Vaka‘tenga Chokwadi’!
“TENGA zvokwadi, urege kuzoitengesazve.” (Zvirevo 23:23) Akarayira kudaro murume akachenjera Soromoni. Nepo izvi zvichigona kutaurwa nezvechokwadi chose, zvakadaro zvikuru pamusoro pechokwadi chinowanwa muShoko raMwari, Bhaibheri. Chokwadi chakadaro chinogona kutungamirira kuupenyu husingaperi! (Johane 17:3, 17) Cherekedza, kunyange zvakadaro, kuti kuwana chokwadi chakadaro hakuuyi pasina mutengo. Munhu anofanira kudisa kuchi“tenga,” ndiko kuti, kurega zvimwe zvinhu kuitira kuti achiwane. (Enzanisa naMateo 13:45, 46.) Kazhinji kazhinji, vanhu havadi kudaro. Asi munyika dzakawanda, nhamba dziri kukura dzavanhu vakashinga dziri kutenga chokwadi cheBhaibheri—kazhinji kazhinji nomutengo mukuru zvikuru womunhu oga.
Rangarira, somuenzaniso, Zvapupu zvaJehovha zviri munyika yekuWest Africa yeGhana. Pakasvika June wa1989, makanga mune vanhu vaipfuura 34 000 munyika iyoyo vakanga vagamuchira chokwadi cheBhaibheri uye vakanga vari kuchigoverana navamwe nenzira yokushingaira. Ipapo ganhuriro dzomutemo dzakaiswa pabasa rokuparidza pachena. Kunyange zvakadaro, vanhu vane mwoyo yakatendeseka vakapfuurira ku“tenga zvokwadi”—pasinei zvapo nemhinganidzo dzomutemo. Ganhuriro yacho yakaguma pana October 31, 1991, uye pakasvika pakati pa1995, makore matatu nehafu chete pashure pokubviswa kweganhuriro idzodzo, nhamba yeZvapupu zvaJehovha zvinoshingaira muGhana yakanga yawedzera kusvika ku46 104! Uye gore rino nhamba yacho yakakura kusvika kuvanopfuura 52 800.
Chii chakakwevera vanhu kuchokwadi cheShoko raMwari? Vamwe vakarega zvimwe zvinhu zvipi kuti va“teng[e] zvokwadi”? Mumhinduro, ngatirangarirei zvakaitika zvavaKristu vatatu vokuGhana.
Vakakwezviwa Nedzidziso dzeBhaibheri
Ngatitangei kurangarira mumwe mukadzi anongoti pfuurei makore 20. Baba vake vakanga vari mufundisi, asi iye akasarudza kusiya rudzidziso rwababa vake. Chikonzero chacho? Kuda kwake chokwadi.
Akambotsanangura kuti: “Zvapupu zvaisiuya kumba kwedu sezvazvaishanyira imba neimba. Pashure pekurukurirano shomanene nazvo, ndakaziva kuti zvazvakanga zvichidzidzisa zvaiva zvakavakirwa muBhaibheri. Ndakamutsa mibvunzo panhau dzakadai seUtatu, moto wehero, kusafa kwomweya, uye zvikurukuru kuporesa nokutenda. Ndaidavira zvakasimba kuti dzidziso idzi dzaibva muBhaibheri. Asi Zvapupu zvakandibetsera kuona kuti zvakanga zvisina kudaro.”—Nokuda kwoufakazi hweBhaibheri panhau dzakadaro, tapota ona Marko 13:32; VaRoma 6:23; Mabasa 10:40; uye 1 VaKorinte 13:8-10.
Mukadzi muduku wacho akawedzera kuti: “Zvisinei, pakanga pane chishoro chakasimba chaibva kumhuri yangu, zvikurukuru baba vangu. Vaifunga kuti ndakanga ndiri kutsauswa. Zvisinei, ndaiziva kuti zvandakanga ndiri kufunda neZvapupu zvaJehovha chakanga chiri chokwadi. Ndakaedza kuratidza baba vangu zvinhu izvi kubva muBhaibheri, asi vakanga vasingateereri. Kutaura idi, chishoro chacho chakasimba.
