Unoshurikidza Nyika Nokutenda Kwako Here?
“Kupfurikidza nokutenda Noa . . . akavaka areka yokuponeswa kwemhuri yake; uye kupfurikidza nouku kutenda iye akashurikidza nyika.”—VAHEBHERU 11:7, “NW.”
1, 2. Chii chatinogona kudzidza mukunzverwa kwoupenyu hwaNoa?
JEHOVHA akapa Noa nemhuri yake—vasere chete muchiverengero—ropafadzo yokuva vanhu bedzi vokupukunyuka Mafashamo. Upenyu hwavakasara vose vavagari vapanguva imwe chete naNoa hwakapfupikiswa apo Mwari akavatsvairira muguva remvura. Sezvo Noa naizvozvo ari mukare wedu tose, tinofanira kuva vanoonga zvikuru nokuda kwokutenda kwaakashandisa.
2 Tinogona kudzidza zvakawanda mukunzvera upenyu hwaNoa. Magwaro anotiudza chikonzero nei Mwari akamuponesa apo Iye akaparadza vanhu vechizvarwa chaNoa. Chinyorwa chimwe chetechi choumwari chinoratidza zvakajeka kuti chizvarwa chedu chakatarisana norutongeso rwakafanana rwunoitwa naMwari. Pamusoro paikoku, Jesu akati: “Kuchava nedambudziko guru rakadai serisati raitika chifo chapamavambo enyika kusvikira zvino, aiwa, uyewo harisati richizoitikazve.” (Mateo 24:21, NW) Kupfurikidza nokutevedzera kutenda kwaNoa, isu tinogona kuva netariro yechokwadi yokupukunyuka ruparadziko rwuri pedyo rweiyi tsika yakaipa yazvino.—VaRoma 15:4; enzanisa naVaHebheru 13:7.
3. Neiko Jehovha akaunza Mafashamo?
3 Mukati mamakore 1 656 kuvambira pakusikwa kwaAdhama kusvikira kuBoporodzi, vanhu vashomanene zvikuru vakava nechishuvo chokuita zvakanaka. Tsika dzakaderera kusvikira pamwero wakaderera zvikuru kwazvo. “Jehovha wakaona kuti kuipa kwavanhu kwakanga kuri kukuru panyika, nendangariro dzokufunga kwemwoyo yavo dzakanga dzakaipa bedzi nguva dzose.” (Genesi 6:5) Masimba masimba, kutsvaka mifarwa, uye kuvapo kwengirozi dzakapfeka miviri yavanhu idzo dzakaroora vakadzi ndokubereka vana vahombe zvakanga zviri pakati pezvinhu zvakatungamirira kukuitwa kworutongeso rwaMwari panyika iyoyo yakare yorudzi rwavanhu. Kuna Noa, Jehovha akati: “Mugumo wenyama yose wasvika pamberi pangu, nemhaka yokuti pasi rakazara namasimba masimba somuuyo wavo.” Shiviriro yoMusiki, “Mutongi wapasi pose,” yakanga yapera.—Genesi 6:13; 18:25, NW.
Noa Akafamba naMwari
4. (a) Jehovha akarangarira sei Noa, uye nei? (b) Nepo ruramisiro yaMwari yakaraira ruparadziko rwenyika iyoyo yakaipa, rudo rwake rwakaratidzirwa sei nokuda kwaNoa nemhuri yake?
