RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • mwbr19 April pp. 1-7
  • Mabhuku Achashandiswa paMusangano weUshumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mabhuku Achashandiswa paMusangano weUshumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu
  • Mabhuku Achashandiswa paMusangano Weushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu (2019)
  • Misoro Midiki
  • APRIL 1-7
  • APRIL 8-14
  • APRIL 22-28
  • APRIL 29–MAY 5
Mabhuku Achashandiswa paMusangano Weushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu (2019)
mwbr19 April pp. 1-7

Mabhuku Achashandiswa paMusangano weUshumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu

APRIL 1-7

PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI |1 VAKORINDE 7-9

“Chipo Chekusaroora Kana Kusaroorwa”

w11 1/15 17-18 ¶3

Nyatsoshandisa Nguva Yaunenge Usina Kuroora Kana Kuroorwa

3 Munhu asina kuroora kana kuroorwa anowanzova nenguva yakawanda uye rusununguko pane akaroora kana kuroorwa. (1 VaK. 7:32-35) Iyi mikana isina vakawanda inoita kuti munhu awedzere ushumiri hwake, kuda kwaanoita vamwe, uye ave pedyo naJehovha. Saka vaKristu vakati kuti vava kunzwisisa kubatsira kunoita kusaroora uye vanosarudza ‘kumbokuwanira nzvimbo.’ Vamwe vangava vasina kumbobvira varonga kusaroora kana kuroorwa, asi zvinhu pazvakangochinja, vakanyengetera vachifungisisa nezvazvo ndokuona kuti vachibatsirwa naJehovha vaigonawo kugadzikana mumwoyo yavo. Saka vakagamuchira zvazvakanga zvava vakagara zvavo vakadaro.​—1 VaK. 7:37, 38.

w08 7/15 27 ¶1

Pfungwa Huru Dzinobva Mutsamba Dzakanyorerwa VaKorinde

7:33, 34​—“Zvinhu zvenyika” zvinonzi vanhu vakaroorana vane hanya nazvo zvii? Pauro aireva zvinhu zvisinganyanyi kukosha muupenyu izvo vaKristu vakaroora kana kuroorwa vaine hanya nazvo. Izvi zvinosanganisira zvokudya, zvokupfeka, uye pokugara, asi hazvibatanidzi zvinhu zvakaipa zvenyika ino, zvisingafaniri kuitwa nevaKristu.​—1 Joh. 2:15-17.

w96 10/15 12-13 ¶14

Kusaroora​—Suo Kumubato Usina Kutsauswa

14 MuKristu asina kuroora anoshandisa kusaroora kwake kuronda nharidzano dzoudyire haasi kuita “zviri nani” kupfuura vaKristu vakaroora. Ari kuramba asina kuroora, kwete “nokuda kwoumambo,” asi nokuda kwezvikonzero zvomunhu oga. (Mateo 19:12, NW) Murume asina kuroora kana kuti mudzimai asina kuroorwa anofanira ku“funganya zvinhu zvaShe,” kufunganya kuti “angawana [sei] tendero yaShe,” uye mu“kumirira Ishe nguva dzose pasina kutsauka.” Ikoku kunoreva kupa ngwariro isina kukamuka kukubatira Jehovha naJesu Kristu. Varume vechiKristu vasina kuroora navakadzi vasina kuroorwa vanoita “zviri nani” kupfuura vaKristu vakaroora kupfurikidza bedzi nokuita saizvozvi.

Kuchera Pfuma muShoko raMwari

lv 220 ¶2-222 ¶2

Zvinotaura Bhaibheri Nezvokurambana Uye Kuparadzana

Mumamwe mamiriro ezvinhu anenge akaipisisa, vamwe vaKristu vakasarudza kuparadzana kana kuti kurambana nomumwe wavo kunyange zvazvo asina kuita ufeve. Pakadaro, Bhaibheri rinoti anenge aenda wacho ‘ngaarambe asina kuroora kana kuroorwa kana kuti zvimwe ngaadzokerane nomumwe wake.’ (1 VaKorinde 7:11) MuKristu akadaro haana kusununguka kutsvaka mumwe wokuroorana naye. (Mateu 5:32) Heano mamwe mamiriro ezvinhu asingawanzoitiki akaonekwa nevamwe sezvikonzero zvokuparadzana.

