Chitsauko 7
Zvatinodzidza Mukubvumira kwaMwari Uipi
1, 2. (a) Kudai Jehovha akanga akurumidza kuparadza vapanduki muEdheni, zvingadai zvakafamba sei kwatiri? (b) Jehovha akatiitira urongwa hwei hunoratidza rudo?
“MAZUVA amakore oupenyu hwangu akanga ari mashoma hawo, akaipa,” akadaro tateguru Jakobho. (Genesi 47:9) Saizvozvowo, Jobho akataura kuti munhu “une mazuva mashoma azere nokutambudzika.” (Jobho 14:1) Kufanana navo, vakawanda vedu takasangana nezvinetso, kusaruramisirwa, kunyange njodzi. Asi, kuberekwa kwedu kwakanga kusiri kusaruramisira kwaMwari. Ichokwadi kuti hatina pfungwa nemiviri zvakakwana uye musha weParadhiso zvaiva naAdhamu naEvha pakutanga. Asi ko kudai Jehovha akanga avauraya pakarepo pavakapanduka? Kunyange zvazvo kwaizova kusina urwere, kusuwa, kana rufu, kwaizodai kusinawo dzinza revanhu. Tingadai tisina kuberekwa. Nenzira yengoni, Mwari akabvumira Adhamu naEvha nguva yokubereka vana, kunyange zvazvo ivava vakagara nhaka yokusakwana. Uye achishandisa Kristu, Jehovha akaita kuti pave nenzira yokuti isu tiwanezve chakanga charaswa naAdhamu—upenyu husingaperi mupasi riri paradhiso.—Johani 10:10; VaRoma 5:12.
2 Zvinokurudzira kwazvo kuti tikwanise kutarisira kurarama nokusingaperi munyika itsva muParadhiso, matinenge tisingacharwari, tisingachasuwi, tisingacharwadziwi, uye tisingazofi, uyewo munenge musisina vanhu vakaipa! (Zvirevo 2:21, 22; Zvakazarurwa 21:4, 5) Asi kubva pane zvakanyorwa muBhaibheri, tinodzidza kuti kunyange zvazvo kuponeswa kwedu kuchikosha zvikuru kwatiri uye kuna Jehovha, pane chimwe chiripo chinotokosha kupfuura izvozvo.
Nokuda Kwezita Rake Guru
3. Chii chinobatanidzwa maererano nokuzadzika kwechinangwa chaJehovha nokuda kwepasi nevanhu?
3 Zita raMwari rinobatanidzwa mukuzadzika kwechinangwa chake nokuda kwepasi nevanhu. Zita iroro rokuti Jehovha rinoreva kuti “Anoita Kuti Zvive Sezvaanoda.” Saka zita rake rinosanganisira mukurumbira waanawo saChangamire Wezvose, Muiti Wechinangwa, uye Mwari wechokwadi. Pamusana pechinzvimbo china Jehovha, rugare nokubudirira kwezvose zvakasikwa zvinoda kuti zita rake nezvarinosanganisira zviremekedzwe zvakazara sezvarinokodzera uye kuti vanhu vose vamuteerere.
4. Chinangwa chaJehovha nokuda kwepasi chaisanganisirei?
4 Apedza kusika Adhamu naEvha, Jehovha akavapa basa rokuita. Akajekesa kuti chinangwa chake chaisangova chokuti vadzore pasi rose—nokudaro vachiwedzera miganhu yeParadhiso—asi kurizadza nevana vavo. (Genesi 1:28) Chinangwa ichi chaizokundikana pamusana pechivi chavo here? Zita raJehovha wemasimba ose raizozvidzwa kwazvo kudai akatadza kuzadzika chinangwa chake nokuda kwepasi nevanhu!
5. (a) Kana vanhu vokutanga vaizodya muchero womuti wokuziva zvakanaka nezvakaipa, vaizofa rini? (b) Jehovha akazadzika sei shoko rake riri pana Genesi 2:17 uku asingaregi kuita chinangwa chake nokuda kwepasi?
