokwadi yapaMagwaro iyo Mwari akaita kuti iwanike kupfurikidza no‘muranda akatendeka.’
Rava Shoko raMwari Zvinonzwika
11, 12. Nei kuchibetsera kuita kuti Bhaibheri riraviwe zvinonzwika pamisangano?
11 Tingarava chinyararire apo tinenge tiri toga. Munguva dzakare, zvisinei, kurava kwomunhu oga kwaiitwa zvinonzwika. Sezvo mukuru mukuru weEtiopia aipfuura ari mungoro yake, muevhangeri Firipo naizvozvo akamunzwa achirava uporofita hwaIsaya. (Mabasa 8:27-30) Shoko rechiHebheru rinoshandurwa kuti “rava” rinoreva zvikurukuru kuti “dana.” Naizvozvo avo pakuvamba vasingagoni kurava chinyararire ndokunzwisisa zvavanorava havafaniri kurambidzwa kududza shoko rimwe nerimwe zvinonzwika. Chinhu chikuru ndechekudzidza zvokwadi kupfurikidza nokurava Shoko raMwari rakanyorwa.
12 Kunokosha kuita kuti Bhaibheri riraviwe zvinonzwika pamisangano yechiKristu. Muapostora Pauro akakurudzira mushandi biyake Timotio, kuti: “Shingaira pakurava, napakurayira, napakudzidzisa, kusvikira ndichiuya.” (1 Timotio 4:13) Pauro akaudza VaKorose, kuti: “Kana nwadi iyi yaraviwa pakati penyu, ngairaviwewo mukereke yavaRaodhikia; imiwo murave nwadi inobva Raodhikia.” (VaKorose 4:16) Uye Zvakazarurwa 1:3 inoti: “Wakaropafadzwa uyo unorava [zvinonzwika, NW], navanonzwa mashoko okuporofita, vachichengeta zvakanyorwa imomo, nokuti nguva yava pedyo.” Naizvozvo, mukurukuri wavose anofanira kurava magwaro muBhaibheri kuti atsigire izvo anotaura kuungano.
Mutoo Wekufunda Misoro
13. Ndeupi uri mutoo unofambira mberi zvikurusa wokudzidza nawo zvokwadi dzeBhaibheri, uye chii chinogona kutibetsera kuwana magwaro?
13 Kufunda misoro ndiwo mutoo unofambira mberi zvikurusa wekudzidza zvokwadi dzapaMagwaro. Makonikodhenzi, anoronga mashoko eBhaibheri muarufabheti namashoko awo akapoteredza maererano nebhuku, ganhuro, uye ndima, anokuita kuti kuve kuri nyore kuwana magwaro ane chokuita nemusoro wakati. Uye magwaro akadaro anogona kutsinhiraniswa nerimwe nerimwe nemhaka yokuti Munyori weBhaibheri haazvipokanidzi amene. Kupfurikidza nomudzimu mutsvene, akafuridzira varume 40 kunyora Bhaibheri munhambo yamazana amakore 16, uye kurifunda nemisoro inzira inoshanda yakabvumikiswa kwenhambo refu yenguva yokudzidza zvokwadi.
14. Nei tichifanira kufunda Magwaro echiHebheru neechiGiriki pamwe chete?
14 Kunzwisisa kwedu zvokwadi yeBhaibheri kunofanira kutisunda kurava ndokufunda Magwaro echiGiriki echiKristu pamwe chete naMagwaro echiHebheru. Ikoku kucharatidza nzira iyo Magwaro echiGiriki akabatana nayo nechinangwa chaMwari uye kuchavhenekera uporofita hwaMagwaro echiHebheru. (VaRoma 16:25-27; VaEfeso 3:4-6; VaKorose 1:26) New World Translation of the Holy Scriptures inobetsera zvikuru muna ikoko. Yakagadzirwa navabatiri vakazvitsaurira vaMwari avo vakashandisa zivo yakawedzerwa inowanika pamusoro perugwaro rwapakuvamba rweBhaibheri pamwe chete nemamiriro ezvinhu ekare nemadimikira aro. Yamuro dzekufunda Bhaibheri idzo Jehovha akagovera kupfurikidza ne“muranda wakatendeka, wakangwara” dzinokoshawo.
15. Ungabvumikisa sei kuti kwakakodzera kunokora mashoko pano napapo muBhaibheri?
15 Vamwe vangati, ‘Zvinyorwa zvenyu zvinonokora mashoko kane zviuru muBhaibheri, asi nei muchitora iwayo pano nepapo?’ Kupfurikidza nokunokora mashoko pano nepapo mumabhuku 66 eBhaibheri, zvinyorwa zvacho zvinoshandisa zvapupu zvinoverengeka zvakafuridzirwa zvokubvumikisa uchokwadi hwedzidziso yakati. Jesu amene akashandisa mutoo uyu wokurayiridza. Apo akapa Mharidzo yake Pagomo, akanokora mashoko Magwaro echiHebheru kane 21. Hurukuro iyoyo ine kunokorwa mashoko kutatu kwaEksodho, kuviri kwaRevhitiko, kumwe kwaNumeri, kutanhatu kwaDheuteronomio, kumwe kwaMadzimambo Wechipiri, kuna kwePisarema, kutatu kwaIsaya, uye kumwe kwaJeremia. Kupfurikidza nokuita ikoku, Jesu akanga ari ‘kuedza kubvumikisa chinhu chipi nechipi zvacho’ here? Aiwa, nokuti ‘akadzidzisa somunhu aiva nechiremera, uye kwete savanyori.’ Ikoko kwaiva saizvozvo nemhaka yokuti Jesu akatsigira kudzidzisa kwake nechiremera cheShoko raMwari rakanyorwa. (Mateo 7:29) Ndizvo zvakaitawo muapostora Pauro.
