Rambai Muchitsvaka Umambo Nokururama kwaMwari
“Ipapoka, rambai muchitanga kutsvaka umambo nokururama kwake, uye zvimwe zvinhu izvi zvose zvichawedzerwa kwamuri.”—MATEO 6:33, “NW.”
1, 2. Vanyori navaFarise vaitendeudzira mabasa akanga akanaka maari amene muchii, uye inyeveroi iyo Jesu akapa kuvateveri vake?
VANYORI navaFarise vaitsvaka kururama nenzira yavo vamene, iyo yakanga isiri nzira yaMwari. Kwete ikoko bedzi, asi apo vaiita mabasa akanga akanaka maari amene, vaiatendeudzira muzviito zvounyengeri kuti vaonekwe navanhu. Vakanga vachibatira, kwete Mwari, asi rudado rwavo vamene. Jesu akanyevera vadzidzi vake pakunyengera kwakadaro, achiti: “Chenjerai, kuti murege kuita kururama kwenyu pamberi pavanhu, kuti muonekwe navo; kana madaro hamuna mubairo kuna Baba venyu vari kudenga.”—Mateo 6:1.
2 Jehovha anoonga avo vanopa kuvarombo—asi kwete avo vanopa sezvaiita vaFarise. Jesu akanyevera vadzidzi vake pakuvatevedzera, achiti: “Pamunopa zvipo zvetsitsi, musaridza hwamanda pamberi penyu, kungofanana nezvinoita vanyengeri mumasinagoge nomunzira, kuti varumbidzwe navanhu. Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, Vari kuva netuso yavo zvakazara.”—Mateo 6:2, NW.
3. (a) Vanyori navaFarise vakaripirwa zvakazara munzirai nokuda kwokupa kwavo? (b) Chimiro chaJesu pakupa chakanga chakasiana sei?
3 Shoko rechiGiriki nokuda kwa‘vari kuva zvakazara’ (a·peʹkho) rakanga riri shoko rakanga richioneka kazhinji kazhinji mumarisiti ebhizimisi. Kushandiswa kwaro muMharidzo yapaGomo kunoratidzira kuti “vakagamuchira tuso yavo,” ndiko kuti, “vakasaina risiti yetuso yavo: maruramiro avo okugamuchira tuso yavo anozivikanwa, zvikurukuru sokunge vakanga vatopa risiti rwawo.” (An Expository Dictionary of New Testament Words, rakanyorwa naW. E. Vine) Zvipo zvavarombo zvaivimbiswa pachena mumigwagwa. Mazita avapi vezvipo aiziviswa mumasinagoge. Avo vaipa zvitsama zvikuru vaikudzwa zvikuru kupfurikidza nokuva nezvigaro zviri pedyo navanarabhi mukati mokunamata. Ivo vaipa kuti vaonekwe navanhu; vaionekwa uye vairumbidzwa navanhu; nokudaro, vaigona kudhinda risiti nokuda kwetuso yaibva mukupa kwavo “Waripirwa Zvakazara.” Chimiro chaJesu chakanga chakasiana sei! Ipa “pakavanda; ipapo Baba vako vanoona pakavanda vachakupa mubairo.”—Mateo 6:3, 4; Zvirevo 19:17.
Minyengetero Inofadza Mwari
4. Neiko minyengetero yavaFarise yakasakisa Jesu kudana vanhu ivavo kuti vanyengeri?
4 Jehovha anoonga minyengetero inonangidzirwa kwaari—asi kwete sokunyengetera kwaiita vaFarise. Jesu akati kuvateveri vake: “Pamunonyengetera, hamufaniri kuva savanyengeri; nemhaka yokuti vanoda kunyengetera vakamira mumasinagoge nomumakona enzira huru kuti vaonekwe navanhu. Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, Vari kuva netuso yavo yakazara.” (Mateo 6:5, NW) VaFarise vakanga vaine minyengetero mizhinji yaifanira kudzokororwa zuva nezuva, panguva chaidzo, pasinei hapo nekwavakanga vari. Sezvinorondedzerwa, vaifanira kuipa pachivande. Kupfurikidza namanomano, kunyanguvezvo, vaibudirira kuva “pamakona enzira huru,” vachionekwa navanhu vaipfuura nepo mumativi mana, apo awa yomunyengetero yaisvika.