5 Jehovha akanga ayambira Adhamu naEvha kuti kana vaizorega kuteerera vodya muchero womuti wokuziva zvakanaka nezvakaipa, vaizofa “nomusi” wavaizoudya. (Genesi 2:17) Maererano nezvaakataura, Jehovha akaita kuti vape chikonzero chezvavakanga vaita musi chaiwo wavakaita chivi akabva avapa mutongo worufu. Mumaonero aMwari, Adhamu naEvha vakafa musi iwoyo. Zvisinei, kuti aite chinangwa chake nokuda kwepasi Jehovha akavabvumira kuva nemhuri vasati vafa, kufa chaikoiko. Kunyange zvakadaro, sezvo Mwari achigona kuona makore 1 000 sezuva rimwe, pakaguma upenyu hwaAdhamu ava nemakore 930, wakanga uri “musi” mumwe chete. (2 Petro 3:8; Genesi 5:3-5) Saka kutaura chokwadi kwaJehovha kwakatsigirwa panyaya yokuti chirango chaizopiwa rini, uye chinangwa chake nokuda kwepasi hachina kutadziswa nokufa kwavo. Asi, kwenguva yakati, vanhu vasina kukwana, kusanganisira vakaipa, vakatenderwa kurarama.
6, 7. (a) Maererano naEksodho 9:15, 16, Jehovha anoregererei vakaipa varipo kwenguva yakati? (b) Simba raJehovha rakaratidzwa sei kuna Farao, uye zita Rake rakaitwa sei kuti rizivikanwe? (c) Chii chichaitika panoguma nyika yakaipa iripo zvino?
6 Zvakataura Jehovha kumutongi weIjipiti mumazuva aMosesi zvinoratidza zvakare kuti nei Mwari akabvumira vakaipa kuti varambe varipo. Farao paakarambidza vanakomana vaIsraeri kubuda muIjipiti, Jehovha haana kubva angomuuraya. Munyika yacho makaitika Matambudziko gumi, achiratidza simba raJehovha munzira dzinoshamisa. Achiyambira nezvedambudziko rechinomwe, Jehovha akaudza Farao kuti Aidai akamuparadza nevanhu vake panyika nyore nyore. “Asi zvirokwazvo,” akadaro Jehovha, “ndakakuraramisa nokuda kwaizvozvo, kuti ndikuratidze simba rangu, uye kuti zita rangu rikurumbire kunyika dzose.”—Eksodho 9:15, 16.
7 Jehovha paakanunura vaIsraeri, zvechokwadi kuzivikanwa kwezita rake kwakasvika kure. (Joshua 2:1, 9-11) Nhasi, anoda kusvika makore 3 500 kubva ipapo, zvaakaita kare ikako hazvina kukanganwika. Harisi zita rake rokuti Jehovha rakaziviswa chete asiwo chokwadi pamusoro paIye ane zita iroro. Izvi zvakasimbisa mukurumbira waJehovha saMwari anochengeta zvipikirwa zvake uye anoita chimwe chinhu achirwira vanhu vake. (Joshua 23:14) Zvakaratidza kuti pamusana pesimba rake guru guru, hapana chinogona kumisa chinangwa chake. (Isaya 14:24, 27) Saka tinogona kuva nechivimbo chokuti achakurumidza kuita chimwe chinhu nokuda kwevashumiri vake vakatendeka nokuparadza nyika yose yakaipa yaSatani. Simba guru guru nembiri zvinopiwa zita raJehovha hazvizombokanganwiki. Kubatsira kwacho hakuzogumi.—Ezekieri 38:23; Zvakazarurwa 19:1, 2.
‘Haiwa Ukuru Hwouchenjeri hwaMwari!’