Kuramba kuriritira nemaune. Mhuri ingapedzisira yava kudya nhoko dzezvironda, isisina kana chokubata, nokuti murume anenge asingairiritiri, asi iye achikwanisa. Bhaibheri rinoti: “Chokwadi kana munhu asingagoveri . . . nhengo dzeimba yake, iye aramba kutenda uye akaipa kwazvo kupfuura munhu asingatendi.” (1 Timoti 5:8) Kana munhu akadaro akasachinja, mudzimai angasarudza kuti vaparadzane zviri pamutemo achida kuzvidzivirira iye nevana. Vakuru vechiKristu vanofanira kunyatsoongorora muKristu anenge achipomerwa kuramba kuriritira mhuri yake. Kuramba kuchengeta mhuri kunogona kuita kuti munhu adzingwe.

Kugara achirikitwa. Munhu anorova angaita zvinhu zvinokuvadza mumwe wake kana zvingatoda kumuuraya. Kana ari kurova wacho ari muKristu, vakuru veungano vanofanira kuongorora nyaya yacho. Kufufutirwa nehasha uye tsika yekurova zvinogona kuita kuti munhu adzingwe.—VaGaratiya 5:19-21.

Kutadziswa kunamata zvachose. Mumwe angagara achiita kuti zviomere mumwe wake kunamata kana kuti angatoedza kumumanikidza kutyora mitemo yaMwari neimwe nzira. Pakadaro, ari kunzarwo wacho angasarudza kana nzira iripo chete ‘yokuteerera Mwari somutongi panzvimbo pevanhu’ iri yokuti vaparadzane zviri pamutemo.​—Mabasa 5:29.

w00 7/15 31 ¶2

Unogona Kuramba Wakachena Munyika ine Unzenza

Saka, vechiduku havafaniri kumhanyira kuroora pavanotanga kunzwa kuda kurara nomunhu. Kuroorana kunoda kuzvipira, uye kurarama maererano nomutoro wakadaro kunoda kukura mupfungwa. (Genesisi 2:24) Zviri nani kumirira kusvikira wapfuura nguva yoku“yaruka”—apo pfungwa dzokuda kusangana nomunhu pabonde dzinenge dzakasimba uye padzingavhiringidza kufunga kwako. (1 VaKorinde 7:36) Uye kusachenjera uye chivi chakadini kuti munhu mukuru anoda kuroora aite unzenza nemhaka bedzi yokuti haasi kuwana wokuroora!

APRIL 8-14

PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | 1 VAKORINDE 10-13

“Jehovha Akatendeka”

w17.02 29-30

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Muapostora Pauro akanyora kuti Jehovha “haangakuregei muchiedzwa kupfuura zvamunogona kutsungirira.” (1 VaK. 10:13) Izvi zvinoreva here kuti Jehovha anogara aongorora kuti ndezvipi zvatinogona kutsungirira obva asarudza miedzo yatichasangana nayo?

▪ Ona kuti maonero akadaro anoita kuti pave nemibvunzo ipi. Imwe hama ine mwanakomana akazviuraya yakabvunza kuti: ‘Jehovha akagara aona here kuti ini nemudzimai wangu taizokwanisa kutsungirira kuzviuraya kwemwanakomana wedu? Izvi zvakaitika here nekuti Mwari akanga atoziva kare kuti taigona kuzvitsungirira?’ Pane chikonzero chakanaka here chekufunga kuti Jehovha anoronga kuti zvinhu zvifambe saizvozvo muupenyu hwedu?

Tikaongorora 1 VaKorinde 10:13 tinoona kuti Bhaibheri haritsigiri pfungwa yekuti Jehovha anogara aziva kuti ndezvipi zvatinogona kutsungirira obva asarudza miedzo yatichasangana nayo. Ngationgororei zvikonzero zvina zvinoita kuti tidaro.

