Mabhuku Achashandiswa paMusangano weUshumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu
MAY 7-13
PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | MAKO 7-8
“Tora Danda Rako Rekutambudzikira, Urambe Uchinditevera”
nwtsty tsanangudzo dzemamwe mashoko Mk 8:34
ngaazvirambe: Izvi zvinoratidza kuti munhu anozviramba asingaiti zvekumanikidzwa uye anenge achizvipa kuna Mwari. Shoko iri muchiGiriki rinogona kunzi “kuzvinyima,” uye izvi zvinonyatsoita nekuti anenge achirega kuita zvido zvake, zvinangwa kana kusiya mimwe mikana ichipfuura. (2VaK 5:14, 15) Shoko rimwe chete iroro rechiGiriki ndiro rinoshandiswa naMako achitsanangura kurambwa kwakaitwa Jesu naPetro.—Mk 14:30, 31, 72.
Uri Kumhanya Sei Munhangemutange Youpenyu?
14 “Kana munhu upi noupi achida kunditevera,” akadaro Jesu Kristu kuboka ravadzidzi navamwe, “ngaazvirambe amene [kana kuti, “anofanira kuti, ‘Aiwa’ kwaari amene,” Charles B. Williams] ndokutakura danda rake rokutambudzikira ndokunditevera nguva dzose.” (Mako 8:34) Apo tinogamuchira uku kukokwa, tinofanira kuva vakagadzirira kuita saizvozvo “nguva dzose,” kwete nemhaka yokuti pane chakanaka chaicho mukuzvinyima, asi nemhaka yokuti upenzi hwenguva imwe, chikanganiso chimwe muchisarudzo chakanaka, zvingaparadza zvose izvo zvakavakwa, kunyange kupinza mungozi garikano yedu isingagumi. Enderero mberi pakunamata inowanzoitwa pamwero unoti nonokei, asi inogona nokukurumidza sei kuparadzwa kana tisingangwariri nguva dzose!
Wakagadzirira Kurasikirwa Zvakadini Kuti Urarame?
3 Pachiitiko ichocho, Jesu akabvunza mibvunzo miviri inoda kufungisiswa: “Zvinobatsirei kuti munhu awane nyika yose orasikirwa nomweya wake?” uye “Chokwadi, munhu angatsinhananisa mweya wake nechii?” (Mako 8:36, 37) Kuvanhu, mhinduro yemubvunzo wokutanga iri pachena. Hazvibatsiri kuti munhu awane nyika yose kana achizorasikirwa noupenyu hwake, kana kuti mweya wake. Zvinhu zvinongobatsira kana uri mupenyu uchizvishandisa. Mubvunzo waJesu wechipiri wokuti: “Chokwadi, munhu angatsinhananisa mweya wake nechii?” ungadaro wakayeuchidza vateereri vake nezvezvakanga zvambotaurwa naSatani panguva yaJobho, zvokuti: “Munhu achapa zvose zvaainazvo nokuda kwomweya wake.” (Job. 2:4) Kune vasinganamati Jehovha, Satani angava aitaura chokwadi. Vakawanda vangaita chero chii zvacho, vangatyora chero mutemo upi zvawo kuti varambe vachirarama. Zvisinei, vaKristu vane maonero akasiyana neaya.
4 Tinoziva kuti Jesu haana kuuya panyika kuti azotipa utano hwakanaka, pfuma uye kuti tizorarama kwenguva yakareba munyika ino. Akauya kuzoita kuti pave nomukana wokurarama nokusingaperi munyika itsva, uye tariro youpenyu ihwohwo ndiyo yatinonyanya kukoshesa. (Joh. 3:16) MuKristu anganzwisisa kuti mubvunzo wokutanga wakabvunzwa naJesu waireva kuti, “Zvinobatsirei kuti munhu awane nyika yose orasikirwa netariro yake youpenyu husingaperi?” Mhinduro ndeyokuti, Hazvina kana zvazvinobatsira. (1 Joh. 2:15-17) Kuti tikwanise kupindura mubvunzo waJesu wechipiri, tingazvibvunza kuti, ‘Ndakagadzirira kurasikirwa zvakadini iye zvino kuti ndisimbise tariro yangu youpenyu munyika itsva?’ Mapinduriro atinoita mubvunzo iwoyo, ayo anoonekwa pamararamiro edu, anoratidza kusimba kwakaita tariro yedu mumwoyo.—Enzanisa naJohani 12:25.
Mwanakomana Womunhu Ndiani?
Kuti vafarirwe naJesu, vateveri vake vanofanira kuratidza kuti vakashinga uye vanofanira kuzvipira. Jesu anotaura kuti: “Munhu wose anonyara ini nemashoko angu muchizvarwa ichi choupombwe chinotadza, Mwanakomana womunhu achamunyarawo paanosvika ari mukubwinya kwaBaba vake aine ngirozi tsvene.” (Mako 8:38) Jesu paachazouya, “achabva aripira mumwe nomumwe maererano nomufambiro wake.”—Mateu 16:27.
Kuchera Pfuma muShoko raMwari
Mibvunzo Inobva Kuvaverengi
Nei kugeza maoko yakanga iri nyaya hombe kuvavengi vaJesu?
▪ Iyi ndeimwe yenyaya dzakawanda idzo vavengi vaJesu vaimupomera uyewo dzavaipomera vadzidzi vake. Mutemo waMosesi waiva nemirayiro yakawanda yaitaura nezvekuzvichenesa panyaya dzakaita sekubuda zvinoyerera, maperembudzi, uye mabatirwo aifanira kuitwa zvitunha zvevanhu nezvemhuka. Waitaurawo zvaifanira kuitwa pakuchenesa zvinhu kana kuti vanhu. Izvi zvaigona kuitwa pachishandiswa zvibayiro, kugeza, kana kuti kusasa mvura.—Revh., chitsauko 11-15; Num., chitsauko 19.
Vanarabhi vechiJudha vaitsanangura zvakapfurikidza kanhu kese kaiva mumitemo iyi. Rimwe bhuku rinoti chinhu chese chaiita kuti munhu anzi haana kuchena “chainyatsoongororwa kuti chingazonzi chasvibisa munhu mumamiriro ezvinhu akaita sei, chinosvibisa sei uye kuti chingapararira sei kune vamwe, midziyo ipi uye zvinhu zvipi zvinogona kusvibiswa uye zvisingasvibiswi, uye chekupedzisira, kuti inzira ipi yaifanira kushandiswa pakuzvichenesa netsika dzaifanira kutevedzerwa pakuita izvozvo.”
Vavengi vaJesu vakamubvunza kuti: “Nei vadzidzi vako vasingazvibati maererano netsika yevanhu vomunguva yekare, asi vanodya zvokudya zvavo nemaoko akasviba?” (Mako 7:5) Vakanga vasiri kungotaura nezvekugeza maoko munhu asati adya. Vaiva netsika yekuti munhu anofanira kudirwa mvura mumaoko asati adya. Bhuku ratambotaura pamusoro apa rinotiwo: “Zvinotoongororwawo kuti mudziyo wakaita sei uchashandiswa pakudira, imvura yerudzii inokodzera kushandiswa, ndiani achadira mvura yacho, uye kuti maoko acho anofanira kugezwa nemvura kusvika papi.”
Jesu akaita sei patumitemo twese utwu twainge twagadzirwa nevanhu? Akaudza vatungamiriri vechitendero chechiJudha ivavo kuti: “Isaya akaprofita zvakakodzera pamusoro penyu imi vanyengeri, sokunyorwa kwazvakaitwa kuti, ‘Vanhu ava vanondikudza nemiromo yavo, asi mwoyo yavo iri kure neni [Jehovha]. Vanoramba vachindinamata pasina, nokuti vanodzidzisa mirayiro yevanhu sedzidziso.’ Munobatisisa tsika yevanhu muchirega murayiro waMwari.”—Mako 7:6-8.
Une “Pfungwa dzaKristu” Here?
9 Murume wacho aiva matsi uye asingatombokwanisi kutaura. Jesu angave akaona kutya kana kuti kunyara kwainyanyoita murume uyu. Ipapo Jesu akaita chimwe chinhu chisina kunyatsojairika. Akasuduruka nomurume wacho kubva muboka ravanhu, achienda kunzvimbo yakanga isina vanhu. Zvadaro Jesu akashandisa zviratidzo kuzivisa murume wacho zvaakanga ava kuda kuita. “Akaisa minwe yake munzeve dzomurume wacho uye, akati apfira mate, akabata rurimi rwake.” (Mako 7:33) Apedza, Jesu akatarira kudenga ndokutura befu mumunyengetero. Izvi zviito zvomuenzaniso zvaizoti kumurume wacho, ‘Zvandava kuda kukuitira zvinoitwa nesimba raMwari.’ Pakupedzisira, Jesu akati: “Dziuka.” (Mako 7:34) Ipapo, kunzwa kwomurume wacho kwakadzorerwa, uye akanga ava kukwanisa kutaura zvakanaka.
10 Jesu airatidza kufunga vamwe zvakadini! Ainzwa manzwire avaiita, uye kuita kwokunzwira tsitsi uku kwakamuitawo kuti ashandise nzira dzisina kukuvadza kunzwa kwavo kwomukati. SevaKristu, tinoita zvakanaka kushandira kuva nepfungwa dzaKristu nokudziratidza munhau iyi. Bhaibheri rinotirayira kuti: “Imi mose ivai nokufunga kwakafanana, muchinzwirana ngoni, muchidanana kwazvo sehama, muchinzwirana tsitsi zvikuru, muchizvininipisa.” (1 Petro 3:8) Zvechokwadi izvi zvinoita kuti titaure nokushanda munzira dzinoratidza kufunga manzwire anoita vamwe.
11 Muungano, tinogona kuratidza kufunga manzwire anoita vamwe nokuvaremekedza, kuvabata sezvataizoda kubatwawo. (Mateu 7:12) Izvozvo zvingasanganisira kungwarira zvatinotaura uyewo mataurire atinozviita. (VaKorose 4:6) Yeuka kuti ‘mashoko anoratidza kusafunga angabaya somunondo.’ (Zvirevo 12:18) Zvakadini nomumhuri? Murume nomukadzi vanodanana zvechokwadi vanonzwa manzwire anoita mumwe nomumwe wavo. (VaEfeso 5:33) Vanodzivisa mashoko ehasha, kutsoropodza kunopfuurira, uye kutaura kwokutuka kunokuvadza—zvose zvinogona kukonzera kunzwa kurwadziwa kusingarapiki nyore. Vana vanewo kunzwa kwomukati, uye vabereki vane rudo vanofunga nezvakwo. Kururamisa pakunodiwa, vabereki vakadaro vanokuita munzira yokuremekedza chiremera chevana vavo ndokuita kuti vasanyara zvisingadikanwi. (VaKorose 3:21) Saka patinoratidza kufunga vamwe, tinoratidza kuti tine pfungwa dzaKristu.
MAY 14-20
PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | MAKO 9-10
“Chiratidzo Chinosimbisa Kutenda”
Uprofita Hwakataura nezvaKristu
9 Papfuura gore kubvira apo Jesu akapa uchapupu hwambotaurwa hwairatidza kuti aiva Mesiya. Paseka yegore ra32 C.E. yasvika uye yapera. Vakawanda vakadavira havachamuteveri, zvichida nemhaka yokutambudzwa, kunyanya kuda zvinhu, kana kuti kuzvidya mwoyo nezvinhu zvoupenyu. Vamwe vangadaro vakavhiringidzika kana kuti vakaora mwoyo nokuti Jesu akaramba zvakaedzwa kuitwa nevanhu kuti vamuite mambo. Vatungamiriri vechitendero chechiJudha pavakamuedza, akaramba kupa chiratidzo chokuti azvipe mbiri chinobva kudenga. (Mateu 12:38, 39) Kuramba kwaakaita uku kungave kwakashamisa vamwe. Uyezve, Jesu atanga kuudza vadzidzi vake chimwe chinhu chavanoona chakaoma chaizvo kunzwisisa—“anofanira kuenda kuJerusarema otambura zvinhu zvakawanda zvinobva kuvarume vakuru nevapristi vakuru nevanyori, ourawa.”—Mateu 16:21-23.
10 Muinenge mwedzi mipfumbamwe kana kuti gumi, ingava nguva “yokuti [Jesu] abve munyika ino aende kuna Baba.” (Johani 13:1) Achiratidza kuti ane hanya chaizvo nevadzidzi vake vakavimbika, Jesu anovimbisa vamwe vavo chinhu chaicho chaakaramba kuitira vaJudha vasina kutenda—chiratidzo chinobva kudenga. “Zvechokwadi ndinoti kwamuri,” anodaro Jesu, “pane vamwe vevamire pano vasingazomboraviri rufu kusvikira vatanga vaona Mwanakomana womunhu achiuya muumambo hwake.” (Mateu 16:28) Zviri pachena kuti Jesu haasi kuti vamwe vevadzidzi vake vachararama kusvikira Umambo hwaMesiya hwagadzwa muna 1914. Jesu akanga achifunga nezvokumbofanoratidza vadzidzi vake vatatu vepedyo zvikuru mbiri yake musimba roUmambo nenzira inoshamisa. Zvavakafanoratidzwa izvi zvinonzi kushanduka chitarisiko.
Uprofita Hwakataura nezvaKristu
11 Kwapera mazuva matanhatu, Jesu anokwira mugomo refu refu naPetro, Jakobho, naJohani—pamwe pane imwe nhongonya yeGomo reHemoni. Ikoko, Jesu ano“shanduka chitarisiko pamberi pavo, chiso chake chikapenya sezuva, uye nguo dzake dzokunze dzikachena sechiedza.” Mosesi naEriya avo vaiva vaprofita vanoonekawo vachitaura naJesu. Chiitiko ichi chinokanga mate mukanwa zvichida chinoitika usiku, zvichiita kuti chibve chanyatsojeka. Kutaura zvazviri, zviri kuita sezvinhu zviri kutoitika zvokuti Petro anokumbira kudzika matende matatu—rimwe raJesu, raMosesi, uye raEriya. Petro achiri kutaura, gore rinopenya rinovafukidza uye inzwi rinobva mugore racho rinoti: “Uyu ndiye Mwanakomana wangu, anodiwa, wandatendera; muteererei.”—Mateu 17:1-6.
nwtsty tsanangudzo dzemamwe mashoko Mk 9:7
inzwi: Apa ndipo pechipiri mumabhuku eEvhangeri Jehovha paanotaura nevanhu.—Onawo Mk 1:11; Joh 12:28.
Kuchera Pfuma muShoko raMwari
Pfungwa Huru Dzatinowana Mubhuku raMako
10:6-9. Chinangwa chaMwari ndechokuti vanhu vakaroorana varambe vari pamwe chete. Naizvozvo, pane kuti vakurumidze kurambana, varume nemadzimai vanofanira kuedza kushandisa zvinorayirwa neBhaibheri kuti vagadzirise zvinetso zvingamuka mumba.—Mat. 19:4-6.
nwtsty tsanangudzo dzemamwe mashoko Mk 10:4, 11
rugwaro rwokudzinga: Kana kuti “rugwaro rwokuramba.” Mutemo waiti kana murume achida kuramba mudzimai wake aifanira kunyora gwaro uye aigonawo kumbotanga ataura nevakuru asati aita chisarudzo. Mutemo wacho waiita kuti vanhu vasangokurumidza kurambana uye waidzivirira vakadzi. (Dhe 24:1) Asi munguva yaJesu, vatungamiriri vezvitendero vaiita kuti kurambana kuve nyore. Munyori wezvakaitika kare ainzi Josephus, uyo aiva muFarisi uye ainge akarambana nemukadzi wake, akataura kuti vanhu vaigona kurambana “nekuda kwechero chikonzero (uye varume ndivo vaiwanzova nezvikonzero izvozvo).”
anoramba mudzimai wake: Kuti tinzwisise mashoko aJesu akanyorwa naMako, tinofanira kubatanidza nemashoko ari pana Mt 19:9, ayo anoti “kunze kwokunge aita ufeve.” Zvakanyorwa naMako nezvekurambana zvinoshanda kana munhu arambana nemumwe wake nezvimwe zvikonzero zvisiri zvekuti mumwe wake aita “ufeve” (muchiGiriki, por·neiʹa).
anoita upombwe, achimutadzira: Pano Jesu ari kuramba dzidziso yavanaRabhi yaibvumira varume kuramba madzimai avo “nokuda kwechikonzero chero chorudzi rupi zvarwo.” (Mt 19:3, 9) VaJudha vakawanda vakanga vasingazivi kuti murume anonzi anoita upombwe. Vanarabhi vaidzidzisa kuti hazviiti kuti murume anzi aita upombwe, mukadzi ndiye anonzi aita upombwe. Jesu paakataura kuti varume vanofanirawo kuzvibata airatidza kuti vakadzi vanofanira kuremekedzwa.
nwtsty tsanangudzo dzemamwe mashoko Mk 10:17, 18
Mudzidzisi Akanaka: Kushandisa kwakaita murume uyu mashoko ekuti “Mudzidzisi Akanaka” kwaiva kwekubata kumeso uye ndiwo matauriro aiita vanhu nekuti ndizvo zvaidiwa nevatungamiriri vezvitendero. Kunyange zvazvo Jesu akanga asina dambudziko nazvo kunzi “Mudzidzisi” kana kuti “Ishe” (Joh 13:13), kukudzwa kwese aikupa kuna Baba vake.
Hapana munhu akanaka, kunze kwomumwe chete, iye Mwari: Pano Jesu ari kuratidza kuti Jehovha chete ndiye akanaka uye ndiye ane kodzero yekutaura kuti ichi chakanaka ichi chakaipa. Adhamu naEvha vakatora kodzero iyi yaMwari nekupanduka kwavakaita pavakadya muti wekuziva zvakanaka nezvakaipa. Jesu akasiyana navo pakuti anozvininipisa, achibvuma kuudzwa zvekuita naBaba vake. Mwari anoshandisa Shoko rake kutiudza zvaanoti zvakanaka uye zvaanoti zvakaipa.—Mk 10:19.
MAY 21-27
PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | MAKO 11-12
“Chirikadzi Iyi Yadonhedzera Kupfuura Vose”
nwtsty tsanangudzo dzemamwe mashoko Mk 12:41, 42
midziyo yokuisa mari: Zvinyorwa zvekare zvechiJudha zvinoti midziyo iyi yekuisira zvipo yakanga iine shepi yebhosvo kana kuti yehwamanda uye yaiva neburi nechepamusoro. Ndimo maiiswa mari dzezvipo. Shoko rechiGiriki rakashandiswa pano ndiro rinoshandiswawo zvekare pana Joh 8:20, richinzi “nzvimbo yaiiswa pfuma.” Zvinoita sekuti nzvimbo iyi yaiva muChivanze Chevakadzi. (Ona Kabhuku Kanobatsira Pakudzidza Shoko raMwari chikamu 15.) Zvinyorwa zvavanarabhi zvinoti mumadziro echivanze ichi maiva nemidziyo 13 yekuisira mari. Zvinofungidzirwa kuti mutemberi maivawo nemudziyo mukuru wekuisira mari inenge yatorwa mumidziyo midiki.
tumari tuviri twaisambokosha: “Malepta maviri kana kuti kwadrani.” Shoko rechiGiriki rinoreva chinhu chidiki uye chitete ndile·ptonʹ, asi kana rava muuwandu ndilepta. Lepton yaiva mari yemhangura kana kuti yebhuronzi uye ndiyo yakanga iri dikisa pane dzese dzaishandiswa muIsrael. Malepton 128 akanga akaenzana nedhinari rimwe chete. Shoko rechiGiriki rekuti ko·dranʹtes (rinobva mushoko rechiLatin rekuti quadrans) rinoreva mari yemhangura kana kuti yebhuronzi yaishandiswa nevaRoma. Makwadrani 64 akanga akaenzana nedhinari rimwe chete. Pano, Mako anoshandisa mari yaishandiswa nevaRoma kuti aratidze ukoshi hwemari yainyanya kushandiswa nevaJudha.—Ona Kabhuku Kanobatsira Pakudzidza Shoko raMwari chikamu 18.
Jehovha Anokoshesa Basa Rako Rinoitwa Nomwoyo Wose
16 Mazuva maviri gare gare, pana Nisani 11, Jesu akapedza zuva refu ari mutembere, umo chiremera chake chakapokanwa uye akapindura mibvunzo yakaoma pamusoro pemitero, rumuko, uye dzimwe nhau. Akatuka vanyori navaFarisi nokuti, vakanga “vachiparadza dzimba dzechirikadzi.” (Mako 12:40) Ipapo Jesu akagara, sezviri pachena muDare raVakadzi, umo, maererano negamuchidzanwa rechiJudha, makanga mune mabhokisi omupiro 13. Akagara kwechinguva, achitarisa nenzira yokungwarira sezvo vanhu vaikanda mipiro yavo. Vanhu vakawanda vakapfuma vakauya, vamwe zvichida nechitarisiko chokuva vakarurama, kunyange kuratidzira. (Enzanisa naMateu 6:2.) Jesu akatarisisa mumwe mukadzi. Mazisowo zvawo angadai asina kucherekedza chinhu chipi nechipi chinoshamisa pamusoro pake kana kuti chipo chake. Asi Jesu, uyo aigona kuziva mwoyo yavamwe, aiziva kuti akanga ari “chirikadzi yaiva murombo.” Aizivawo chaizvoizvo chipo chake—“tumari tuviri tuduku, tusingakoshi zvikuru.”—Mako 12:41, 42, NW.
17 Jesu akadana vadzidzi vake, nokuti aida kuti vaone zvakananga chidzidzo chaakanga oda kudzidzisa. “Yakaisa zvizhinji kuna avo vose vakaisa muchivigiro,” akadaro Jesu. Mukufungidzira kwake yakaisa zvakawanda kupfuura zvavamwe vose zvabatanidzwa. Akapa “zvose zvaakanga anazvo”—mari yose yaakanga anayo. Kupfurikidza nokuita kudaro, akazviisa mumaoko anoitira hanya aJehovha. Nokudaro munhu akaitwa muenzaniso wokupa Mwari ndeuyo ane chipo chakanga chisingakoshi zvikuru. Mumeso aMwari, zvisinei, chakanga chichikosha zvikuru!—Mako 12:43, 44; Jakobho 1:27.
Jehovha Anokoshesa Basa Rako Rinoitwa Nomwoyo Wose
17 Jesu akadana vadzidzi vake, nokuti aida kuti vaone zvakananga chidzidzo chaakanga oda kudzidzisa. “Yakaisa zvizhinji kuna avo vose vakaisa muchivigiro,” akadaro Jesu. Mukufungidzira kwake yakaisa zvakawanda kupfuura zvavamwe vose zvabatanidzwa. Akapa “zvose zvaakanga anazvo”—mari yose yaakanga anayo. Kupfurikidza nokuita kudaro, akazviisa mumaoko anoitira hanya aJehovha. Nokudaro munhu akaitwa muenzaniso wokupa Mwari ndeuyo ane chipo chakanga chisingakoshi zvikuru. Mumeso aMwari, zvisinei, chakanga chichikosha zvikuru!—Mako 12:43, 44; Jakobho 1:27.
w87 12/1 30 ¶1
Unopa Zvipo Zvakaita Sei?
Nyaya iyi ine zvidzidzo zvakawanda. Tese tine mukana wekutsigira kunamata kwechokwadi nekupa mari yedu. Asi chinonyanya kukosha pamberi paMwari ndechekuti tipe zvipo zvatinoonawo kuti zvinokosha kwatiri kwete zviya zvekuti ukapa hauoni sepane chawarasikirwa nacho. Tinopa zvipo zvakaita sei?
Uchenjeri Huri ‘muShoko raMwari’
15 Hazvina zvazvinoreva here kuti pavanhu vose vakauya kutemberi musi iwoyo, chirikadzi iyi ndiyo yakangosarudzwa ndokutaurwa muBhaibheri? Kuburikidza nomuenzaniso uyu, Jehovha anotidzidzisa kuti ndiMwari anoonga. Anofara kugamuchira zvipo zvedu zvomwoyo wose, pasinei nokuti zvakasiyana sei nezvinokwanisa kupiwa nevamwe. Jehovha haaigona kuwana imwe nzira iri nani yokutidzidzisa nayo chokwadi chinokurudzira ichi!
Kuchera Pfuma muShoko raMwari
nwtsty tsanangudzo dzemamwe mashoko Mk 11:17
imba yokunyengeterera yemarudzi ose: Pavanyori vatatu veEvhangeri vakataura mashoko ari pana Isa 56:7, Mako ndiye ega anowedzera mashoko ekuti “yemarudzi ose [kureva vanhu].” (Mt 21:13; Ru 19:46) Temberi yakanga iri muJerusarema ndiyo yaishandiswa nevaIsraeri nevamwewo vakanga vasiri vaIsraeri pakunamata Jehovha. (1Mad 8:41-43) Ndosaka Jesu akazodzinga vaJudha vakanga vava kuita bhizinesi mutemberi, vachiiita bako remakororo. Zvavaiita zvakanga zvava kutadzisa vanhu vemamwe marudzi kuuya kuzonamata Jehovha paimba yake.