8. Pauro anotikurudzira kufunga nezvezvinhu zvipi?
8 Mutsamba yake kuvaRoma, muapostora Pauro anomutsa mubvunzo wokuti:“Mwari haana kururamisira here?” Anopindura zvine simba kuti: “Izvozvo ngazvirege kumbova zvakadaro!” Ipapo anosimbisa ngoni dzaMwari otaura nezvezvakataura Jehovha nezvokubvumira Farao kurarama kwenguva yakati rebei. Pauro anoratidzawo kuti isu vanhu takaita sevhu riri mumamaoko omuumbi wehari. Anobva ataura kuti: “Zvino, kana Mwari, kunyange aida kuratidzira hasha dzake uye kuita kuti simba rake rizivikanwe, akashivirira nemwoyo murefu zvikuru midziyo yokuitirwa hasha yakaitwa kuti ikodzere kuparadzwa, kuti azivise pfuma yembiri yake pamidziyo yengoni, yaakafanogadzira nokuda kwembiri, isusu, vaakadana kwete bedzi kubva pakati pevaJudha asiwo kubva pakati pemamwe marudzi, zvakadini izvozvo?”—VaRoma 9:14-24.
9. (a) Ndivanaani vari “midziyo yokuitirwa hasha yakaitwa kuti ikodzere kuparadzwa”? (b) Nei Jehovha akaratidza mwoyo murefu zvikuru pakushorwa nevashori vake, uye magumo acho achanakira sei vaya vanomuda?
9 Kubvira pakupanduka kwakaitika muEdheni, vose vakashora Jehovha nemitemo yake vave vari “midziyo yokuitirwa hasha yakaitwa kuti ikodzere kuparadzwa.” Munguva yose iyi kubvira ipapo, Jehovha akaratidza mwoyo murefu. Vakaipa vakashora nzira dzake, vakatambudza vashumiri vake, vakatouraya Mwanakomana wake. Achiratidza kuzvidzora kukuru, Jehovha akabvumira nguva yakakwana kuti zvisikwa zvose zvinyatsoona kuipa kwokupandukira Mwari uye kwokuzvitonga kwevanhu pasina iye. Panguva iyoyowo, rufu rwaJesu rwakapa nzira yokununura nayo vanhu vanoteerera uye yoku‘putsa mabasa aDhiyabhorosi.’—1 Johani 3:8; VaHebheru 2:14, 15.
10. Nei Jehovha akashivirira vakaipa kwemakore 1 900 akapfuura?
10 Mumakore anopfuura 1 900 kubvira pakamutswa Jesu, Jehovha akashivirirazve “midziyo yokuitirwa hasha,” achimira kuiparadza. Nei? Chimwe chikonzero ndechokuti akanga achigadzirira vaya vachava vaina Jesu Kristu muUmambo hwake hwokudenga. Ivava i144 000, uye “midziyo yengoni” yakataurwa nomuapostora Pauro. Vakatanga kukokwa kuti vaumbe boka rokudenga, vanhu vaibva muvaJudha. Mwari akazokoka vanhu vakabva mune Vemamwe Marudzi. Jehovha haana kumanikidza ani naani wavo kumushumira. Asi pakati pevakaonga urongwa hwake hworudo, akapa vamwe ropafadzo yokuva vatongi pamwe chete noMwanakomana wake muUmambo hwokudenga. Kuunganidzwa kweboka iroro rokudenga kwava kuda kutopera.—Ruka 22:29; Zvakazarurwa 14:1-4.
11. (a) Iboka ripi rava kubatsirwa nomwoyo murefu waJehovha? (b) Vakafa vachabatsirwa sei?
11 Asi zvakadini nevagari vepasi? Mwoyo murefu waJehovha wakaitawo kuti pave nomukana wokuunganidzwa kwe“boka guru revanhu” vanobva mumarudzi ose. Iye zvino vava mamiriyoni. Jehovha akapikira kuti vanhu ava vepasi vachapukunyuka mugumo wenyika ino vova netariro youpenyu husingaperi mupasi rinenge riri paradhiso. (Zvakazarurwa 7:9, 10; Pisarema 37:29; Johani 10:16) Munguva yaMwari yakafanira, vazhinji-zhinji vakafa vachamutswa vopiwa mukana wokuva vanhu vepasi vanotongwa noUmambo hwokudenga. Shoko raMwari rinofanotaura pana Mabasa 24:15 kuti: “Kuchava nokumuka kwevakarurama nevasina kururama.”—Johani 5:28, 29.
