Mararamiro Emunguva Dzinotaurwa muBhaibheri—Murimi
“[Jesu akati] kuvadzidzi vake: ‘Chokwadi, kukohwa kukuru, asi vashandi vashoma. Naizvozvo, kumbirai Tenzi wokukohwa kuti atumire vashandi mukukohwa kwake.’”—MATEU 9:37, 38.
JESU paaida kujekesa dzidziso dzinokosha aiwanzotaura nezvenzira dzaishandiswa pakurima uye midziyo yacho yaishandiswa. (Mateu 11:28-30; Mako 4:3-9; Ruka 13:6-9) Aizviitirei? Nokuti vanhu vepanguva iyoyo vairarama nokurima. Vateereri vake vakawanda vakanga vava nemakore vachingoshandisa nzira idzodzo dzokurima. Vaizvinzwisisa nokuti ndiwo mabasa avaiswera vachiita. Jesu aitaura zvinhu zvavakajaira, saka zvaiita kuti vade kuita zvaaidzidzisa.—Mateu 7:28.
Kuti tinyatsonzwisisa kukosha kwemifananidzo yaJesu nedzimwe nhoroondo dzeBhaibheri, zvinobatsira kana tikaziva zvishomanene nezvembeu dzaidyarwa nomurimi womuzana remakore rokutanga, midziyo yaaishandisa uye matambudziko aaisangana nawo.
Ita souri kuona murimi achiita basa rake. Verenga magwaro ari munyaya ino woona kuti ungadzidzei.
Nguva Yokudyara
Zuva pariri kubuda, murimi anomira pamusuo akabata kumeso kuti risamuteya, achifema kamhepo kanotonhorera. Mvura yaturuka ikanyorovesa pasi panga pakaomarara. Yava nguva yokurima. Anoisa gejo rake rematanda pamapfudzi ndiye tande kumunda kwake.
Asvika kumunda, anosunga mombe dzake pajoko obva atanga kurima. Muromo wegejo racho wesimbi unobaya muivhu rine rukangarahwe. Hausi kunyatsobaya asi uri kungogadzira muforo usina kudzika (1). Murimi ari kuedza kuti muforo wacho uti twasu. Haambotarisi kumashure nokuti akadaro unobva wakombama. (Ruka 9:62) Haafaniri kupfuudza pamuganhu wake uye anofanira kurima kamunda kacho nomazvo.
Zvemiforo zvapera, kwangosara kudyara mbeu. Murimi anotora homwe ine mbeu yebhari otanga kuikusha (2). Pakati pemiforo yacho pakaomarara saka murimi anongwarira pakukanda mbeu yake kuti iwire “paivhu rakanaka” chete.—Ruka 8:5, 8.
Apedza kudyara anotanga kuhara. Anotora mombe dzake osungirira mapazi eminzwa kuti afushire mbeu. Shiri dzinorira dzichinhonga mbeu inenge isati yafushirwa. Murimi anozopedzisa nokutora bhidha (3) kuti atimbire ivhu uye abvise masora kuti mbeswa dzisazovhungwa dzichiri diki.—Mateu 13:7.
Nguva Yokukohwa
Mwedzi yakati oo inopfuura mvura ichinaya. Iye zvino hura dzebhari dzinochena mumunda, kuratidza kuti raibva.—Johani 4:35.
Nguva yokukohwa inoita kuti murimi nemhuri yake vabatikane chaizvo. Murimi anobata madzinde ebhari noruboshwe rwake, rudyi ruchicheka nejeko resimbi (4). Vamwe vari kuunganidza madzinde acho vachiasunga kuita zvisote (5), vobva vazvitakudza mbongoro kana kuisa mungoro (6) kuti zviende kuburiro remunzvimbo iyoyo.
Zuva rakajeka chaizvo uye rinotanga kupisa. Mhuri yacho inombozorora zvishoma pamumvuri wemuonde. Vanomboita zvavo nyaya vachiseka vodya chingwa, zviyo zvakakangwa, maorivhi, maonde uye mazambiringa akaomeswa. Vanozoseredzera nemvura yemuchitubu.—Dheuteronomio 8:7.
Mumunda uri nechepedyo mune vanhu vari kuunganidza zvasarira pakukohwa (7). Vamwe vacho varombo uye havana minda yavanotiwo yavo.—Dheuteronomio 24:19-21.
Pava paya, murimi anoparadzira zvisote zvebhari paburiro riri pakakwirira uye rakaomarara romusha wose. Nzombe dziri kutenderera dzatendererazve dzichidhonza chireyi chinorema. (8). (Dheuteronomio 25:4) Matombo akapinza nezvidimbu zvesimbi dzakapinza zviri pasi pechireyi zviri kucheka-cheka zvisote zvebhari.
Murimi anomirira kusvikira kwava nekamhepo kanotonhorera kemanheru. (Rute 3:2) Panguva yerubvunzavaeni, anobairira forogo yakagadzirwa nemuti kana kuti ‘foshoro yokuurutsisa’ (9), pasi pezvisote zvapurwa uye anozvikanda mudenga. (Mateu 3:12) Bhari rinodonhera pasi asi hundi inopeperetswa nemhepo. Anoramba achidaro kusvikira apedza kuurutsa mbeu yacho yose.
Zuva parinobuda, mudzimai wemurimi nevanasikana vake vanotanga kusefa (10). Vanozadza sefa dzavo nebhari yakasangana netumatombo. Bhari inowira mutswanda asi marara vanoarasa. Goho racho rakakura. Vashandi vanounganidza bhari vachiisa mumidziyo (11). Asi inenge yasara vanoiisa mumatura.
Murimi anomira paburiro, achimbotwasanudza musana nemuviri wake waneta, uye anokanda maziso ake kuminda yakapoteredza misha yavo. Anotarira achigutsikana paanoona minda yakati chechetere nezvisote zvakasaririra pakukohwa uye izvi zvinoratidza kuti vakashanda zvakaoma. Anotarira vashandi vari muminda yemizambiringa, yemiorivhi, mipomegraneti, uye yemaonde. Pedyo navo pane muvakidzani ari kutimba mubindu rake uye anovakwazisa. Achakohwa magaka, nyemba, bhinzi, rikisi, pizi nehanyanisi. Murimi anombomira, anotarisa kumatenga, onyengetera nemwoyo wose muchidimbu, achitenda Mwari nokuda kwezvipo zvaanopa.—Pisarema 65:9-11.
[Mifananidzo iri papeji 28-30]
(Ona bhuku racho)