Jehovha—“Mupukunyutsi” Panguva Yainyorwa Bhaibheri
“Haiwa Mwari, kurumidzai kuita chimwe chinhu nokuda kwangu. Muri mubatsiri wangu noMupukunyutsi wangu.”—PIS. 70:5.
1, 2. (a) Vanamati vaMwari vanokumbira kubatsirwa naye kana zvaita sei? (b) Tingabvunza mubvunzo upi, uye ndokupi kwatingawana mhinduro yacho?
VARI pazororo, vabereki vomumwe mukadzi akaroorwa ane makore 23 vanoudzwa kuti mwanasikana wavo ari kushayikwa. Zviri kufungidzirwa kuti pane chaitika kwaari. Vanobva vangorongedza vodzokera kumba, panguva yose iyi vachiteterera Jehovha kuti avabatsire. Mumwe muKristu ane makore 20 anoudzwa kuti ane chirwere chichaita kuti agume aoma rutivi zvachose. Anobva angonyengetera kuna Jehovha. Vamwe amai vasina murume vaona nhamo nokutsvaga basa havana mari yokuti ivo nomwanasikana wavo ane makore 12 vatenge zvokudya. Vanodurura mwoyo wavo kuna Jehovha. Zviri muropa kuti vanamati vaMwari vanyengetere kwaari pavanowirwa nemiedzo nematambudziko akaoma. Wati wambokumbira Jehovha kuti akubatsire pawakanga wamomoterwa nenhamo here?
2 Izvi zvinoita kuti tibvunze mubvunzo unokosha, wokuti: Zvechokwadi tingatarisira kuti Jehovha ateerere minyengetero yedu yokuda kubatsirwa here? Mhinduro inosimbisa kutenda iri muna Pisarema 70. Pisarema iri rinokurudzira rakanyorwa naDhavhidhi, munamati waJehovha akavimbika akawirwa nemiedzo nematambudziko akawanda muupenyu hwake. Munyori wepisarema uyu akafuridzirwa akati kuna Jehovha: “Haiwa Mwari, . . . muri mubatsiri wangu noMupukunyutsi wangu.” (Pis. 70:5) Kuongorora Pisarema 70 kungatibatsira kuti tione kuti isuwo tinogona kukumbira kubatsirwa naJehovha patinenge taomerwa tonyatsovimba kuti achava “Mupukunyutsi” wedu.
“Muri . . . Mupukunyutsi Wangu”
3. (a) Pisarema 70 rine mashoko api okukumbira kubatsirwa? (b) MuPisarema 70 Dhavhidhi anoratidza kuti ane chivimbo chei?
3 Pisarema 70 rinotanga uye rinopera nokukumbira kubatsirwa naMwari. (Verenga Pisarema 70:1-5.) Dhavhidhi anokumbira Jehovha kuti ‘achimbidze’ uye kuti ‘akurumidze’ kumununura. Mundima 2-4, akateterera kashanu, pose achiti “ngava-” achitaura zvaaiti dai zvaitika kana kuti zvaaishuva. Katatu kokutanga anoteterera nezvevaya vari kuedza kumuuraya. Dhavhidhi anoteterera Jehovha kuti akunde vavengi ava uye kuti avanyadzise nokuda kwouipi hwavo. Paanozoteterera kaviri mundima 4, anokumbirira vanhu vaMwari. Anonyengeterera kuti vaya vanotsvaka Jehovha vafare uye vamukudze. Dhavhidhi anopedzisa pisarema rake achiti kuna Jehovha: “Muri mubatsiri wangu noMupukunyutsi wangu.” Cherechedza kuti haati, “Dai mukava,” sezvinonzi ari kutetererazve. Asi anoti “Muri,” kuratidza chivimbo chaanacho. Dhavhidhi ane chokwadi chokuti achabatsirwa naMwari.
4, 5. Tinodzidzei nezvaDhavhidhi muPisarema 70, uye tinogona kuva nechivimbo chei?
4 Pisarema 70 rinoratidzei nezvaDhavhidhi? Paaiva atarisana nevavengi vakanga vatsunga kumuuraya, Dhavhidhi akasarudza kuti asagadzirisa nyaya yacho oga. Asi aiva nechivimbo chokuti Jehovha aizopedzerana nevaimushora panguva yake uye nenzira yake. (1 Sam. 26:10) Dhavhidhi akaramba aine chokwadi chokuti Jehovha anobatsira uye anonunura vaya vanomutsvaka. (VaH. 11:6) Aiva nechokwadi chokuti vanamati vechokwadi vaifanira kufara uye kukudza Jehovha nokuudza vamwe nezvoukuru hwake.—Pis. 5:11; 35:27.