12. (a) Chii chatadzidza nezvaJehovha kubva pakushivirira kwake uipi? (b) Unonzwa sei nezvemabatiro akaita Jehovha nyaya idzi?
12 Pazvose izvi pave pasina kururamisira here? Aiwa, nokuti nokurega kuparadza vakaipa, kana kuti “midziyo yokuitirwa hasha,” Mwari ari kuratidza vamwe tsitsi, maererano nechinangwa chake. Izvi zvinoratidza kuti ane ngoni norudo zvakadini. Uyewo, zvatakawana nguva yokuona chinangwa chake chichiitika, tinodzidza zvakawanda nezvaJehovha pachake. Tinoshamiswa nezvinhu zvakasiyana-siyana zvaari zvatinoona—kururamisira kwake, ngoni dzake, mwoyo murefu wake, uye uchenjeri hwake hwakasiyana-siyana. Mabatiro akaita Jehovha nouchenjeri nhau yokuva kwake changamire wezvinhu zvose—kodzero yake yokutonga—acharamba ari umboo hwokuti nzira yake yokutonga ndiyo yakanakisisa. Pamwe chete nomuapostora Pauro, tinoti: “Haiwa ukuru hwepfuma yaMwari nouchenjeri nezivo! Kutonga kwake hakunzvereki sei uye nzira dzake hadzirondeki sei!”—VaRoma 11:33.
Mukana Wokuratidza Kuzvipira Kwedu
13. Patinotambura, tinopiwa mukana wei, uye chii chichatibatsira kuita nokuchenjera?
13 Vakawanda vevashumiri vaMwari vari mumamiriro ezvinhu anosanganisira kutambura. Kutambura kwavo kunoenderera mberi nokuti Mwari haasati aparadza vakaipa ndokuunza kudzorerwa kwevanhu kwakafanotaurwa. Izvi zvinofanira kutishatirisa here? Kana kuti tinogona here kuona zvinhu zvakadaro semikana yokuti tiratidzewo kuti Dhiyabhorosi murevi wenhema? Tinogona kusimbiswa kuti tiite kudaro kana tikaramba tichiyeuka chikumbiro chinoti: “Mwanakomana wangu, iva wakachenjera, ufadze mwoyo wangu; kuti ndigone kupindura unondishoora.” (Zvirevo 27:11) Satani, uyo anoshora Jehovha, akataura kuti kana vanhu vakarasikirwa nezvinhu zvavo kana kutambura ivo pachavo, vachashora Mwari, kunyange kumutuka. (Jobho 1:9-11; 2:4, 5) Tinoita kuti mwoyo waJehovha ufare patinoratidza kuti kupomera ikoko hakushandi kwatiri nokuvimbika kwatinoita kwaari patinenge tichitambudzwa.
14. Kana tikavimba naJehovha patinoedzwa, tichabatsirwa sei?
14 Kana tikavimba naJehovha patinoedzwa, tinogona kuva nezvinhu zvinokosha paunhu hwedu. Somuenzaniso, pamusana pezvinhu izvo Jesu akatambura, aka“dzidza kuteerera” nenzira yaakanga asingazivi. Nesuwo tingadzidza mumiedzo yedu mukuti tinogona kukudziridza mwoyo murefu, kutsungirira, uye kuonga zvakadzama nzira dzakarurama dzaJehovha.—VaHebheru 5:8, 9; 12:11; Jakobho 1:2-4.
15. Sezvatinoshingirira nhamo, vamwe vangabatsirwa sei?
15 Vamwe vachaona zvatinoita. Nemhaka yezvinoitika kwatiri pamusana pokuda kwedu kururama, vamwe vavo nokufamba kwenguva vanosvika pakuziva vaKristu vechokwadi nhasi. Uye vakabatana nesu pakunamata, vanogona kuwana mukana wokugamuchira zvikomborero zvoupenyu husingaperi. (Mateu 25:34-36, 40, 46) Jehovha noMwanakomana wake vanoda kuti vanhu vawane mukana iwoyo.