16. Kunokorwai kwamashoko muMagwaro uko Pauro akaita pana VaRoma 15:7-13?
16 Muchikamu chamashoko cherugwaro chinowanwa pana VaRoma 15:7-13, Pauro akanokora mashoko zvikamu zvitatu zvaMagwaro echiHebheru—Mutemo, Vaporofita, uye Mapisarema. Akaratidza kuti vaJudha naVamarudzi vaizorumbidza Mwari, uye vaKristu nokudaro vanofanira kugamuchira vanhu vamarudzi ose. Pauro akati: “Gamuchiranai, Kristu sezvaakatigamuchira, kuti Mwari akudzwe. Nokuti ndinoti: Kristu wakaitwa mushumiri wokudzingiswa kuratidza zvokwadi yaMwari, kuti asimbise zvakapikirwa madzibaba. Uye, kuti vahedheni vakudze Mwari nokuda kwengoni dzake; sezvazvakanyorwa [paPisarema 18:49], zvichinzi: Naizvozvo ndichakurumbidzai pakati pavahedheni, nokukuimbirai zita renyu. Uyezve unoti [pana Dheuteronomio 32:43]: Farai imi vahedheni, navanhu vake. Uyezve [paPisarema 117:1]: Rumbidzai Ishe, imi vahedheni vose; marudzi ose ngaamukudze. Uyezve, Isaya [11:1, 10] unoti: Mudzi waJese uchavapo, naiye unomuka, kuti abate vahedheni; vahedheni vachamutarira iye. Zvino Mwari wetariro ngaakuzadzei nomufaro wose norugare pakutenda kwenyu, kuti muve netariro yakawandisa, nesimba roMweya Mutsvene.” Kupfurikidza nomutoo uyu wemisoro, Pauro akaratidza nzira yokunokora nayo mashoko magwaro okusimbisa zvokwadi dzeBhaibheri.
17. VaKristu vanonokora mashoko pano nepapo muBhaibheri rose mutsinhirano nemuenzanisoi?
17 Tsamba yokutanga yakafuridzirwa yomuapostora Petro ine kunokorwa kwamashoko 34 mumabhuku gumi muMutemo, Vaporofita, uye Mapisarema. Mutsamba yake yechipiri, Petro anonokora mashoko katanhatu mumabhuku matatu. Evhangeri yaMateo ine kunokorwa kwamashoko 122 muna Genesi kusvikira kuna Maraki. Mumabhuku 27 eMagwaro echiGiriki, mune kunokorwa mashoko kwakananga 320 kuna Genesi kusvikira kuna Maraki pamwe chete nemazana edzimwe nongedzero kuMagwaro echiHebheru. Mutsinhirano nemuenzaniso wakagadzwa naJesu ndokuteverwa navaapostora vake, apo vaKristu vomuzuva razvino uno vanoita fundo yemisoro weimwe nhau yapaMagwaro, vanonokora mashoko pano nepapo muBhaibheri rose. Ikoku kunokodzera zvikurukuru mu“mazuva okupedzisira” ano, apo mazhinjisa aMagwaro echiHebheru neechiGiriki ari kuzadzikwa. (2 Timotio 3:1) ‘Muranda akatendeka’ anoita kushandiswa kwakadaro kweBhaibheri muzvinyorwa zvake, asi haatongowedzeri kuShoko raMwari kana kuti kubvisa mariri.—Zvirevo 30:5, 6; Zvakazarurwa 22:18, 19.
Nguva Dzose Famba Muzvokwadi
18. Nei tichifanira ku‘famba muzvokwadi’?
18 Hatifaniri kubvisa chinhu chipi nechipi muBhaibheri, nokuti dzidziso dzose dzechiKristu dziri muShoko raMwari i“zvokwadi” kana kuti “zvokwadi yeEvhangeri.” Kunamatira kuzvokwadi iyi—ku“famba” mairi—kunokosha nokuda kworuponeso. (VaGaratia 2:5; 2 Johane 4; 1 Timotio 2:3, 4) Sezvo chiKristu chiri “nzira yezvokwadi,” kupfurikidza nokubatsira vamwe mukupfuuridzira fariro dzacho, tino“batsirana pazvokwadi.”—2 Petro 2:2; 3 Johane 8.
19. Tinogona sei ku“famba muzvokwadi”?
19 Kana tichizo“famba muzvokwadi,” tinofanira kurava Bhaibheri ndokuzviyamura timene nebetsero yomudzimu iyo Mwari anogovera kupfurikidza no‘muranda akatendeka.’ (3 Johane 4) Ngatiitei ikoku nokuda kwenakirwo yedu timene uye kuitira kuti tikwanise kudzidzisa vamwe pamusoro paJehovha Mwari, Jesu Kristu, uye chinangwa choumwari. Uye ngationgei kuti mudzimu waJehovha unotibetsera kunzwisisa Shoko rake ndokubudirira mukumubatira muzvokwadi.
Ndedzipi Dziri Mhinduro Dzako?
◻ Ndedzipi dziri dzimwe betsero dzinogara dzokurava Bhaibheri?
◻ Nei tichifanira kufunda Bhaibheri pamwe chete navatendi biyedu?
◻ Nei kwakafanira kunokora mashoko munzvimbo dzakasiyana-siyana muBhaibheri rose?
◻ Ku‘famba muzvokwadi’ kunorevei, uye tinogona sei kuita saizvozvo?
[Mufananidzo uri papeji 17]
Vabereki, dzidzisai vana venyu Magwaro
[Mufananidzo uri papeji 18]
Mumharidzo yake Yapagomo, Jesu akanokora mashoko mumativi akasiyana-siyana eMagwaro echiHebheru