Chekutanga, Jehovha akapa vanhu chipo cherusununguko rwekusarudza. Anoda kuti tisarudze tega zvatinoda kuita muupenyu. (Dheut. 30:19, 20; Josh. 24:15) Kana tikasarudza zvakanaka, tinogona kutarisira kuti Jehovha atitungamirire. (Zvir. 16:9) Asi kana tikasarudza kuita zvakaipa, tichakohwa zvatinenge tadyara. (VaG. 6:7) Dai Jehovha aisarudza kuti miedzo ipi yatichasangana nayo, taizonyatsova nerusununguko rwekusarudza here?

Chechipiri, Jehovha haatidziviriri ‘pazviitiko zvisingafanoonekwi.’ (Mup. 9:11) Tsaona yakashata zvikuru inogona kuitika kwatiri nokuti zvinenge zvangoitikawo kuti tanga tiri panzvimbo yacho. Jesu akataura nezvenjodzi yakauraya vanhu 18 vakawirwa neshongwe, uye akaratidza kuti kufa kwavakaita kwaisava kuda kwaMwari. (Ruka 13:1-5) Hazvina musoro kufunga kuti Mwari anogara asarudza kuti ndiani anopona uye ndiani anofa panongoerekana paitika zvimwe zvinhu.

Chechitatu, mumwe nemumwe wedu anobatanidzwa panyaya yekuperera kuna Mwari. Yeuka kuti Satani akati vashumiri vaJehovha vanomushumira nekuti ane zvaanovapa. Akati hatizorambi takavimbika kuna Jehovha kana tikaedzwa. (Job. 1:9-11; 2:4; Zvak. 12:10) Kudai Jehovha aiita kuti tirege kusangana nemimwe miedzo nemhaka yekuti anoona kuti hatigoni kuitsungirira, izvozvo zvaisazotsigira here kupomera kwaSatani?

Chechina, Jehovha haasarudzi kugara aziva zvose zvichaitika kwatiri. Pfungwa yekuti Mwari anogara asarudza miedzo yatichasangana nayo inoreva kuti anofanira kuziva zvose zvine chekuita neramangwana redu. Asi izvozvo zvinopesana neMagwaro. Mwari anokwanisa kuziva ramangwana. (Isa. 46:10) Asi Bhaibheri rinoratidza kuti anosarudza zvinhu zvaanoda kugara aziva nezveramangwana. (Gen. 18:20, 21; 22:12) Saka simba rake rekukwanisa kugara aziva zvimwe zvinhu anorishandisa achiremekedza rusununguko rwedu rwekusarudza.​—Dheut. 32:4; 2 VaK. 3:17.

Saka tinofanira kunzwisisa sei mashoko aPauro ekuti: “Mwari . . . haangakuregei muchiedzwa kupfuura zvamunogona kutsungirira”? Pano Pauro ari kutsanangura zvinoitwa naJehovha, munhu paanenge ari mumiedzo kwete isati yavapo. Mashoko aPauro anotipa chivimbo chekuti pasinei nemiedzo yatingasangana nayo, Jehovha achatitsigira kana tikavimba naye. (Pis. 55:22) Ngationgororei zvinhu zviviri zvakaita kuti Pauro ataure mashoko aya.

Chekutanga, miedzo yatinosangana nayo “inozivikanwa nevanhu.” Saka vamwe vakambosanganawo nemiedzo yakafanana neyedu. Miedzo yakadaro tinokwanisa kuitsungirira kana tikavimba naMwari. (1 Pet. 5:8, 9) Mumavhesi anotangira 1 VaKorinde 10:13, Pauro anotaura nezvemiedzo yakasangana nevaIsraeri murenje. (1 VaK. 10:6-11) Vaya vakavimba naJehovha vakakwanisa kutsungirira miedzo iyoyo asi Pauro anotaura kuti ‘vamwe vavo’ havana kuteerera. Zvinonzwisa urombo kuti vamwe vaIsraeri vakaita zvakaipa zvaidiwa nemwoyo yavo nokuti havana kuvimba naMwari.

