Vaverengi Vanobvunza Kuti
Kuporesa Kwose Kunoshamisa Kunobva Kuna Mwari Here?
Hapana mubvunzo kuti Jehovha Mwari ane simba rokuporesa. Uyewo hapana mubvunzo kuti anokwanisa kupa vanamati vake simba iroro. Somuenzaniso, munguva yairarama vaapostora, chimwe chezvipo zvomudzimu mutsvene chaiva chokuporesa kunoshamisa. Muapostora Pauro akanyora kuti: “Mudzimu unooneka kuti uri kushanda pane mumwe nomumwe nokuda kwechinangwa chinobatsira. Somuenzaniso, mumwe anopiwa kutaura kwouchenjeri nomudzimu . . . mumwe zvipo zvokurapa nomudzimu iwoyo wakafanana . . . mumwe kuprofita, . . . mumwe ndimi dzakasiyana-siyana.”—1 VaKorinde 12:4-11.
Zvisinei, Pauro akanyorawo mutsamba imwe chete iyoyo kuvaKorinde kuti zvipo zvinoshamisa zvomudzimu mutsvene waMwari zvaizoguma. Akati: “Kana zviri zvipo zvokuprofita, zvichagumiswa; kana dziri ndimi, dzichaguma; kana iri zivo, ichagumiswa.”—1 VaKorinde 13:8.
Muzana remakore rokutanga, kuporesa kunoshamisa kwaiitwa nevaapostora vaJesu Kristu. Panguva yairarama vaapostora, ungano yechiKristu payakanga ichangotanga, zvipo zvomudzimu, zvaisanganisira kugona kuporesa, zvaiitirwa kuti Mwari akudzwe uye zvairatidza kuti Mwari aifarira uye aikomborera ungano yechiKristu yakanga ichangotanga. Asi ungano yacho payakanga yakura, kutenda kwakasimba, tariro, uye rudo rwevanhu vaivamo ndizvo zvakanga zvava kuratidza kuti yaifarirwa naMwari kwete zvipo zvomudzimu. (Johani 13:35; 1 VaKorinde 13:13) Saka munenge mugore ra100 C.E., Mwari akanga asisapi vanhu chipo chokuporesa kunoshamisa kuti aratidze kuvafarira.a
Asi, vamwe vangafunga kuti, ‘Nei tichiri kungonzwa nezvokurapa kunoshamisa mazuva ano?’ Somuenzaniso, rimwe pepanhau rakataura nezvomumwe murume ainzi airwara nekenza. Kenza yakanga yamuzvimbisa dzimwe nzvimbo dzomusoro, itsvo, uye mukati memapfupa. Remangwana rake rakanga risina kujeka, kuzosvika musi uyo Mwari “akataura” naye. Pepanhau racho rakati mazuva mashoma pashure pacho murume wacho akanga asisina kenza.
Paunonzwa nyaya yakaita seiyi, zvakanaka kuzvibvunza kuti: ‘Nyaya iyi ndeyechokwadi here? Pane uchapupu hunotsigira nyaya yacho here? Uye kunyange dai kwanga kuri kuti munhu wacho akaporeswa, Bhaibheri rinodzidzisa kuti Mwari ndiye anotsigira kurapa kwose kunoshamisa here?’
Mhinduro yomubvunzo wokupedzisira inokosha zvikuru. Jesu akanyevera vateveri vake kuti: “Chenjererai vaprofita venhema . . . Pazuva iroro vazhinji vachati kwandiri, ‘Ishe, Ishe, hatina kuprofita muzita renyu, nokudzinga madhimoni muzita renyu, nokuita mabasa mazhinji esimba muzita renyu here?’ Asi ndichabva ndavataurira pachena kuti: Handina kumbokuzivai! Ibvai kwandiri, imi vasingateereri mutemo.”—Mateu 7:15, 21-23.
Saka zviri pachena kuti kuporesa kunoshamisa kunogona kunge kusingabvi kuna Mwari. Kuti tisanyengedzwa nevanhu vanoti vanoita zvishamiso muzita raMwari, tinofanira kuwana zivo yakarurama pamusoro paMwari, toshandisa mano okufunga atakapiwa naMwari, uye kudzidza kuti tingaziva sei vaya vanoita zvaanoda.—Mateu 7:16-19; Johani 17:3; VaRoma 12:1, 2.
[Mashoko Omuzasi]
a Zviri pachena kuti nokufa kwakaita vaapostora, zvipo izvozvo zvakaguma kupiwa vamwe, uye zvipo zvinoshamisa zvomudzimu zvakagumawo sezvo vaya vakanga vazvipiwa vakanga vafa.