RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • wp17 nha. 1 pp. 5-6
  • Ungaitei Kuti Unakidzwe Nekuriverenga?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ungaitei Kuti Unakidzwe Nekuriverenga?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2017
  • Mashoko Akafanana
  • Ndiani Akaisa Zvitsauko Nemavhesi muBhaibheri?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2016
  • Kubetserwa Nokurava Bhaibheri Zuva Nezuva
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2017
wp17 nha. 1 pp. 5-6
Mukadzi ari kushandisa zvinhu zvakasiyana-siyana pakudzidza Bhaibheri

NYAYA IRI PAKAVHA | ZVAUNGAITA KUTI UBATSIRWE NEBHAIBHERI

Ungaitei Kuti Unakidzwe Nekuriverenga?

Kuverenga Bhaibheri kuchakunakidza here? Zvichaenderana nemaverengero auchariita. Ngatitarise zvinhu zvingakubatsira kuti uwedzere kufarira kuverenga Bhaibheri.

Shandisa Bhaibheri rinovimbwa naro uye riri nyore kuverenga. Kana ukaverenga bhuku rine mashoko akawanda akaoma kunzwisisa kana kuti aishandiswa kare kare, kazhinji kacho haunakidzwi nekuriverenga. Saka tsvaga Bhaibheri riri nyore kunzwisisa, richabata mwoyo wako. Asiwo Bhaibheri racho rinofanira kunge richitaura chokwadi.a

Shandisa zvinhu zvemazuva ano. Mazuva ano Bhaibheri haringowaniki rakaita zvekuprindwa chete. Wava kukwanisa kuriverengera paindaneti kana kuridhaunirodha woriverengera pamakombiyuta, matablet kana kuti mafoni. Mamwe maBhaibheri anoita kuti ukwanise kuona mamwe mavhesi anoenderana nenyaya yauri kuverenga kana kuti kuona zvinotaurwa nemamwe maBhaibheri. Panewo maBhaibheri akaita zvekurekodhwa kana uchifarira ekuteerera. Vanhu vakawanda vanofarira kuteerera pavanenge vari mukombi, vachiwacha kana kuti pavanenge vachiita mamwe mabasa anovabvumira kuteerera. Wadii kuedza zvaunoona zvinokuitira?

Shandisa zvinhu zvinokubatsira pakudzidza Bhaibheri. Kushandisa zvinhu izvi kuchaita kuti zvaunoverenga zvinyatsokubatsira. Pane mamepu anokuratidza nzvimbo dzinotaurwa muBhaibheri uye achaita kuti uwedzere kunzwisisa zvaunenge uchiverenga. Nyaya dzakaita sedziri mumagazini ino kana kuti dziri pawebsite inonzi jw.org, pachikamu chakanzi “Zvinodzidziswa neBhaibheri,” dzinogona kukubatsira kuti unzwisise zvinorehwa nemavhesi akawanda ari muBhaibheri.

Chinja maverengero aunoriita. Kana uchiona sekuti kuverenga Bhaibheri kubva kwarinotangira kwakaoma, wadii kutanga nechikamu chaunofarira kuti uve nechido chekuriverenga? Kana uchida kuziva nezvevanhu vanonyanya kuzivikanwa vanotaurwa muBhaibheri, unogona kuverenga mavhesi anotaura nezvevanhu ivavo. Pane nzira mbiri dzaunogona kushandisa dzakanyorwa mubhokisi rakanzi, “Ukaziva Vanhu Vari muBhaibheri Uchawedzera Kurinzwisisa.” Kana kuti unogona kuverenga Bhaibheri uchibata nyaya imwe panguva kana kuti kuverenga nyaya uchitevedza maitikiro ayo. Wadii kumboedza imwe yacho?

a Vakawanda vanofarira Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene nokuti yakarurama, inovimbwa nayo uye iri nyore kuverenga. Bhaibheri iri rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha uye rinowanika mumitauro inopfuura 130. Unogona kuridhaunirodha pajw.org kana kuti kudhaunirodha JW Library app. Kana uchida, Zvapupu zvaJehovha zvinogona kukuvigira kumba kwako.

UKAZIVA VANHU VARI MUBHAIBHERI UCHAWEDZERA KURINZWISISA

Vamwe vakadzi vakavimbika

Abhigairi

1 Samueri chitsauko 25

Esteri

Esteri chitsauko 2-5, 7-9

Hana

1 Samueri chitsauko 1-2

Mariya

(Amai vaJesu) Mateu chitsauko 1-2; Ruka chitsauko 1-2; verengawo Johani 2:1-12; Mabasa 1:12-14; 2:1-4

Rakabhi

Joshua chitsauko 2, 6; verengawo VaHebheru 11:30, 31; Jakobho 2:24-26

Ribheka

Genesisi chitsauko 24-27

Sara

Genesisi chitsauko 17-18, 20-21, 23; verengawo VaHebheru 11:11; 1 Petro 3:1-6

Vamwe varume vaiita zvakanaka

Abrahamu

Genesisi chitsauko 11-24; verengawo 25:1-11

Dhavhidhi

1 Samueri chitsauko 16-30; 2 Samueri chitsauko 1-24; 1 Madzimambo chitsauko 1-2

Jesu

Evhangeri yaMateu, Mako, Ruka naJohani

Mosesi

Eksodho chitsauko 2-20, 24, 32-34; Numeri chitsauko 11-17, 20, 21, 27, 31; Dheuteronomio chitsauko 34

Noa

Genesisi chitsauko 5-9

Pauro

Mabasa chitsauko 7-9, 13-28

Petro

Mateu chitsauko 4, 10, 14, 16-17, 26; Mabasa chitsauko 1-5, 8-12

ZVINHU ZVAKABUDISWA NEZVAPUPU ZVAJEHOVHA

  • JW.ORG​—Website iyi ine zvinhu zvakawanda zvinobatsira pakudzidza, kusanganisira chikamu chakanzi “Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa.” Inewo mirayiridzo yekuti unodhaunirodha sei JW Library app

  • “Ona Nyika Yakanaka”​—Iri ibhuku rine mamepu nemapikicha enzvimbo dzinotaurwa muBhaibheri

  • Insight on the Scriptures​—Aya mabhuku maviri anonyatsodzika-dzika neBhaibheri achitsanangura vanhu, nzvimbo uye mashoko anowanikwa muBhaibheri

  • “Rugwaro Rwose Rwakafuridzirwa naMwari Uye Runobetsera”​—Iri ibhuku rinotsanangura kuti bhuku rimwe nerimwe reBhaibheri rakanyorwa riini, kupi uye rakanyorerwei. Rinopawo pfupiso yezviri mubhuku rimwe nerimwe

  • Bhaibheri​—iShoko raMwari Here Kana Kuti Romunhu?​—Iri ibhuku rinonyatsoratidza kuti ndezvechokwadi kuti Bhaibheri rakafemerwa naMwari

  • Bhaibheri​—Rinombotaura Nezvei?​—Iri ibhuku rine mapeji 32 rinopa pfupiso yedingindira reBhaibheri

    Mabhuku eChiShona (1973-2022)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2023 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe