Mabhuku Achashandiswa paMusangano weUshumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu
JUNE 4-10
PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | MAKO 15-16
“Jesu Akazadzisa Uprofita”
nwtsty tsanangudzo dzemamwe mashoko Mk 15:24, 29
vakagovana nguo dzake dzokunze: Nyaya iri pana Joh 19:23, 24 inotaura zvimwe zvinhu zvisina kutaurwa naMateu, Mako naRuka: Masoja eRoma akakanda mijenya kuti agovane nguo dzese, dzekunze nedzemukati; vakatora nguo dzekunze “vakaita migove mina, mugove mumwe chete nokuda kwomurwi mumwe nomumwe”; havana kuda kubvarura nguo yemukati, saka vakakanda mijenya, uye izvi zvakazadzisa Pis 22:18. Vanhu vaiuraya vaya vanenge vatongerwa rufu vaivabvisa nguo dzavo votora zvinhu zvavo, uye izvi zvaibva zvatowedzera kunyadzisa kwerufu rwacho.
vachidzungudza misoro: Izvi zvaiwanzoitwa munhu achitaura, uye zvairatidza kushora uye kutsvinya. Vanhu vaipfuura vakaita izvi vasingazivi kuti vari kutozadzisa uprofita huri pana Pis 22:7.
nwtsty tsanangudzo dzemamwe mashoko Mk 15:43
Josefa: Kusiyana kwainge kwakaita vanhu vakanyora Evhangeri kunooneka pane zvavakataura nezvaJosefa. Mateu, uyo aiva muteresi, anoti Josefa aiva “mupfumi”; Mako, uyo ainyorera vaRoma, anoti Josefa aiva “nhengo yeDare yaiva nomukurumbira wakanaka” uye akanga akamirirawo Umambo hwaMwari; Ruka, uyo aiva chiremba, anoti Josefa aiva “murume akanga akanaka uye akarurama” uye haana kutsigira Dare parakapa Jesu mhosva; Johani chete ndiye anotaura kuti Josefa akanga ari “mudzidzi waJesu asi wepachivande nokuti aitya vaJudha.”—Mt 27:57-60; Mk 15:43-46; Ru 23:50-53; Joh 19:38-42.
Kuchera Pfuma muShoko raMwari
nwtsty tsanangudzo dzemamwe mashoko Mk 15:25
awa yechitatu: Kureva inenge 9:00 a.m. Vamwe vanoti pane kusawirirana pakati pevhesi ino nezvinotaurwa pana Joh 19:14-16, iyo inoti “yakanga yava awa inenge yechitanhatu” Pirato paakagamuchidza Jesu kuvanhu kuti vamuuraye. Kunyange zvazvo Magwaro asingatsananguri zvakazara kuti nei paine musiyano, pane zvinhu zvekufunga nezvazvo zvinotevera: Zvinotaurwa nemabhuku ese eEvhangeri nezvezvinhu zvakaitika musi wakafa Jesu zvinopindirana. Ese ari mana anotaura kuti vapristi nevarume vakuru vakaungana kwaedza vachibva vazoenda naJesu kuna Gavhuna weRoma, Pondiyo Pirato. (Mt 27:1, 2; Mk 15:1; Ru 22:66–23:1; Joh 18:28) Mateu, Mako naRuka vanoti Jesu paakanga ava padanda, kwakaita rima nyika yese kubva ‘paawa yechitanhatu kusvikira paawa yechipfumbamwe.’ (Mt 27:45, 46; Mk 15:33, 34; Ru 23:44) Chimwe chingangodaro chakaita kuti nguva inonzi ndiyo yakaurayiwa Jesu isiyane ndeichi: Vamwe vaiti nguva yekuurayiwa kwemunhu yaitangira paairohwa. Dzimwe nguva munhu aitorohwa zvekuti aibva afa. Jesu akarohwa zvekuti akatadza kuramba akatakura danda rake rekutambudzikira achibva azobatsirwa nemumwe murume. (Ru 23:26; Joh 19:17) Kana kuurayiwa kwemunhu kwaitanga nekurohwa, panofanira kunge pakapera kanguva kusvika pakazorovererwa Jesu padanda. Nhoroondo iri pana Mt 27:26 naMk 15:15 inotsigira pfungwa iyi nekutaura zvese zviri zviviri kurova nekuroverera padanda. Saka vanhu vaigona kutaura nguva dzakasiyana zvichienderana nekuti vaitangira pakurohwa here kana kuti pakurovererwa. Pamwe ndicho chikonzero nei Pirato akashamisika kuti Jesu akakurumidza kufa paakarovererwa padanda. (Mk 15:44) Uyezve, vanyori veBhaibheri vanowanzotaura nguva vachikamura maawa 12 akunenge kwakachena kuti ave zvikamu zvina zvine maawa matatu, uye ndizvo zvavaiitawo pamaawa 12 eusiku. Ndosaka vaitaura nezvenguva vachiti awa yechitatu, yechitanhatu uye yechipfumbamwe. Vaitanga kuverenga nguva kubvira panobuda zuva, kunenge kuma6:00 a.m. (Mt 20:1-5; Joh 4:6; Mab 2:15; 3:1; 10:3, 9, 30) Uyezve, kare ikako vanhu vainge vasina mawachi, saka vaiwanzoshandisa shoko rekuti “inenge,” sezviri pana Joh 19:14. (Mt 27:46; Ru 23:44; Joh 4:6; Mab 10:3, 9) Saka Mako anogona kunge akabatanidza kurohwa nekurovererwa padanda, asi Johani achingotaura nezvekurovererwa padanda chete. Uye sezvo nguva yaiiswa muzvikamu, vese vari vaviri vanogona kunge vakataura chikamu chenguva chaiva pedyo nepavakatangira kuverenga nguva yekuurayiwa kwaJesu uye Johani paaitaura nguva yake akashandisa shoko rekuti “inenge.” Izvi ndizvo zvingangodaro zvakaita kuti vataure nguva dzakasiyana. Chekupedzisira, Johani akatozonyora bhuku rake papera makore akawanda Mako apedza kunyora rake, saka kutaura kwaakaita nguva yakasiyana neyakataurwa naMako kunoratidza kuti haana kungokopa zvakanyorwa naMako.
nwtsty tsanangudzo dzemamwe mashoko Mk 16:8
nokuti vakanga vachitya: Zvinyorwa zvekutanga zvechikamu chekupedzisira chaMako zvinoratidza kuti Evhangeri iyi inoperera pavhesi 8. Vamwe vanoti chikamu ichi chakagumisirwa panzira. Asi Mako akanga asiri munhu anonyora mashoko akawanda saka zvavanotaura izvi hazvisi zvechokwadi. Uyewo vaongorori vekuma300 C.E. vanonzi Jerome naEusebius vanoratidza kuti chinyorwa chepakutanga chinopera nemashoko ekuti “nokuti vakanga vachitya.”
Kune zvinyorwa zvechiGiriki zvakawanda uye zvakashandurwa mune mimwe mitauro zvakawedzera kugumisa kurefu kana kuti kupfupi panoperera vhesi 8. Kugumisa kurefu, uko kune mavhesi 12, kunowanika muCodex Alexandrinus, Codex Ephraemi Syri rescriptus, uye Codex Bezae Cantabrigiensis, uye zvinyorwa izvi ndezvekuma400 C.E. Kunowanikawo muLatin Vulgate, Curetonian Syriac, uye Syriac Peshitta. Asi hakuwaniki muzvinyorwa zvechiGiriki zvekuma300 C.E. zvinonzi Codex Sinaiticus neCodex Vaticanus, kana kuti muCodex Sinaiticus Syriacus yakanyorwa kuma300 C.E. kana kuti 400 C.E., uye haiwanikiwo muchinyorwa chaMako chekuma400 C.E. chinonzi Sahidic Coptic. Zvinyorwa zvaMako zvekare zvechiArmenian nezvechiGeorgian zvinopererawo pavhesi 8.
