Chitsauko 4
Uyo Akapupurirwa Nevaprofita Vose
1. Kurarama kwaJesu asati ava munhu kunoratidzei nezvoukama hwaaiva nahwo naJehovha?
“BABA vanoda Mwanakomana kwazvo uye vanomuratidza zvinhu zvose zvavanoita.” (Johani 5:20) Mwanakomana uyu aiva noukama hwakanaka kwazvo naBaba vake, Jehovha! Kusimba kwoukama ihwohwo kwakatanga panguva yaakasikwa, mamiriyoni nemamiriyoni emakore asati aberekwa kuva munhu. Aiva Mwanakomana waMwari akaberekwa ari mumwe bedzi, iye oga akasikwa zvakananga naJehovha pachake. Zvinhu zvose zviri mudenga nepanyika zvakasikwa pachishandiswa Mwanakomana iyeye wedangwe anodiwa zvikuru. (VaKorose 1:15, 16) Akashandawo seShoko raMwari, kana kuti Mutauriri, Munhu aishandiswa kutaurira vamwe zvaidiwa naMwari. Iyeyu, Mwanakomana ainyanya kudiwa naMwari, akava munhu, Jesu Kristu.—Zvirevo 8:22-30; Johani 1:14, 18; 12:49, 50.
2. Uprofita hweBhaibheri hwakataura nezvaJesu kusvikira papi?
2 Mwanakomana wedangwe waMwari asati anambwa kuva munhu nenzira inoshamisa, uprofita hwakawanda hwakafuridzirwa hwakanyorwa hwaitaura pamusoro pake. Muapostora Petro akapupurira kuna Koneriyasi kuti: “Vaprofita vose vanomupupurira.” (Mabasa 10:43) Basa raJesu rakaratidzwa muBhaibheri kusvikira pokuti ngirozi yakaudza muapostora Johani kuti: “Kupupurira Jesu ndiko kunoparira kuprofita.” (Zvakazarurwa 19:10) Uprofita ihwohwo hwakanyatsomuratidza kuti ndiMesiya. Hwakatsanangura nezvemabasa akasiyana-siyana aaizoita mukuzadzika zvinangwa zvaMwari. Zvose izvi zvinofanira kutifadza zvikuru nhasi.
Zvakaziviswa Nouprofita
3. (a) Muuprofita huri pana Genesi 3:15, ndiani anomiririrwa nenyoka, “mukadzi,” uye ‘mbeu yenyoka’? (b) Nei ‘kukuvadzwa kwenyoka mumusoro’ kwaizokosha zvikuru kuvashumiri vaJehovha?
3 Hwokutanga hwouprofita ihwohwo hwakataurwa pashure pokupanduka kwakaitwa muEdheni. Jehovha akati kunyoka: “Ndichaisa ruvengo pakati pako nomukadzi uye napakati pembeu yako nembeu yake. Achakukuvadza mumusoro newe uchamukuvadza pachitsitsinho.” (Genesi 3:15, NW) Chaizvozvo, uprofita ihwohwo hwaitaurwa kuna Satani, uyo aimiririrwa nenyoka. “Mukadzi” isangano rakavimbika rokudenga raJehovha pachake, rakafanana nomudzimai akavimbika kwaari. ‘Mbeu yenyoka’ inosanganisira ngirozi dzose nevanhu vanoratidza mafungiro aSatani, vaya vanoshora Jehovha nevanhu Vake. ‘Kukuvadzwa mumusoro’ kwenyoka kunoreva kuparadzwa kunozopedzisira kwaitwa mupanduki Satani, akarevera Jehovha nhema dzakaipa ndokuunzira vanhu nhamo huru. Asi ndiani anonyanyomiririrwa ne“mbeu,” uyo achakuvadza wacho? Izvozvo zvakaramba zviri “chakavanzika chitsvene” kwemazana emakore.—VaRoma 16:20, 25, 26.
4. Dzinza remadzitateguru aJesu rakabatsira sei kumuziva kuti aiva Mbeu yakapikirwa?
4 Pashure pemakore anenge 2 000 enhau yevanhu, Jehovha akapa mamwe mashoko. Akazivisa kuti Mbeu yaizobuda mudzinza remhuri yaAbrahamu. (Genesi 22:15-18) Zvisinei, Mwari ndiye aizosarudza dzinza raizouya neMbeu uye ndiye aizosarudza waaida mudzinza racho. Pasinei nokuda kwaiita Abrahamu mwanakomana wake Ishmaeri, akaberekwa naHagari, Jehovha akati: “Sungano yangu ndichaisimbisa naIsaka, uyo wauchaberekerwa naSara.” (Genesi 17:18-21) Gare gare sungano iyoyo yakasimbiswa, kwete kuna Isau, dangwe raIsaka, asi kuna Jakobho, kwakabva madzinza 12 aIsraeri. (Genesi 28:10-14) Nokufamba kwenguva, zvakazoratidzwa kuti Mbeu yaizoberekerwa mudzinza raJudha, mudzinza raDhavhidhi.—Genesi 49:10; 1 Makoronike 17:3, 4, 11-14.
