Mika
Gomo reimba yaJehovha+
Richanyatsosimbiswa pamusoro pemakomo,
Uye richakwidziridzwa kupfuura zvikomo,
Uye marudzi achadirana achienda kwariri.+
2 Marudzi mazhinji achaenda, oti:
“Uyai, ngatikwirei kugomo raJehovha
Uye kuimba yaMwari waJakobho.+
Iye achatirayiridza nezvenzira dzake,
Uye isu tichafamba mumakwara ake.”
Nekuti mutemo* uchabuda muZiyoni,
Uye shoko raJehovha richabuda muJerusarema.
Vachapfura mapakatwa avo kuti ave miromo yemagejo
Nemapfumo avo kuti ave mapanga ekuchekerera miti.+
Rudzi haruzosimudziri rumwe rudzi bakatwa,
Uye havazodzidzi kurwa zvakare.+
4 Mumwe nemumwe achagara pasi pemuzambiringa wake nepasi pemuonde wake,+
Uye hapana achaita kuti vatye,+
Nekuti muromo waJehovha wemauto wataura.
5 Nekuti rudzi rumwe nerumwe ruchafamba nezita ramwari warwo,
Asi isu tichafamba nezita raJehovha Mwari wedu+ nariini nariini.
6 “Pazuva iroro,” ndizvo zvinotaurwa naJehovha,
“Ndichaunganidza vaya vaikamhina,
Uye ndichaunganidza vaya vakapararira,+
Pamwe chete nevaya vandakarwadzisa.
7 Ndichaita kuti pane vaya vaikamhina pave nevanosara,+
Uye ndichaita kuti vaya vakaendeswa kure vave rudzi rune simba;+
Uye Jehovha achava mambo wavo achivatonga ari muGomo reZiyoni,
Kubva zvino zvichienda mberi uye nekusingaperi.
8 Asi iwe shongwe yekurinda zvipfuwo,*
Chikomo chemwanasikana weZiyoni,+
Umambo huchauya kwauri, ihwo umambo hwekutanga,*+
Umambo hwemwanasikana weJerusarema.+
9 Zvino nei uri kushevedzera nenzwi riri pamusoro?
Hauna mambo here,
Chipangamazano wako aparara here,
Zvawava kutorwadziwa kudaro semukadzi ari kusununguka?+
10 Iwe mwanasikana weZiyoni, bhidhirika uye gomera
Semukadzi ari kusununguka,
Nekuti iye zvino wava kubva muguta uchinogara musango.
Uchanosvika kuBhabhironi,+
Uye uchanunurwa ikoko;+
Jehovha achakudzikinura mumaoko evavengi vako ikoko.+
11 Zvino uchaunganirwa nemarudzi mazhinji;
Achati, ‘Ngaasvibiswe,
Uye regai maziso edu aone zvinhu izvi zvichiitika kuZiyoni.’
12 Asi iwo haazivi kuti Jehovha ari kufungei,
Haanzwisisi chinangwa chake;
Nekuti achaaunganidza sezvirimwa zvichangobva kuchekwa zviri kuendeswa paburiro.*
13 Simuka upure, iwe mwanasikana weZiyoni;+
Nekuti ndichachinja nyanga dzako kuti dzive dzesimbi,
Uye ndichachinja mahwanda ako kuti ave emhangura,
Uye uchakuya marudzi mazhinji.+
Uchapa Jehovha pfuma yaiwanikwa nemarudzi acho achibiridzira,
Uye uchapa zvinhu zvawo zvese kuna Ishe wechokwadi uye wenyika yese.”+