5. (a) Ndimimwe miitiroi yakasakisa kuti minyengetero yavaFarise isanzwiwe naMwari? (b) Zvinhui izvo Jesu akaisa pakutanga mumunyengetero wake womuenzaniso, uye vanhu nhasi vanobvumirana naikoko here?
5 Mukuratidzirwa kwoutsvene hwenhema, vai“ita manomano eminyengetero mirefu.” (Ruka 20:47) Rimwe gamuchidzanwa rinotaurwa rakati: “Vanhu voumwari vakare vaimira awa imwe pamberi pokutaura Tefillah [munyengetero].” (Mishnah) Panguva iyeyo munhu ari wose aizova nechokwadi chokuona umwari hwavo ndokushamiswa nahwo! Minyengetero yakadaro haina kutongokwira kupfuura misoro yavo vamene. Jesu akataura kunyengetera muchivande, pasina kudzokorora kusina maturo, uye iye akavapa muenzaniso wakapfava. (Mateo 6:6-8; Johane 14:6, 14; 1 Petro 3:12) Munyengetero waJesu womuenzaniso unoisa zvinhu zvokutanga pakutanga: “Baba vedu vari mumatenga, zita renyu ngaritsveneswe. Umambo hwenyu ngahuuye. Kuda kwenyu ngakuitike.” (Mateo 6:9-13, NW) Vanhu vashomanene nhasi vanoziva zita raMwari, vashomanene zvikuru vanoda kuti ritsveneswe. Nomutoo iwoyo vanomuita mwari asina zita. Umambo hwaMwari ngahuuye? Vazhinji vanofunga kuti hwatova pano, mukati mavo. Vanganyengetera kuti kuda kwake kuitwe, asi vazhinjisa vanoita kuda kwavo vamene.—Zvirevo 14:12.
6. Neiko Jesu akashurikidza kuzvinyima zvokudya kwechiJudha sokusina revo?
6 Kuzvinyima zvokudya kunogamuchirika kuna Jehovha—asi kwete sokukuita kwakaita vaFarise. Sokupa zvipo varombo nokunyengetera kwaiitwa navanyori navaFarise, Jesu akarambawo kuzvinyima zvokudya kwavo sokusina revo: “Kana muchizvinyima zvokudya regai kuva nechiso chinopunyaira, savanyengeri; nokuti vanoipisa zviso zvavo, vaonekwe navanhu kuti vanozvinyima zvokudya. Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Vapiwa mubairo wavo.” (Mateo 6:16) Magamuchidzanwa avo anotaurwa akaratidzira kuti mukati mokuzvinyima zvokudya vaFarise vaisafanira kugeza kana kuti kuzvizodza vamene mafuta asi kuzora madota pamisoro yavo. Pavakanga vasingazvinyimi zvokudya, vaJudha nguva dzose vaizvigeza vamene ndokuzora miviri yavo namafuta.
7. (a) Vateveri vaJesu vaifanira kuzvibata vamene sei pakuzvinyima zvokudya? (b) Pamusoro pokuzvinyima zvokudya, Jehovha akanga achidei muzuva raIsaya?
7 Pamusoro pokuzvinyima zvokudya, Jesu akaudza vateveri vake, kuti: “Zodza musoro wako, ushambe chiso chako; kuti urege kuonekwa navanhu kuti unozvinyima zvokudya, asi naBaba vako.” (Mateo 6:17, 18) Muzuva raIsaya vaJudha vanodzokera shure vaiwana mufaro mukuzvinyima zvokudya kwavo, kutambudza mweya yavo, kukotamisa misoro yavo pasi, uye kugara mumakudza namadota. Asi Jehovha aida kuti vasunungure vakadzvinyirirwa, vape zvokudya vane nzara, vachengete vasina misha, uye vapfekedze vasina kupfeka.—Isaya 58:3-7.