4 Noa akanga akasiana sei navanhu vomuzuva rake! Iye “akawana tsitsi pamberi paJehovha. . . . Noa wakanga ari munhu wakarurama, asine mhosva mumarudzi ake; Noa akafamba naMwari.” (Genesi 6:8, 9) Noa akafamba seiko naMwari? Kupfurikidza nokuita zvinhu zvakarurama zvakadai sokuparidzira somutsigiri wokururama nokuvaka areka mukutenda neteerero. Nokudaro, kunyange zvazvo nyika iyoyo yakare yakaparadzwa nemhaka yokuti yakanga yakaipa chose chose, Mwari “akachengeta Noa, muparidzi wokururama, akakotsekana navamwe vanomwe apo akaunza boporodzi panyika yavanhu vasina umwari.” (2 Petro 2:5, NW) Hungu, Mwari wedu ane rudo naakarurama, Jehovha, haana kuparadza vakarurama pamwe navakaipa. Iye akaraidza Noa kuvaka areka hombe yokuponeswa kwake amene, mhuri yake, uye chiverengero chakati chemhuka, zvose zvokugarazve pasi pashure peBoporodzi. Uye Noa “akaita saizvozvo chaizvo.”—Genesi 6:22, NW.
5. Magwaro anorondedzera sei kururama kwaNoa nokutenda?
5 Areka yapedzwa, Mwari akaudza Noa, kuti: “Pindai muareka, iwe nemhuri yako yose; nokuti ndakuona iwe kuti wakarurama pamberi pangu parudzi urwu.” Pauro anopeta zvinhu neiyi nzira: “Nokutenda Noa wakati anyeverwa pamusoro pezvinhu zvichigere kuonekwa, akagadzira areka nokutya Mwari, kuti aponese mhuri yake; akapa nyika mhosva nazvo, akagara nhaka yokururama kunouya nokutenda.”—Genesi 7:1; VaHebheru 11:7.
6. Noa akashurikidza sei nyika yezuva rake nokutenda kwake?
6 Noa aiva nokutenda kwakatanhamara. Iye akadavira izvo Mwari akataura pamusoro pokuparadzanya chizvarwa ichocho. Noa aiva nokutya kwakanaka kwokusafadza Jehovha uye akavaka areka nokuteerera mukuwirirana nemirairo yakapiwa naMwari. Uyezve, somuparidzi wokururama, Noa akaudza vamwe pamusoro poruparadziko runouya. Kunyange zvazvo ivo vasina kuteerera mashoko ake, iye akaramba kurega nyika iyoyo yakaipa ‘ichimumanikidzira muchimiro chayo.’ (VaRoma 12:2, Phillips) Panzvimbo pezvo, kupfurikidza nokutenda kwake, Noa akashurikidza nyika nokuda kwouipi hwayo ndokuratidza kuti iyo yaifanirwa noruparadziko. Teerero yake namabasa okururama zvakaratidzira kuti vamwe kunze kwake nemhuri yake vangadai vakapukunyuka kudai vakanga vave vari vanodisa kuchinja mutoo wavo woupenyu. Zvamazvirokwazvo, Noa akabvumikisa kuti, pasinei zvapo nedzvinyiriro dzinobva kunyama yake amene isina kukwana, nyika yakaipa yakamupoteredza, uye Dhiabhorosi, kwakanga kuchibvira kurarama upenyu hwaifadza Mwari.
Chikonzero Nei Mwari Achaparadza Tsika Ino
7. Tinoziva sei kuti tiri kurarama mumazuva okupedzisira?
7 Makore gumi mamwe namamwe ezana rino ramakore rechi 20 akaona nyika ichinyura zvikuru muuipi. Ikoku kwave kuri kwechokwadi zvikurukuru chibviro chamavambo eHondo yeNyika I. Rudzi rwomunhu rwazova rwakanyura kwazvo muzvinhu zvakadai soutere hwevatano, utsotsi, masimba masimba, hondo, ruvengo, makaro, uye kushandiswa kusakafanira kweropa zvokuti avo vanoda chiri chakarurama vanoshamisika kana migariro sezvinobvira ichigona kuipa zvikuru. Bva, Bhaibheri rakadeya kutaura kukura muchizvarwa chedu kwouipi hukuru, kuchipa chimwe chitendiso chokuti tiri mu“mazuva okupedzisira.”—2 Timotio 3:1-5; Mateo 24:34.
