NOVEMBER 17-23
RWIYO RWASOROMONI 6-8
Rwiyo 34 Nemunyengetero | Mashoko Ekusuma (1 min.)
1. Iva Rusvingo, Kwete Suo
(10 min.)
Hanzvadzi dzemusikana wekuShurami dzaida kuti asaita zvebonde asati aroorwa (Rwi 8:8, 9; it-E “Rwiyo rwaSoromoni” ¶11)
Musikana uyu ainzwa akagadzikana nekuti akanga akunda miedzo yekuita zvinhu zvisina kuchena (Rwi 8:10; yp 188 ¶2)
Vechidiki vanodzidza zvakawanda kumusikana wekuShurami (yp2 33)
ZVIBVUNZE KUTI, ‘Ndingabatsira sei vaKristu vari muungano medu vasina kuroora kana kuroorwa kuti vave rusvingo, kwete suo?’
2. Kuchera Pfuma muShoko raMwari
(10 min.)
Rwi 8:6—Nei rudo rwechokwadi ruchinziwo “rimi remoto raJah”? (w15 1/15 29 ¶3)
Ndezvipi zvawakawana pakuverenga Bhaibheri kwevhiki rino?
3. Kuverenga Bhaibheri
(4 min.) Rwi 7:1-13 (th chidzidzo 12)
4. Kutanga Kukurukura Nevanhu
(2 min.) PAIMBA NEIMBA. Tanga kukurukura nemunhu uchishandisa kadhi rejw.org. (lmd chidzidzo 4 pfungwa 4)
5. Kutanga Kukurukura Nevanhu
(2 min.) KUPARIDZA MUNZVIMBO DZINOWANIKA VANHU VAKAWANDA. Tanga kukurukura nemunhu munzvimbo dzemabhizinesi uchishandisa turakiti. (lmd chidzidzo 1 pfungwa 4)
6. Kutanga Kukurukura Nevanhu
(2 min.) KUPARIDZA ZVISINA KURONGWA. Tanga kukurukura nemunhu wakasununguka mosvika pakuparadzana usati wamuparidzira. (lmd chidzidzo 2 pfungwa 4)
7. Kutsanangura Zvaunotenda
(5 min.) Muenzaniso. ijwfq nyaya 43—Musoro: Zvapupu zvaJehovha Zvine Mitemo Here Panyaya Dzekupfimbana? (th chidzidzo 7)
Rwiyo 121
8. Tiza Upombwe
(15 min.) Kukurukura nevateereri.
MuRwiyo rwaSoromoni, mufudzi akaudza musikana wekuShurami kuti vambofamba vese vachisasana. (Rwi 2:10-14) Mufudzi uyu anogona kunge aiva nechinangwa chakanaka, asi musikana wacho akabva apiwa basa nehanzvadzi dzake kuitira kuti asaenda kunoonana nemumwe wake. (Rwi 2:15) Hanzvadzi dzemusikana uyu dzaiziva kuti kana vakava vega vangori vaviri chete vaigona kuzopinda pamuedzo.
Bhaibheri rinoudza vaKristu kuti ‘vatize upombwe.’ (1VaK 6:18) Saka hatifaniri kuita chero chii zvacho chingaita kuti tipedzisire taita zvinhu zvakaipa. Munyori webhuku raRwiyo rwaSoromoni akanyorawo kuti: “Munhu akangwara anoona njodzi ohwanda, asi asina ruzivo anoramba achienda ozosangana nedambudziko.”—Zvi 22:3.
Ratidzai VHIDHIYO inonzi Mwari “Anoziva Zvakavanzika Zvomwoyo,” mobvunza vateereri kuti:
Wadzidzei muvhidhiyo iyi?
9. Chidzidzo cheBhaibheri Cheungano
(30 min.) lfb chidzidzo 36 ne37