Ganhuro 1
Rugare Rwechokwadi Nokuchengeteka Zvava Pedyo!
1. Migariroi inoita kuti rugare rwechokwadi nokuchengeteka zvive zvinoshuviwa zvikuru?
ZVECHOKWADI iwe, savanhu vazhinjisa, unopanga rugare nokuchengeteka. Vanhu munzvimbo iri yose vanetseka noutsotsi, masimba masimba, hondo, nokutyisa kukuru kunokutyisidzira kwenyukireya. Zvakare, vazhinji havana mabasa akafanira, dzimba dzakanaka, kana kuti zvokudya zvakaringanira. Haiwa waizova mufaro wakadini kudai zvinetso zvakadaro zvaizogadzikiswa uye pasi rino raizova musha unofadza, wakakotsekana nokuda kwavagari varo!
2, 3. (a) Kana rugare rwechokwadi nokuchengeteka rwava pedyo zvamazvirokwazvo, mibvunzoi inodikanirwa kubvunzwa? (b) Ko chiito chakaitwa neChibatanwa chaMarudzi chinoratidzika kuva chinotsinhirana sei nechishuvo chorugare nokuchengeteka?
2 Nomutoo unokatyamadza, pane chikonzero chakanaka chokudavira kuti sununguko yakanguve ichipangwa yava pedyo, kuti rugare nokuchengeteka munyika yose rwosvika zadziko! Asika ndianiko achaparira ikoku? Ko marudzi enyika ino achagadzikisa kakavadzano dzawo nokuda kwokuita ikoku here?
3 Chiporofita chinofadza cheBhaibheri chakareva kuti nguva yaizosvika apo vatungamiriri venyika vaizozivisa zvomenemene kuti “rugare nokuchengeteka!”a Chokwadi, apo Chibatanwa chaMarudzi chakazivisa 1986 kuva “Gore raMarudzi Ose roRugare” chakakumbira kuti masangano ari munzvimbo iri yose aite nhamburiko chaiyo kubvira mugore iroro zvichienda mberi yokusimudzira nharidzano yo“rugare, chengeteko yamarudzi ose nokubatira pamwe.”1
4. Kana gadziriro ipi neipi yorugare nokuchengeteka ichizokubetsera, ko iyo inofanira kugadzikisa zvinetsoi?
4 Asika irworwu rwaizova “rugare nokuchengeteka” kwechokwadi here? Rwaizopinda munzvimbo dzakavakidzana newe nomumusha mako ndokubata nezvinetso zvinokutapura iwe umene here? Rwaizogadzikisa zvinetso zvoutsotsi huri kuwedzera nokupindwa muropa nemirimo here, mitengo iri kukwira yezvokudya, mitero mikurusa, kushatiswa kwezvinhu kunopararira, nokushata kwakatsiga kwezvisungo zvemhuri? Chero bedzi migariro ipi neipi yaizvozvo ichipfuurira, iyo inotyisidzira rugare rwako umene nokuchengeteka.
5, 6. Pahwaro hworuzivo rwako umene rwokuzviwanira muupenyu, unodavira here kuti vanhu vachagadzikisa zvinetso izvozvo?
5 Chokwadi, vanhu vanokarira kuti ivo vanogona kukurira zvinetso izvozvi. Vanotaura havo kuti, vasunungurwa pamitwaro inoputsanya yezvemari yehondo, ivo vangagona kushandisazve pfuma yose iyeyo, kunzvera, navanhu vanoshanda mukugadzikisa zvinhu zvakadaro.
6 Ko iwe unodavira zvomenemene izvozvo here? Ko pane hufakazi hupi nohupi hwakatsiga hwokuratidzira kuti vanhu vangambounza zvigadzikiso zvinogara narini here? Ko nhau inoratidzirei? Zvamazvirokwazvo, ko ruzivo rwokuzviwanira rwako umene muupenyu rwunokuzivisei?
7, 8. (a) Ko isu tingatsvaka kumwezve kupi nokuda kwechigadzikiso? (b) Ko bhuku reBhaibheri rakatanhamara sei?
7 ‘Asika kana vanhu vasina zvigadzikiso, chii chinosara?’ ungabvunza kudaro. Eya, pano hufakazii husingarambiki hwokuti pasi nezvinhu zvipenyu zviri pariri zvinoratidzira rongedzero yokungwara. (VaHebheru 3:4) Ko kunobvira here kuti Uyo akaparira iyi rongedzero arangarirwe? Ko iye achapindira munhau dzavanhu here? Bhaibheri bedzi rinogovera mhinduro yeiyi mibvunzo.
8 Nemhaka yechiri pamutanhiko, ipapoka, hakusati kwaizova kwakakodzera here kuti urangarire icho Bhaibheri rinoreva pamsoro peiyi nhau? Ungave uchiziva hako kuti iro ibhuku rinoisvoshandurwa zvakafara nerinoparadzirwa pasi pano. Mukukwana kwaro kana kuti murutivi, mabhirioni amakopi akagoverwa mumitauro inopfuura 1 800.2 Asika waiziva here kuti iri bhuku rekare rinobata nenhau dzokuitira hanya kukurusa kwatiri murino zana ramakore rechi 20?
9, 10. (a) Ko Bhaibheri rinotii pamsoro penguva yemberi, uye nezvehurumende dzavanhu? (b) Ko Umambo hwaMwari chii, uye ihwo huchatora rini udzori pahurumende dzose dzomuzuva razvino uno?