16. Maonero atinoita nhamo yedu anopindirana papi nokubatana?
16 Zvakanaka kwazvo patinoona kunyange zvinhu zvakaoma semikana yokuratidza kuzvipira kwedu kuna Jehovha uye yokubatsirawo kuita kuda kwake! Kuita kwedu kudaro kunogona kupa uchapupu hwokuti tiri kuda kubatana naMwari naKristu zvechokwadi. Jesu akanyengeterera vaKristu vose vechokwadi kuna Jehovha, achiti: “Ndinokumbirira, kwete ivava [vadzidzi vake vepedyo] bedzi, asiwo avo vanotenda mandiri nomushoko ravo; kuti vose vave vamwe, semi, Baba, muri pamwe neni uye ini ndiri pamwe nemi, kuti ivowo vave pamwe nesu, kuti nyika itende kuti makandituma.”—Johani 17:20, 21.
17. Tinogona kuva nechivimbo chei kana takavimbika kuna Jehovha?
17 Kana takavimbika kuna Jehovha, achatipa mubayiro wakakura. Shoko rake rinoti: “Ivai vakasimba, musingazununguki, muchigarova nezvakawanda zvokuita mubasa raShe, muchiziva kuti basa renyu harisi pasina munaShe.” (1 VaKorinde 15:58) Rinotiwo: “Mwari haasi asina kururama kuti angabve akanganwa basa renyu norudo rwamakaratidza nokuda kwezita rake.” (VaHebheru 6:10) Jakobho 5:11 inoti: “Tarirai! Tinoti vanofara avo vakatsungirira. Makanzwa nezvokutsungirira kwaJobho uye makaona zvaakaitirwa pakupedzisira naJehovha, kuti Jehovha ane rudo rukuru kwazvo uye ane ngoni.” Zvinhu zvakazofamba sei kuna Jobho? “Saizvozvo Jehovha akaropafadza kupedzisira kwaJobho kupfuura kutanga kwake.” (Jobho 42:10-16) Hungu, Jehovha ndiye “anopa mubayiro vanomutsvaka nemwoyo wose.” (VaHebheru 11:6) Uye mubayiro wakazonaka watinofanira kutarisira—upenyu husingaperi mupasi riri paradhiso!
18. Pakupedzisira chii chichaitika kundangariro dzose dzinorwadza dzatingava nadzo?
18 Kutonga kwoUmambo hwaMwari kuchachinja kukuvadzwa kwose kwakaitwa vanhu kwezviuru zvemakore zvakapfuura. Mufaro wepanguva iyoyo uchapfuura nokure kutambura kupi nokupi kwatinoita zvino. Hatizovhiringidzwi nendangariro dzisingafadzi dzokutambura kwatakamboita. Pfungwa nemabasa anovaka zvichava zvinhu zvenguva dzose muupenyu hwevanhu munyika itsva zvichadzima zvishoma nezvishoma ndangariro dzinorwadza. Jehovha anozivisa kuti: “Ndinosika denga idzva [hurumende itsva youmambo hwokudenga ichatonga vanhu] nenyika itsva [vanhu vakarurama]; zvinhu zvakare hazvingarangarirwi, kana kufungwa mumwoyo. Asi imi farai mufarisise nokusingaperi pamusoro pezvandinosika.” Chokwadi, munyika itsva yaJehovha, vakarurama vachakwanisa kuti: “Nyika yose yazorora, yanyarara; vanofara nokuimba.”—Isaya 14:7; 65:17, 18.
Kudzokorora
• Paakabvumira uipi, Jehovha akaratidza sei nenzira yakakodzera kuti anoremekedza zvikuru zita rake?
• Kushivirira kwaMwari “midziyo yokuitirwa hasha” kwakaita sei kuti ngoni dzake dzisvikewo kwatiri?
• Chii chatinofanira kuedza kuona mumamiriro ezvinhu anobatanidza kutambura kwedu?
[Mifananidzo iri papeji 67]
Jehovha “akaropafadza kupedzisira kwaJobho kupfuura kutanga kwake”