8. Chii chakataura vamwe pamusoro pokuziva chivi?
8 Nhasi, murangariro wechivi wakapfaviswa mundangariro dzavoruzhinji zvikuru. Anopfuura makore 40 apfuura, Pope Pius XII akati: “Chivi chezana rino ramakore kurasikirwa nepfungwa yose yechivi.” Chizvarwa chazvino chinoramba kubvuma chivi nokuva nemhaka. Mubhuku rake Whatever Became of Sin? Dr. Karl Menninger akati: “Shoko rimene rokuti ‘chivi’. . . radokuva rakanyangarika—shoko racho, pamwe chete nomurangariro. Neiko? Ko munhu upi noupi haasati achatadzazve here?” Vazhinji vakarasikirwa nesimba rokusianisa chakarurama nechisakarurama. Asi hatishamiswi naikoku, nokuti Jesu akadeya kutaura zvinoitika zvakadaro pakukurukura ‘chiratidzo chokuvapo kwake’ mu“nguva yomugumo.”—Mateo 24:3; Dhanieri 12:4, NW.
Muenzaniso Worutongeso Wakagadzwa Muzuva raNoa
9. Jesu akaenzanisa sei zuva raNoa nezvaizoitika mukati mokuvapo Kwake?
9 Jesu akaenzanisira zvinoitika zvezuva raNoa neizvo zvaizoitika mukati mokuvapo Kwake musimba roUmambo, kutanga muna 1914. Iye akati: “Kungofanana nezvazvakanga zvakaita pamazuva aNoa, ndizvo zvazvichaitawo pakuvapo kwoMwanakomana womunhu [Jesu]. Nokuti sezvavakanga vakaita mumazuva iwayo pamberi pomurove, vaidya nokunwa, varume vachiroora navakadzi vachiroodzwa, kusvikira zuva iro Noa akapinda naro muareka; uye havana kucherechedza kusvikira murove wasvika ukavaparadza vose, ndizvo zvichaitawo pakuvapo kwoMwanakomana womunhu.”—Mateo 24:37-39, NW.
10. Vanhu vose zvavo havacherechedzi sei zvinoitika zvinokosha zvinobatanidzwa nokuvapo kwaKristu?
10 Hungu, somuzuva raNoa, vanhu nhasi havacherechedzi. Zvavakabatikana zvikuru nokurarama kwezuva riri rose nezvirondwa zvoudyire, ivo vanoramba kuziva kuti migariro yazvino yakasiana zvikuru kwazvo neiyo yomunguva yakapfuura ndokukodzera chaizvoizvo izvo Jesu akati zvaizoratidzira nguva yomugumo. Kwamakore, Zvapupu zvaJehovha zvave zvichiudza chizvarwa chazvino kuti kuvapo kwaJesu saMambo wouMesia mudenga kwakavamba muna 1914 uye kunovambirana ne“mhedziso yetsika yezvinhu.” (Mateo 24:3, NW) Vanhu vazhinjisa vanoseka shoko roUmambo, asi kunyange ikoku kwakadeya kutaurwa apo muapostora Petro akanyora, kuti: “Zivai izvi pakutanga, kuti mumazuva okupedzisira muchauya vaseki nokuseka kwavo, vachipfuurira mukuwirirana noruchiva rwavo vamene vachiti: ‘Kuripiko kuvapo kwake ikoku kwakapikirwa? Chokwadi, kubvira pazuva rakavata madzibaba edu murufu, zvinhu zvose zvinongoramba zvakaita sezvazvakanga zvakaita chaizvoizvo kubvira pamavambo echisiko.’”—2 Petro 3:3, 4, NW.