Unganidza Pfuma Yokudenga
8. Chii chakasakisa kuti vanyori navaFarise varasikirwe nechiono chamawanirwe etendero yaMwari, uye inheyoi, yakaratidzwa gare gare naPauro, yavakafuratira?
8 Mukuronda kwavo kururama, vanyori navaFarise vakarasikirwa nechiono chamawanirwe etendero yaMwari ndokupa ngwariro payemuro yavanhu. Vakava vanofarira zvikuru magamuchidzanwa avanhu zvokuti vakaisa parutivi Shoko rakanyorwa raMwari. Vakaisa mwoyo yavo panzvimbo yapasi panzvimbo pepfuma yokudenga. Vakafuratira zvokwadi yakapfava iyo muFarise akava muKristu akanyora makore akati gare gare, kuti: “Zvose zvamunoita, muzviite nomwoyo wose, sokuna [Jehovha, NW], musingaitiri vanhu; muchiziva kuti muchapiwa na[Jehovha, NW] mubairo wenhaka.”—VaKorose 3:23, 24.
9. Ingozii dzinogona kutyisidzira pfuma yapasi, asi chii chichachengeta pfuma yechokwadi yakachengeteka?
9 Jehovha anofarira kuzvipira kwako kwaari, kwete akaundi yako yokubhangi. Iye anoziva kuti mwoyo wako uri pane pfuma yako. Ko ngura nezvipfunho zvinogona kupedza pfuma yako here? Ko mbavha dzinogona kuchera mumadziro evhu ndokuiba here? Kana kuti mudzino nguva dzazvino uno dzokusatsiga kwemari, kukwira kwemitengo kunogona here kuderedza simba rayo rokutenga kana kuti bonderano dzokutenga zvitsama dzinogona here kuibvisa? Ko mwero woutsotsi unowedzera uchaparira pfuma yako kubiwa here? Kwete kana yakachengetwa mudenga. Kwete kana ziso rako—rambi rinovhenekera muviri wako wose—rakapfava, rakanangidzirwa paUmambo hwaMwari nokururama kwake. Pfuma ine nzira yokunyangarika nayo. “Usazvinetsa kuwana pfuma; rega uchenjeri hwako. Unoda kuzvitarira nameso ako? Zvaenda! Nokuti zvirokwazvo pfuma inozviitira mapapiro, segondo rinobhururuka mudenga.” (Zvirevo 23:4, 5) Naizvozvo kurasikirweiko nokurara pamusoro pepfuma? “Kuguta kwomupfumi hakumutenderi kuvata.” (Muparidzi 5:12) Yeuka nyevero yaJesu, inoti: “Hamungabatiri Mwari nePfuma.”—Mateo 6:19-24, NW.
Kutenda Kunodzinga Funganyo
10. Neiko kuchikosha zvikuru kuva nokutenda kwako muna Mwari panzvimbo pepfuma yokunyama, uye izanoi iro Jesu akapa?
10 Jehovha anoda kuti kutenda kwako kuve maari, kwete muzvinhu zvokunyama. “Kana kusina kutenda hazvibviri kumufadza; nokuti unouya kuna Mwari, unofanira kutenda kuti iye uripo, uye kuti unopa vanomutsvaka mubairo wavo.” (VaHebheru 11:6) Jesu akati: “Nokuti upenyu hwomunhu hahuzi pazvinhu zvakawanda zvaanazvo.” (Ruka 12:15) Mamirioni ari mubhangi haasati achizochengeta mapapu ane chirwere achishanda kana kuti mwoyo waneta uchipomba ropa. Naizvozvo “ndinoti kwamuri,” Jesu akapfuurira muMharidzo yake yapaGomo: “Regai kufunganya pamusoro poupenyu hwenyu, muchiti, ndichadyei, kana ndichanwei; kana pamusoro pomuviri wenyu, muchiti ndichapfekeiko? Upenyu haupfuuri zvokudya here, kana muviri haupfuuri zvokufuka here?”—Mateo 6:25.