Chechipiri, “Mwari akatendeka.” Zvakaitwa naMwari kuvanhu vake kubvira kare zvinoratidza kuti anoramba achibatsira “vaya vanomuda nevaya vanochengeta mirayiro yake.” (Dheut. 7:9) Izvozvo zvinoratidzawo kuti Mwari anogara achizadzisa zvaanenge avimbisa. (Josh. 23:14) Nemhaka yekutendeka kwake, vese vanomuda uye vanomuteerera vanogona kuva nechivimbo chekuti achazadzisa zvaakavimbisa. Tine chokwadi chekuti: (1) Haazobvumiri chero muedzo upi zvawo kuti usvike pekuti havazokwanisi kuutsungirira, uye (2) “achaitawo nzira yokubuda nayo.”

Jehovha anoita sei kuti vaya vanovimba naye vawane nzira yekubuda nayo pavanosangana nemiedzo? Kana achida hake, anogona kungobvisa muedzo watinenge tasangana nawo. Asi yeuka mashoko aPauro ekuti: “[Jehovha] achaitawo nzira yokubuda nayo kuti mukwanise kuutsungirira.” Saka kakawanda kacho anoita ‘nzira yokubuda nayo’ kuburikidza nekutipa zvatinoda kuti tigone kutsungirira miedzo. Ona zvimwe zvingaitwa naJehovha pakutipa nzira yekubuda nayo:   

▪ “Anotinyaradza pakutambudzika kwedu kwose.” (2 VaK. 1:3, 4) Jehovha anogona kudzikamisa pfungwa dzedu nemwoyo achishandisa Shoko rake, mweya mutsvene, uye zvekudya zvekunamata zvatinopiwa nemuranda akatendeka.​—Mat. 24:45, Joh. 14:16, VaR. 15:4.

▪ Anogona kutitungamirira achishandisa mweya mutsvene. (Joh. 14:26) Panouya miedzo, mweya mutsvene unogona kutibatsira kuyeuka nyaya dzemuBhaibheri nemazano arimo tobva taziva matanho atinofanira kutora.

▪ Anogona kushandisa ngirozi kuti dzitibatsire.​—VaH. 1:14.

▪ Anogona kutibatsira achishandisa vatinonamata navo, avo vanogona ‘kutisimbisa’ nemashoko avo nezviito zvavo.​—VaK. 4:11.

Saka tingati mashoko aPauro ari pana 1 VaKorinde 10:13 anorevei? Jehovha haasarudzi miedzo yatinosangana nayo. Asi panouya miedzo muupenyu hwedu tinogona kuva nechokwadi chekuti kana tichinyatsovimba naJehovha, haatomboregi miedzo yedu ichisvika pekuti hatimbokwanisi kuitsungirira; achatoita nzira yekubuda nayo kuti tiitsungirire. Izvozvo zvinonyaradza zvikuru!

Kuchera Pfuma muShoko raMwari

w04 4/1 29

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Nei 1 VaKorinde 10:8 ichiti vaIsraeri 23 000 vakafa pazuva rimwe nokuti vakaita ufeve, nepo Numeri 25:9 ichiti vaiva 24 000?

Pane zvinhu zvinoverengeka zvingatsanangura kusiyana kwenhamba dziri mundima mbiri idzi. Pazvinhu izvi, chiri nyore zvikuru chingava chokuti nhamba yacho chaiyo iri pakati pe23 000 ne24 000, nokudaro kana munhu achida kutaura zviuru zvakazara angangotaura imwe yenhamba mbiri idzi.

Chimbofunga zvimwe zvingaita. Muapostora Pauro akanyora nhoroondo yevaIsraeri vari paShitimi somuenzaniso wokunyevera vaKristu vomuKorinde yekare, guta raiva nomukurumbira wounzenza. Akanyora kuti: “Ngatiregewo kuva netsika yokuita ufeve, sevamwe vavo vakaita ufeve, kuzongofa bedzi, zviuru makumi maviri nezvitatu zvavo pazuva rimwe.” Achisiyanisa vaya vakaurayiwa naJehovha pamusana pokuita ufeve, Pauro akataura kuti vaiva 23 000.—1 VaKorinde 10:8.