Muonde Unoshandiswa Pakudzidzisa Nezvekutenda
Pasina nguva, Jesu nevadzidzi vake vanopinda muJerusarema. Sezvaanogara achiita, Jesu anoenda kutemberi otanga kudzidzisa. Zvimwe vapristi vakuru nevamwe vakuru vakuru vachiri kufunga nezvezvaakaita vanhu vaichinja mari nezuro, saka vanomuendera voti: “Unoita zvinhu izvi nesimba ripi? kana kuti ndiani akakupa simba iri kuti uite zvinhu izvi?”—Mako 11:28.
MAY 28–JUNE 3
PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | MAKO 13-14
“Usakundwa Nekutya Vanhu”
Akadzidza Kukanganwira Kubva Kuna Tenzi
14 Petro akatevera Jesu kusvika paimba yakakura zvikuru yaiva muJerusarema. Paiva pamba paKayafasi, mupristi mukuru akanga akapfuma uye aine simba. Dzimba dzakadaro dzaiwanzovakwa dzakapoteredza chivanze, gedhi riri kumberi. Petro akasvika pagedhi asi akarambidzwa kupinda. Johani, uyo aiziva mupristi mukuru uye akanga atopinda, akauya akataura nomuchengeti wesuo kuti abvumire Petro kupinda. Zvinoita sokuti Petro haana kuramba ari pedyo naJohani; uyewo haana kuedza kupinda mumba kuti amire padivi paTenzi wake. Akagara muchivanze, umo vamwe varanda nevashandi vaidziya moto waibvira chaizvo panguva yousiku iyoyo yaitonhora, vachiona zvapupu zvenhema zvichiuya, mumwe pashure pemumwe, kuti zvipomere Jesu.—Mako 14:54-57; Joh. 18:15, 16, 18.
it-2-E 619 ¶6
Petro
Petro akapinda muchivanze achibatsirwa nemumwe mudzidzi uyo akanga aendawo kumba kwemupristi mukuru. (Joh 18:15, 16) Haana kuramba akahwanda kwanga kusina vanhu asi akaenda kunodziya moto paiva nevamwe. Chiedza chemoto chakaita kuti vamwe vaivapo vazive kuti aiva muteveri waJesu uye matauriro ake semunhu wekuGarireya akatowedzera kumubatisa. Paaipomerwa, Petro akaramba Jesu katatu uye akatozopedzisira ava kutuka. Jongwe rakabva rarira kechipiri, Jesu achibva ‘atendeuka, akatarira Petro.’ Petro akabuda panze akachema kwazvo. (Mt 26:69-75; Mk 14:66-72; Ru 22:54-62; Joh 18:17, 18) Munyengetero waJesu wekuti kutenda kwaPetro kusapera wakapindurwa nekuti Petro akaramba aine kutenda.—Ru 22:31, 32.
Kuchera Pfuma muShoko raMwari
Pfungwa Huru Dzatinowana Mubhuku raMako
14:51, 52—Jaya ‘rakatiza risina kupfeka’ ndiani? Mako ndiye oga anotaura nezvechiitiko ichi, saka tinogona kutaura kuti aitaura nezvake.
Jesu Anoendeswa Kuna Anasi, Ozoendeswa Kuna Kayafasi
Kayafasi anoziva kuti vaJudha havatombodi kunzwa nezvemunhu anozviti Mwanakomana waMwari. Jesu paakamboti Mwari ndiBaba vake, vaJudha vakada kumuuraya nekuti vaiti azviita “akaenzana naMwari.” (Johani 5:17, 18; 10:31-39) Achiziva izvi, Kayafasi anoedza kumuroverera kabisira nekumubvunza kuti: “Ndinoita kuti upike naMwari mupenyu kuti utiudze kana uri Kristu Mwanakomana waMwari!” (Mateu 26:63) Zvechokwadiwo Jesu akambotaura kuti iye Mwanakomana waMwari. (Johani 3:18; 5:25; 11:4) Asi iye zvino akasadaro, zvinogona kubva zvanzi aramba kuti Mwanakomana waMwari uye kuti ndiKristu. Saka Jesu anoti: “Ndini; uye imi muchaona Mwanakomana womunhu agere kuruoko rworudyi rwesimba achiuya nemakore okudenga.”—Mako 14:62.