Kupukunyuka ‘Zuva raJehovha’
“Zuva raJehovha iguru, rinotyisa kwazvo, ndianiko ungatsunga naro?”—JOERE 2:11.
1. Nei ‘zuva rinotyisa raJehovha’ richifanira kuva nhambo yomufaro?
“RINOTYISA”! Ndiyo nzira iyo muporofita waMwari Joere anorondedzera nayo “zuva raJehovha.” Zvisinei, isu vanoda Jehovha uye vakauya kwaari mutsauriro pahwaro hwechibayiro chorudzikinuro chaJesu hatifaniri kudedera nokutya sezvo zuva raJehovha rinosvika. Zvirokwazvo richava zuva rinotyisa, asi zuva rokuponeswa kukuru, zuva rokusunungurwa mutsika yezvinhu yakaipa iyo yatambudza rudzi rwomunhu kwemamireniyumu enguva. Achikarira zuva iroro, Joere anokumbira vanhu vaMwari kuti “fara ufarisise; nokuti Jehovha wakaita zvinhu zvikuru,” uye anowedzera vimbiso yokuti: “Ani naani unodana zita raJehovha ucharwirwa.” Ipapo mugadziriro yoUmambo hwaMwari, “pachava navakapukunyuka, sezvakataura Jehovha, napakati pavakasara ndipo pachava vakadanwa naJehovha.”—Joere 2:11, 21, 22, 32.
2. Mukuitwa kwezvinangwa zvaMwari, chii chinoitika (a) mu“zuva raShe” (b) mu“zuva raJehovha”?
2 Zuva rinotyisa raJehovha harifaniri kuvhiringidzwa ne“zuva raShe” raZvakazarurwa 1:10. Iri zuva rapashure rinobatanidza kuzadzikwa kwezviono 16 zvinorondedzerwa muna Zvakazarurwa maganhuro 1 kusvika ku 22. Rinobatanidza nguva yokuzadzikwa kwezviitiko zvose zvakafanotaurwa naJesu mumhinduro kumubvunzo wavadzidzi vake wokuti: “Izvozvi zvichagova riniko? Nechiratidzo chokuuya kwenyu nechokuguma kwenyika chichava chipiko?” Kuvapo kwokudenga kwaJesu kwakaratidzirwa pasi pano ne‘hondo [dzinotyisa], nzara, kuvengana, nhenda, uye kusateerera mutemo.’ Sezvo nhamo idzi dzakawedzera, Jesu akagovera nyaradzo nokuda kwavanhu vanotya Mwari kupfurikidza nokutumira vadzidzi vake vomuzuva razvino uno kuti vaparidze “evhangeri iyi youshe . . . munyika dzose, chive chapupu kumarudzi ose.” Ipapo, senguva inokosha yezuva raShe, “kuguma” kwetsika ino yezvinhu, zuva raJehovha rinotyisa, kuchaitika. (Mateo 24:3-14; Ruka 21:11) Iroro ndiro richava zuva raJehovha rokuita rutongeso nokukurumidza panyika yakaipa yaSatani. “Denga rose nenyika zvichadengenyeka; asi Jehovha uchava utiziro hwavanhu vake.”—Joere 3:16.
Jehovha Anoita Chiito Mumazuva aNoa
3. Mamiriro ezvinhu nhasi akafanana sei neayo emuzuva raNoa?
3 Mamiriro ezvinhu enyika nhasi akafanana neayo omu“mazuva aNoa” anopfuura makore 4 000 apfuura. (Ruka 17:26, 27) Pana Genesi 6:5, tinorava kuti: “Jehovha wakaona kuti kuipa kwavanhu kwakanga kuri kukuru panyika, nendangariro dzokufunga kwemwoyo yavo dzakanga dzakaipa bedzi nguva dzose.” Zvakafanana zvikuru nenyika yanhasi! Uipi, makaro, kusava norudo zvakazara kwose kwose. Pane dzimwe nguva tingafunga kuti kuipa kworudzi rwomunhu kwasvika pakunyanyisa chaiko. Asi uporofita hwomuapostora Pauro pamusoro pe“mazuva okupedzisira” huri kungoramba huchizadzikwa: “Vanhu vakaipa navanyengeri vachanyanyisa pakuipa, vachitsausa vamwe nokutsauswa ivo.”—2 Timotio 3:1, 13.
