Kumutungamiriri wezviridzwa zvine tambo. Rwiyo rwaAsafi.+ Rumbo.
76 Mwari anozivikanwa pakati paJudha;+
Zita rake iguru pakati paIsraeri.+
2 Nzvimbo yake yokuvanda iri muSarema,+
Nzvimbo yake yokugara iri muZiyoni.+
3 Ikoko akatyora miseve youta inobvira moto,+
Nhoo nebakatwa nezvombo zvokurwa nazvo.+ Sera.
4 Makafukidzwa nechiedza, mune ukuru hunopfuura makomo emhuka dzokubata.+
5 Vakasimba pamwoyo vakapambwa,+
Vakatsimwaira kusvikira vabatwa nehope,+
Hapana kana mumwe wevarume vakashinga vose akagona kusimudza ruoko achirwisa.+
6 Mutyairi wengoro nebhiza racho zvakabatwa nehope huru zvatukwa nemi, haiwa Mwari waJakobho.+
7 Imi—munotyisa kwazvo,+
Ndiani angamira pamberi penyu nokuda kwesimba rokutsamwa kwenyu?+
8 Makaita kuti kutonga kunzwike kubva kudenga;+
Nyika yakatya, ikaramba yakanyarara+
9 Mwari paakasimuka kuti atonge,+
Kuti aponese vanyoro vose vepanyika.+ Sera.
10 Nokuti hasha dzomunhu dzichakurumbidzai;+
Muchazvisunga nehasha dzakasara.
11 Pikai muripe kuna Jehovha Mwari wenyu, imi mose makamupoteredza.+
Ngavauye nechipo vachitya.+
12 Iye achaninipisa vatungamiriri;+
Anotyisa madzimambo enyika.+