Mabhuku Achashandiswa paMusangano weUshumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu
MAY 6-12
PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | 2 VAKORINDE 4-6
“Hatidzokeri Shure”
Takaneta asi Hatisi Kupera Simba
16 Zvechokwadi zvinokosha chaizvo kutarisira utano hwedu mune zvokunamata. Kana tine ukama hwapedyo naJehovha Mwari, tinganeta mumuviri, asi hatizomboperi simba pakumunamata. Jehovha ‘anopa vanoziya simba; anoshayiwa simba anomuwedzera simba rake.’ (Isaya 40:28, 29) Muapostora Pauro uyo akaona chokwadi chemashoko aya, akanyora, kuti: “Hatiregi, asi kunyange munhu watiri nechokunze ari kupera, zvechokwadi munhu watiri nechomukati ari kuvandudzwa zuva nezuva.”—2 VaKorinde 4:16.
17 Ona mashoko okuti “zuva nezuva.” Izvi zvinoreva kushandisa zvatinopiwa naJehovha zuva nezuva. Mumwe mumishinari akashumira akatendeka kwemakore 43, aimbonetawo mumuviri uye aimboora mwoyo. Asi haana kupera simba. Anoti: “Ndakava nomuitiro wokumuka mangwanani kuitira kuti ndisati ndatanga basa ripi neripi ndimbopedza nguva ndichinyengetera kuna Jehovha uye kuverenga Shoko rake. Purogiramu iyi yezuva nezuva yakandibatsira kutsungirira kusvikira iye zvino.” Chokwadi tinogona kuvimba nesimba raJehovha rinochengetedza kana tikanyengetera kwaari uye tikafungisisa unhu hwake hwakakwirira uye zvipikirwa zvake nguva dzose “zuva nezuva.”
it-1-E 724-725
Kutsungirira
SevaKristu zvakakosha kuti tirambe tichifunga nezvetariro yedu yekuzorarama nekusingaperi tisina chivi. Kunyange kana tikaurayiwa nevanenge vachititambudza, izvozvo hazvitadzisi Mwari kuzotimutsa. (VaR 5:4, 5; 1VaT 1:3; Zva 2:10) Makomborero akawanda atichawana achaita kuti tikanganwe nhamo dzese dzatiri kusangana nadzo iye zvino. (VaR 8:18-25) Chero kutambura kwatingava tiinako ‘ndekwenguva diki uye kwakareruka’ kana tichikuenzanisa neupenyu husingaperi hwatichawana. (2VaK 4:16-18) Kuramba tiine tariro yakasimba uye tichiyeuka kuti matambudziko edu ndeenguva pfupi kunotibatsira kuti tisakanda mapfumo pasi uye tirambe takavimbika kuna Jehovha Mwari.
Kuchera Pfuma muShoko raMwari
“Itai Kuti Jehovha Anyemwerere”
Hama David Splane veDare Rinodzora ndivo vakakurukura musoro uyu wemuMagwaro. (2 VaKorinde 4:7) Pfuma iri kutaurwa apa chii? Uchenjeri kana kuti ruzivo here? Mukurukuri wacho akapindura kuti: “Kwete. Pfuma yaitaurwa nomuapostora Pauro inoreva ‘ushumiri’ hwatinoita ‘hwokuita kuti chokwadi chive pachena.’” (2 VaKorinde 4:1, 2, 5) Hama Splane vakayeuchidza vadzidzi kuti mwedzi mishanu yavakapedza vachidzidza yakavabatsira kugadzirira kuzoita basa rinokosha muushumiri. Basa iroro vanofanira kurikoshesa chaizvo.
Mukurukuri akatsanangura kuti “midziyo yevhu” inoreva miviri yedu. Akasiyanisa midziyo yakagadzirwa nevhu neiya yakagadzirwa negoridhe. Akati midziyo yakagadzirwa negoridhe haiwanzoshandiswa, asi yakagadzirwa nevhu inogara ichishandiswa. Kana tikaisa pfuma mumudziyo wegoridhe, tinogona kunyanya kukoshesa mudziyo wacho kupfuura pfuma iri mauri. “Imi hamufaniri kuzvitsvakira mukurumbira,” vakadaro Hama Splane. “Semamishinari, munofanira kuita kuti vanhu vakudze Jehovha. Imi mungori midziyo yevhu.”