4. Kunamata kwenhema kwakava netapuroi munguva dzapakuvamba?
4 Rudzidziso rwaigona kuva rwakaunzira rudzi rwomunhu nyaradzo muzuva raNoa here? Mukupesana, rudzidziso rwevakaramba kutenda rwakadai sorwaivapo panguva iyoyo rwungava rwakawedzera zvikuru mamiriro ezvinhu anoparadza. Vabereki vedu vokutanga vakatera kudzidziso yenhema ye“nyoka yekare, inonzi Dhiyabhorosi, naSatani.” Muchizvarwa chechipiri kubva kuna Adhama, “vanhu vakatanga kudana zita raJehovha,” sezviri pachena nenzira yokunyomba. (Zvakazarurwa 12:9; Genesi 3:3-6; 4:26) Gare gare, ngirozi dzinopandukira, dzakasiya kuzvipira kwakazara kuna Mwari, dzakapfeka miviri yavanhu kuitira kuti dzive nevatano yakaipa navanasikana vavanhu vakanga vakanaka. Vakadzi ivava vakabereka hofori, dzainzi vaNefirimi, idzo dzakadzvinyirira nokunetsa rudzi rwomunhu. Ichipesvedzerwa nemadhimoni aya, ‘nyama yose yakaparadza nzira yayo pasi pano.’—Genesi 6:1-12.
5. Achinongedzera kuzviitiko zvomuzuva raNoa, ndeipi nyevero yatinopiwa naJesu?
5 Imwe mhuri, kunyange zvakadaro, yakaramba yakatendeka kuna Jehovha. Nokudaro, Mwari “wakaponesa Noa muparidzi wokururama pamwe chete navamwe vanomwe, nguva yaakauyisa mvura zhinji panyika yavanhu vakanga vasingadi Mwari.” (2 Petro 2:5) Boporodzi iroro raifanofananidzira zuva rinotyisa raJehovha, rinoratidzira kuguma kwetsika ino yezvinhu uye iro Jesu akaporofita nezvaro kuti: “Kana riri zuva iro nenguva iyo, hakuna unozviziva, kunyange vatumwa vokudenga, kunyange Mwanakomana, asi Baba voga. Sapamazuva aNoa, ndizvo zvichaita kuuya kwoMwanakomana womunhu. Nokuti sapamazuva iwayo, mvura zhinji isati yasvika, vaidya nokunwa, nokuwana, nokuwaniswa, kusvikira zuva Noa raakapinda naro muareka.” (Mateo 24:36-39) Tiri mumamiriro ezvinhu akafanana nhasi, naizvozvo Jesu anotirayira ku‘zvingwarira, uye kuramba takamuka, nguva dzose tichikumbira kuti tibudirire mukupukunyuka zvinhu izvi zvose zvinofanira kuitika.’—Ruka 21:34-36.
Chirango Chokutonga chaJehovha paSodhoma neGomora
6, 7. (a) Chii chinofananidzirwa nezviitiko zvomunguva yaRoti? (b) Ndeipi nyevero rakajeka iyo izvozvi zvinotigovera?