9 Vazhinji vanoziva kuti Bhaibheri rinodeya kutaura ‘mugumo wenyika.’ Asika vashomanene vanoziva charinoreva pamsoro pokuti iwo uchasvika rini, kana kuti upenyu pasi pano huchava hwakaita sei pashure pacho. (Mateo 24:21, 22; 2 Petro 3:11-13) Ivo vangatonyengetera Munyengetero waShe, umo ivo vanokumbira ‘umambo hwaMwari kuti huuye.’ (Mateo 6:9, 10) Asika vashomanene vanoziva kuti Umambo hwaMwari ihurumende chaiyoiyo ichatsiva masangano ose azvino ezvamatongerwe enyika. Sokurondedzera kwakaita muporofita Dhanieri, kuti: “Mumazuva amadzimambo iwawo Mwari wokudenga uchagadza umambo husati huchizotongoparadzwa. . . . Ihwo huchaputsanya ndokugumisa maumambo iwawo ose, uye ihwo humene huchagara kusvikira kunguva isingazivikanwi.”—Dhanieri 2:44.
10 Nomutoo unofadza, chiporofita cheBhaibheri pamsoro pe“rugare nokuchengeteka” chadudzwa pakuvamba-vamba chinobatanidza aya mativi: “Pari pose apo vanenge vachiti: ‘Rugare nokuchengeteka!’ ipapo pakarepo kuparadzwa kuchawira pavari.” (1 VaTesaronika 5:3) Naizvozvo rugare rwupi kana rwupi nokuchengeteka rwunoziviswa navatungamiriri vavanhu sezvinooneka rwuchava rwenhambo pfupi zvikuru. Nokuti zviporofita zvinoratidza kuti nokukurumidza pashure pacho hubati ushe hwose hwavanhu huchaputsanywa mukuvapo, kuti hugotsiviwa nehurumende imwe nokuda kwapasi rose—Umambo hwaMwari.
11, 12. Ndeipi iri mimwe yemitsaukano iri pakati peizvo Bhaibheri rinoreva kuti Umambo hwaMwari huchaita neiyo vatungamiriri vavanhu vari kuedza kuita?
11 Zvakare, Bhaibheri rinozivisa mitsaukano mizhinji iri pakati porugare nokuchengeteka izvo Umambo hwaMwari huchaunza neizvo vatungamiriri venyika vanopikira. Nhasi vanhu vanotaura nezvokuderedzwa kwezvombo kupfurikidza nebvumirano. Bhaibheri, mukusiana, rinozivisa kuti nokukurumidza Mwari achagumisa chose chose zvombo zvose uye achabvisa zvisakiso zvikuru zvehondo. (Pisarema 46:9; Isaya 2:2-4) Uye kuchengeteka uko Mwari anopikira hakusati kuri kwokubva bedzi muhondo pakati pamarudzi. Ndokwokubva pavavengi vorudzi rwuri rwose, zvokuti hapana munhu achazombovazve anotya—masikati kana kuti usiku. (Mika 4:3, 4) Zvakare, vanhu zvino vari kuitira hanya kudzora utsotsi, asi donzo rakaziviswa raMwari nderokudzura kunyange zvimiro zvendangariro nemigariro zvinoparira utsotsi.—Pisarema 37:8-11; VaGaratia 5:19-21.
12 Marudzi anozvidadisawo amene nokuenderera mberi mukunzvera kwezvokurapa nomukutarisirwa kwakavandudzika kwavarwere navakwegura. Asi Bhaibheri rinotsanangura maunzire achaita hurumende yaMwari utano hwakakwana nohunogarisa, kunyange kukurira ukweguru norufu! (Zvakazarurwa 21:3, 4) Mukuwedzera, muUmambo hwaMwari basa romunhu richava rine revo zvamazvirokwazvo, rinovigira kugutsikana chaikoiko. Nokutika ungava anofara sei kana basa rako richivhiringidza kana kuti risati richiunza pfungwa yechokwadi yokuita chinhu?—Isaya 65:21-23; VaRoma 8:19-21.
13. Mibvunzoi ingava inobetsera kwatiri kunzvera?
13 Ndechipi chaunodavira kuti chinogovera rudzi rworugare nokuchengeteka rwuchavandudza rutivi rwuri rwose rwoupenyu hwako—zvipikirwa zvavanhu, kana kuti zvipikirwa zvaMwari sezvinounzwa nehurumende yake yoUmambo? Kupfurikidza nokubvumirana neizvo nyika yose zvayo inopa, wati wawana zvaunoda zvomenemene here muupenyu? Zvakadiniko kana uchizviregeredza umene uchinyengedzwa nezvingava zvakakurumbira, zvazvino uno dzokonokei woziva hako kuti wave uchinyengedzwa nezvipikirwa zvinotsausa, zvichikusiya usina rugare chairwoirwo nokuchengeteka? Kuno rumwe rutivi, ungagona kuva anovimba kuti zvipikirwa zveBhaibheri zvinodavirika, zvinobetsera, uye ndezvechokwadi here? Zvamazvirokwazvo, mhinduro dzemibvunzo yakadaro dzinofanirwa nokunzvera kunomufungo.
[Mashoko Omuzasi]
[Mufananidzo unozadza peji yose uri papeji 4]
[Mufananidzo uri papeji 9]
Hakuna munhu achazombovazve anotya—masikati kana kuti usiku