Kuongorora Nyaya Dzacho
VANHU vanoona nyaya dzemazuva ano dzevakasangana nengirozi munzira dzinoverengeka. Chekutanga, kune vanodzidavira. Vanoti nokuti nyaya dzakadaro dzawanda uye dzapararira kwazvo, dzinofanira kuva dzechokwadi. Chechipiri, pane vasina chokwadi nadzo. Vanoti hapana uchapupu hwakasimba hwekutsigira nyaya dzacho. Vanopikisa kuti, kudavirwa zvakapararira, hakuiti kuti chimwe chinhu chive chechokwadi. Inga wani vanhu vaimbodavira kuvapo kwenjuzi. Chechitatu, pane vaya vasina kwavakarerekera. Richitaura pfungwa iyi isina kwayakarerekera, bhuku rinonzi Angels—Opposing Viewpoints rinoti: “Vanhu vakawanda vanoti vakaona ngirozi. Kuona uku hakugoni kunzi ndekwechokwadi; kunodavirwa nekutenda. Zvisinei, kunyange vasina chokwadi nazvo havagoni kukuramba, uye vashomanana ndivo vanoedza kudaro.”
Vanhu vakawanda vanobvuma kuti Bhaibheri ndiro rine mashoko akavimbika pamusoro penzvimbo yemudzimu.a Rinogona kutibatsira kuongorora nyaya dzemazuva ano dzengirozi. Sezvaungave uchitoziva, Bhaibheri rinotivimbisa kuti ngirozi zvisikwa zvemudzimu chaizvoizvo, zvine simba, zvine mbiri. Bhaibheri rine nhoroondo dzengirozi dzichiendesa mashoko nokununura vashumiri vaMwari panjodzi.—Pisarema 104:1, 4; Ruka 1:26-33; Mabasa 12:6-11.
Bhaibheri rinoratidzawo kuti pane ngirozi dzakaipa. Zvisikwa zvemudzimu izvi zvinonyengera nokutsausa vanhu, zvichivabvisa kuna Mwari. (2 VaKorinde 11:14) Nechikonzero chakanaka, Bhaibheri rinonyevera kuti: “Musatenda kutaura kwose kwakafuridzirwa, asi edzai kutaura kwakafuridzirwa kuti muone kana kuchibva kuna Mwari, nokuti vaprofita venhema vakawanda vakabudira munyika.” (1 Johani 4:1) Somuenzaniso, tisati tadavira kutaura kwemunhu anozviti muprofita, taizoyera nokuchenjera zvaanotaura neShoko raMwari, raangati ari kumiririra. Zvechokwadi, tinofanira kutarisira kuti nhoroondo dzemazuva ano dzekuoneka kwengirozi kuti dzirambe dziri dzechokwadi zvakafanana padzinoongororwa. Saka, nyaya dzemazuva ano dzevakasangana nengirozi dzakaenzaniswa here nedzakanyorwa muRugwaro?
Ngirozi Hadzina Kuita Sezvinofunga Vanhu Vazhinji
Ngatimbotangai nokujekesa pfungwa mbiri dzisiri idzo dzakapararira pamusoro pengirozi. Kusiyana nezvinodavirwa zvakakurumbira, ngirozi hadzina kutanga upenyu hwadzo dziri vanhu. Dzaivapo mudenga kare Mwari asati asika upenyu huri panyika. Bhaibheri rinoti panguva apo Mwari “akateya nheyo dzenyika . . . , vanakomana vose [ngirozi] vaMwari vachipururudza nomufaro.”—Jobho 38:4-7.
Imwe pfungwa isiriyo yamazuva ano ndeyekuti ngirozi dzinobvumira kuita madiro uye dzinoshivirira zviito zvakashata. Asi ngirozi dzakatendeka dzinototsigira mitemo yaMwari yakarurama uye dzinoita maererano nenhungamiro yake. Dzinoshumira Mwari, kwete vanhu.—Pisarema 103:20.
