Isaya
2 Izvi ndizvo zvakaonekwa naIsaya mwanakomana waAmozi pamusoro peJudha neJerusarema:+
Gomo reimba yaJehovha
Richanyatsosimbiswa pamusoro pemakomo,+
Uye richakwidziridzwa kupfuura zvikomo,
Uye marudzi ese achadirana achienda kwariri.+
3 Uye marudzi mazhinji achaenda, oti:
“Uyai, ngatikwirei kugomo raJehovha,
Kuimba yaMwari waJakobho.+
Iye achatirayiridza nezvenzira dzake,
Uye isu tichafamba mumakwara ake.”+
Vachapfura mapakatwa avo kuti ave miromo yemagejo
Nemapfumo avo kuti ave mapanga ekuchekerera miti.+
Rudzi haruzosimudziri rumwe rudzi bakatwa,
Uye havazodzidzi kurwa zvakare.+
6 Nekuti makasiya vanhu venyu, iyo imba yaJakobho,+
Nekuti vazara nezvinhu zvinobva kuMabvazuva;
Vanoita zvemashiripiti+ sevaFiristiya,
Uye vazere nevana vevanhu vekune dzimwe nyika.
7 Nyika yavo yakazara nesirivha negoridhe,
Uye pfuma yavo haiperi.
Nyika yavo yakazara nemabhiza,
Uye ngoro dzavo hadziperi.+
8 Nyika yavo yakazara navanamwari vasina zvavanobatsira.+
Vanokotamira basa remaoko avo,
Zvinhu zvakagadzirwa neminwe yavo.
9 Saka munhu anozvideredza, odzika pasi,
Uye hazviiti kuti muvaregerere.
Jehovha chete ndiye achakwidziridzwa zuva iroro.
12 Nekuti izuva raJehovha wemauto.+
Riri kuuya pamunhu wese anozvikudza uye anozvionera pamusoro,
Pamunhu wese pasinei nekuti akakwirira kana kuti akaderera,+
13 Pamisidhari yese yekuRebhanoni mirefu uye yakakwirira
Nepamiti yese yemioku yekuBhashani,
14 Pamakomo ese marefu
Nepazvikomo zvese zvakakwirira,
15 Pashongwe yese yakakwirira neparusvingo rwese rwakasimba,
16 Pangarava dzese dzeTashishi+
Nepazvikepe zvese zvakanaka.
Jehovha chete ndiye achakwidziridzwa zuva iroro.
18 Vanamwari vasina zvavanobatsira vachanyangarika zvachose.+
19 Vanhu vachapinda mumapako ematombo
Nemumakomba ari pasi,+
Nemhaka yekutyisa kwaJehovha
Uye kubwinya kwake kukuru,+
Panguva yaanosimuka kuti adederese nyika nekutya.
20 Pazuva iroro varume vachatora vanamwari vavo vasina zvavanobatsira vesirivha negoridhe
Avo vavakagadzira kuti vavakotamire
Vovakandira kumidune* nezviremwaremwa,+
21 Kuti vapinde mumakomba ari mumatombo
Uye mumikaha yemabwe,
Nemhaka yekutyisa kwaJehovha
Uye kubwinya kwake kukuru,
Paanosimuka kuti adederese nyika nekutya.
22 Kuti zvikunakirei, regai kuvimba nemunhuwo zvake
Uyo anongovawo mhepo yekufema iri mumhino dzake.*
Nei achifanira kufungwa nezvake?