11. Jesu akawana kupi mizhinji yemienzanisiro yake, uye ikoku kunoratidzirwa sei muMharidzo yapaGomo?
11 Jesu akanga ari nyanzvi yokutaura mienzanisiro. Iye aifunga nezvayo pari pose paaitarira. Iye akaona mumwe mukadzi achiisa rambi raibvira pachigadziko cherambi ndokuritendeudzira mumuenzanisiro. Iye akaona mufudzi achiparadzanisa makwai achibva mumbudzi; wakava muenzanisiro. Iye akaona vana vachitamba mumusika; wakava muenzanisiro. Uye ndozvazvakanga zvakaita muMharidzo yapaGomo. Sezvaaitaura pamusoro pefunganyo pazvinodikanwa zvokunyama, iye akaona mienzanisiro mushiri dzaibhururuka bhururuka uye maruva akanga akafukidza mumativi egomo. Ko shiri dzinodyara nokukohwa here? Aiwa. Ko maruva anokosa ndokuruka here? Aiwa. Mwari akaaita; iye anoatarisira. Imi, zvisinei, munokosha zvikuru kupfuura shiri namaruva. (Mateo 6:26, 28-30) Iye akapa Mwanakomana wake nokuda kwenyu, kwete nokuda kwazvo.—Johane 3:16.
12. (a) Mienzanisiro pamusoro peshiri namaruva yakareva kuti vadzidzi vaJesu vaisazofanira kushanda here? (b) Ipfundoi iro Jesu akanga achisimbisa pamusoro pebasa nokutenda?
12 Jesu pano akanga asiri kuudza vateveri vake kuti vakanga vasingafaniri kushanda kuti vazvidyise nokuzvipfekedza vamene. (Ona Muparidzi 2:24; VaEfeso 4:28; 2 VaTesaronika 3:10-12.) Pamangwanani iwayo echirimo, shiri dzakanga dzakabatikana zvikuru kutsvaka zvokudya, kunyenga, kuvaka matendere, kugarira mazai, kupa zvokudya vaduku vadzo. Dzakanga dzichishanda asi pasina kunetseka. Maruva akanga akabatikanawo kusundira midzi yawo muvhu mukutsvaka mvura nezvokudya uye kukwidza mashizha awo kuti asvikire chiedza chezuva. Aifanira kukura ndokutumbuka ndokubudisa mbeu dzawo asati afa. Akanga achishanda asi asinganetseki. Mwari anogovera shiri namaruva. ‘Haangakugoverei zvikuru here, imi mune kutenda kushoma?’—Mateo 6:30.
13. (a) Neiko kwakanga kwakafanira kuti Jesu ashandise mwero wekubiti rimwe pakutaura pamusoro pokuwedzera nduramo yomunhu? (b) Unogona sei kurebesa upenyu hwako mamirioni amamaira asingagumi, sokunge zvakadaro?
13 Naizvozvo ivai nokutenda. Musafunganya. Funganyo haisati ichizochinja chinhu. “Ndianiko kwamuri,” Jesu akabvunza kudaro, “ungawedzera kubiti rimwe paurefu hwake nokufunganya?” (Mateo 6:27) Asi neiko Jesu achiwiriranisa mwero wokunyama wedaro, kubiti, nomwero wakati wenguva munduramo? Zvichida nemhaka yokuti kazhinji kazhinji Bhaibheri rinofananidza nduramo yavanhu norwendo, richishandisa mashoko akadai se“nzira yavatadzi,” “nzira yavakarurama,” ‘nzira huru yokuruparadziko,’ uye ‘nzira yakamanikana inotungamirira kuupenyu.’ (Pisarema 1:1; Zvirevo 4:18; Mateo 7:13, 14) Funganyo pamusoro pezvinodikanwa zvezuva nezuva haigoni kurebesa upenyu hwomunhu kunyange nechidimbu, “kubiti rimwe,” sokunge zvakadaro. Asi pane nzira yokurebesa nayo upenyu hwako kupfurikidza namamirioni asingagumi amamaira, sokunge zvakadaro. Kwete kupfurikidza nokufunganya nokuti: “Tichadyeiko?” kana kuti “Tichanweiko?” kana kuti “Tichafukeiko?” asi kupfurikidza nokuva nokutenda nokuita izvo Jesu anotiudza kuita: “Ipapoka, rambai muchitanga kuchitsvaka umambo nokururama kwake, uye zvimwe zvinhu izvi zvose zvichawedzerwa kwamuri.”—Mateo 6:31-33, NW.