Zvisinei, pana Numeri chitsauko 25 tinoudzwa kuti “VaIsraeri vakazvisunganidza naBhaari-peori; Jehovha akatsamwira Israeri kwazvo.” Zvadaro, Jehovha akarayira Mosesi kuti auraye “vakuru vose vavanhu.” Mosesi akabva audzawo vatongi kuti vaite zvakanga zvarayirwa. Pakupedzisira, Pinehasi paakakurumidza kuuraya muIsraeri akanga auya nomukadzi wechiMidhiyani mumusasa, “denda rakaguma.” Nhoroondo yacho inoguma nemashoko anoti: “Vose vakanga vafa nedenda iro vakasvika zvuru zvine makumi maviri nezvina.”​—Numeri 25:1-9.

Zviri pachena kuti nhamba iri muna Numeri yaisanganisira “vakuru vose vavanhu” vakaurayiwa nevatongi uye vaya vakaurayiwa naJehovha zvakananga. Pangadaro paiva nechiuru chevakuru vaya vakaurayiwa nevatongi, zvichiita kuti nhamba yacho isvike pa24 000. Vakuru ava, kana kuti vatungamiriri, vaiva nemhaka yoku“zvisunganidza naBhaari-peori,” pasinei nokuti vakaita ufeve here, vakabatanidzwawo mumitambo here, kana kuti vakabvumira vaya vakazviita.

Nezveshoko rokuti ku“zvisunganidza,” rimwe bhuku rinotsanangura Bhaibheri rinoti rinogona kureva kuti “kuzvibatanidza nomumwe munhu.” VaIsraeri vaiva rudzi rwakazvitsaurira kuna Jehovha, asi pa“vakazvisunganidza naBhaari-peori,” vakakanganisa ukama hwavo hwaiva hwakatsaurirwa kuna Mwari. Kwapera anenge makore 700, achishandisa muprofita Hosiya, Jehovha akati nezvevaIsraeri: “Vakasvika paBhaari-peori, vakazviisa kune zvinonyadzisa, vakaitwa zvinonyangadza vachifanana nezvaidikanwa navo.” (Hosiya 9:10) Vose vakaita izvozvo vaikodzera kutongwa naMwari vasinganzwirwi tsitsi. Saka, Mosesi akayeuchidza vanakomana vaIsraeri kuti: “Meso enyu akaona zvakaitwa naJehovha nokuda kwezvakaitwa paBhaari-peori; nokuti varume vose vakatevera Bhaari-peori, Jehovha Mwari wenyu wakavaparadza pakati penyu.”​—Dheuteronomio 4:3.

w15 2/15 30

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Muparidzi woUmambo wechikadzi anofanira kufukidza musoro here kana achiitisa chidzidzo cheBhaibheri paine muparidzi wechirume?

▪ MuNharireyomurindi yaJuly 15, 2002 pachikamu chinoti “Mibvunzo Inobva Kuvaverengi,” paiva nenyaya yaitaura kuti hanzvadzi inofanira kufukidza musoro wayo painenge ichiitisa chidzidzo cheBhaibheri kana paine muparidzi wechirume, angava akabhabhatidzwa kana kuti asina. Asi patakaongororazve nyaya iyi takaona kuti pane zvinofanira kugadziriswa.

Kana hanzvadzi ichiitisa chidzidzo cheBhaibheri paine muparidzi wechirume akabhabhatidzwa, hanzvadzi yacho inofanira kunge yakafukidza musoro. Izvi zvinoratidza kuti inoremekedza urongwa hwaJehovha hwomuungano yechiKristu hwokuti murume ndiye musoro nokuti basa rokudzidzisa rainenge ichiita rinowanzoitwa nehama. (1 VaK. 11:5, 6, 10) Asi hanzvadzi iyi inogonawo kukumbira hama yacho kuitisa chidzidzo chacho kana ichikwanisa.

Asiwo kana hanzvadzi ichiitisa chidzidzo cheBhaibheri paine muparidzi wechirume asina kubhabhatidzwa uye asiri murume wake, Magwaro haarambidzi kuti iitise chidzidzo cheBhaibheri isina kufukidza musoro. Kunyange zvakadaro, dzimwe hanzvadzi dzinganzwa hadzo dzichida kufukidza musoro.

