Mapisarema
Kumutungamiriri; runofanira kuimbwa pamwe nezviridzwa zvine tambo. Pisarema raAsafi.+ Rwiyo.
5 Vane mwoyo yakashinga vatorerwa zvinhu zvavo.+
Vabatwa nehope;
Varwi vese hapana zvavaibatsira.+
6 Kutuka kwenyu, haiwa Mwari waJakobho, kwaita kuti
Mutyairi wengoro abatwe nehope pamwe nebhiza rake.+
7 Imi mega ndimi munoshamisa.+
Ndiani angamira kana matsamwa zvikuru?+
8 Makapa mutongo muri kudenga;+
Nyika yakatya uye yakanyarara+
9 Pakasimuka Mwari kuti ape mutongo,
Kuti aponese vanyoro vese vepanyika.+ (Sera)
10 Nekuti hasha dzemunhu dzichaita kuti murumbidzwe;+
Muchazvishongedza nehasha dzavo dzinenge dzasara.
11 Itai mhiko dzenyu kuna Jehovha Mwari wenyu, moita zvamunenge mapika,+
Vese vakamupoteredza ngavauye nechipo chavo vachitya.+
12 Achaninipisa vatungamiriri vanozvikudza;
Anoita kuti madzimambo epanyika atye.