Kuwana Umambo hwaMwari Nokururama Kwake
14. (a) Chii chiri musoro weMharidzo yapaGomo? (b) Munzirai isina kururama umo vanyori navaFarise vakatsvaka Umambo nokururama?
14 Mumutsetse wokuzarura weMharidzo yake yapaGomo, Jesu akataura nezvoUmambo hwamatenga sohwaavo vanoziva chinodikanwa chavo chomudzimu. Mumutsetse wechina, akataura kuti avo vane nzara nenyota yokururama vaizogutiswa. Pano Jesu anoisa zvose zviri zviviri Umambo nokururama kwaJehovha munzvimbo yokutanga. Ndizvo musoro weMharidzo yapaGomo. Izvo imhinduro kuzvinodikanwa zvorudzi rwose rwomunhu. Asi Umambo hwaMwari nokururama kwaMwari zvinowanikwa kupfurikidza nomutooi? Tinopfuurira sei kuzvitsvaka? Kwete nzira iyo vanyori navaFarise vakaita nayo. Vakatsvaka Umambo nokururama kupfurikidza noMutemo waMosesi, wavaitaura kuti waibatanidza magamuchidzanwa anotaurwa, sezvo vaidavira kuti zvose zviri zviviri Mutemo wakanyorwa namagamuchidzanwa anotaurwa zvakapiwa naMwari kuna Mosesi paGomo reSinai.
15. (a) Mukuwirirana navaJudha, magamuchidzanwa avo anotaurwa akatanga rini, uye vakaasimudzira sei pamusoro poMutemo wakanyorwa waMosesi? (b) Chaizvoizvo aya magamuchidzanwa akatanga rini, uye nomuuyoi paMutemo waMosesi?
15 Gamuchidzanwa ravo pamusoro paikoku rakati: “Mosesi akagamuchira Mutemo [mashoko omuzasi, “‘Mutemo Unotaurwa’”] paSinai ndokuupa kuna Joshua, uye Joshua kuvakuru, uye vakuru kuna Vaporofita; uye Vaporofita vakaupa kuvanhu veSinagoge Guru.” Pashure penguva yakati mutemo wavo unotaurwa wakakwidzwa kunyange pamusoro poMutemo wakanyorwa: “[Kana] akadarika mashoko oMutemo [wakanyorwa], haana mhaka,” asi kana “akawedzera kumashoko aVanyori [magamuchidzanwa anotaurwa], ane mhaka.” (Mishnah) Magamuchidzanwa avo anotaurwa haana kutanga paSinai. Kutaura idi, akatanga kuungana nokukurumidza zvikuru mazana maviri amakore pamberi paKristu. Vakawedzera, vakabvisa, uye vakarerutsa Mutemo wakanyorwa waMosesi.—Enzanisa naDheuteronomio 4:2; 12:32.
16. Kururama kwaMwari kunouya sei nokuda kworudzi rwomunhu?
16 Kururama kwaMwari kunouya kwete kupfurikidza noMutemo asi kunze kwawo: “Nokuti hakuna nyama ingaruramiswa pamberi pake namabasa omurairo; nokuti zvivi zvinoziviswa nomurairo. Asi zvino kururama kwaMwari kwakaratidzwa kunze kwomurairo, kuchipupurirwa nomurairo navaporofita; ndiko kururama kwaMwari kunouya nokutenda kuna Jesu Kristu kuna vose vanotenda.” (VaRoma 3:20-22) Naizvozvo kururama kwaMwari kunouya nokutenda muna Kristu Jesu—ikoku “kwakapupurirwa [zvikuru] noMutemo naVaporofita.” Mauporofita aMesia akazadzikwa muna Jesu. Iye akazadzikawo Mutemo; wakabviswa munzira kupfurikidza nokuva anorovererwa kudanda rake rokutambudzika.—Ruka 24:25-27, 44-46, NW; VaKorose 2:13, 14; VaHebheru 10:1.
17. Mukuwirirana nomuapostora Pauro, vaJudha vakarasikirwa sei nokuziva kururama kwaMwari?
17 Nokudaro, muapostora Pauro akanyora nezvekundikano yavaJudha mukutsvaka kururama: “Nokuti ndinovapupurira kuti vane shingairo nokuda kwaMwari; asi kwete mukuwirirana nezivo yakarurama; nokuti, nemhaka yokusaziva kururama kwaMwari asi vachitsvaka kutanga kwavo vamene, havana kuzviisa vamene pasi pokururama kwaMwari. Nokuti Kristu ndiye mugumo woMutemo, kuti munhu ari wose ari kushandisa kutenda ave nokururama.” (VaRoma 10:2-4, NW) Pauro akanyorawo nezvaKristu Jesu, kuti: “Uyo, wakanga asingazivi zvivi, wakamuita kuti ave zvivi nokuda kwedu; kuti isu tive kururama kwaMwari maari.”—2 VaKorinte 5:21.
18. “Kristu akarovererwa pa[danda rokutambudzira, NW]” akarangarirwa sei navashandisi vamagamuchidzanwa vechiJudha, vazivi vechiGiriki, uye “avo vari vakadanwa”?
18 VaJudha vakarangarira Mesia anofa sechinhu chenhando chine utera. Vazivi vechiGiriki vakatuka Mesia akadaro soupenzi. Kunyanguvezvo, kuri sokuzivisa kwakaita Pauro, kuti: “Nokuti vaJudha vanokumbira zviratidzo, navaGiriki vanotsvaka uchenjeri; asi isu tinoparidza Kristu, wakarovererwa pa[danda rokutambudzira, NW], chigumbuso kuvaJudha, noupenzi kuvahedheni; asi kuna vakadanwa, vaJudha navaGiriki, Kristu isimba raMwari, nouchenjeri hwaMwari. Nokuti upenzi hwaMwari hunopfuura vanhu nouchenjeri; noutera hwaMwari hunopfuura vanhu nesimba.” (1 VaKorinte 1:22-25) Kristu Jesu iratidzirwo yesimba raMwari nouchenjeri uye mutoo waMwari wokururama noupenyu husingaperi nokuda kworudzi rwomunhu rwunoteerera. “Nokuti hakuna kuponeswa kuno mumwe; nokuti hakuna rimwe zita pasi pedenga, rakapiwa pakati pavanhu, ratingasunungurwa naro.”—Mabasa 4:12.
19. Chii icho nyaya inotevera icharatidza?
19 Nyaya inotevera icharatidza kuti kana tichizopukunyuka ruparadziko ndokuwana upenyu husingaperi, tinofanira kuramba tichitsvaka Umambo hwaMwari nokururama kwake. Ikoko kunofanira kuitwa kwete bedzi kupfurikidza nokuteerera mashoko aJesu asiwo kupfurikidza nokuaita.
Mibvunzo Yehwirudzuro
◻ Vezvorudzidziso vechiJudha vakatendeudzira zvipo zvavo zvetsitsi, minyengetero, uye kuzvinyima zvokudya muchii?
◻ Ndokupi kune nzvimbo yakakotsekana yokuchengetera pfuma yako?
◻ Neiko tichifanira kudzivisa funganyo pamusoro pezvinodikanwa zvedu zvokunyama?
◻ Kutaurai kwenhema uko vaJudha vakaita pamusoro pamavambo amagamuchidzanwa avo anotaurwa?
◻ Umambo hwaMwari nokururama kwake zvinouya kupfurikidza nomutooi?
[Mufananidzo uri papeji 16]
VaFarise vaida kunyengetera vakamira pamakona enzira, pavaigona kuonekwa navanhu