Uri Kuvakira Pajecha Here Kana Kuti Padombo?
UNONAKIDZWA nokuverenga Bhaibheri here? Unorongawo nguva yokuti ugare uchidzidza Bhaibheri nomumwe weZvapupu zvaJehovha here? Kana uchidaro, hapana mubvunzo kuti unonzwa sokuti zivo yaunayo yakakubatsira kunyatsonzwisisa kuti nei nyika yakazara kwazvo nezvinetso iye zvino. (Zvakazarurwa 12:9, 12) Uyezve, ndima dzakawanda dzomuBhaibheri dzingave dzakakunyaradza munguva dzenhamo uyewo kukupa tariro yeremangwana.—Pisarema 145:14; 147:3; 2 Petro 3:13.
Danho rinokosha kune vaya vanoda kuva vateveri vaKristu nderokuwana zivo yakarurama yeBhaibheri. Asi danho iri ndiro roga here? Kwete. Kuti mudzidzi weBhaibheri arambe ari muKristu chaiye kunyanya panguva iya yaanoedzwa pakutenda, zvinoda kuti atore rimwezve danho rinokosha. Idanho ripi iroro? Kuti tiwane mhinduro, ngatimbokurukura muchidimbu Mharidzo yepaGomo, hurukuro yakakurukurwa naJesu pagomo reGarireya.—Mateu 5:1, 2.
Dzimba Mbiri Dzinoedzwa
Unoziva mashoko ari muMharidzo yepaGomo here? Unogona kuwana hurukuro iyi inozivikanwa chaizvo muEvhangeri yaMateu naRuka. (Mateu 5:1–7:29; Ruka 6:20-49) Zvinongotora maminitsi 20 chete kuti uverenge mharidzo yacho yose. Kunyange zvakadaro ine mashoko akataurwa anopfuura 20 akatorwa muMagwaro echiHebheru uye mashoko ane mifananidzo inopfuura 50. Mumwe mufananidzo unotaura nezvokuvakwa kwedzimba mbiri ndiwo unonyanya kuoneka nokuti Jesu akaushandisa mumhedziso yehurukuro yake. Kana uchinzwisisa zvairehwa nomufananidzo wakagumisa hurukuro yake, uchabatsirwa kuona kuti ungaramba sei wakatsiga somuteveri waKristu pasinei nemiedzo ipi yokutenda yaungasangana nayo.
Jesu akati: “Munhu wose anonzwa mashoko angu aya akaaita achafananidzwa nomurume akangwara, akavakira imba yake padombo guru. Mvura yakanaya nesimba, mafashamo akauya, mhepo ikavhuvhuta, ikarova imba iyoyo nesimba, asi haina kuwa, nokuti yakanga yavakirwa padombo guru. Uyezve, munhu wose anonzwa mashoko angu aya asingaaiti achafananidzwa nomurume akapusa, akavakira imba yake pajecha. Mvura yakanaya nesimba, mafashamo akauya, mhepo ikavhuvhuta, ikarova imba iyoyo iyo ikawa, uye yakawondomoka zvachose.”—Mateu 7:24-27.
Murume “Akachera, Akadzika Pasi Chaipo”
Jesu akaudza vadzidzi vake chokwadi chipi chinokosha achishandisa mufananidzo uyu wevavaki vaviri? Kuti uwane mhinduro, nyatsoongorora mashoko aJesu. Chii chauri kucherechedza padzimba mbiri idzi? Dzose dzakapinda patsekwende dzakafanana. Zvimwe dzimba dzacho dzaive dzakafanana. Dzingavewo dzaiva panzvimbo imwe chete zvichida dzichitova padivi nedivi. Kunyange zvakadaro, imwe yacho yaive yakavakirwa pajecha, uye imwe yacho padombo. Zvingadaro sei? Nokuti, sezvakanyorwa muEvhangeri yaRuka, murume akangwara “akachera, akadzika pasi chaipo” achiitira kuti asvike paiva nedombo. (Ruka 6:48) Saka, imba yomurume akangwara yakaramba yakamira.
Jesu aida kusimbisa pfungwa ipi? Jesu akataura mufananidzo uyu nechinangwa kwete chokusimbisa nzvimbo, kana maratidzikire aiita dzimba dzacho, kana kusimba kwezvinhu zvakashandiswa, asi aida kusimbisa zvakaitwa nevavaki vacho. Mumwe murume wacho akachera akadzika pasi chaipo, asi mumwe wacho haana kudaro. Ungafanana sei nomurume ainge akachenjera akachera, akadzika pasi chaipo? Jesu pachake akapfupisa pfungwa yomufananidzo wacho achiti: “Zvino, nei muchinditi ‘Ishe! Ishe!’ asi musingaiti zvinhu zvandinotaura? Munhu wose anouya kwandiri, onzwa mashoko angu, oaita, ndichakuratidzai kuti akafanana naani: Akafanana nomunhu . . . akachera, akadzika pasi chaipo, akaisa nheyo padombo guru.”—Ruka 6:46-48.
Zvechokwadi, kungoteerera dzidziso dzeBhaibheri kana kungoverenga Bhaibheri kumba kwakafanana nokuvaka imba pamusoro pejecha pasina basa nokuchera. Zvinotoda kuti munhu ashande nesimba kuti aite kana kuti ashandise dzidziso dzaKristu. Izvi zvinosanganisira kuchera, kudzika pasi chaipo kuti usvike padombo guru.
Saka kutsiga kwako pakutevera Kristu kana kuti kusatsiga, kunoenderana nokuti unoshandisa here zvaunonzwa kana kuti kwete. Paunoshandisa zvaunodzidza muBhaibheri muupenyu hwako zuva nezuva, unenge wakafanana nomurume akachera, akadzika pasi chaipo. Naizvozvo, munhu wose ari kudzidza Bhaibheri anofanira kumbotura befu ozvibvunza kuti: ‘Ndiri munzwi chete here kana kuti ndinoita zvandinenge ndanzwa? Ndinotevedzera mirayiro yeBhaibheri pandinenge ndava kusarudza here kana kuti ndinongoverenga nokungodzidza Bhaibheri chete?’
Kubatsirwa Kunobva Pakuchera Zvakadzika
Chimbofunga zvakaitika kuna José. Vabereki vake vakamurera kuti akure achiremekedza mirayiro yetsika inotaurwa muBhaibheri, asi iye pachake haana kumbodzidza Shoko raMwari. José anoti, “Pandakabva pamba, ndaiedza kuva munhu akanaka, asi ndaishamwaridzana nevanhu vakaipa. Ndakatanga kushandisa zvinodhaka, kuita unzenza, uye ndaingogara ndichirwisana nevanhu.”
José akazosarudza kuchinja mararamiro ake achibva afarira zvikuru kudzidza Bhaibheri. Anoti, “Kuverenga kwandakaita Mharidzo yaJesu yepaGomo uye kuinzwisisa ndiko kwakaita kuti ndichinje. Asi zvakanditorera nguva yakareba kuti ndichinje unhu hwangu nemararamiro angu. Pakutanga, ndaitya kuti ‘shamwari’ dzangu dzaizofungei nezvangu, asi ndakazopedzisira ndisingachatyi. Ndakarega kureva nhema uye kutaura zvinonyadzisa uye ndakatanga kupinda misangano yeZvapupu zvaJehovha. Ndakadzidza kuti sezvakangovimbiswa naJesu, kurarama upenyu huri nyore uye kushandisa mazano eBhaibheri chokwadi kunoita kuti tirambe tichifara.”—Mateu 5:3-12.
Zvii zvichaitika kana ukachera uchidzika kusvika padombo chaipo, kureva kuti ukashandisa nokushingaira zvaunoverenga muShoko raMwari? Jesu akati: “Pakauya mafashamo, rwizi rwakarovera nesimba paimba iyoyo, asi rwakanga rusina kusimba zvokuizunungusa, nokuti yakanga yakanyatsovakwa.” (Ruka 6:48) Zvechokwadi, kana ukanyatsovaka zvakanaka nokushandisa zvaunodzidza, miedzo yakafanana nemadutu haingotadzi kuputsa imba yako chete asiwo haimboizunungusi. Ipfungwa inonyaradza kwazvo!
Mudzidzi Jakobho, munun’una waJesu, mwana wamai vake, anotaurazve kukomborerwa kunoitwa vadzidzi veBhaibheri vasiri vanzwi chete asi vanoitawo chaizvo zvakanyorwa muShoko raMwari. Jakobho akanyora kuti: “Ivai vaiti veshoko, kwete vanzwi chete . . . Iye anonyatsotarira mumutemo wakakwana worusununguko uye anorambira mauri, munhu iyeye achafara paanouita, nokuti haana kuva munzwi anokanganwa, asi muiti webasa.”—Jakobho 1:22-25.
Kutaura zvazviri, vaya vanoshandisa zano reBhaibheri vanofara zvechokwadi. Mufaro wakadaro unoita kuti vateveri vaKristu vakwanise kumira vakasimba pavanosangana nemiedzo yakafanana nemadutu inoedza kutenda kwavo uye kuzvipira kwavo zvechokwadi kuna Mwari.
Uchaitei?
Jesu paakakurukura Mharidzo yake yepaGomo, akasimbisa kuti panyaya yokushumira Jehovha Mwari, tinofanira kusarudza zvatinoda. Somuenzaniso, Jesu akadzidzisa kuti munhu anogona kuva neziso rakanaka kana kuti rakaipa, anogona kushumira Mwari kana kuti pfuma, anogona kufamba mumugwagwa wakatetepa kana kuti wakapamhama. (Mateu 6:22-24; 7:13, 14) Adaro, mumufananidzo wake wokupedzisira wevavaki vaviri, Jesu akaudza vateveri vake kuti vasarudze: Kuita somurume akangwara kana kuti kusarudza kuva murume akapusa.
Wakangwara kana uri kuramba uchishandisa nomwoyo wose zvauri kudzidza muBhaibheri. Chokwadi, kuchera uchidzika kusvika padombo chaipo kuchaita kuti ukomborerwe iye zvino uye mune remangwana.—Zvirevo 10:25.
[Mifananidzo iri papeji 30]
Kuti tirambe takamira zvakasimba zvinoenderana nokuti tiri kushandisa here zvatiri kudzidza