5. Jesu paakatanga ushumiri hwake hwepasi pano, chii chakaita kuti zvive pachena kuti ndiye aiva Mesiya?
5 Zvii zvimwe zvakataurwa zvaizoita kuti Mbeu izivikanwe? Kuchine makore anopfuura 700, Bhaibheri rakati muBheterehema ndimo maizoberekerwa Mbeu yakapikirwa. Rakaratidzawo kuti Mbeu yakanga yagara ichitovako kubvira “pamazuva akare kare,” panguva yaakasikwa mudenga. (Mika 5:2) Nguva chaiyo yaaizooneka panyika saMesiya yakafanotaurwawo, nomuprofita Dhanieri. (Dhanieri 9:24-26) Uye Jesu paakazodzwa nomudzimu mutsvene, achiva chaizvoizvo Akazodzwa waJehovha, inzwi raMwari pachake rakabva kudenga rakamuzivisa soMwanakomana Wake. (Mateu 3:16, 17) Mbeu yakaziviswa! Saka, Firipi aigona kutaura nechivimbo kuti: “Tawana uyo akanyorwa nezvake naMosesi, muMutemo, neVaprofita, Jesu.”—Johani 1:45.
6. (a) Maererano naRuka 24:27, vateveri vaJesu vakasvika pakuzivei? (b) ‘Mbeu huru yomukadzi’ ndiani, uye kukuvadza kwayo musoro wenyoka kunorevei?
6 Zvadaro, vateveri vaJesu vakasvika pakuziva kuti chaizvoizvo makumi ouprofita hwaitaura nezvake akanga anyorwa muMagwaro akafuridzirwa. (Ruka 24:27) Zvakatova pachena kuti Jesu ndiye ‘mbeu huru yomukadzi’, iya ichakuvadza musoro wenyoka, ichiparadza Satani kuti asavapo. Zvipikirwa zvose zvaMwari zvakaitirwa vanhu, zvinhu zvose zvatinotarisira nomwoyo wose, zvichazadzikwa nokuna Jesu.—2 VaKorinde 1:20.
7. Kuwedzera pakuziva Anotaurwa muuprofita, tinobatsirwa nokuzivei zvekare?
7 Kuziva izvi kunofanira kuita kuti tinzwe sei? Bhaibheri rinotaura nezvomukuru mukuru wokuEtiopiya akanga averenga humwe hwouprofita uhu nezvoMudzikinuri naMesiya aizouya. Ashamiswa, akabvunza Firipi muevhangeri kuti: “Muprofita ari kutaura izvi pamusoro paani?” Asi mukuru mukuru wacho haana kusiyira nyaya yacho ipapo paakapindurwa. Anyatsoteerera zvakatsanangurwa naFiripi, murume uyu akaona kuti kuonga uprofita uhwu hwakazadzika kwaida kuti aite chimwe chinhu. Akanzwisisa kuti aifanira kubhabhatidzwa. (Mabasa 8:32-38; Isaya 53:3-9) Ndizvo zvatinoitawo here?
8. (a) Kuedza kwaAbrahamu kupa Isaka kwakafanoratidza chii? (b) Nei Jehovha akaudza Abrahamu kuti marudzi ose aizozvikomborera neMbeu, uye izvi zvinoshanda sei kwatiri nhasi?
8 Fungawo nhoroondo inoorora yokuedza kwaAbrahamu kupa Isaka, Mwanakomana wake mumwe chete waakaberekerwa naSara. (Genesi 22:1-18) Izvozvo zvakafanoratidza zvaizoitwa naJehovha—kupa Mwanakoma wake akaberekwa ari mumwe bedzi: “Mwari akada nyika zvikuru kwazvo zvokuti akapa Mwanakomana wake akaberekwa ari mumwe bedzi, kuti munhu wose anotenda maari arege kuparadzwa asi ave noupenyu husingaperi.” (Johani 3:16) Izvi zvinoita kuti tivimbe kuti Jehovha zvaakapa Mwanakomana wake akaberekwa ari mumwe bedzi kuti azadzike chinangwa Chake, Achati“pawo zvimwe zvinhu zvose.” (VaRoma 8:32) Chii chinodiwa kwatiri? Sezvakanyorwa pana Genesi 22:18, Jehovha akaudza Abrahamu kuti marudzi ose aizozvikomborera neMbeu, ‘nokuti Abrahamu akanga ateerera inzwi raJehovha.’ Isuwo tinofanira kuteerera Jehovha noMwanakoma wake: “Anotenda muMwanakomana ane upenyu husingaperi; asingateereri Mwanakomana haazooni upenyu, asi hasha dzaMwari dzinoramba dziri paari.”—Johani 3:36.
9. Kana tichionga tariro youpenyu husingaperi yakaitwa kuti ivepo nechibayiro chaJesu, chii chatichaita?
9 Kana tichionga tariro youpenyu husingaperi yakaitwa kuti ivepo nechibayiro chaJesu, tichada kuita zvinhu zvatakataurirwa naJehovha achishandisa Jesu. Izvi zvinovakirwa pakuda kwedu Mwari nevavakidzani vedu. (Mateu 22:37-39) Jesu akaratidza kuti kuda kwedu Jehovha kungatiita kuti tide kudzidzisa vamwe “kuchengeta zvinhu zvose [zvatakarayirwa naJesu].” (Mateu 28:19, 20) Uye tinoda kudanana nevatinoshumira navo Jehovha nokugara tichi“ungana” navo. (VaHebheru 10:25; VaGaratiya 6:10) Uyewo, pakuteerera Mwari noMwanakomana wake, hatifaniri kufunga kuti vanoda kuti tive vakakwana. VaHebheru 4:15 inoti Jesu, soMupristi wedu Mukuru, anogona “kunzwira tsitsi kusava nesimba kwedu.” Izvozvo zvinonyaradza chaizvo, kunyanya patinotaura naMwari mumunyengetero nokuna Kristu tichikumbira kukunda kusava nesimba kwedu!—Mateu 6:12.
Tenda Muna Kristu
10. Nei pasina kuponeswa kana pasina Jesu Kristu?
10 Atsanangurira dare repamusoro rechiJudha muJerusarema kuti uprofita hweBhaibheri hwakanga hwazadzika muna Jesu, muapostora Petro akagumisa zvine simba achiti: “Hapana mumwe angaponesa vanhu, nokuti hapana rimwe zita pasi pedenga rakapiwa pakati pevanhu ratinofanira kuponeswa naro.” (Mabasa 4:12) Sezvo vana vose vaAdhamu vari vatadzi, kufa kwavo hakuna ukoshi hungashandiswa kudzikinura ani naani. Asi Jesu akanga akakwana, uye upenyu hwake hwaiva noukoshi hwechibayiro. (Pisarema 49:6-9; VaHebheru 2:9) Akapa Mwari rudzikinuro rwainyatsoenzanirana muukoshi noupenyu hwakakwana hwakanga hwaraswa naAdhamu. (1 Timoti 2:5, 6) Izvi zvakazarura nzira yokuti tiwane upenyu husingaperi munyika itsva yaMwari.
11. Tsanangura kuti chibayiro chaJesu chinogona sei kutibatsira zvikuru.
11 Rudzikinuro rwakatizarurirawo nzira yokuti tibatsirike nezvimwe, kunyange iye zvino. Somuenzaniso, kunyange zvazvo tiri vatadzi, chibayiro chaJesu chinoita kuti tigone kuva nehana yakachena pamusana pokuregererwa zvivi. Izvi zvinopfuura nokure zvakawanikwa nevaIsraeri vachishandisa zvibayiro zvemhuka zvaidiwa noMutemo waMosesi. (Mabasa 13:38, 39; VaHebheru 9:13, 14; 10:22) Zvisinei, kuti tikanganwirwe kudaro zvinoda kuti tizive nokutendeseka madiro atinoita chibayiro chaKristu: “Kana tichitaura kuti: ‘Hatina chivi,’ tiri kuzvitsausa uye chokwadi hachisi matiri. Kana tikareurura zvivi zvedu, iye akatendeka uye akarurama zvokuti anotikanganwira zvivi zvedu nokutichenesa pakusarurama kwose.” (1 Johani 1:8, 9)
12. Nei kunyudzwa mumvura chiri chinhu chinokosha pakuwana hana yakanaka pamberi paMwari?
12 Vatadzi vangaratidza sei kutenda muna Kristu nechibayiro chake? Apo vanhu vomuzana remakore rokutanga vakava vatendi, vakaratidza izvozvo pachena. Sei? Vakabhabhatidzwa. Nei? Nokuti Jesu akarayira kuti vadzidzi vake vose vabhabhatidzwe. (Mateu 28:19, 20; Mabasa 8:12; 18:8) Munhu haangaregi kufambira mberi apo mwoyo wake unenge uchifadzwa nezvatakapiwa naJehovha norudo achishandisa Jesu. Achagadzirisa zvose zvinodiwa muupenyu hwake, ozvitsaurira kuna Mwari mumunyengetero, oratidza kuzvitsaurira kwake nokunyudzwa mumvura. Ano“kumbira hana yakanaka . . . kuna Mwari” nokuratidza kutenda kwake munzira iyi.—1 Petro 3:21.