11. Nei chizvarwa chanhasi chichava chisina pembedzo apo dambudziko guru rinosvika?
11 Bva, chizvarwa chanhasi chichava chisina pembedzo apo dambudziko guru rinosvika. Neiko? Nemhaka yokuti kune nhauro dzeBhaibheri dzamarutongeso oumwari akare ayo akagadza muenzaniso weizvo Mwari achaita muzuva redu. (Judhasi 5-7) Uporofita hweBhaibheri huri kuzadzika pamberi chaipo pameso avo hunoratidza chose chose patiri mukufamba kwenguva. Chizvarwa chino chinewo pamberi pacho mubato wokuparidzira weZvapupu zvaJehovha nechinyorwa chavo chokuchengeta perero chakafanana nechecho chaNoa.
12. Chaizvoizvo, Petro anoenzanisa sei ruparadziko rwenyika yomuzuva raNoa nourwo ruchauya pa“matenga nenyika izvo zviripo zvino”?
12 Petro anotsanangura chichaitika kuavo vasingacherechedzi maidi iwawa. Kufanana naJesu, muapostora wacho anoita saizvozvo kupfurikidza nokunongedzera kuchakaitika muzuva raNoa, achiti: “Vanokanganwa nebwoni chinhu ichi, kuti kare denga raivapo nenyika yakabudiswa mumvura, yakaitwa nemvura neshoko raMwari; nazvo nyika, yaivapo, yakafukidzwa nemvura ikaparadzwa; asi denga, riripo zvino rakavigirwa mwoto neshoko irero, zvinochengetererwa zuva rokutonga, nerokuparadzwa kwavanhu vasingadi Mwari.”—2 Petro 3:5-7.
13. Nemhaka yezvinoitika zvakakomba zviri mberi, izanoi rinobva kuna Petro rinofanira kuteererwa?
13 Nourwu rutongeso rune chokwadi rwaMwari rwakatitarisa muchiso, tisanyengerwa kana kuti kutyisidzirwa navaseki. Hatidikanirwi kugoverana mugumo wavo. Petro anopa zano, achiti: “Izvi zvose zvichaparadzwa saizvozvo, imi munofanira kuva vanhu vakadiniko pamufambiro wenyu mutsvene nokunamata Mwari, imi munotarira nokushuvawo kwazvo kuuya kwezuva raMwari; naro denga richaparadzwa nokutsva nezvedenga zvichanyauka zvichipiswa. Asi sezvaakapikira, tinotarira denga idzva nenyika itsva, munogara kururama mazviri.”—2 Petro 3:11-13.
Tevedzera Kutenda kwaNoa Nokuda Kwepukunyuko
14. Mibvunzoi inogona kutibetsera kuzvikamuranisa timene?
14 Nhasi, takatarisana nedenho dzimwe chetedzo seidzo dzakatarisana naNoa nemhuri yake mukuva nokuramba vari vapukunyuki. Kufanana naNoa, Zvapupu zvaJehovha zviri kushurikidza nyika nokutenda kwazvo kunotsigirwa namabasa akanaka. Asi mumwe nomumwe wedu angazvibvunza amene, kuti: ‘Ini pachangu ndiri kuita sei? Kudai dambudziko guru rikasvika mangwana, ko Mwari aizondirangarira kuva akafanirwa nepukunyuko here? Kufanana naNoa, uyo “akazvibvumikisa amene kuva asina mhaka pakati pavagari vake vapanguva imwe cheteyo,” ndine here ushingi hwokuva akasiana nenyika? Kana kuti pane dzimwe nguva kwakaoma here kuziva musiano pakati pangu nomunhu wenyika nemhaka yenzira yandinoita nayo, kutaura, kana kuti kupfeka?’ (Genesi 6:9, NW) Jesu akati nezvavadzidzi vake: “Ivo havasati vari rutivi rwenyika, kungofanana neni ndisiri rutivi rwenyika.”—Johane 17:16, NW; enzanisa na 1 Johane 4:4-6.
15. (a) Mukuwirirana na 1 Petro 4:3, 4, tinofanira kurangarira sei kufunga nomufambiro zvedu zvenyika zvakare? (b) Chii chatinofanira kuita kana tichitsoropodzwa nedzaichimbova shamwari dzenyika?