APRIL 22-28

PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | 1 VAKORINDE 14-16

“Mwari Achava ‘Zvinhu Zvose Kuvanhu Vose’”

w98 7/1 21 ¶10

“Rufu Rwuchaparadzwa”

10 “Kuguma” ndiko kuguma kwoKutonga Kwamakore Ane Chiuru kwaKristu, apo Jesu nenzira yokuzvininipisa nokuvimbika anogamuchidza Umambo kuna Mwari wake naBaba. (Zvakazarurwa 20:4) Chinangwa chaMwari cho“kuunganidz[a] muna Kristu” chichava chaitika. (VaEfeso 1:9, 10) Kutanga, kunyange zvakadaro, Kristu achava aparadza “kubata kwose, noushe hwose, nesimba” zvinoshora kuda Kukuru kwaMwari. Izvi zvinobatanidza zvinopfuura kuparadza kunoitwa paArmagedhoni. (Zvakazarurwa 16:16; 19:11-21) Pauro anoti: “[Kristu] unofanira kubata ushe, kusvikira aisa vavengi vake vose pasi petsoka dzake. Muvengi wokupedzisira, uchaparadzwa, ndirwo rufu.” (1 VaKorinde 15:25, 26) Hungu, zviratidzo zvose zvechivi chaAdhama zvichava zvabviswa. Ipapo, nenzira isingadzivisiki, Mwari uchava aita kuti “mahwiro” asava nechinhu kupfurikidza nokudzorera vakafa kuupenyu.​—Johani 5:28.

kr 237 ¶21

Umambo Hunoita Kuda kwaMwari Panyika

21 Ko chii chichaitika kurufu, urwo rusinganzvengeki uye runowanzokonzerwa nekurwara? Uyu ndiye ‘muvengi wedu wekupedzisira,’ wokuti hapana kana mumwe wedu ane simba rekumurwisa. (1 VaK. 15:26) Asi rufu muvengi ane simba kuna Jehovha here? Ona zvakataurwa naIsaya: “Chokwadi achaparadza rufu nokusingaperi, uye Changamire Ishe Jehovha achapukuta misodzi pazviso zvose.” (Isa. 25:8) Chimbofungidzira nguva iyoyo. Kunenge kusisina mariro, kusisina makuva, kusisina misodzi yekurwadziwa! Asi kunenge kwava nemisodzi yemufaro sezvo Jehovha anozadzisa vimbiso yake inofadza yekumutsa vakafa! (Verenga Isaya 26:19.) Pakupedzisira marwadzo ose atiinawo ekufirwa achange apera.

w12 9/15 12 ¶17

Rugare Kwemakore Ane Chiuru Uye Nokusingaperi!

17 Hapana mashoko angarondedzera zviri nani zvichange zvakaita upenyu pachapera makore ane chiuru kupfuura aya, “kuti Mwari ave zvinhu zvose kuvanhu vose.” Izvozvo zvinorevei? Funga zvainge zvakaita zvinhu kare muEdheni, vanhu vakakwana Adhamu naEvha pavaiva vamwe vemhuri yaJehovha ine rugare uye yakabatana. Jehovha, Changamire wezvinhu zvose, aitonga iye pachake zvisikwa zvake zvose, ngirozi nevanhu. Vaikwanisa kutaura naye pachake, kumunamata, uye kukomborerwa naye. Aiva “zvinhu zvose kuvanhu vose.”

Kuchera Pfuma muShoko raMwari

w12 9/1 9, bhokisi

Muapostora Pauro Akarambidza Vakadzi Kutaura Here?

Pauro akanyora kuti: “Vakadzi ngavarambe vakanyarara muungano.” (1 VaKorinde 14:34) Airevei? Aivaona sevanhu vasingafungi here? Kwete? Akatotaura nezvekudzidzisa kwakanaka kunoitwa nevakadzi. (2 Timoti 1:5; Tito 2:3-5) Mutsamba yaakanyorera vaKorinde, Pauro haana kungoudza vakadzi chete kuti ‘vanyarare’ painge pachitaura mumwe muKristu asi akaudzawo vanhu vaiva nezvipo zvokutaura nendimi uye zvokuprofita. (1 VaKorinde 14:26-30, 33) Vamwe vakadzi vechiKristu vangangodaro vaifarira chitendero chavo chitsva zvokuti vaidimbudzira mukurukuri panzira kuti vabvunze mibvunzo, sezvo iyi yaiva tsika yomunyika yacho. Kuti izvozvo zvisaitika, Pauro akavakurudzira kuti “vabvunze varume vavo kumba.”​—1 VaKorinde 14:35.

it-1-E 1197-1198

Kusaora

VaKristu vakazodzwa vanomutswa vaine muviri wemweya, sewaiva naJesu paakamutswa. Havangopiwi muviri wemweya chete asi kuti muviri wacho unenge usingaori uye usingafi. Pavaiva vachiri panyika, vakashumira Jehovha vakavimbika vachibva vazofa vaine muviri wenyama. Asi pavanomutswa vanomutswa vaine muviri wemweya, usingaori, sezvakataurwa naPauro pana 1 VaKorinde 15:42-54. Kusafa kwavanopiwa zvinoreva kuti vanenge vachirarama nekusingaperi uye muviri wavo hauparadziki. Asi kusaora kunotaurwa muvhesi iyi kunoratidza kuti Mwari anovapa muviri usingaori kana kuparadzika. Saka zvinoita sekuti Mwari achavapa simba rekuti vazviraramire vasina chimwe chinhu chinovatsigira, kusiyana nezvinoita vanhu kana ngirozi. Izvi zvinongoratidza kuti Mwari anovimba navo zvakadini. Kuva neupenyu hwakadai uye husingaparadziki hakurevi kuti vanenge vasisiri pasi paMwari. Ivo, kungofanana neMusoro wavo Kristu Jesu, vacharamba vachizviisa pasi paBaba vavo uye vachitungamirirwa navo.​—1VaK 15:23-28.

APRIL 29–MAY 5

PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | 2 VAKORINDE 1-3

“Jehovha​—‘Mwari Wokunyaradza Kwose’”

w17.07 13 ¶4

“Chemai Nevanhu Vanochema”

4 Baba vedu vengoni huru vakafirwa nevanhu vavaida, vakadai saAbrahamu, Isaka, Jakobho, Mosesi uye Mambo Dhavhidhi. (Num. 12:6-8; Mat. 22:31, 32; Mab. 13:22) Shoko raMwari rinotivimbisa kuti Jehovha ari kutarisira chaizvo zuva raachavamutsa. (Job. 14:14, 15) Vachange vachifara vaine utano hwakanaka. Jehovha akafirwawo neMwanakomana wake wedangwe. Bhaibheri rinoti Jesu aiva “munhu waaida kwazvo.” (Zvir. 8:22, 30) Hapana mashoko anogona kutsanangura kuti Jehovha akarwadziwa zvakadini.​—Joh. 5:20; 10:17.

w17.07 15 ¶14

“Chemai Nevanhu Vanochema”

14 Saka zvinonzwisisika kuti hazvisi nyore kuziva zvekutaura kumunhu anenge achirwadziwa zvikuru. Zvisinei, Bhaibheri rinotaura kuti “rurimi rwevakachenjera runoporesa.” (Zvir. 12:18) Vakawanda vakawana mashoko anonyaradza ekuudza vamwe kubva mubhurocha rinonzi Apo Mumwe Munhu Waunoda Anofa. Asi kazhinji chinonyanya kubatsira chaunogona kuita ‘kuchema nevanhu vanochema.’ (VaR. 12:15) “Kuchema ndiko kunondibatsira kubudisa manzwiro andinenge ndichiita,” anodaro Gaby, uyo akafirwa nemurume. “Ndicho chikonzero nei ndichinyaradzwa shamwari padzinochema neni. Panguva iyoyo handinzwi sendiri ndega pakurwadziwa kwangu.”

Kuchera Pfuma muShoko raMwari

w16.04 32

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Chii chinonzi “chokumbofanobata” chinopiwa muKristu akazodzwa, uye “chisimbiso” chaanoiswa naMwari chii?​—2 VaK. 1:21, 22.