Zvimwe zvinyorwa zvechiGiriki zvakazonyorwa nekufamba kwenguva uye dzimwe shanduro dzine kugumisa kupfupi uko kungori nemitsara mishoma. Codex Regius yekuma700 C.E. ine kugumisa kurefu nekupfupi uye inotanga nekugumisa kupfupi. Inotanga kugumisa kumwe nekumwe nekutaura kuti kwaishandiswawo nedzimwe nyanzvi dzekuma700 C.E, asi hapana painoti mashoko aya anga aripo muzvinyorwa zvepakutanga.
JUNE 11-17
PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | RUKA 1
“Tevedzera Kuzvininipisa kwaMariya”
“Tarirai! Murandasikana waJehovha!”
12 Kunyange nanhasi vanhu vakawanda vanoziva mhinduro yake inoratidza kuzvininipisa uye kuteerera. Akati kuna Gabrieri: “Tarirai! Murandasikana waJehovha! Ngazviitike kwandiri maererano nezvamazivisa.” (Ruka 1:38) Murandasikana aiva mushandi akaderera zvikuru kupfuura vamwe vose; upenyu hwake hwaiva mumaoko atenzi wake. Ndiwo manzwiro aiita Mariya nezvaTenzi wake, Jehovha. Aiziva kuti akanga akachengeteka mumaoko aMwari, kuti Mwari akavimbika kuvanhu vakavimbika kwaari uye kuti aizomukomborera sezvaaizoita zvose zvaaigona pabasa iri raainge apiwa.—Pis. 18:25..
“Tarirai! Murandasikana waJehovha!”
15 Mariya akabva ataurawo. Mashoko ake akanyatsochengetedzwa muShoko raMwari. Pana Ruka 1:46-55 tinowana mashoko aMariya akawanda kupfuura ese muBhaibheri, uye anoratidza zvakawanda nezvake. (Verenga) Mashoko ake anoratidza kuonga sezvaanorumbidza Jehovha kuti akanga amukomborera neropafadzo yekuva amai vaMesiya. Anoratidza kuti aiva nokutenda kwakasimba, sezvaanotaura nezvaJehovha kuti anoderedza vanozvikudza nevane simba uye achibatsira vakaderera nevarombo vanoda kumushumira. Anoratidzawo zivo yaaiva nayo. Zvinofungidzirwa kuti akataura nezvepfungwa dzinopfuura 20 dziri muMagwaro echiHebheru!
16 Zviri pachena kuti Mariya aifungisisa nezveShoko raMwari. Kunyange zvakadaro, akaramba achizvininipisa, achisarudza kutaura zvaiva muMagwaro pane kuti ataure zvemusoro wake. Mwanakomana aikura mudumbu make rimwe zuva aizoratidza kuzvininipisa kwakadaro, achiti: “Zvandinodzidzisa hazvisi zvangu, asi ndezvaiye akandituma.” (Joh. 7:16) Tingaita zvakanaka kuzvibvunza kuti: ‘Ndinoremekedza Shoko raMwari saizvozvo here? Kana kuti ndinoona zviri nani kuomerera papfungwa nedzidziso dzangu pachangu here?’ Zvechokwadi Mariya aiva nemafungiro akanaka.
Kuchera Pfuma muShoko raMwari
nwtsty tsanangudzo dzemamwe mashoko Ru 1:69
nyanga yoruponeso: Kana kuti “muponesi ane simba.” MuBhaibheri, nyanga dzemhuka dzinowanzomiririra simba uye kukunda. (1Sa 2:1; Pis 75:4, 5, 10; 148:14) Uyewo madzimambo nemadzinza awo, angava akanaka kana kuti akaipa, anomiririrwa nenyanga uye kukunda kwaaiita kwaifananidzwa nekutunga. (Dhe 33:17; Dha 7:24; 8:2-10, 20-24) Muvhesi iyi, mashoko ekuti “nyanga yoruponeso” anoreva Mesiya uyo ane simba rekuponesa.
nwtsty tsanangudzo dzemamwe mashoko Ru 1:76
uchafanotungamira pamberi paJehovha: Johani Mubhabhatidzi ‘aizotungamira pamberi paJehovha’ pakuti ndiye aizovhurira Jesu nzira. Jesu aizomiririra Baba vake uye aizouya muzita ravo.—Joh 5:43; 8:29.
JUNE 18-24
PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | RUKA 2-3
“Vechidiki—Muri Kukura Pakunamata Here?”
nwtsty tsanangudzo dzemamwe mashoko Ru 2:41
vabereki vake vaiwanzoenda: Vakadzi vakanga vasingasungirwi neMutemo kuenda kumutambo wePaseka. Asi Mariya aienda naJosefa kuJerusarema kumutambo wacho gore negore. (Eks 23:17; 34:23) Vaifamba makiromita 300 kuenda nekudzoka pamwe chete nevana vavo.
nwtsty tsanangudzo dzemamwe mashoko Ru 2:46, 47
nokuvabvunza: Zvaiitwa nevanhu vaiteerera Jesu zvinoratidza kuti mibvunzo yake yakanga isiri mibvunzo yenhando inobvunzwa nevana. (Ru 2:47) Shoko rechiGiriki rakashandurwa kuti “kubvunza” rinogona kurevawo mibvunzo inobvunzwa mudare. (Mt 27:11; Mk 14:60, 61; 15:2, 4; Mab 5:27) Vanonyora zvakaitika kare vanoti vamwe vatungamiriri vezvitendero vaisara patemberi kana mutambo wapera vachidzidzisa vari pachivanze. Vanhu vaigona kugara pasi vachiteerera uye vachibvunza mibvunzo.
vakaramba vachishamiswa: Shoko rechiGiriki rakashandiswa pano rekuti “kushamiswa” rinogona kureva kushaya neremuromo.
nwtsty tsanangudzo dzemamwe mashoko Ru 2:51, 52
akaramba achizviisa pasi: Kana kuti “akaramba achiteerera.” Mashoko aya muchiGiriki anoratidza kuti pashure pekunge Jesu ashamisa vadzidzisi kutemberi nekuziva kwaaiita Shoko raMwari, akaenda kumba ndokuramba achizvininipisa uye achizviisa pasi pevabereki vake. Kuteerera kwaJesu kwaisava kuteerera kunongoitawo vamwe vana nekuti aifanira kuzadzisa Mutemo waMosesi.—Eks 20:12; VaG 4:4.
Kuchera Pfuma muShoko raMwari
nwtsty tsanangudzo dzemamwe mashoko Ru 2:14
uye panyika rugare ngaruve pavanhu vaanotendera: Zvimwe zvinyorwa zvinoti “uye panyika rugare, kutendera kuvanhu,” uye mashoko iwaya anowanika mune dzimwe shanduro dzeBhaibheri. Asi zviri muShanduro yeNyika Itsva ndizvo zviri muzvinyorwa zvekare zvinovimbwa nazvo. Mashoko aya akataurwa nengirozi aisareva kuti Mwari anotendera vanhu vese pasinei nezvavanoita. Asi anoreva vaya vanotenderwa naMwari pamusana pekuti vanotenda maari zvechokwadi uye vanotevera Mwanakomana wake.—Ona tsanangudzo dzemashoko ekuti pavanhu vaanotendera.
pavanhu vaanotendera: Muvhesi iyi ari kunzi anotendera ndiMwari kwete vanhu. Shoko rekuti “kutendera” muchiGiriki ndieu·do·kiʹa uye rinogona kurevawo “kufarira.” Rimwe shoko rakada kufanana naro rekuti eu·do·keʹo rinoshandiswa pana Mt 3:17; Mk 1:11; Ru 3:22 (ona tsanangudzo dzemamwe mashoko Mk 1:11), Mwari paanenge achitaura neMwanakomana wake achangobva kubhabhatidzwa. Saka mashoko ekuti “pavanhu vaanotendera” (an·throʹpois eu·do·kiʹas) anoreva vanhu vanofarirwa uye vanotenderwa naMwari, uye anogona kunzi “vanhu vaanofarira.” Mashoko aya akataurwa nengirozi aireva vaya vanofarirwa naMwari pamusana pekuti vanotenda maari uye vanotevera Mwanakomana wake. Kunyange zvazvo shoko rechiGiriki rekuti eu·do·kiʹa richimboshandiswa kureva kutendera kunoita vanhu (VaR 10:1; VaF 1:15), rinowanzoshandiswa kureva kutendera kana kuti kufarira kunoita Mwari vanhu (Mt 11:26; Ru 10:21; VaE 1:5, 9; VaF 2:13; 2VaT 1:11). MuSeptuagint pana Pis 51:18 [50:20, LXX], shoko racho rinoshandiswa kureva “kutendera” kwaMwari.
Waizviziva Here?
Ndiani aiva baba vaJosefa?
Josefa, muvezi wekuNazareta ndiye aiva baba vaJesu vekurera. Asi ndiani aiva baba vaJosefa? Evhangeri yaMateu inoti Jesu akabva nekudzinza raJakobho, asi yaRuka inoti Josefa aiva “mwanakomana waHirai.” Nei zvichiita sokuti pane musiyano?—Ruka 3:23; Mateu 1:16.
Nhoroondo yaMateu inoti: “Jakobho akabereka Josefa.” MuchiGiriki shoko rakashandiswa apa rinonyatsoratidza kuti Jakobho ndiye aiva baba vaJosefa chaivo. Saka Mateu akanga achitsanangura dzinza raJosefa, kureva madzimambo aigara pachigaro chaDhavhidhi. Kuberekerwa mudzinza iroro ndiko kwakaita kuti Jesu, mwanakomana waJosefa wekurera, ave nekodzero yepamutemo yekugara pachigaro cheumambo.
Asi nhoroondo yaRuka inoti: “Josefa,” aiva “mwanakomana waHirai.” Mashoko iwayo ekuti “mwanakomana wa-” anogona kureva kuti “mukuwasha wa-.” Mashoko akafanana neaya anowanika pana Ruka 3:27 panotaurwa nezvaSheatiyeri. Baba vake chaivo vainzi Jekoniya. Asi rugwaro urwu rwunoti aiva “mwanakomana waNerai.” (1 Makoronike 3:17; Mateu 1:12) Zvinoita sokuti Sheatiyeri akanga akaroora mwanasikana waNerai asina kutaurwa nezita, akabva ava mukuwasha wake. Saizvozvowo, Josefa ainzi “mwanakomana” waHirai pakuti akanga akaroora Mariya, mwanasikana waHirai. Saka Ruka anotsanangura dzinza raJesu “panyama,” achitaura achibva nekuna Mariya, amai vaJesu vekubereka. (VaRoma 1:3) Saka Bhaibheri rinotipa nhoroondo mbiri dzakasiyana dzinotibatsira kunzwisisa dzinza raJesu.
JUNE 25–JULY 1
PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | RUKA 4-5
“Kunda Miedzo Sezvakaitwa naJesu”
Funga Kuti Unofanira Kuva Munhu Worudzii
8 Satani akashandisawo nzira iyoyo paakaedza Jesu murenje. Pashure pokunge Jesu atsanya kwemazuva 40 neusiku 40, Satani akaedza kushandisa chido chaiva naJesu chokudya. Satani akati: “Kana uri mwanakomana waMwari, udza dombo iri kuti rive chingwa.” (Ruka 4:1-3) Pane zvinhu zviviri zvaigona kuitwa naJesu: Aigona kushandisa simba rake rokuita zvishamiso kuti apedze nzara, kana kuti aigona kusarishandisa. Jesu aiziva kuti aisafanira kushandisa simba iroro kuti aite zvakamunakira iye chete. Kunyange zvazvo ainzwa nzara, zvokudya zvaisanyanya kukosha kupfuura ukama hwake naJehovha. Jesu akapindura kuti, “Zvakanyorwa kuti, ‘Munhu haangararami nechingwa chete, asi nemashoko ose anobuda mumuromo maJehovha.’”—Mat. 4:4; Ruka 4:4.
Funga Kuti Unofanira Kuva Munhu Worudzii
10 Musungo uyu wakashandiswawo sei pana Jesu? Satani “akamuratidza [Jesu] umambo hwose hwenyika inogarwa; uye Dhiyabhorosi akati kwaari: ‘Ndichakupa simba pane hwose uhwu nokubwinya kwahwo.’” (Ruka 4:5, 6) Jesu aisakwanisa kuona umambo hwose hwenyika munguva pfupi pfupi, asi Satani anofanira kunge akafunga kuti kubwinya kwoumambo uhwu kwaakamuratidza kwaizoita kuti Jesu atorwe mwoyo. Asingambonyari, Satani akati: “Kana ukangondinamata kamwe chete, zvose zvichava zvako.” (Ruka 4:7) Jesu aisatomboda kuita zvaidiwa naSatani. Akamupindura ipapo ipapo. Akati: “Zvakanyorwa kuti, ‘Jehovha Mwari wako ndiye waunofanira kunamata, uye ndiye oga waunofanira kuitira basa dzvene.’”—Ruka 4:8.
nwtsty mapikicha nemavhidhiyo
Rusvingo Rwetemberi
Satani anogona kunge akaita kuti Jesu amire “pamusoro porusvingo rwetemberi” ndokumuudza kuti azviwisire pasi, asi pacho pakanyatsomira Jesu hapazivikanwi. Sezvo shoko rinoreva kuti “temberi” rakashandiswa pano richireva nzvimbo yacho yese yaiva netemberi, Jesu anogona kunge akamira nechekumaodzanyemba kwakadziva kumabvazuva (1) kwetemberi. Kana kuti anogona kunge akamira kune rimwe divi retemberi. Kuzviwisira pasi achibva pane chero divi retemberi kungadai kwakaita kuti afe kunze kwekunge Jehovha aizopindira.
Funga Kuti Unofanira Kuva Munhu Worudzii
12 Jesu ainge akasiyana naEvha pakuti akaratidza muenzaniso wakanaka chaizvo wokuzvininipisa. Satani akaedza kumunyengedza neimwe nzira asi Jesu akaramba kunyange pfungwa yokuita chinhu chaishamisa vanhu asi chichiedza Mwari. Kudai aizozviita, kwaizova kudada chaiko! Asi Jesu akapindura zvakajeka uye asingapotereri achiti: “Zvinonzi, ‘Usaedza Jehovha Mwari wako.’”—Verenga Ruka 4:9-12.
Kuchera Pfuma muShoko raMwari
nwtsty tsanangudzo dzemamwe mashoko Ru 4:17
mupumburu womuprofita Isaya: Mupumburu Wegungwa Rakafa waIsaya une zvidimbu 17 zvakabatanidzwa, wakareba mamita anosvika 7,3 uye une zvikamu 54. Ndizvo zvinogona kunge zvakanga zvakaita mupumburu waishandiswa musinagogi yekuNazareta. Sezvo panguva iyoyo mipumburu yaisava nenhamba dzezvitsauko nemavhesi, Jesu aitofanira kutsvaga mashoko aaida kuverenga. Asi kuwana kwaakaita pakanga pakanyorwa mashoko euprofita kunoratidza kuti ainyatsoziva Shoko raMwari.
nwtsty tsanangudzo dzemamwe mashoko Ru 4:25
kwemakore matatu nemwedzi mitanhatu: Maererano na1Mad 18:1, Eriya akataura nezvekupera kwenzara “mugore rechitatu.” Saka vamwe vanoti zvakataurwa naJesu zvinopesana nezviri muna 1 Madzimambo. Asi nyaya iri muna 1 Madzimambo hapana painoratidza kuti nzara yakaitika kwemakore ari pasi pematatu. Mashoko ekuti “mugore rechitatu” anoreva kubvira panguva yakaudzwa Ahabhi naEriya kuti mvura yaisazonaya. (1Mad 17:1) Eriya akataura mashoko aya enzara mumwaka wakwakanga kusinganayi uye mwaka uyu waiwanzoita mwedzi 6 asi panguva iyi unogona kunge wakanga wava nemwedzi inopfuura ipapo. Uyewo “mugore rechitatu” pakaudzwa Ahabhi kuti mvura yaizonaya, haina kubva yatotanga kunaya ipapo ipapo asi yakatozonaya pashure pezvakaitika paGomo reKameri. (1Mad 18:18-45) Saka zvakataurwa naJesu uyewo zvakataurwa nemunin’ina wake pana Jak 5:17 zvinowirirana nezvinotaurwa pana 1Mad 18:1.