Ngirozi Dzinofarira Kubudirira Kwedu Mumudzimu
Pakati penyaya dzemazuva ano dzengirozi, nhoroondo dzokununura ndidzo dzakawanda. Mune rimwe bhuku rinotengwa kwazvo, tinorava nezvemumwe musikana muduku akabudiswa zvinyoro-nyoro muimba yaitsva neruoko rusingaoneki. Rimwe bhuku rinotaura nezvevadzidzi vaviri vepakoreji vakapererwa nezano rose vari pakati pedutu. Kamwe kamwe, imwe rori inosvika ndokuvadhonzera kunzvimbo yakachengeteka, asi panotsika mavhiri ayo hapambooneki! Pamwewo, imwe nyaya inotaura nezvaAnn, anotambura nekenza. Mazuva matatu asati aenda kuchipatara kunovhiyiwa, mumwe munhu murefu waasingazivi anosvika pasuo rake. Anozvisuma saThomas obva ati atumwa naMwari. Thomas anobata ruoko rwake, Ann obva anzwa chiedza chinopisa chichena chichipinda mumuviri wake. Paanosvika kuti avhiyiwe, vanachiremba vanoshamiswa. Kenza yake yapera!
Nyaya idzi dzinomutsa mubvunzo uri pachena wekuti, Kana munhu wese ane ngirozi inomutarisira, nei vamwe vanhu vachinunurwa, asi vakawanda vasinganunurwi? Mamiriyoni asingaverengeki akafa nezvirwere, hondo, nzara, uye tsaona dzinongozviitikira dzoga. Zvechokwadi, vakawanda vakanyengetera nemwoyo wose kuti vabatsirwe. Nei ngirozi dzinotarisira dzisina kuvanunura?
Bhaibheri rinobatsira pamubvunzo uyu. Rinoti Mwari haasaruri. (Mabasa 10:34) Uyezve, nepo ngirozi dzakavimbika dzaMwari dzichifarira kubudirira kwedu kwekunyama, dzinonyanyofarira kubudirira kwedu kwemudzimu. Muapostora Pauro akataura izvi achiita zvekubvunza kuti: “[Ngirozi] dzose hadzisi midzimu yebasa rinoitirwa vanhu vose, yakatumwa kuzoshumira avo vachagara nhaka yoruponeso here?” (VaHebheru 1:14) Kubatsirwa kunyama kunobatsira zvenguva duku, asi kubatsirwa mumudzimu kunogona kubatsira zvinogara narini.
Nyaya dzakawanda dzengirozi dzinoita kunge dzisingakoshi. Ngirozi dzinonzi dzinobatsira vamwe amai vaneta kuchinja machira pamubhedha, dzinoyeuchidza mumwe mutengi kutenga machisa, uye dzinobatsira vatyairi kuwana nzvimbo dzokupaka. Mumwe mukadzi muduku wekuScotland anoti nekakusekerera: “Ndave ndichipaka motokari yangu pamutsetse weyero kwemavhiki matatu apfuura muMugwagwa unonzi St Mary’s uye ndakakumbira ngirozi yangu kuipoteredza nerudo nengoni. Kana vanoona nezvekufamba kwemotokari mumigwagwa vapi nevapi vakasvika vanonzwa vazadzwa nerudo zvokuti vanongosiyana nemotokari yangu. Nazvino handisati ndambopiwa tikiti.” Hazvishamisi kuti vamwe vanoenzanisa ngirozi dzinotarisira dzamazuva ano namwari amai vemungano vanobatsira kana kuti Santa Claus wevakura.
Ngirozi Dzakatendeka Hadzipokani neShoko raMwari
Mabhuku engirozi akazara nemadimikira uye mazano anofungidzirwa kuti anobva kunzvimbo yemudzimu. Somuenzaniso, rimwe bhuku rinoti rine dzidziso dzakabva kune ngirozi huru inonzi Michael dzakapiwa mumwe mukadzi ari muColorado, U.S.A. Pakati pe“zvakataurwa” naMichael pane izvi: “Nzira dzose dzinosvitsa kuna Mwari. Zvinodavirwa zvose, chokwadi chose chechiedza chinosvitsa kuna Mwari.” Asi Jesu akataura kuti pane nzira mbiri chete dzezvitendero uye kuti imwe chete yadzo ndiyo inowanisa nyasha dzaMwari neupenyu husingaperi. Imwe yacho inoita kuti tisatenderwa uye tiparadzwe nekusingaperi. (Mateu 7:13, 14) Zviri pachena kuti, mashoko aya ose haagoni kuva echokwadi.
