Chokwadi Pamusoro Pengirozi
SEZVATAONA, pfungwa nenyaya dzakawanda pamusoro pengirozi hazviwanzobvumirana nezvinodzidziswa neBhaibheri. Zvine basa here kuti pane kusabvumirana? Pane njodzi ipi neipi here yekubvuma zvinodavirwa zvakakurumbira pamusoro pengirozi? Zvechokwadi iripo.
Somuenzaniso, chimbofunga pfungwa dzinokurudzirwa ne“mudzimu mutsva.” Mabhuku emazuva ano ezvengirozi anokurudzira kungogara sezvinoita vana, kwete kushandisa mano ekufunga. Kashoma kuti varavi vakurudzirwe kupedza zvinetso zvavo kana kutsvaka kunzwisisa Bhaibheri neruzivo rwaMwari. Mabhuku ezvengirozi anotivimbisa kuti muupenyu tinofamba tine ngirozi ine mutsa nerudo uye kuti hapana chikonzero chokutya, sezvo tichirarama pakati pezvinhu zvose zvakasikwa zvinofara umo zvose zvakaita zvazvinofanira kuva. Kana chinetso chikamuka, tinongofanira kumirira kupindira kwengirozi. Zvisinei, kana zvakadaro, nei Bhaibheri richitiudza kuti ti“rwire kwazvo kutenda?”—Judha 3.
Mabhuku ezvengirozi akawanda anosimudzira kudada kwevanhu nechitarisiko. Anonyanya kutaura nezvemunhu pachake. Maererano nemashoko akadaro, ngirozi dzemazuva ano dzinoda kuti tizive kuti takatsvinda uye takatanhamara zvakadini. Kunyange zvakanaka kuti tizvione zvakanaka, musoro mukuru we“mudzimu mutsva” ndewekuti tizvide zvakakwana. Mumwe munyori anotaura kuti murayiro wokutanga nemukuru kupfuura yose ndewe“kuzvida Pachako saIshe.” Izvi zvinopesana sei nemashoko aJesu! Akati: “Unofanira kuda Jehovha Mwari wako nemwoyo wako wose nemweya wako wose nepfungwa dzako dzose. Uyu ndiwo murayiro mukuru pane yose uye wokutanga.” (Mateu 22:36-39) Tichafara kwazvo muupenyu kana tikatanga kutsvaka zvinodiwa naMwari kupfuura zvedu.
Kunyanyokoshesa ngirozi kunopesana kwazvo nechiKristu chechokwadi. Muapostora Pauro akatsoropodza kunamatwa kwengirozi. (VaKorose 2:18) Kunamata zvinoreva “kukudza kana kuti kuremekedza chimwe chinhu saMwari kana kuti simba guru risingaoneki.” Asi, kukudza nokuremekedza ngirozi ndizvo chaizvo zvinokurudzirwa varavi kuti vaite nemabhuku ezvengirozi akakurumbira. Zvisinei, yeuka chakaitika apo Satani akakumbira Jesu kuti amuitire chiito chimwe chokumunamata. Jesu akapindura kuti: “NdiJehovha Mwari wako waunofanira kunamata, uye ndiye oga waunofanira kuitira basa dzvene.” (Ruka 4:8) Gare gare, muapostora Johani paakawira pasi pamberi pengirozi, ngirozi yakati kwaari: “Ngwarira! Usadaro! Ndinongova muranda pamwe newe nowehama dzako dzine basa rokupupurira Jesu. Namata Mwari.”—Zvakazarurwa 19:10.
Kubatsirwa Kwaungaitwa Nengirozi
Munhu watinofanira kukumbira kuti atitungamirire nokutibatsira ndiMwari, kwete ngirozi. Anoda uye anofara kuratidza rudo kune vose vanoomerera kuzvaanoda zvakarurama. Muapostora Johani akanyorera hama dzake dzechiKristu kuti: “Ichi ndicho chivimbo chatinacho kwaari, kuti, zvisinei nokuti chii chatinokumbira maererano nokuda kwake, anotinzwa. Uyezve, kana tichiziva kuti anotinzwa pamusoro pezvinhu zvose zvatinokumbira, tinoziva kuti tichawana zvinhu zvakumbirwa sezvo tazvikumbira kwaari.”—1 Johani 5:14, 15.
Pane zvinhu zvakawanda zvatisingazivi nezvengirozi dzakatendeka dzaMwari. Zvisinei, tinoziva kuti dziri kushumira Mwari, dzichishanda maererano nechinangwa chake nenhungamiro. Dzinoda kutsigira chokwadi pamusoro paMwari. (Zvakazarurwa 14:6, 7) Hadzidi kuti tidzinamate. Sezvo tisingagoni kudziona, hatizivi kuti Mwari anodzishandisa kusvika papi mukubatsira vanhu vake muzvinhu zvavo zvezuva nezuva. Asi tinoziva kuti Jehovha Mwari anodzivirira uye anotungamirira vanhu vake seboka.
Muenzaniso wakanaka sei watinogadzirwa nengirozi! Dzinopa mbiri nokurumbidza kuna Mwari. (Pisarema 148:2) Kunyange dzine mano nesimba remudzimu rakawanda, dzinoremekedza kwazvo uchangamire hwaJehovha. (Judha 9) Dzinofarira kwazvo kuitwa kwezvinangwa zvaMwari. (1 Petro 1:11, 12) Tinodzidza zvinhu izvi muShoko raMwari, Bhaibheri. Hungu, Bhaibheri ndiro bhuku rinotiudza chokwadi nezvengirozi.
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 30]
Ngirozi dzinoda kutsigira chokwadi pamusoro paMwari
[Mufananidzo uri papeji 28, 29]
Muapostora Johani paakaedza kunamata ngirozi, ngirozi yacho yakamuti: “Usadaro!”