15 Petro anopa zano, achiti: “Nokuti nguva yakapfuura yakaringana yokuita kuda kwavahedheni, nokufamba noutere, nokuchiva, nokunwa waini, nokutamba kwakaipa, namabira, nokunamata zvifananidzo zvisakafanira; vanoshamiswa nechinhu ichi, kuti hamufambidzani navo pakusazvidzora kwavo uku kwakawanda, vachikureverai zvakaipa.” (1 Petro 4:3, 4) Dzaichimbova shamwari dzako dzenyika dzingakutuka nemhaka yokuti uri kufamba naMwari uye hausati uchafamba navo. Asi, kufanana naNoa, unogona kuvashurikidza nokutenda kwako namabasa akanaka anoitwa nomwero.—Mika 6:8.
16. Mwari akarangarira sei Noa, uye mibvunzoi ingatibetsera kunzvera mifungo yedu nomufambiro?
16 Mwari akarangarira Noa kuva munhu akarurama. Teteguru akatendeka iyeyo “akawana nyasha mumeso aJehovha.” (Genesi 6:8, NW) Apo unonzvera mifungo yako nomufambiro nebetsero yemipimo yaMwari, unonzwa here kuti anotendera zvauri kuita, panzvimbo dzose dzaunoenda? Pane dzimwe nguva unopinda here muvaraidzo yakaipa, zvino yakapararira kwazvo? Shoko raMwari rinotaura kuti tinofanira kufunga pamusoro pezvinhu zvakachena, zvakanaka, uye zvinovaka. (VaFiripi 4:8) Uri kufunda nokushingaira here Shoko raMwari kuti ugo‘rovedza masimba ako enzwisiso kusianisa zvose zviri zviviri chakarurama nechisina kururama’? (VaHebheru 5:14) Unoramba here vasonganiri vakashata ndokuda songanirano navanamati biyako vaJehovha pamisangano yechiKristu napadzimwe nhambo?—1 VaKorinte 15:33; VaHebheru 10:24, 25; Jakobho 4:4.
17. SeZvapupu zvaJehovha, tinogona sei kuva vakafanana naNoa?
17 Pashure pokushuma pamusoro pokupedzwa kweareka, Magwaro anoti: “Noa akaita saizvozvo; sezvaakarairwa naMwari, wakaita zvose saizvozvo.” (Genesi 6:22) Murume iyeyo woumwari aishingairawo mukuparidzira sechapupu chaJehovha. Kufanana naNoa, iwe unogona kuva mutsigiri akasimba wechiri chakarurama somuparidzi wenguva dzose wokururama. Pfuurira mukuzivisa nyevero yomugumo wenyika ino yakaipa, kunyange zvazvo vashomanene vachiteerera. Shanda wakabatana navatendi biyako kupedza basa rokuita vadzidzi mugumo usati wasvika.—Mateo 28:19, 20.
18. Jehovha ari kusarudza vanofanira kupukunyuka dambudziko guru pahwaroi?
18 Achishandisa mipimo mimwe cheteyo yakarurama neyakanaka sezvo iye akaita muzuva raNoa, Mwari zvino ari kusarudza vachapukunyuka uye vanofanira kuparara mukati medambudziko guru. Jesu akafananidza basa razvino rokukamuranisa nokuparadzanisa kwomufudzi makwai achibva mumbudzi. (Mateo 25:31-46) Vanhu vanonangidzira upenyu hwavo pazvishuvo zvoudyire nezvirondwa havadi kuti nyika yakare igume uye havasati vachizopukunyuka. Asi avo vanodzivisa kubatanidzwa mutsvina yenyika ino, vanochengeta kutenda kwakasimba muna Mwari, uye avo vanoramba vachiparidzira shoko roUmambo, vachizivisa nyevero yorutongeso rwuri kuuya rwaJehovha, vachafarikanya nyasha dzoumwari savapukunyuki. Jesu akati: “Nenguva iyo vaviri vachava mumunda, mumwe uchatorwa, mumwe akasiyiwa. Vakadzi vaviri vachakuya paguyo rimwe, mumwe uchatorwa, mumwe akasiyiwa.”—Mateo 24:40, 41; 2 VaTesaronika 1:6-9; Zvakazarurwa 22:12-15.
Gara Nhaka Zvikomborero naNoa
19. Kuunganidzai uko Isaya naMika vakadeya kutaura nokuda kwamazuva okupedzisira?
19 Mumauporofita anowirirana, vaporofita vaMwari Isaya naMika vose vari vaviri vakarondedzera chaizoitika mukati mamazuva okupedzisira. Ivo vakadeya kuona chatinoona chichizadzikwa nhasi—dirano yavanhu vane mwoyo wakarurama vachibuda munyika yekare uye vachikwira kugomo rokufananidzira renamato yechokwadi. Kuvamwe ivo vanopa kokero, inoti: “Uyai, imi vanhu, uye ngatikwirei kugomo raJehovha, kuimba yaMwari waJakobho; uye iye achatiraidza pamusoro penzira dzake, uye tichafamba munzira dzake.” (Isaya 2:2, 3, NW; Mika 4:1, 2) Iwe uri kufamba neiri boka rinofara here?
20. Zvikomboreroi zvichafarikanywa naavo vanoshurikidza nyika nokutenda kwavo?
20 Isaya naMika vakadudzawo zvikomborero zvichafarikanywa naavo vanoshurikidza nyika nokutenda kwavo. Rugare rwechokwadi neruramisiro zvichatekeshera pakati pavo, uye ivo havasati vachizodzidzazve hondo. Ivo vachava netariro yechokwadi yenhaka inobva kuna Jehovha uye vacha“gara, mumwe nomumwe pasi pomuzambiringa wake napasi pomuonde wake.” Asi munhu mumwe nomumwe anofanira kuita chisarudzo chakasimba, nokuti Mika anoratidza kuti nzira mbiri dzinobvira, achiti: “Nokuti marudzi ose avanhu anofamba, rumwe norumwe nezita ramwari warwo; asi isu, nokuda kwedu, tichafamba nezita raJehovha Mwari wedu nokusingaperi-peri.”—Mika 4:3-5, NW; Isaya 2:4.
21. Iwe unogona sei kugoverana muchikomborero chakaisvonaka choupenyu husingagumi pasi pano?
21 Magwaro anoratidza zvakajeka chinodikanwa kupukunyuka dambudziko guru: kutenda kwakasimba. Noa aiva nokutenda kwakadaro, asi unako here? Kana unako, kufanana naye uchava “mudyi wenhaka wokururama uko kuri mukuwirirana nokutenda.” (VaHebheru 11:7, NW) Noa akapukunyuka ruparadziko rwakarairwa naMwari urwo rwakauya pachizvarwa chake. Iye haana kungorarama bedzi kwamakore 350 pashure paMafashamo asi iye achamutswa ane tariro yokurarama pasi pano nokusingaperi. Chikomborero chakaisvonaka zvakadini! (VaHebheru 11:13-16) Iwe unogona kugoverana muchikomborero ichocho naNoa, mhuri yake, uye mamirioni avamwe vanoda kururama. Seiko? Kupfurikidza nokutsungirira kusvikira kumugumo nokushurikidza nyika nokutenda kwako.
Unoyeuka Here?
◻ Neiko kufundwa kwoupenyu hwaNoa kuchikosha nokuda kwamaKristu?
◻ Vanhu vechizvarwa chino havacherechedzi chii, kuchitungamirira kuruparadziko rwavo?
◻ Kufanana naNoa, tinogona sei kushurikidza nyika ino?
◻ Tinogona sei kuva vakafanana naNoa somuparidzi wokururama?