▪ Chokumbofanobata: Maererano nerimwe bhuku, shoko rechiGiriki rakashandurwa kuti “chokumbofanobata” pana 2 VaKorinde 1:22, raishandiswa “pazvinhu zvine chekuita nemutemo uye mune zvekutengeserana,” richireva “chikamu chemari inotanga kubviswa nemunhu achitenga kana kuti kubhadhara chimwe chinhu. Mari iyi inonziwo dhipoziti. Pamutemo, kana munhu achinge abhadhara mari iyi yedhipoziti, chinhu chaanenge achitenga chinenge chava kutonzi ndechake. Mari iyi inoitawo kuti chibvumirano chinenge chaitwa chitange kushanda.” Saka kana vari vaKristu vakazodzwa vakapiwa chokumbofanobata chemubayiro wavachawana. Asi mubhadharo wacho wese wavanowana kana kuti mubayiro wavo ndiwo unotaurwa pana 2 VaKorinde 5:1-5 uchinzi unosanganisira kupfekedzwa muviri usingaori wekudenga. Mubayiro uyu unosanganisirawo kupiwa chipo chekusafa.​—1 VaK. 15:48-54.

Mazuva ano muchiGreek mune shoko rinoenderana nairoro rinoreva rin’i inopiwa musikana achivimbiswa kuti acharoorwa. Izvi zvinonyatsoenderana nezvinoitika kune vaya vachavawo muboka remudzimai waKristu wekufananidzira.​—2 VaK. 11:2; Zvak. 21:2, 9.

▪ Chisimbiso: Kare chisimbiso kana kuti chidhindo chaishandiswa sesiginicha yekuratidza kuti chinhu ndechaani, kuti chinhu ndechechokwadi, kana kuti paitwa chibvumirano. Kana vari vaKristu vakazodzwa, vanoiswa “chisimbiso,” kana kuti chidhindo chekufananidzira, nemweya mutsvene zvichiratidza kuti vava pfuma yaMwari. (VaEf. 1:13, 14) Kana muKristu akazodzwa akaramba akatendeka anozoiswa chisimbiso ichi zvachose zvekusadzimwa pane imwe nguva asati afa, kana kuti pane imwe nguva kutambudzika kukuru kusati kwatanga.​—VaEf. 4:30; Zvak. 7:2-4.

w10 8/1 23

Waizviziva Here?

Muapostora Pauro airevei paakataura ‘nezvokufora kwokukunda’?

▪ Pauro akanyora kuti: ‘Mwari anotitungamirira mukufora kwokukunda tiri pamwe naKristu achiita kuti kunhuhwirira kwokumuziva kunzwike nesu munzvimbo dzose! Nokuti kuna Mwari tiri kunhuhwirira kwakanaka kwaKristu kune vaya vari kuponeswa uye kune vaya vari kuparara; kune vapedzisira kutaurwa kunhuhwirira kunobva kurufu kuchienda kurufu, kune vatanga kutaurwa kunhuhwirira kunobva kuupenyu kuchienda kuupenyu.’​—2 VaKorinde 2:14-16.

Pauro aireva tsika yaiitwa nevaRoma yokufora vachipemberera mukuru-mukuru anenge akunda vavengi veHurumende. Pazviitiko zvakadaro, zvainge zvapambwa uye vasungwa vemuhondo vaimiswa pavaionekwa nevanhu vose uye nzombe dzaiunzwa kuti dzigozobayirwa, uku mukuru-mukuru wemauto pamwe nemauto ake vachipururudzirwa nevanhu vose. Paivazopedza kufora kwacho, nzombe dziya dzaibayirwa uye panofanira kunge paiurayiwa vasungwa vakawanda.

Chirungamutauro chokuti “kunhuhwirira kwakanaka kwaKristu,” icho chinofananidzira upenyu kune vamwe uye rufu kune vamwe “chingadaro chaitorerwa patsika yevaRoma yokupisa rusenzi pavaifora vakaita mudungwe,” inodaro The Inter-national Standard Bible Encyclopedia. “Kunhuwirira kwaifananidzira kukunda kwaiyeuchidza nhapwa kuti dzaigona kuurayiwa.”

    Mabhuku eChiShona (1973-2027)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe