Mwari Anorangarira Sei Kunamata kwechiKristudhomu?
“HAVAZI vose vanoti kwandiri, Ishe, Ishe, vachapinda muushe hwokudenga,” akadaro Jesu Kristu, “asi unoita kuda kwaBaba vangu vari kudenga. Vazhinji vachati kwandiri nezuva iro: Ishe, Ishe, hatina . . . kuita mabasa esimba mazhinji muzita renyu here? Zvino ndichavaudza pachena: Handina kutongokuzivai; ibvai kwandiri, imi vaiti vokusarurama.”—Mateo 7:21-23.
Kupfurikidza neShoko rake rinoyera, Bhaibheri Dzvene, Mwari akajekesa chiri kuda kwake. Chechi dzechiKristudhomu dziri kuita kuda kwaMwari here? Kana kuti ndivo here avo Jesu akadana kuti “vaiti vokusarurama”?
Kuteura Ropa
Pausiku Tenzi wake asati afa, Petro akanga odokutanga kurwisana nezvombo neboka ravarwi rakatumwa kuzosunga Jesu. (Johane 18:3, 10) Asi Jesu akadzorera dzikamo ndokunyevera Petro, kuti: “Dzosera munondo wako mumuhara wawo, nokuti vose vanobata munondo, vachafa nomunondo.” (Mateo 26:52) Iyi nyevero yakajeka inodzokororwa pana Zvakazarurwa 13:10. Chechi dzechiKristudhomu dzakaiteerera here? Kana kuti dzinogoverana mutoro nokuda kwehondo dzinopfuurira mumativi akasiyana-siyana apasi here?
Mukati meHondo Yenyika II, mazana ezviuru zvavaSerb navaCroat akapondwa muzita rorudzidziso. “MuCroatia,” inoshuma kudaro The New Encyclopaedia Britannica, “hurumende yavagari vemo yechifasisiti yakavamba kushandisa muitiro woku‘paradza dzinza’ uyo waipfuura kunyange miitiro yavaNazi. . . . Kwakaziviswa kuti chikamu chimwe muzvitatu chavagari vemo veSerbia chaizotamiswa, chikamu chimwe muzvitatu chaizotendeutsirwa kuRoma yechiKaturike, uye chikamu chimwe muzvitatu kuurawa. . . . Batira pamwe yokusarura yavafundisi veKaturike muiyi miitiro yakakuvadza ukama hworudzidziso nehurumende zvakakomba pashure pehondo.” Nhamba dzisingaverengeki dzavanhu dzakamanikidzirwa kutendeukira kuchiKaturike kana kuti kufa; zviuru zvavamwe hazvina kutongopiwa chisarudzo. Misha yose—varume, vakadzi, uye vana—vakamanikidzirwa kupinda muchechi dzavo dzeOrthodox ndokuurawa. Zvakadiniko namauto echiKomonisiti airwisa? Iwo akanga anewo tsigiro yorudzidziso here?
“Vamwe vevaprista vakatora rutivi muhondo parutivi rwamauto aimukira,” rinoshuma kudaro bhuku rinonzi History of Yugoslavia. “Mauto ePartisan akatosvika pakubatanidza vose vari vaviri vaprista vaibva kuchechi dzevaSerbia Orthodox uye dzeRoma Katurike,” rinodaro bhuku rinonzi Yugoslavia and the New Communism. Misiyano yorudzidziso inopfuurira kusimbisa hondo muBalkans.
Uye zvakadiniko neRwanda? Munyori mukuru weCatholic Institute for International Relations, Ian Linden, akabvuma zvinotevera mumagazini inonzi The Month: “Nzvero dzakaitwa neAfrican Rights muLondon dzinogovera muenzaniso mumwe kana kuti miviri yomunzvimbomo yevatungamiriri veChechi veKaturike, veAnglican uye veBaptist vachiva vanobatanidzwa nokuregeredza kana kuti nechiremera mukuuraya kwemauto. . . . Hapana panikiro chose chose kuti nhamba huru dzevaKristu vakatanhamara mumaruwa avafundisi dzaibatanidzwa mukuuraya kwacho.” Nenzira inosuruvarisa, kurwisana pakati pevanodanwa kunzi vaKristu kunopfuurira kutambudza pakati peAfrica.