“Kunyange zvakadaro, handina kutya. Ndaiziva kuti zivo yechokwadi bedzi ndiyo inotungamirira kuupenyu husingagumi muParadhiso, uye ndakasarudza kuomerera kwairi. Zvapupu zvomunzvimbomo pazvakanzwa nezvezvinetso zvandakanga ndiri kutarisana nazvo, zvakandiyamura nenzira yorudo, zvichindikurudzira nokundigovera zvinodikanwa zvakati zvinokosha. Izvi zvakandibetsera kunzwisisa mashoko aJesu anowanwa pana Johane 13:35: ‘Kupfurikidza neizvi vose vachaziva kuti muri vadzidzi vangu, kana mune rudo pakati penyu.’ Kupwiswa kwangu kuti Zvapupu zvaJehovha zvine rudzidziso rwechokwadi kwakakura. Gare gare, vabereki vangu pavakacherekedza kuti ndakanga ndachinja upenyu hwangu kuti huve nani, vakada zvavakaona, uye murangariro wavo kwandiri wakachinja—zvikuru zvokuti baba vangu vakakumbira Zvapupu kuti zvifunde Bhaibheri nehanzvadzi yangu huru!”
Kubvumikisa Chokwadi Kwauri Pachako
‘Kutenga chokwadi’ idenhowo nokuda kwavaduku vakarerwa nevabereki vari Zvapupu. Dzimwe pwere dzinoda kurerutsa chokwadi cheBhaibheri. Kana dzikakundikana kuita kuti zvokwadi idzodzo dzive dzadzo, kutenda kwadzo kunova kwakaneta, kusina kusimba. (Enzanisa naMateo 13:20, 21.) Nathaniel, murume wokuGhana ane makore ari muma30, anotaura nezvenzira yaaka‘tenga nayo chokwadi’ paakanga achiri muduku.
“Vabereki vangu vakandidzidzisa Bhaibheri kubvira panguva yandakanga ndiri mucheche,” anoyeuka kudaro. “Sezvandakakura, ndaienda navo mubasa rokuparidza, asi ndakanga ndisati ndasarudza chaizvoizvo kuva Chapupu. Pashure penguva yakati, ndakasvika pakuziva kuti ndaifanira kuzvinzverera zvinhu.
“Kutanga, ndaifanira kupwiswa kuti Bhaibheri, kwete rimwe bhuku ripi neripi rorudzidziso rinoyera, iShoko raMwari. Kupfurikidza nefundo yomunhu oga, ndakaziva kuti ndiro bedzi bhuku rinoyera rine uporofita hwakawanda hwakajeka hwakazadzikwa zvakarurama. Ndakazivawo kuti Bhaibheri rine zvokwadi dzesayenzi dzakati—somuenzaniso, kuti pasi ‘rakaturikwa pasina chinhu.’ (Jobho 26:7) Mashoko iwaya akanyorwa zviuru zvamakore vasayendisiti vasati vaziva nezvesolar system yedu. NdiMwari bedzi aigona kufuridzira vanhu kuti vanyore zvinhu zvakadaro!a
“Tevere, ndaida kuziva kuti nderipi sangano rorudzidziso rinodzidzisa ndokushandisa zvokwadi dzinodzidziswa muBhaibheri. Marudzidziso akawanda zvikurusa anodzidzisa nezvemoto wehero, Utatu, uye mweya usingafi unopukunyuka rufu. Asi dzidziso idzi dzakanga dzisina mufungo kwandiri. Ndakarangarira kuti: Vangasava baba vakaipa here vangabata ruoko rwomwana wavo vakaruisa mupoto yemvura inovira sechirango? Mwari worudo, ipapoka, angagona sei kuisa vana vake muhero yomoto ndokuvarega vachitambura? Zvapupu zvaJehovha, zvisinei, zvinodzidzisa maererano nemagwaro eBhaibheri akadai saVaRoma 6:23, iyo inoti: ‘Mibayiro yechivi rufu’—kwete hero yomoto. Izvi zvaiva nomufungo kwandiri.
“Ndakacherekedzawo kuti Zvapupu zvaJehovha zvinoda kuti mitezo yose irarame maererano nemipimo yeBhaibheri uye kuti zvinodzinga vose vanotadza vasingapfidzi. Nemhaka yeizvozvi zvose, ndakagumisa kuti Zvapupu zvaJehovha zvine chokwadi, uye ndakaita chisarudzo chomunhu oga chokuva mumwe wazvo. Ndakashanda nesimba kuti ndikwanirise nokuda kwokubhabhatidzwa seChapupu.”—1 VaKorinte 5:11-13.
Chiitiko chaNathaniel chinonyatsoratidza kuti kunyange pwere dzakarerwa navabereki vechiKristu dzinofanira ku“tenga zvokwadi.” Hadzingofaniri hadzo kupinda misangano yeungano. Kufanana nevaBherea vakare, dzinofanira ku‘nzvera nenzira yokungwarira Magwaro zuva nezuva kana zvinhu izvozvi zvakadaro.’ (Mabasa 17:11) Izvi zvinoda nguva nenhamburiko, asi zvinogona kuguma nekutenda kwakasimba uye kupwiswa.—Enzanisa naVaEfeso 3:17-19.