13. Kana tikaziva kuti takaita chivi, tinofanira kuitei nezvacho, uye nei?
13 Kunyange pashure peizvi, zvinhu zvinoratidza kuti tine zvivi zvichaonekwa. Saka? Muapostora Johani akati: “Ndiri kukunyorerai zvinhu izvi kuti murege kuita chivi. Asi, kana munhu akaita chivi, tine mubetseri ari kuna Baba, Jesu Kristu, akarurama. Uye iye chibayiro cheyananiso nokuda kwezvivi zvedu.” (1 Johani 2:1, 2) Izvi zvinoreva here kuti pasinei nezvatinenge taita, kana tikanyengetera kuti Mwari atikanganwire, zvinhu zvose zvichava zvakanaka? Kwete hazvo. Chinokosha pakukanganwirwa kupfidza kwechokwadi. Tingadawo kubatsirwa nevamwe vari muungano yechiKristu vati kurei uye vane ruzivo rwakakura. Tinofanira kubvuma kuipa kwezvakaitwa tonzwa kuzvidemba pamusoro pazvo zvokuti tinoedza kuita zvose kuti tisazvidzokorora. (Mabasa 3:19; Jakobho 5:13-16) Kana tikaita izvi, tinogona kuva nechokwadi chokubatsirwa naJesu uye chokudzorerwa munyasha dzaJehovha.
14. (a) Tsanangura nzira inokosha yatakabatsirwa nayo nechibayiro chaJesu. (b) Kana tine kutenda zvechokwadi, tichaitei?
14 Chibayiro chaJesu chakavhura nzira youpenyu husingaperi kudenga nokuda kwe“boka duku,” vamwe vembeu inotaurwa pana Genesi 3:15. (Ruka 12:32; VaGaratiya 3:26-29) Chakazarurawo nzira yokuwana upenyu husingaperi pamusoro pepasi rinenge riri paradhiso nokuda kwemabhiriyoni evamwe vanhu. (Pisarema 37:29; Zvakazarurwa 20:11, 12; 21:3, 4) Upenyu husingaperi “chipo chinopiwa naMwari . . . achishandisa Kristu Jesu Ishe wedu.” (VaRoma 6:23; VaEfeso 2:8-10) Kana tichitenda chipo ichocho uye tichionga nzira yachakapiwa nayo, tichaita kuti izvi zvioneke. Kana tichinzwisisa kuti Jehovha akashandisa sei Jesu zvinoshamisa kuti aite kuda Kwake uye kukosha kwazvakaita kuti tose tinyatsotevera tsoka dzaJesu, tichaita kuti ushumiri hwechiKristu huve rimwe remabasa anokosha zvikuru muupenyu hwedu. Kutenda kwedu kuchaonekwa mukutendiswa kwatinoita pakutaurira vamwe nezvechipo ichi chakanaka kwazvo chinobva kuna Mwari.—Mabasa 20:24.
15. Kutenda muna Jesu Kristu kunobatanidza sei vanhu?
15 Kutenda ikoko kunoita kuti vanhu vabatane zvakazonaka! Nakwo, tinoswededzwa pedyo zvikuru naJehovha, noMwanakomana wake, uye kune mumwe nomumwe muungano yechiKristu. (1 Johani 3:23, 24) Kunoita kuti tifare kuti Jehovha akapa Mwanakomana wake “zita riri pamusoro pemamwe mazita ose [kunze kwezita raMwari], kuti muzita raJesu mabvi ose apfugame evari kudenga nevari pasi pano nevari pasi pevhu, uye kuti rurimi rwose runofanira kubvuma pachena kuti Jesu Kristu ndiShe kuti Mwari Baba vapiwe mbiri.”—VaFiripi 2:9-11.
Kudzokorora
• Mesiya paakauya, nei akanyatsozivikanwa nevaya vaitenda Shoko raMwari zvechokwadi?
• Ndezvipi zvimwe zvezvinhu zvatinofanira kuita kuti tiratidze kuonga kwedu chibayiro chaJesu?
• Chibayiro chaJesu chakatotibatsira munzira dzipi? Izvi zvinotibatsira sei patinonyengetera kuna Jehovha kuti atikanganwire zvivi?
[Mufananidzo uri papeji 36]
Jesu akaudza vateveri vake kuti vaifanira kudzidzisa vamwe kuchengeta mirayiro yaMwari