Ufeve Noupombwe
Maererano neShoko raMwari, kune nzvimbo imwe bedzi inokudzwa yevatano, uye iyoyo iri mukati mechisungo cheroorano. “Kuwanana ngakukudzwe navose,” rinodaro Bhaibheri, “nenhoo ngairege kuva nemhosva; nokuti Mwari uchatongesa mhombwe navanofeva.” (VaHebheru 13:4) Vatungamiriri vorudzidziso vari kutsigira iyi dzidziso yaMwari here?
Muna 1989 Chechi yeAnglican muAustralia yakabudisa gwaro rapamutemo pamusoro pevatano iro rakakarakadza kuti vatano musati maroorana haina kuipa kana vaviri vacho vakazvipira zvizere kune mumwe nomumwe. Nguva pfupi yapfuura zvikuru, mutungamiriri weChechi yeAnglican muScotland akati: “Chechi haifaniri kushurikidza zvinhu zvacho sechivi uye sokutadza. Chechi inofanira kubvuma kuti upombwe hunokonzerwa nokugara kwedu nhaka.”
MuSouth Africa vafundisi vakati vakataura zvakajeka mukutsigira ungochani. Somuenzaniso, muna 1990 magazini yokuSouth Africa inonzi You yakanokora mashoko mufundisi akatanhamara weAnglican seaiti: “Rugwaro harusungi nokusingaperi. . . . Ndinodavira kuti pachava nechinjo muchimiro chendangariro chechechi nomuitiro kungochani.”—Siyanisa naVaRoma 1:26, 27.
Maererano ne1994 Britannica Book of the Year, vatano yazova nhau huru muchechi dzeAmerica, zvikurukuru zvinhu zvakadai so“kugadzwa kwengochani nengochanikadzi dzakaziviswa kuti dzive vafundisi, kunzwisisa kworudzidziso maruramiro engochani, kukomborerwa kwe‘roorano yengochani,’ uye kuva pamutemo kana kuti kushurikidzwa kwemararamire ane chokuita noungochani.” Masangano echechi makuru akawanda zvikurusa anoshivirira vafundisi avo vanoshingairira rusununguko rukuru rwevatano. Maererano ne1995 Britannica Book of the Year, mabhishopu 55 eEpiscopal akasaina ziviso “achisimbisa kugamuchirwa kwokugadzwa uye muitiro woungochani.”
Vamwe vafundisi vanoita nharo mukutsigira ungochani, vachitaura kuti Jesu haana kumborwisana nahwo. Asi ikoko kwakadaro chaizvoizvo here? Jesu Kristu akazivisa kuti Shoko raMwari izvokwadi. (Johane 17:17) Ikoko kunoreva kuti akatsigira murangariro waMwari weungochani sezvinorondedzerwa pana Revhitiko 18:22, iyo inorava, kuti: “Usavata nomurume sezvinovatwa nomukadzi; zvinonyangadza.” Uyezve, Jesu akaronga ufeve noupombwe pakati pe“[zvinhu] zvakaipa izvozvo zvose zvinobva mukati, zvinosvibisa munhu.” (Marko 7:21-23) Shoko rechiGiriki nokuda kwoufeve ishoko rakafara kupfuura iro roupombwe. Rinorondedzera zvimiro zvose zvevatano zviri kunze kweroorano iri pamutemo, kubatanidza ungochani. (Judhasi 7) Jesu Kristu akanyeverawo vateveri vake kuti vasashivirira mudzidzisi upi noupi anoti ndowechiKristu uyo anoderedza ukombi hwoufeve.—Zvakazarurwa 1:1; 2:14, 20.
Apo vatungamiriri vorudzidziso vanoratidzira nokuda kwokugadzwa kwengochani neNgochanikadzi, ikoku kunova netapuroi pamitezo yechechi dzavo, zvikurukuru vanhu vaduku? Hakusi here kukweverwa kukuedza vatano kunze kweroorano? Mukupesana, Shoko raMwari rinokurudzira vaKristu kuti “tizai ufeve.” (1 VaKorinte 6:18, NW) Kana mutendi biyedu akawira muchivi chakadaro, betsero yorudo inopiwa nomurangariro wokudzorera munhu wacho kunyasha dzaMwari. (Jakobho 5:16, 19, 20) Zvakadiniko kana betsero iyi ikarambwa? Bhaibheri rinotaura kuti kutoti vanhu vakadaro vakapfidza, ivo ‘havasati vachizogara nhaka umambo hwaMwari.’—1 VaKorinte 6:9, 10.
“Vachidzivisa Vanhu Kuwanana”
Nemhaka yo“upombwe,” Bhaibheri rinotaura kuti “zviri nani kuti vawane pakutsva.” (1 VaKorinte 7:2, 9) Pasinei zvapo neiri zano rokuchenjera, vakawanda vari pakati pavafundisi vanodikanirwa kuramba vasina kuroora. “Mhiko yokusaroora haiputswi,” anotsanangura kudaro Nino Lo Bello mubhuku rake rinonzi The Vatican Papers, “kana muprista, mumongi kana kuti munani akava nevatano. . . . Kukanganwirwa kwevatano kunogona kuwanika kupfurikidza nokuita kuzivisa kwokutendeseka munzvimbo yokureurura, nepo kuroora kwomuprista upi noupi kwaisazotongobvumwa neChechi.” Iyi dzidziso yakabudisa chibereko chakanaka kana kuti chakashata here?—Mateo 7:15-19.
Pasina panikiro, vaprista vakawanda vanorarama upenyu hwakachena mutsika, asi nhamba huru haidaro. Maererano ne1992 Britannica Book of the Year, “Chechi yeRoma Katurike yakashumwa kuva yakabhadhara mamiriyoni 2 700 amadhora kuti ipedze mhaka dzevatano dzakaipa dzavafundisi.” Gare gare, chinyorwa cha1994 chakati: “Kufa kwavafundisi vakati neAIDS kwakafumura kuvapo kwavaprista vari ngochani uye cherekedzo dzokuti kwakanga kune nhamba huru ye. . . ngochani dzinokweverwa kuuprista.” Hakushamisi kuti Bhaibheri rinotaura kuti ku“dzivisa vanhu kuwanana” i‘dzidziso yamadhemoni.’ (1 Timotio 4:1-3) “Mukurangarira kwavamwe vezvenhau,” anonyora kudaro Peter de Rosa mubhuku rake rinonzi Vicars of Christ, “[kusaroora kwavaprista] zvimwe kwakaita kuvadziko huru kutsika kupfuura sangano rimwe ripi neripi kuMadokero, kubatanidza upfambi. . . . [Iko] kazhinji kazhinji kwave kuri kusvibiswa kwezita rechiKristu. . . . Kusaroora kwokumanikidzwa nguva dzose kwakatungamirira kuunyengeri muvafundisi. . . . Muprista anogona kuita unzenza kane chiuru asi anorambidzwa nomutemo wechechi kuroora kamwe.”
Pashure pokurangarira murangariro waMwari wokunamatwa kwaBhaari, hakuna kuoma kuziva nzira iyo anofanira kurangarira nayo chechi dzakakamukana dzechiKristudhomu. Bhuku rokupedzisira reBhaibheri rinobatanidza zvimiro zvose zvokunamata kwenhema muzita rokuti “Bhabhironi, guta guru, mai vemhombwe navezvinonyangadza zvenyika.” “Mukati maro,” Bhaibheri rinowedzera kudaro, “mukawanikwa ropa ravaporofita neravatsvene, neravose vakaurawa panyika.”—Zvakazarurwa 17:5; 18:24.