Kuodzwa Mwoyo Norudzidziso Rwenhema
Mumwe murume wokuGhana anonzi Godwin akanga ava namakore anenge 70 paakasiya Chechi yePresbyterian neMasonic Lodge. “Pakanga pane zvinhu zvaiitika muchechi zvandakanga ndisingabvumirani nazvo,” anodaro Godwin. “Somuenzaniso, pakanga pane kurwisana kwakawanda pakati pemitezo yacho, uye kuchiri kupfuurira. Pane dzimwe nguva mapurisa aifanira kuuya kuzodzorera rugare nenhevedzano! Ndakafunga kuti izvi zvakanga zvisina kufanira vateveri vaKristu. Ipapo pakamuka chinetso pakati pomuPresbyterian biyangu neni. Dare rehurumende rakatonga nyaya yacho ndokuti mumwe murume wacho ndiye akanga ane mhaka. Zvisinei, mufundisi wechechi yacho akatsigirana nomurume uyu nenzira isina kururama ndokuedza kunditsiura pamberi peungano yose! Ndakamuudza zvandaifunga nenzira yakananga ndokubuda muchechi macho—handina kuzombodzoka.
“Nguva yakati yakapfuura, uye Zvapupu zvaJehovha zvakashanyira musha wangu. Pakutanga, ndakateerera nemhaka bedzi yokuti handina kuda kudzinga vanhu vaitaura nezvaMwari. Asi ndakavamba kucherekedza kuti kunyange zvazvo ndakanga ndava muPresbyterian kwamakumi amakore, pakanga pane zvakawanda zvandakanga ndisingazivi pamusoro peBhaibheri. Somuenzaniso, handina kumboziva kuti Bhaibheri rinopa tariro yokurarama nokusingaperi muParadhiso pasi pano.b Uye pandakatanga kupinda misangano yeZvapupu zvaJehovha, tsika, uye zvikurukuru kupfeka nokushambidzika kwepwere pakati pazvo, zvakandiorora zvikuru. Ava vakanga vari vanhu vairarama maererano nenheyo dzeBhaibheri chaizvoizvo!”
Zvisinei, ‘kutenga chokwadi’ kwaida kuti aite chinjo dzakakomba muupenyu hwake. Godwin anoyeuka kuti: “Ndakanga ndiri mutezo weMasonic Lodge. Uye kunyange zvazvo ichizivikanwa sesosaiti yehama dzinobetsera mitezo yadzo, ndakacherekedza tsika dzaibatanidza kushandiswa kwemadehenya nemapfupa nokukumbira midzimu. Midzimu iyi sezvinofungidzirwa inobetsera vaya vanoshanda nayo kukura mumudzimu.
“Zvidzidzo zvangu zvakandibetsera kuona kuti Jehovha Mwari anonyangadzwa nokubatanidzwa kupi nokupi nokushandisa midzimu nemhaka yokuti kunogona kuisa munhu mupesvedzero yaSatani nemasimba ake emidzimu yakaipa.c Ndaizopfuurira somutezo weMasonic Lodge netsika dzayo dzose here, kana kuti ndaizorega ndokufadza Jehovha? Ndakasarudza zvapashure. Ndakaparadza zvinhu zvose zveFreemason zvandakanga ndinazvo, kunyange sutu yandaishandisa nokuda kwemisangano yokuLodge. Ndakaziva chokwadi chechipikirwa chaJesu paakati: ‘Chokwadi chichakusunungurai’! (Johane 8:32) Zvino ndiri kugoverana zvinhu zvandakadzidza navamwe nomufaro. Handizvidembi nyangwe zvodini.”
Zviuru zvakawanda zvevanhu vane mwoyo yakatendeseka nenzira yakafanana zvakarega zvimwe zvinhu zvakawanda kuitira kuti zvi“teng[e] zvokwadi.” Kufanana navaKristu vatatu vakurukurwa munyaya ino, havazvidembi pamusoro pechinjo dzavakaita. Chokwadi cheBhaibheri chakavapa “nheyo dzakanaka dzenguva inouya, kuti vabatisise upenyu chaihwo.” (1 Timotio 6:19) “Upenyu chaihwo” ihwohwo uye zvikomborero zvahwo zvose zvinogonawo kuva zvako nokusingaperi kana uka“tenga zvokwadi.”
[Mashoko Omuzasi]
a Nokuda kwemamwe mashoko, ona bhuku rinonzi Bhaibheri—iShoko raMwari Here Kana Kuti Romunhu?, rakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.
b Ona, somuenzaniso, Pisarema 37:9-11, 29.
[Mufananidzo uri papeji 9]
Nathaniel
[Mufananidzo uri papeji 9]
Godwin