5 SaDhavhidhi, tinogona kuva nechivimbo chokuti Jehovha ndiye Mubatsiri wedu uye “Mupukunyutsi” wedu. Nokudaro, patinotarisana nemiedzo yakaoma kana kuti patinenge tamomoterwa nenhamo, zvakakodzera kuti tinyengetere kuti Jehovha akurumidze kutibatsira. (Pis. 71:12) Zvisinei, Jehovha angapindura sei minyengetero yedu yokuda kubatsirwa? Tisati takurukura kubatsirwa kwatingaitwa naJehovha, ngationgororei nzira nhatu dzaakapukunyutsa nadzo Dhavhidhi, achimubatsira paaikumbira kubatsirwa.
Kununurwa Pavavengi Vake
6. Chii chakabatsira Dhavhidhi kuziva kuti Jehovha anoponesa vakarurama?
6 Zvikamu zveBhaibheri zvakafuridzirwa zvaiwanikwa panguva yaDhavhidhi zvakamubatsira kuziva kuti vakarurama vanogona kuvimba kuti Jehovha achavabatsira. Jehovha paakaunza Mafashamo panyika yakanga isingamudi, akaponesa Noa nemhuri yake yaida Mwari. (Gen. 7:23) Paakanayisa moto nesarufa pavagari vomuSodhoma neGomora vaiita zvakaipa, akabatsira Roti aiva akarurama nevanasikana vake vaviri kuti vapukunyuke. (Gen. 19:12-26) Paakaparadza Farao aidada nemauto ake paGungwa Dzvuku, akachengetedza vanhu vake, achivabatsira kuti vasaparadzwa. (Eks. 14:19-28) Saka zvingashamisa here kuti mune rimwe pisarema Dhavhidhi akakudza Jehovha achiti “ndiMwari wemabasa okuponesa”?—Pis. 68:20.
7-9. (a) Dhavhidhi aiva nechikonzero chei chokuvimba kuti Mwari anogona kuponesa? (b) Dhavhidhi akati ndiani akamununura?
7 Dhavhidhi ane zvakaitikawo kwaari zvaiita kuti avimbe zvakazara kuti Jehovha aigona kumuponesa. Akanga azvionera kuti “maoko asingagumi” aJehovha anogona kuponesa vaya vanomushumira. (Dheut. 33:27) Kakawanda, Jehovha akanga aponesa Dhavhidhi ‘pavavengi vakatsamwa.’ (Pis. 18:17-19, 48) Ngatimbokurukurai mumwe muenzaniso wezvakamboitika.
8 Vakadzi vechiIsraeri pavakatanga kurumbidza Dhavhidhi nezvounyanzvi hwake hwokurwa, Mambo Sauro akadyiwa mwoyo negodo zvokuti akakandira Dhavhidhi pfumo rake kaviri. (1 Sam. 18:6-9) Kaviri ikako Dhavhidhi akanzvenga pfumo racho. Unyanzvi nokungwara kwaDhavhidhi somunhu aigona kurwa ndizvo zvakaita kuti anzvenge here? Kwete. Bhaibheri rinotsanangura kuti “Jehovha akanga ainaye.” (Verenga 1 Samueri 18:11-14.) Pave paya, pakatadza zano raSauro rokuti Dhavhidhi aurayiwe nevaFiristiya, “Sauro akaona uye akaziva kuti Jehovha akanga aina Dhavhidhi.”—1 Sam. 18:17-28.
9 Dhavhidhi akati ndiani akanga amununura? Mashoko okusuma Pisarema 18 anoti Dhavhidhi “akataura naJehovha mashoko orwiyo urwu pazuva raakanga anunurwa naJehovha . . . muruoko rwaSauro.” Dhavhidhi akabudisa manzwiro aaiita achiita zvokuimba achiti: “Jehovha ndiye ibwe rangu nenhare yangu noMupukunyutsi wangu. Mwari wangu ndiye dombo rangu. Ndichapotera kwaari.” (Pis. 18:2) Hazvisimbisi kutenda here kuziva kuti Jehovha anogona kununura vanhu vake?—Pis. 35:10.
Kutsigirwa Paairwara
10, 11. Chii chinotibatsira kuziva kuti ndirini pakarwara Dhavhidhi sezvinotaurwa muPisarema 41?
10 Mambo Dhavhidhi akamborwara zvokuda kufa, izvo zvinotaurwa muPisarema rechi41. Aingogara arere achirwara zvokuti vamwe vavengi vake vaitofunga kuti “haazomukizve.” (Ndima 7, 8) Ndirini pakarwara Dhavhidhi zvakadaro? Zviri kutaurwa mupisarema rino zvingava zvepanguva iya yaakaona chitsvuku paaida kutorerwa chigaro nomwanakomana wake Absaromu.—2 Sam. 15:6, 13, 14.
11 Somuenzaniso, Dhavhidhi anotaura nezveshamwari yake yaaivimba nayo, yaaidya nayo, achiti yakamutengesa. (Ndima 9) Izvi zvingatiyeuchidza chimwe chiitiko muupenyu hwaDhavhidhi. Panguva yokupanduka kwaAbsaromu, Ahitoferi, chipangamazano waDhavhidhi akava mutengesi ndokuenda kurutivi rwaAbsaromu achipandukira mambo. (2 Sam. 15:31; 16:15) Fungidzira mambo arere achirwara zvokusagona kumuka, pose ipapo achiziva kuti akakombwa nevavengi vari kuti dai afa kuti vaite zvakaipa zvavaironga.—Ndima 5.
12, 13. (a) Dhavhidhi akaratidza kuti aiva nechivimbo chei? (b) Mwari angava akasimbisa sei Dhavhidhi?
12 Dhavhidhi akaramba achingovimba no“Mupukunyutsi” wake. Achitaura nezvemunamati akarurama ari kurwara, Dhavhidhi akati: “Jehovha achamupukunyutsa muzuva redambudziko. Jehovha achamutsigira ari pamubhedha wourwere; muchachinja mubhedha wake wose munguva yokurwara kwake.” (Pis. 41:1, 3) Pano zvakare cherechedza chivimbo chaiva naDhavhidhi chinoratidzwa nemashoko okuti “Jehovha acha-.” Dhavhidhi aiva nechokwadi kuti Jehovha aizomupukunyutsa. Sei?
13 Dhavhidhi aisatarisira kuti Jehovha achaita chishamiso chokubvisa urwere hwacho. Asi ainyatsoziva kuti Jehovha “achamutsigira,” kureva kuti kumupa simba paanenge arere achirwara. Zvechokwadi Dhavhidhi aida rubatsiro rwakadaro. Kuwedzera pakurwara kwaaiita, aive akakombwa nevavengi vaitaura zvakaipa nezvake. (Ndima 5, 6) Jehovha angava akasimbisa Dhavhidhi nokumuyeuchidza pfungwa dzinonyaradza. Dhavhidhi akati: “Makanditsigira nokuda kwokuvimbika kwangu.” (Ndima 12) Dhavhidhi angavawo akasimbiswa nokufunga kuti Jehovha aimuziva somunhu akatendeka, pasinei nokuti akanga achirwara uye vavengi vake vachitaura zvakaipa. Dhavhidhi akazopedzisira anaya. Hazvikurudziri here kuziva kuti Jehovha anogona kutsigira vaya vanorwara?—2 VaK. 1:3.
Akapiwa Zvokudya
14, 15. Ndirini apo Dhavhidhi nevarume vake vakada kupiwa zvokudya, uye vakabatsirwa sei?
14 Paakava mambo waIsraeri, Dhavhidhi aigona kuwana zvokudya nezvokunwa zvose zvakanakisisa, achitokokawo vamwe kuzodya naye. (2 Sam. 9:10) Zvisinei, Dhavhidhi aizivawo kuti nzara inoruma zvakadini. Paakapandukirwa akada kutorerwa chigaro nemwanakomana wake Absaromu, Dhavhidhi nevamwe vatsigiri vake vaive vakavimbika vakatiza vachibuda muJerusarema. Vakatizira kudunhu reGiriyedhi, kumabvazuva kweRwizi rwaJodhani. (2 Sam. 17:22, 24) Vava kungodzivaira nesango vachitiza, Dhavhidhi nevarume vake vakapedzisira vasisina kana chokukanda mukanwa uku vaneta. Saka vaizowanepi zvokudya musango makadaro?
15 Dhavhidhi nevarume vake vakazosvika kuguta reMahanaimu. Imomo vakasangana nevarume vatatu vaive vakashinga vaiti Shobhi, Makiri naBhazirai. Vakanga vakagadzirira kufa vachibatsira mambo akagadzwa naMwari, nokuti vaiziva kuti kana Absaromu akangoita mambo, aizoti takarasima kuranga vose vaitsigira Dhavhidhi. Vachiona nyatwa yaDhavhidhi nevarume vake, varume vatatu ava vakavavigira zvinhu zvavaitsvaka nemaziso matsvuku, kusanganisira mibhedha, gorosi, bhari, zviyo zvakakangwa, nyemba, uchi, ruomba, uye makwai. (Verenga 2 Samueri 17:27-29.) Kuvimbika uye mutsa wevarume vatatu ava zvinofanira kunge zvakabaya mwoyo waDhavhidhi. Zvaiita here kuti Dhavhidhi akanganwe zvavakanga vamuitira?
16. Ndiani chaizvoizvo akapa Dhavhidhi nevarume vake zvokudya?
16 Asi ndiani chaizvoizvo akapa Dhavhidhi nevarume vake zvokudya? Dhavhidhi ainyatsoziva kuti Jehovha anotarisira vanhu vake. Jehovha zvechokwadi anogona kuita kuti vashumiri vake vabatsire vavanonamata navo vanenge vachida kubatsirwa. Hapana mubvunzo kuti paaifunga nezvezvakaitika kudunhu reGiriyedhi, Dhavhidhi aiona mutsa wevarume vatatu vaya sokuratidzwa kworudo rwaJehovha. Ava pedyo nokufa, Dhavhidhi akanyora kuti: “Ndaimbova jaya, asi zvino ndakwegura, handina kumboona munhu akarurama [kusanganisira iye] achisiyiwa zvachose, kana vana vake vachitsvaka zvokudya.” (Pis. 37:25) Hazvinyaradzi here kuziva kuti Jehovha haambotadzi kupa vashumiri vake zvavanoda?—Zvir. 10:3.
‘Jehovha Anoziva Nzira Yokununura Nayo Vanhu’
17. Jehovha akaratidza aratidzazve chii?
17 Dhavhidhi anongova mumwe wevanamati vaJehovha vakawanda vaakaponesa makarekare. Kubvira panguva yaDhavhidhi, Mwari akaratidza aratidzazve kuti mashoko omuapostora Petro ndeechokwadi, anoti: “Jehovha anoziva nzira yokununura nayo mumuedzo, vanhu vakazvipira kuna Mwari.” (2 Pet. 2:9) Ngatimbokurukurai mimwe mienzaniso miviri.
18. Jehovha akanunura sei vanhu muzuva raHezekiya?
18 Uto rakasimba reAsiriya parakapinda nechisimba muJudha rikatyisidzira Jerusarema muzana remakore rechi8 B.C.E., Mambo Hezekiya akanyengetera achiti: “Haiwa Jehovha Mwari wedu, tiponesei . . . kuti umambo hwose hwenyika huzive kuti imi, haiwa Jehovha, ndimi Mwari moga.” (Isa. 37:20) Hezekiya ainyanya kuva nehanya nezita raMwari. Jehovha akapindura munyengetero iwoyo womwoyo wose. Muusiku humwe, ngirozi imwe chete yakauraya vaAsiriya 185 000, ichinunura vashumiri vaJehovha vakatendeka.—Isa. 37:32, 36.
19. VaKristu vomuzana remakore rokutanga vakapukunyuka dambudziko pavakateerera nyevero yokutii?
19 Kwasara mazuva mashomanana kuti Jesu afe, akataura uprofita hwainyevera hwaibatsira vadzidzi vake muJudhiya. (Verenga Ruka 21:20-22.) Makumi emakore akapfuura, uye muna 66 C.E., kupanduka kwevaJudha kwakaita kuti mauto eRoma arwise Jerusarema. Mauto aitungamirirwa naCestius Gallus akabudirira kuputsa chikamu chorusvingo rwetemberi; achibva azoenda. Vachiona uyu somukana wokupukunyuka kuparadzwa kwakanga kwafanotaurwa naJesu, vaKristu vakatendeka vakatizira kumakomo. Mauto eRoma akadzoka muna 70 C.E. Panguva ino haana kuzobuda, uye Jerusarema rakaparadzwa zvachose. VaKristu vakanga vateerera nyevero yaJesu vakapukunyuka dambudziko iroro.—Ruka 19:41-44.
20. Nei tichigona kuvimba naJehovha so“Mupukunyutsi” wedu?
20 Kufunga nezvouchapupu hwokubatsira kunoita Jehovha vanhu vake kunosimbisa kutenda. Zvaakaita kare zvinotipa chivimbo. Pasinei nezvinetso zvatingatarisana nazvo iye zvino kana kuti mune ramangwana, isuwo tinogona kuvimba naJehovha zvakakwana so“Mupukunyutsi” wedu. Zvisinei, Jehovha angatipukunyutsa sei? Zvakadini nevanhu vataurwa pakutanga? Zvinhu zvakazovafambira sei? Ngationei kuti zvakafamba sei munyaya inotevera.
Unoyeuka Here?
• Pisarema 70 rinoita kuti tive nechivimbo chei?
• Dhavhidhi akabatsirwa uye akatsigirwa sei paairwara?
• Mienzaniso ipi inoratidza kuti Jehovha anogona kununura vanhu vake pavavengi vavo?
[Mufananidzo uri papeji 6]
Jehovha akapindura munyengetero waHezekiya