Shandira Kuva Netsika Dzakanaka, Uwane Zvikomborero Zvizhinji
1. Nei zvichibatsira kuti uongorore zvaunogara uchiita mune zvokunamata?
1 Pawakava muKristu, ungangodaro waishanda nesimba kuti urambe uchiita zvinhu zvokunamata zvaisanganisira kudzidza Bhaibheri, kupinda misangano yechiKristu, kuita basa romumunda, uye kunyengetera. Pamusana pokukomborerwa naJehovha pane zvawaiita, wakakura mune zvokunamata. Zvichida patova nemakore akawanda kubva zvawakabhabhatidzwa. Uchiri netsika dzokunamata dzakanaka dzawakatanga panguva yokuva kwako muKristu here?
2. Tinobatsirwa sei nokuverenga Bhaibheri zuva nezuva?
2 Ongorora Zvaunogara Uchiita: Itsika yako here kugara uchiverenga chikamu cheShoko raMwari zuva nezuva? Tinokomborerwa zvikuru kana tikadaro! (Josh. 1:8; Pis. 1:2, 3) Kare muIsraeri, mambo mumwe nomumwe aifanira kuverenga mubhuku rake roMutemo “mazuva ose oupenyu hwake.” Zvaibatsirei? Aizova nomwoyo unozvininipisa odzidza kutya Jehovha kuti arege kutsauka pamirayiro Yake. (Dheut. 17:18-20) Saizvozvowo nhasi, kuverenga Bhaibheri zuva nezuva kunotibatsira kuti tirambe tisina chatinopomerwa uye tisina mhosva munyika ino yakaipa ine uori. Kunotibatsirawo kuti tive vakanyatsogadzirira kuita ushumiri.—VaF. 2:15; 2 Tim. 3:17.
3. Zvikomborero zvipi zvatinowana nokupinda misangano nguva dzose?
3 Jesu aiva netsika yokuenda kusinagogi, uko kwaikurukurwa Magwaro. (Ruka 4:16) Hapana mubvunzo kuti izvi zvakamusimbisa kuti anangane nemiedzo yaaizotambura. Nesuwo tinosimbiswa nemirayiridzo yezvokunamata yatinopiwa pamisangano yeungano uye ‘kukurudzirana’ kwakanaka. (VaR. 1:12) Kuungana pamwe chete nehama dzedu kunotibatsira kuti titsungirire zvinetso zvemazuva ano okupedzisira. (VaH. 10:24, 25) Ichiri tsika yako here kupinda misangano yose?
4. Kuita basa romumunda vhiki nevhiki kunotibatsira sei?
4 Magwaro akafuridzirwa anotiudza kuti vaapostora vaizivisa mashoko akanaka “mazuva ose . . . mutemberi uye paimba neimba.” (Mab. 5:42) Kunyange tingasakwanisa kuparidza mazuva ose, tingaiita tsika yedu here kuita ushumiri vhiki imwe neimwe? Tikadaro, chokwadi tichava nounyanzvi hwokubata Shoko raMwari, uye zvimwe tichava nezvinoitika zvinokurudzira zvikuru nokuzivisa chokwadi cheBhaibheri kune vamwe.
5. Nei zvichikosha kuti tinyengetere kuna Jehovha nguva dzose?
5 Muprofita Dhanieri akakomborerwa zvikuru nokushumira Jehovha “nguva dzose” muupenyu hwake hwose. Izvi zvaisanganisira tsika yokunyengetera nguva dzose kuna Jehovha. (Dhan. 6:10, 16, 20) Saizvozvowo, tikagara tichinyengetera nomwoyo wose kuna Jehovha, achatikomborera nomudzimu mutsvene wake. (Ruka 11:9-13) Kupfuura izvozvo, Jehovha achapindura nokuswedera pedyo nesu, achatibvumira kuva noukama hwapedyo naye. (Pis. 25:14; Jak. 4:8) Ichi chikomborero chakanaka chaizvo! Naizvozvo, ngatishandei nokushingaira kuti tirambe tiine tsika dzokunamata dzakanaka towana zvikomborero zvizhinji kubva kuna Jehovha.