“Ngirozi” dze“mudzimu mutsva” dzinotii nezvemhuri netsika? Mune rimwe bhuku muravi anodzidza nezvaRoseann, uyo akaudzwa ne“ngirozi” yake kuti: “Une vanhu vakawanda vekukurukurirana navo, uye kuva ne[murume wako] handizvo zvoga zviri muupenyu hwako. Unomuda uye anokuda, asi yava nguva yokuti muparadzane.” Akadimbura muchato. Asi, Bhaibheri rinoratidza kuti Mwari anovenga kudimbura muchato pasina zvikonzero zvakakodzera. (Maraki 2:16) Imwe nyaya inotaura nezvevamwe vakaroorana vanoita upombwe, vachidavira kuti ngirozi dzinotarisa dzichifara uye dzinovapoteredza nezvakanaka zvoga zvoga. Asi, Bhaibheri rinoti: “Usaita upombwe.”—Eksodho 20:14.
Zvingava here kuti mashoko aya amazuva ano ari kuita kuti Bhaibheri rifambirane nenguva? Kwete, shoko raMwari harichinji. Muapostora Pauro akanyorera vamwe vemuzana remakore rekutanga kuti: “Ndinoshamiswa kuti muri kubviswa nokukurumidza zvakadaro pane Akakudanai nomutsa usina kufanirwa waKristu muchiiswa kune rumwe rudzi rwemashoko akanaka. Asi harusi rumwe; chete kuti kune vamwe vari kukuparirai zvinetso vachida kutsaudzira mashoko akanaka pamusoro paKristu. Zvisinei, kunyange isu kana ngirozi inobva kudenga yaizokuzivisai semashoko akanaka chimwe chinhu chinopfuura zvatakakuzivisai semashoko akanaka, ngaitukwe.”—VaGaratiya 1:6-8.
“Kudana Ngirozi Dzose!”
Tinofanira kudana ngirozi kuti tibatsirwe mukubata nezvinetso nenjodzi zviri muupenyu here? Uyu ndiwo musoro wemabhuku akawanda. Heino mienzaniso miviri. Bhuku rinonzi Ask Your Angels rinoratidza varavi ‘mawanire avangaita simba rengirozi kuti vabatanidzezve manzwire avo emumwoyo asingachazivikanwi nokuita zvavanovavarira.’ Rakafanana naro ibhuku rinonzi Calling All Angels!: 57 Ways to Invite an Angel Into Your Life.
Zvisinei, Bhaibheri harimbotikurudziri kudana ngirozi. Jesu akajekesa pfungwa iyi mumunyengetero wemuenzaniso. Akati: “Ipapo, munofanira kunyengetera kudai: ‘Baba vedu vari kumatenga . . . ’” (Mateu 6:9) Muapostora Pauro akanyorawo kuti: “Muzvinhu zvose kukumbira kwenyu ngakuziviswe Mwari nokunyengetera nokuteterera pamwe nokuonga.”—VaFiripi 4:6.
Muzita Rengirozi
“Mudzimu mutsva” unonyanyokoshesa kudzidza mazita engirozi. Mabhuku akakurumbira anopa mazita anofungidzirwa ezviuru zvengirozi. Nei? Hakusi kuda kugutsa kuzivawo zvako; asi kuti dzidanwe nawo. Izvi zvakanyanyobatana nemashiripiti. Encyclopedia of Angels inotaura kuti pamwe chete netsika, zvinhu zvemashiripiti, uye minamato, “kushandiswa kwe‘mazita esimba,’ kana kuti mazita emimwe midzimu yakakurumbira, zvinobudisa ruzha rune simba runovhura suo riri pakati penzvimbo yevanhu venyama nenzvimbo yemidzimu, zvichiita kuti wezvemashiripiti agone . . . kukurukurirana nemidzimu.” Asi, Bhaibheri rinotaura zvakajeka kuti: ‘Musatenda mashiripiti.’—Revhitiko 19:26.
Bhaibheri pacharo rinotaura mazita engirozi mbiri chete dzakatendeka, Mikaeri naGabrieri. (Dhanieri 12:1; Ruka 1:26) Richitaura mazita aya, Bhaibheri rinoratidza kuti ngirozi vanhu vemudzimu vakasiyana nesu. Nei mamwe mazita akawanda asina kutaurwa? Zvichida chikonzero chacho chaiva chekudzivisa vanhu kukwidziridza ngirozi kusvika panzvimbo yekukudza kusina kufanira—chimwe chinhu icho ngirozi pachadzo dzisingatarisiri kuwana. Ndokusaka Jakobho paakakumbira ngirozi kuti imuudze zita rayo, ngirozi yacho yakaramba. (Genesi 32:29) Gare gare, ngirozi yakaoneka kuna Joshua yakazvizivisa kwaari kwete nezita asi se“mukuru wehondo yaJehovha.” (Joshua 5:14) Uyewo, baba vaSamsoni pavakabvunza imwe ngirozi zita rayo, vakaudzwa kuti: “Unondibvunzireiko zita rangu, zvarinoshamisa?” (Vatongi 13:17, 18) Ngirozi dzakatendeka dzaMwari dzinoda kuti tikudze Mwari ndokudana kwaari, kwete kwadziri.
[Mashoko Omuzasi]
a Nokuda kwemamwe mashoko anoratidza kuti nei Bhaibheri riine nhoroondo dzakavimbika, ona bhurocha rinonzi A Book for All People, rakabudiswa neWatch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania.
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 26]
“Kune vaya vasingadi Mwari nemitemo yake, . . . [Nzanga Itsva] ngirozi dzinongobvuma zvose . . . dzine mutsa, hadzitongi. Uye dzinowanikwa chero kumunhu wese, seasipirini.”—Magazini inonzi Time
[Bhokisi riri papeji 25]
“Vanosangana” Nengirozi Nevanhu Venyika Dzomuchadenga Vanhasi
Nhasi vanhu vakawanda vanoti vakaona ngirozi uye vakataura nadzo. Vamwe vanotaura kuti vakasangana nevamwe vanhu vanobva kune dzimwe nyika dzomuchadenga. Bhuku rinonzi Angels—An Endangered Species rinoronga ndaza yekufanana kuri pakati penhoroondo idzi, richitaura kuti dzose dzingave netsananguro yakafanana.b Zvinotevera ipfupiso yezvimwe zvakafanana zvakarongwa mubhuku racho.
1. Ngirozi nevamwe vanhu vanobva kune dzimwe nyika dzomuchadenga.
2. Zvose zvisikwa zvine upenyu hwakakwirira, mungave mumudzimu kana muruzivo rwekugadzira zvinhu.
3. Zvine ushamwari zvine chitarisiko chepwere nechakatsvinda, uye zvine mutsa uye zvine ngoni kwazvo.
4. Zvose hazvinetseki nemutauro, zvinonyatsotaura mumutauro wemuteereri.
5. Zvose ishasha dzekubhururuka.
6. Kuoneka kwazvo zvose ngirozi nevanhu venyika dzomuchadenga kunosanganisira chiedza chinobwinya.
7. Zvose zvinooneka zvakanyatsopfeka, kunyanya magemenzi kana kuti zvipfeko zvinobata. Zvichena kana kuti zvebhuruu ndiwo mavara anonyanya kufarirwa.
8. Kazhinji zvose zvakaenzana nevanhu kureba.
9. Zvose zvinoratidza kuti zvine hanya nezvemamiriro ezvinhu evanhu nepasi.
10. Uchapupu hwevakasangana nengirozi nevanhu venyika dzomuchadenga hunotsamira pauchapupu hweakazviona wacho.
[Mashoko Omuzasi]
b Tsananguro yakakurumbira yezvose ndeyekuti zviri pachena kuti midzimu yakaipa kana kuti madhimoni, ndizvo zvinoparira “kusangana” kwakawanda kwakadaro. Sezvinotaura Bhaibheri, “Satani anoramba achizvishandura kuva ngirozi yechiedza.” (2 VaKorinde 11:14)—Ona Mukai!, yaJuly 8, 1996, peji 26.
[Mufananidzo uri papeji 27]
Bhaibheri rine nhoroondo dzechokwadi dzengirozi dzichisvika kune vanhu