Rudo Rwenyu Sehama Ngarwurambe Rwuchiwedzera
7 Ko isu ‘tingawedzera’ sei pakuratidza kuti tinoda hama dzedu? Zvinowanzova nyore kuti vanhu vezera rimwe chete kana kuti verudzi rumwe chete vawirirane. Uye vaya vanofarira mitambo yakafanana vanowanzotandara pamwe chete. Asi kana zvatinofarira zvichiita kuti tingowirirana nevaKristu vashomanana, tinofanira ‘kuwedzera.’ Zvingave zvakanaka kuti tizvibvunze kuti: ‘Ndinopota ndichibudawo muushumiri uye ndichitandara nehama nehanzvadzi dzisiri shamwari dzangu dzepedyo here? Kana ndiri paImba yoUmambo, ndinongotaura nevandagara ndichinamata navo chete here nokuti ndinofunga kuti vatsva ndinofanira kutanga ndavajaira? Ndinokwazisa vose vakuru nevaduku vari muungano here?’
MAY 13-19
PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | 2 VAKORINDE 7-10
“Basa Redu Rekuyamura”
“Mwari Unoda Munhu Unopa Nomufaro”
Kutanga, Pauro akaudza vaKorinte pamusoro pavaMakedhonia, avo vakaita muenzaniso wakanaka pakuunza zvinhu zvokuyamura. “Pakati pokuidzwa kukuru kwokutambudzika,” Pauro akanyora kudaro, “mufaro wavo mukuru, pamwe chete nourombo hwavo hukuru, zvakawanza zvikuru kusanyima kwavo.” VaMakedhonia havana kuda kukurudzirwa. Mukupesana, Pauro akataura kuti “vakakumbira nokunyengetera kukuru kwatiri kuti tivatendere kuita basa iri renyasha.” Kupa nomufaro kwavaMakedhonia kunoshamisa zvikuru patinofunga nezvokuti ivo pachavo vakanga vane “urombo . . hukuru.”—2 VaKorinde 8:2-4.
kr 209 ¶1
Ushumiri Hwokuyamura
RINENGE gore ra46 C.E., uye muJudhiya mune nzara yakaoma. Vadzidzi vaKristu vechiJudha havana mari yokutenga zvokudya nokuti mitengo yazvo yakwira zvisingaiti sezvo zvava zvishoma. Nzara iri kuvaruma zvokunge ichatovauraya. Asi vava kuda kuona kudzivirira kwaJehovha nenzira isati yamboonekwa nemudzidzi chero upi zvake waKristu. Chii chava kuda kuitika?
kr 209-210 ¶4-6
Ushumiri Hwokuyamura
4 Mutsamba yechipiri yaakanyorera vaKorinde, Pauro akatsanangura kuti pane mhando mbiri dzeushumiri hwechiKristu. Kunyange zvazvo Pauro ainyorera vaKristu vakazodzwa, mashoko ake anoshandawo kuvaKristu ‘vemamwe makwai.’ (Joh. 10:16) Humwe ushumiri hwedu “ushumiri hwokuyananisa,” kureva basa redu rokuparidza nekudzidzisa. (2 VaK. 5:18-20; 1 Tim. 2:3-6) Humwe hwacho hune chokuita nekushumira kwatinoita vatinonamata navo. Pauro akataura zvakajeka nezveushumiri hwekuyamura achiti “kushumirwa kwaiitirwa vatsvene.” (2 VaK. 8:4) Shoko rokuti “ushumiri” riri pamashoko okuti “ushumiri hwokuyananisa” uye ushumiri hwokuyamura, rakashandurwa kubva pashoko rechiGiriki, di·a·ko·niʹa. Nei mashandisirwo arakaitwa aya achikosha?