6 Mazana amakore pashure peMafashamo, vazukuru vaNoa pavakanga vawanda mupasi, Abrahama akatendeka nemwanakomana womunun’una wake Roti vakanga vari zvapupu zvakaona rimwe zuva raityisa raJehovha. Roti nemhuri yake vaigara muguta reSodhoma. Pamwe chete neGomora raiva pedyo, guta iri rakanga razadzwa neunzenza hunonyangadza. Kudisa zvenyikawo kwakanga kuchiitirwa hanya zvikuru, pakupedzisira kuchitapura mudzimai waRoti. Jehovha akanga audza Abrahama kuti: “Kudanidzira kweSodhoma neGomora kukuru kwazvo; zvirokwazvo zvivi zvavo zvakaipa kwazvo.” (Genesi 18:20) Abrahama akateterera Jehovha kuti arege kuparadza maguta iwayo nokuda kwavakarurama vakanga vari maari, asi Jehovha akazivisa kuti akanga asingagoni kuwana kunyange vanhu gumi vakarurama imomo. Ngirozi dzakabva kuna Mwari dzakabetsera Roti nevanasikana vake vaviri kuti vatizire kuguta raiva pedyo reZoari.
7 Chii chakazoitika? Ichienzanisa “mazuva [edu] okupedzisira” neayo aRoti, Ruka 17:28-30 inoshuma kuti: “Sezvazvakanga zvakaitawo namazuva aRoti; vaidya, nokunwa, nokutenga, nokutengesa, nokusima, nokuvaka; asi nomusi wakabuda Roti muSodhoma, moto nesurferi zvakanaya, zvichibva kudenga, zvikavaparadza vose. Ndizvo zvazvichaitawo nezuva iro, Mwanakomana womunhu raachaonekwa naro.” Jambwa reSodhoma neGomora pazuva iroro rinotyisa raJehovha rinoratidza nyevero yakajeka kwatiri munguva ino yokuvapo kwaJesu. Chizvarwa chazvino chorudzi rwomunhu chaka“itawo upombwe zvakakomba ndokutevera nyama kuti chishande zvisiri zvomuzvarirwo.” (Judhasi 7, NW) Uyezve, mirangariro younzenza yenguva dzedu yakaparira “hosha” dzakawanda dzakafanotaurwa naJesu nokuda kwezuva rino.—Ruka 21:11.
Israeri Anokohwa “Chamupupuri”
8. Israeri akachengeta sungano naJehovha kusvika kutambanukoi?
8 Munguva yakafanira, Jehovha akasarudza Israeri kuti ave “pfuma ya[ke] chaiyo pakati pendudzi dzose, . . . ushe hwavaprista, norudzi rutsvene.” Asi izvi zvaitsamira paku‘teerera [kwavo] inzwi rake zvikuru ndokuchengeta sungano yake.’ (Eksodho 19:5, 6) Vakaremekedza iyi ropafadzo yakaisvonaka here? Nyangwe napaduku pose! Chokwadi, vanhu vakatendeka vorudzi irworwo vakamubatira nokuvimbika—Mosesi, Samueri, Dhavhidhi, Jehoshafati, Hezekia, Josia, pamwe chete nevaporofita navaporofitakadzi vakazvipira. Bva rudzi rwacho rwose zvarwo rwakanga rwusina kutendeka. Pashure penguva yakati, umambo hwakakamuka kuva huviri—Israeri naJudha. Kazhinji kazhinji, marudzi ose ari maviri aibatanidzwa mukunamata kwenhema nedzimwe tsika dzisingakudzi Mwari dzenyika dzapedyo.—Ezekieri 23:49.
9. Jehovha akatonga sei umambo hwendudzi gumi hwaipandukira?
9 Jehovha akarangarira sei nhau dzacho? Senguva dzose, akapa nyevero, maererano nenheyo yakataurwa naAmosi yokuti: “Ishe Jehovha haangaiti chinhu, asina kumbozivisa varanda vake vaporofita zvakavanzika zvake.” Amosi pachake akazivisa nhamo nokuda kwoumambo hwokumusoro hwaIsraeri: “Zuva raJehovha munorida neiko? Richava rima, hachingavi chiedza.” (Amosi 3:7; 5:18) Uyezve, mumwe muporofita aiporofita naAmosi Hosea akazivisa kuti: “Vanodyara mhepo, vachacheka chamupupuri.” (Hosea 8:7) Muna 740 B.C.E., Jehovha akashandisa uto reAsiria kuti aparadze umambo hwokumusoro hwaIsraeri zvachose.
Kutonga kwaJehovha Judha Akaramba Kutenda
10, 11. (a) Nei Jehovha asina kubvuma kukanganwira Judha? (b) Ndezvipi zvinhu zvinonyangadza zvakanga zvashatisa rudzi rwacho?
10 Jehovha akatumirawo vaporofita vake kuumambo hwezasi hwaJudha. Zvisinei, madzimambo aJudha akadai saManase nemutsivi wake, Amoni, akaramba achiita zvakanga zvakaipa mumeso Ake, achiteura ‘ropa risina mhaka rakawanda zvikuru uye achibatira zvidhori zvinonyangadza uye kuzvipfugamira.’ Kunyange zvazvo Mwanakomana waAmoni Josia akaita zvakanga zvakarurama mumeso aJehovha, madzimambo akatevera, pamwe chete navanhu vacho, vakazadzwa zvakare nouipi, zvokuti “Jehovha akaramba kuvakanganwira.”—2 Madzimambo 21:16-21; 24:3, 4.
11 Jehovha akazivisa kupfurikidza nomuporofita wake Jeremia kuti: “Chinhu chinoshamisa chinosemesa chakaitwa panyika ino; vaporofita vanoporofita nhema, navaprista vanobata ushe vachirayirwa navo; asi vanhu vangu vanofarira izvozvo; zvino pakupedzisira kwazvo muchaiteiko?” Rudzi rwaJudha rwakanga rwanyanyisa kuva nemhaka yeropa, uye vanhu varwo vakashatiswa kupfurikidza nokuba, kuponda, kuita upombwe, kupika nhema, kunamata vamwe vamwari, uye zvimwe zvinhu zvinonyangadza. Tembere yaMwari yakanga yava “bako ramakororo.”—Jeremia 2:34; 5:30, 31; 7:8-12.
12. Jehovha akapfuurira sei kuranga Jerusarema rakaramba kutenda?
12 Jehovha akazivisa kuti: “Ndichauyisa zvakaipa zvinobva kurutivi rwokumusoro [Kardhea], nokuparadza kukuru.” (Jeremia 4:6) Nokudaro, akaunza Simba Renyika reBhabhironi, panguva iyoyo rakanga riri “nyundo yenyika yose,” kuti rirovanye Jerusarema rakaramba kutenda netembere yaro. (Jeremia 50:23) Muna 607 B.C.E., pashure pekukomberedzwa kwakakomba, guta racho rakawira pamberi peuto rine simba raNebhukadhinezari. “Ipapo mambo weBhabhironi akauraya vanakomana va[Mambo] Zedhekia paRibra iye akataririra; uye mambo weBhabhironi wakaurayawo vakuru vose vaJudha. Akatumburawo meso aZedhekia, akamusunga namaketani kuti amuise Bhabhironi. VaKardea vakapisa imba yamambo, nedzimba dzavanhu nomoto, vakakoromora masvingo eJerusarema. Ipapo Nebhuzaradhani mukuru wavarindi akatapa vanhu vakanga vasara muguta, navashanduki vakanga vauya kwaari, navamwe vanhu vakanga vasara, akavaisa Bhabhironi.”—Jeremia 39:6-9.
13. Ndivanaani vakaponeswa muzuva raJehovha ra607 B.C.E., uye nei?
13 Izuva rinotyisa zvirokwazvo! Bva, mweya mishomanene yakateerera Jehovha yakanga iri pakati peavo vakanunurwa parutongeso irworwo rwaityisa. Ivava vaibatanidza vaRekabhi vakanga vasiri vaIsraeri, avo vairatidza mudzimu wokuzvininipisa newokuteerera mukupesana navaJudhea. Vakaponeswawo vakanga vari ngomwa yakatendeka Ebhedhi-mereki, uyo akanga anunura Jeremia murufu mugomba ramatope, uye munyori waJeremia akavimbika, Bharuki. (Jeremia 35:18, 19; 38:7-13; 39:15-18; 45:1-5) Jehovha akazivisa kuvakadaro kuti: “Nokuti ndinoziva ndangariro dzandinorangarira pamusoro penyu . . . ndangariro dzorugare, dzisati dziri dzezvakaipa, kuti ndikupei mugumo une tariro.” Vimbiso iyoyo yakava nekuzadzikwa kuduku muna 539 B.C.E. apo vaJudha vaitya Mwari vakasunungurwa nomukuriri weBhabhironi, Mambo Koreshi, uye vakadzokera kunovakazve guta reJerusarema netembere. Avo nhasi vanobuda murudzidziso rweBhabhironi uye vanodzorerwa kukunamatwa kwakachena kwaJehovha nenzira yakafanana vanogona kukarira nguva yemberi ine mbiri yorugare rusingagumi muParadhiso yaJehovha ichadzorerwa.—Jeremia 29:11; Pisarema 37:34; Zvakazarurwa 18:2, 4.
“Kutambudzika Kukuru” Kwezana Ramakore Rokutanga
14. Nei Jehovha akaramba Israeri zvachose?
14 Ngatipfuurirei kuzana ramakore rokutanga C.E. Pakasvika nguva iyoyo vaJudha vakadzorerwa vakanga vawira zvakare mukuramba kutenda. Jehovha akatuma Mwanakomana wake akaberekwa ari mumwe bedzi kuti ave Akazodzwa wake, kana kuti Mesiya. Mukati memakore a29 kusvika ku33 C.E., Jesu akaparidza munyika yose yaIsraeri, achiti: “Tendeukai, nokuti ushe hwokudenga hwaswedera pedyo.” (Mateo 4:17) Uyezve, akaunganidza ndokurovedza vadzidzi kuti vagoverane naye mukuzivisa mashoko akanaka oUmambo. Vatongi vavaJudha vakaita sei? Vakatsoropodza Jesu uye pakupedzisira vakapara mhaka yakaipisisa yokuita kuti aurawe zvinorwadza padanda rokutambudzira. Jehovha akaramba vaJudha savanhu vake. Zvino kurambwa kworudzi irworwo kwaiva kwechigarire.
15. VaJudha vanopfidza vakaropafadzwa kuitei?
15 Pazuva rePentekosta ya33 C.E., Jesu akamutswa akadurura mudzimu mutsvene, uye iwoyu wakapa vadzidzi vake simba rokutaura nendimi kuvaJudha navapuroserite vakanga vakurumidza kuungana. Achitaura kuboka, muapostora Petro akazivisa kuti: “Uyu Jesu wakamutswa naMwari, isu tiri zvapupu zvake tose. . . . Zvino imba yose yavaIsraeri ngaizive kwazvo, kuti uyu Jesu wamakarovera pamuchinjikwa, Mwari wakamuita Ishe naKristu.” VaJudha vakatendeseka vakaita sei? “Vakabayiwa pamwoyo,” vakapfidza zvivi zvavo, uye vakabhabhatidzwa. (Mabasa 2:32-41) Kuparidza Umambo kwakawedzera, uye mukati memakore 30 kwakanga kwatambanudzirwa ku“zvisikwa zvose [zviri, NW] pasi pokudenga.”—VaKorose 1:23.
16. Jehovha akaparira sei zviitiko zvakatungamirira kukuita kwake rutongeso pana Israeri wokunyama?
16 Nguva zvino yakanga yasvika yokuti Jehovha aite rutongeso pavanhu vake vakarambwa, Israeri wokunyama. Zviuru zvakawanda, zvaibva mumarudzi omunyika yaizivikanwa panguva iyoyo, zvakanga zvamhanyira kuungano yechiKristu uye zvakanga zvazodzwa sa“Israeri [w]aMwari” womudzimu. (VaGaratia 6:16) VaJudha vepanguva iyoyo, kunyange zvakadaro, vakanga vanyura munzira yoruvengo nemasimba masimba esekete. Mukupesana nezvakanga zvanyorwa naPauro pamusoro ‘pokuzviisa pasi pezviremera zvikuru,’ vakapandukira simba reRoma pachena iro raivatonga. (VaRoma 13:1) Jehovha sezviri pachena akaparira zviitiko zvakatevera. Mugore ra66 C.E., mauto eRoma aitungamirirwa naGeneral Gallus akafamba kuti akombe Jerusarema. VaRoma vairwisa vakapinda muguta kusvika pakusekesa rusvingo rwetembere. Sokuratidzira kwakaita nhau yaJosephus, zvechokwadi makanga mune dambudziko muguta napavanhu vacho.a Asi kamwe kamwe varwi vairwisa vakatiza. Izvi zvakabvumira vadzidzi vaJesu kuti va‘tizire kumakomo,’ sezvakarayirwa muuporofita hwake hwakanyorwa pana Mateo 24:15, 16.
17, 18. (a) Jehovha akaita ruramisiro yake pavaJudha kupfurikidza nedambudzikoi? (b) Ndeipi nyama ‘yakapukunyuka,’ uye uyu wakanga uri mumvuri wechii?
17 Zvisinei, kuitwa kwakazara kworutongeso rwaJehovha mukupera kwedambudziko kwakanga kuchigere kusvika. Muna 70 C.E., mauto eRoma, zvino achitungamirirwa naGeneral Titus, akadzokera kuzorwisa. Nguva ino hondo yacho yakanga yakakomba! VaJudha, vakanga vave vachitorwisana pachavo, havana kumboenzana navaRoma. Guta netembere yaro zvakaparadzwa. VaJudha vakaonda vanopfuura miriyoni imwe vakatambura uye vakafa, zvitunha 600 000 zvichikandirwa kunze kwemasuo eguta. Pashure pokunge guta racho rawa, vaJudha 97 000 vakatorwa vari nhapwa, vakawanda vakafa gare gare mumitambo yokurwa. Zvechokwadi, nyama yakaponeswa bedzi mumakore edambudziko iroro yakanga iri iyo yevaKristu vaiteerera vakanga vatizira kumakomo mhiri kwaJoridhani.—Mateo 24:21, 22; Ruka 21:20-22.
18 Nokudaro, uporofita hukuru hwaJesu pamusoro pe“kuguma kwenyika” hwakazadzikwa kekutanga, huchiguma nezuva raJehovha rokuita ruramisiro parudzi rwechiJudha rwunopandukira muna 66-70 C.E. (Mateo 24:3-22) Bva, izvozvo zvakanga zvichingova mumvuri bedzi we“zuva guru raJehovha rinotyisa,” dambudziko rokupedzisira rava kuda kuparadza nyika yose. (Joere 2:31) Unga“pukunyuka” sei? Nyaya inotevera ichataura.
[Mashoko Omuzasi]
a Josephus anorondedzera kuti vaRoma vairwisa vakakomberedza guta, vakasekesa rutivi rworusvingo rwacho, uye vakanga voda kupisa suo retembere yaJehovha. Izvi zvakaparira kutya kukuru pakati pavaJudha vakawanda vakabatwa vari mukati, nokuti vaigona kuona rufu rwuchiswedera.—Wars of the Jews, Book II, ganhuro 19.
Mibvunzo Yokuhwirudzura
◻ “Zuva raShe” rinowirirana sei ne“zuva raJehovha”?
◻ Tichihwirudzura zuva raNoa, inyeveroi yatinofanira kuteerera?
◻ Sodhoma neGomora zvinogovera chidzidzoi chakasimba?
◻ Ndivanaani vakaponeswa mu“kutambudzika kukuru” kwemuzana ramakore rokutanga?
[Mifananidzo iri papeji 15]
Jehovha akapukunyutsa mhuri dzaNoa naRoti, pamwe chete nomuna 607 B.C.E. na70 C.E.