Nokudaro, Mwari anokurudzira vose vanoda kuva vanamati vake vechokwadi, kuti: “Budai mariri, vanhu vangu, kuti murege kuwadzana naro pazvivi zvaro, mugorega kupiwa ma[t]ambudziko aro. . . . Saka ma[t]ambudziko aro achasvika nezuva rimwe, rufu, nokuchema, nenzara; richapiswa kwazvo nomwoto, nokuti Ishe Mwari unoritonga, une simba.”—Zvakazarurwa 18:4, 8.
Mubvunzo zvino unomuka: Pashure pokubuda murudzidziso rwenhema, munhu anofanira kuendepi? Chimiroi chokunamata chinogamuchirwa naMwari?
[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 5]
Kunamata Zvidhori
Kunamatwa kwaBhaari kwaibatanidza kushandiswa kwezvidhori. VaIsraeri vakaedza kusanganisa kunamatwa kwaJehovha nouko kwaBhaari. Vakatopinza zvidhori mutembere maJehovha. Murangariro waMwari wokunamata zvidhori wakajekeswa apo akaparadza Jerusarema netembere yaro.
Chechi dzakawanda dzechiKristudhomu dzakazadzwa nezvidhori, zvingava muchimiro chomuchinjikwa, zvidhori, kana kuti mifananidzo yaMaria. Uyezve, vaendi kuchechi vakawanda vanodzidziswa kukotamira, kufugamira, kana kuti kuita chiratidzo chomuchinjikwa pamberi peiyi mifananidzo. Mukupesana, vaKristu vechokwadi vanorayirwa ku“tiza . . . kunamata zvifananidzo.” (1 VaKorinte 10:14) Havaedzi kunamata Mwari neyamuro yezvinhu zvinooneka.—Johane 4:24.
[Kwazvakatorwa]
Musée du Louvre, Paris
[Bhokisi riri papeji 7]
“Mutungamiriri Wechechi Anofanira Kuva Asina Mhaka”
KUTAURA uku kunobva pana Tito 1:7, maererano neToday’s English Version. King James Version inorava, kuti: “Bhishopi anofanira kuva asina chaanopomerwa.” Shoko rokuti “bhishopi” rinobva mushoko rechiGiriki rinoreva kuti “mutariri.” Nokudaro varume vanogadzwa kuti vatungamirire muungano yechokwadi yechiKristu vanofanira kusvitsa mipimo mikuru yeBhaibheri. Kana vasingadaro, vanofanira kubviswa panzvimbo yavo youtarisiri, sezvo vasati vachiri “mienzaniso kuboka.” (1 Petro 5:2, 3, NW) Ichi chinodikanwa chinorangarirwa zvakakomba sei nechechi dzechiKristudhomu?
Mubhuku rake rinonzi I Care About Your Marriage, Dr. Everett Worthington anonongedzera kunzvero yavafundisi 100 munyika yeVirginia, U.S.A. Vanopfuura 40 muzana vakabvuma kuva vakapinda muchimiro chakati chomufambiro unonyandura chishuvo chevatano nomumwe munhu akanga asiri mukwanyina wavo weroorano. Nhamba huru yavo yakanga yaita upombwe.
“Mukati mamakore gumi apfuura,” inotsinhira kudaro Christianity Today, “chechi yakadzadzarika yadzadzarikazve kupfurikidza nokuzivikanwa kwomufambiro wounzenza unoitwa navamwe vevatungamiriri vayo vanoremekedzwa zvikurusa.” Nyaya inoti “Nei Vafundisi Vanoita Upombwe Vasingafaniri Kudzorerwa” yakadenha muitiro unozivikanwa navose muchiKristudhomu wokukurumidza kudzorera vatungamiriri vechechi kudzaichimbova nzvimbo dzavo pashure pokunge va“wanwa vane mhaka yechivi.”