5 Nokushandisa shoko rimwe chete rechiGiriki pakutsanangura mhando mbiri dzoushumiri, Pauro akaratidza kuti ushumiri hwekuyamura hwakangofanana nehumwewo ushumiri hunoitwa neungano yechiKristu. Akanga ambotaura kuti: “Kune ushumiri hwakasiyana-siyana, asi kuna Ishe mumwe chete; kune mabasa akasiyana-siyana, . . . Asi mweya mumwe iwoyo unoita mabasa ose aya.” (1 VaK. 12:4-6, 11) Tingatoti Pauro akaratidza kuti ushumiri hwakasiyana-siyana hunoitwa neungano ‘ibasa dzvene.’ (VaR. 12:1, 6-8) Ndosaka aiona zvakakodzera kuti ashandise imwe nguva yake “kunoshumira vatsvene.”—VaR. 15:25, 26.
6 Pauro akabatsira vaKorinde kuona kuti nei aiti basa rokuyamura rimwe remabasa oushumiri hwavo uye okunamata Jehovha. Cherechedza matsananguriro aakaita: VaKristu vanopa ruyamuro vanoita izvi “nokuti [va]noteerera mashoko akanaka pamusoro paKristu.” (2 VaK. 9:13) Saka chido chokushandisa dzidziso dzaKristu ndicho chinoita kuti vaKristu vabatsire vavanonamata navo. Pauro akati zvavanoitira hama dzavo, kunenge kuchitova kuratidza “mutsa mukuru usina kukodzera kuwanwa waMwari.” (2 VaK. 9:14; 1 Pet. 4:10) Saka Nharireyomurindi yeChirungu yaDecember 1, 1975 yakanyatsotaura nezvokushumira hama dzedu dzinenge dzichitambura, izvo zvinosanganisira basa rokuyamura, ichiti: “Hatifaniri kutombova nemubvunzo nezvokuti Jehovha Mwari naJesu Kristu vanonyatsokoshesa rudzi urwu rweushumiri.” Zvechokwadi basa rokuyamura ibasa dzvene rinokosha.—VaR. 12:1, 7; 2 VaK. 8:7; VaH. 13:16.
kr 196 ¶10
Kutsigirwa Kunoitwa Mabasa oUmambo Nemari
10 Chokutanga, tinopa mipiro nokuti tinoda Jehovha uye tinoda kuita “zvinhu zvinofadza pamberi pake.” (1 Joh. 3:22) Zvechokwadi Jehovha anofadzwa nemunamati anopa zvichibva pamwoyo. Ngationgororei zvakataurwa nemuapostora Pauro nezvekupa kwechiKristu. (Verenga 2 VaKorinde 9:7.) MuKristu wechokwadi haape achiita zvokumanikidzwa kana kuti achiita seasiri kuda. Anotopa nokuti anenge “asarudza mumwoyo make” kuti adaro. Izvi zvinoreva kuti anotanga afunga zviri kudiwa oona kuti angapawo chii. Munhu anopa saizvozvo anokosha zvikuru kuna Jehovha, nokuti “Mwari anoda munhu anopa achifara.” Imwe shanduro yeBhaibheri inoti: “Mwari anoda vanhu vanoda kupa.”
Kuchera Pfuma muShoko raMwari
Ratidza Kuti Unokoshesa ‘Chipo chaMwari Chisingarondedzereki’
2 Pauro aiziva kuti chibayiro chaJesu Kristu ndicho chinoita kuti tive nechokwadi chekuti zvinhu zvose zvakanaka zvakavimbiswa naMwari zvichazadziswa. (Verenga 2 VaKorinde 1:20.) Saka ‘chipo ichi chepachena chisingarondedzereki’ hachingorevi kupiwa kwatakaitwa chibayiro cherudzikinuro chete. Chinosanganisirawo mutsa worudo waJehovha nezvinhu zvose zvakanaka zvaanotipa. Sevanhu, hatigoni kunyatsotsanangura chipo ichi chinoshamisa. Kupiwa kwatakaitwa chipo ichi kunofanira kuita kuti tinzwe sei? Uye chipo ichi chinofanira kuita kuti tiitei sezvatinogadzirira Chirangaridzo chorufu rwaKristu chichaitwa musi weChitatu, 23 March 2016?
Kudada Kwakaipa Here?
Mumagwaro echiGiriki echiKristu, chiito chokuti kau·khaʹo·mai, chakashandurwa kuti “kudada, kufara, kuzvirumbidza,” chinoshandiswa mupfungwa yakanaka neyakaipa. Somuenzaniso, Pauro anoti, “tifare, netariro yokuona kubwinya kwaMwari.” Anorumbidzawo achiti: “Anozvirumbidza, ngaazvirumbidze munaShe.” (VaRoma 5:2; 2 VaKorinde 10:17) Izvi zvinoreva kuti kudada naJehovha saMwari wedu, ipfungwa ingatitungamirira kufarira zita rake rakanaka nemukurumbira wake.
MAY 20-26
PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | 2 VAKORINDE 11-13
“Pauro Aiva ‘Nemunzwa Munyama’”
Kuva Nesimba Pasinei Nokusakwana Kwedu
Mumwe mushumiri akatendeka akakumbira Jehovha kuti amubvise “munzwa munyama,” dambudziko rakanga rakangoti namanama naye. Muapostora Pauro akakumbira Mwari katatu kuti amusunungure pamuedzo iwoyu. Zvisinei nokuti muedzo wacho waiva chii, kungofanana nomunzwa unorwadza, ungave wakashayisa Pauro mufaro mubasa raJehovha. Pauro akaufananidza nokuramba uchirohwa. Jehovha akapindura kuti: “Mutsa wangu usina kukodzera kuwanwa wakakukwanira; nokuti simba rangu riri kuitwa kuti rive rakakwana mukusava nesimba.” Jehovha haana kubvisa munzwa iwoyo waiva munyama yake. Pauro aifanira kurwisana nawo, asi akatizve: “Pandinenge ndisina simba, ndipo pandiine simba.” (2 VaK. 12:7-10) Airevei?
Jehovha Anopa ‘Mweya Mutsvene Vaya Vanomukumbira’
17 Achipindura minyengetero yaPauro, Mwari akamuudza kuti: “Mutsa wangu usina kukodzera kuwanwa wakakukwanira; nokuti simba rangu riri kuitwa kuti rive rakakwana mukusava nesimba.” Pauro akati: “Naizvozvo, ndingasva zvangu ndazvirumbidza nomufaro mukuru kwazvo pamusoro pokusava nesimba kwangu, kuti simba raKristu rirambe riri pamusoro pangu setende.” (2 VaKorinde 12:9; Pisarema 147:5) Saka Pauro akazvionera muupenyu hwake kuti Mwari akamudzivirira nesimba achishandisa Kristu sokudzivirira kunoita tende. Nhasi, Jehovha anopindura minyengetero yedu nenzira yakafanana. Sokudzivirira kunoita nzvimbo yokuvanda, Mwari anodzivirira vashumiri vake.
18 Chokwadi, tende haiiti kuti mvura irege kunaya kana kuti mhepo irege kuvhuvhuta, asi inodzivirira pazvinhu izvozvo. Saizvozvowo, kudzivirira kwe“simba raKristu” hakuiti kuti miedzo irege kutiwira kana kuti tisawirwe nenhamo. Asi kunotidzivirira mune zvokunamata, pazvinhu zvinokuvadza zvenyika ino uye pakurwisa kwomutongi wayo, Satani. (Zvakazarurwa 7:9, 15, 16) Naizvozvo, kunyange kana uri kutambura nomuedzo ‘usingabvi pauri,’ unogona kuva nechokwadi chokuti Jehovha anoziva nezvokutambura kwako uye kuti akanzwa “kuchema kwako.” (Isaya 30:19; 2 VaKorinde 1:3, 4) Pauro akanyora kuti: “Mwari akatendeka, uye haangakuregei muchiedzwa kupfuura zvamunogona kutsungirira, asi pamwe chete nomuedzo achaitawo nzira yokubuda nayo kuti mukwanise kuutsungirira.”—1 VaKorinde 10:13; VaFiripi 4:6, 7.
“Anopa Munhu Akaneta Simba”
8 Verenga Isaya 40:30. Pasinei nekuti tingava nezvakawanda zvatinogona, hatikwanisi kuita zvese nesimba redu pachedu. Ichocho chidzidzo chatinofanira kudzidza tese zvedu. Muapostora Pauro ane zvakawanda zvaaigona, asi aisakwanisa kuita zvese zvaaida kuita. Paakaudza Mwari nhuna dzake, akaudzwa kuti: “Simba rangu riri kuitwa kuti rive rakakwana mukusava nesimba.” Pauro akanzwisisa pfungwa yacho. Akagumisa achiti: “Pandinenge ndisina simba, ndipo pandiine simba.” (2 VaK. 12:7-10) Airevei paakataura izvozvo?
9 Pauro akaona kuti aiva nezvishoma zvaaigona kuita asingabatsirwi naMwari. Mweya mutsvene waMwari waigona kuita kuti Pauro ave nesimba raakanga asina. Uyewo mweya mutsvene waigona kutomupa simba rekuita mabasa aaisatombofa akakwanisa kuita nesimba rake pachake. Ndizvo zvinogona kuitikawo kwatiri. Kana Jehovha akatipa mweya wake mutsvene, tinova nesimba!
Kuchera Pfuma muShoko raMwari
Mibvunzo Inobva Kuvaverengi
“Denga rechitatu” rinotaurwa pana 2 VaKorinde 12:2 rinogona kunge richireva Umambo hwaMesiya hunoumbwa naJesu Kristu nevanhu 144 000, kureva “matenga matsva.”—2 Pet. 3:13.
Rinonzi “denga rechitatu” nekuti Umambo hwacho utongi hwakakwirira.
‘Paradhiso yakaendeswa’ Pauro pane zvaakaratidzwa inogona kunge ichireva (1) Paradhiso ichazova panyika pano (2) paradhiso yekunamata ichavapo panguva iyoyo, iyo ichange yakanaka chaizvo kupfuura iripo iye zvino, uye (3) “paradhiso yaMwari” yekudenga.
it-2-E 177
Kutsvoda
“Kutsvoda Kutsvene.” VaKristu vekutanga vaitsvodana uye kunenge kuti varume nevarume ndivo vaitsvodana uyewo vakadzi nevakadzi. (VaR 16:16; 1VaK 16:20; 2VaK 13:12; 1VaT 5:26; 1Pe 5:14) Tsika iyi yekukwazisana vachitsvodana inofanira kunge yakabva pane zvaiitwa nevaHebheru. Kunyange zvavo Magwaro pasina paanotaura nezvazvo, “kutsvoda kutsvene” kunofanira kunge kwaingoratidza kudanana uye kubatana kweungano yechiKristu.—Joh 13:34, 35.
MAY 27–JUNE 2
PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | VAGARATIYA 1-3
“Ndakamutsiura Takanyatsotarisana”
Unoona Kururamisira Sezvakunoitwa naJehovha Here?
16 Verenga VaGaratiya 2:11-14. Petro akakurirwa nekutya vanhu. (Zvir. 29:25) Pasinei nekuti ainyatsoziva mafungiro aJehovha panyaya iyi, Petro akatya kuti vamwe vaJudha vemuungano yeJerusarema vaizomutarisira pasi nekuti aiwadzana nevanhu vamamwe marudzi. Muapostora Pauro, uyo aivapowo pamusangano wakaitwa muJerusarema muna 49 C.E., akataura naPetro muAndiyoki ndokubudisa pachena unyengeri hwake. (Mab. 15:12; VaG. 2:13) VaKristu vemamwe marudzi, avo vakavhiringidzwa nekukanganisa kwaPetro vaizoita sei nekusaruramisira kwacho? Vaizorega chikanganiso chacho chichivatadzisa kunamata here? Petro aizorasikirwa neropafadzo dzake dzinokosha muungano nekuti akanga akanganisa here?
Vaya Vanoda Jehovha ‘Havana Chinovagumbura’
12 Petro akaratidza kuti aitya vanhu, zvikaita kuti pane imwe nguva agumburwe chaizvo; asi akaramba akavimbika kuna Jesu naJehovha. Somuenzaniso, akaramba Tenzi wake paruzhinji, kwete kamwe chete, asi katatu. (Ruka 22:54-62) Papfuura nguva, Petro akatadza kuita zvaienderana nechiKristu paakabata vatendi vemamwe marudzi sevanhu vakaderera pane vaKristu vechiJudha. Zvisinei, muapostora Pauro akaona nyaya yacho zvakajeka, kuti muungano maisafanira kuva norusaruro. Mafungiro aPetro ainge akaipa. Pauro akapa Petro zano vakatarisana chiso nechiso, maitiro ake asati akanganisa hama. (VaG. 2:11-14) Petro akagumbuka zvokuti akabuda munhangemutange youpenyu here? Kwete. Akanyatsofunga nezvezano raPauro, akarishandisa, akaramba ari munhangemutange.
Kuchera Pfuma muShoko raMwari
Ramba Uchishumira Mwari Pasinei ‘Nematambudziko Mazhinji’
20 Asi tingaitawo sei patinorwiswa zvisina kunanga? Somuenzaniso, tingakunda sei kuora mwoyo? Chimwe chinhu chinobatsira chaizvo chatingaita ndechokufungisisa nezverudzikinuro. Izvozvo ndizvo zvakaitwa nemuapostora Pauro. Dzimwe nguva aimbonzwa akasurukirwa chaizvo. Asi aizivawo kuti Kristu akafira vanhu vanotadza kwete vasina chivi. Uye Pauro aiva mumwe wevanhu ivavo vanotadza. Akatonyora kuti: “Upenyu hwandinorarama zvino munyama ndinohurarama nokutenda muMwanakomana waMwari, iye akandida akazvipa nokuda kwangu.” (VaG. 2:20) Chokwadi, Pauro akagamuchira rudzikinuro. Akabvuma kuti Kristu akamufira iye pachake.
21 Kuonawo rudzikinuro saizvozvo, sechipo chawakapiwa naJehovha iwe pachako, kunogona kukubatsira chaizvo. Asi hazvirevi kuti kuora mwoyo kuchangoerekana kwapera. Vamwe vedu vangatofanira kuramba vachirwisana nokuora mwoyo kusvikira munyika itsva. Asi yeuka kuti vaya vasingakandi mapfumo pasi ndivo vachapiwa mubayiro. Tava pedyo chaizvo nezuva rokuti Umambo hwaMwari huite kuti panyika pave norugare uye vanhu vose vakatendeka vabvisirwe chivi. Tsunga kupinda muUmambo ihwohwo kunyange zvazvo ungapfuura nomumatambudziko mazhinji.
it-1-E 880
Tsamba yakanyorerwa vaGaratiya
Pauro paakati, “Imi vaGaratiya, makapusa” akanga asingarevi vanhu vakabva murudzi rwechiGallic vaiva kuchamhembe kweGaratiya. (VaG 3:1) Akanga achitsiura vamwe vanhu vakanga vari muungano dzaiva muGaratiya. Vanhu ava vakanga vachikanganiswa mafungiro nevaJudha, avo vaizviona sevanhu vakarurama. VaJudha ava vaida kunzi vakarurama nekuteerera Mutemo waMozisi panzvimbo pekuti vanzi ‘vakarurama pachishandiswa kutenda’ muna Jesu. (2:15–3:14; 4:9, 10) “Ungano dzeGaratiya” (1:2) dzakanyorerwa tsamba naPauro dzaiva nevaJudha uye vamwe vakanga vasiri vaJudha. VaJudha vakanga vakachecheudzwa asi vasiri vaJudha vaiva vasina. Pavanhu vakanga vasiri vaJudha paisanganisira verudzi rwechiCeltic. (Mab 13:14, 43; 16:1; VaG 5:2) Vese vainzi vaKristu vekuGaratiya nekuti vaigara muGaratiya. Saka Pauro akanga achinyorera vanhu vaaiziva vaiva kumaodzanyemba kwepurovhinzi iyi yeRoma, kwete kuvanhu vaakanga asingazivi vaiva kuchamhembe uko kwaakanga asati amboenda.