Gadziriro yaJehovha, “Vakapiwa”
“Vatorwa vachamira vachifudza mapoka enyu amakwai.”—ISAYA 61:5.
1. Nei shoko rokuti “mupi” ringadanira Jehovha kundangariro yedu?
MWARI mupi ane rupo zvakadini! Muapostora Pauro akati: “[Jehovha] amene unopa vose upenyu, nokufema, nezvose.” (Mabasa 17:25) Mumwe nomumwe wedu anogona kubetserwa nokurangarira ‘zvipo zvakanaka nezvipiwa zvakakwana’ zvakawanda zvatinogamuchira kuna Mwari.—Jakobho 1:5, 17; Pisarema 29:11; Mateo 7:7; 10:19; 13:12; 21:43.
2, 3. (a) Tinofanira kugamuchira sei zvipo zvaMwari? (b) Mupfungwai umo vaRevhi vaiva “vakapiwa”?
2 Nechikonzero chakanaka wezvamapisarema akashamisika kuti angaripira sei Jehovha. (Pisarema 116:12) Musiki wedu haasati achida chaizvoizvo chinhu chipi nechipi icho vanhu vangava nacho kana kuti vangagona kupa. (Pisarema 50:10, 12) Jehovha anoratidzira, kunyanguvezvo, kuti kunomufadza apo vanhu nenzira yokuonga vanozvipa vamene mukunamata kwechokwadi. (Enzanisa naVaHebheru 10:5-7.) Vanhu vose vanofanira kuzvipa vamene mutsauriro kuMusiki wavo uyowo, angatambanudza maropafadzo akawedzerwa, sezvazvakanga zvakaita navaRevhi vakare. Kunyange zvazvo vaIsraeri vose vakanga vakazvitsaurira kuna Mwari, iye akasarudza mhuri yavaRevhi yaAroni savaprista vokupa zvibairo patabhernakeri netembere. Zvakadini navaRevhi vasara?
3 Jehovha akaudza Mosesi, kuti: “Swededza rudzi rwaRevhi, . . . Vanofanira kuchengeta nhumbi dzose dzetente rokusongana, . . . Unofanira kupa Aroni navanakomana vake vaRevhi; vakavapiwa [chiHebheru, nethu·nimʹ] chose pakati pavana vaIsraeri.” (Numeri 3:6, 8, 9, 41) VaRevhi “vakapiwa” kuna Aroni kuti vaite mabasa mubasa retabhernakeri, naizvozvo Mwari aigona kuti: “Ndakavapiwa ini chose pakati pavana vaIsraeri.” (Numeri 8:16, 19; 18:6) Vamwe vaRevhi vakaita mabasa akapfava; vamwe vakagamuchira maropafadzo akatanhamara, akadai sokudzidzisa mitemo yaMwari. (Numeri 1:50, 51; 1 Makoronike 6:48; 23:3, 4, 24-32; 2 Makoronike 35:3-5) Ngatiendesei zvino kurangarira kwedu kuvamwe vanhu “vakapiwa” uye wirirano yazvino uno.
VaIsraeri Vanodzoka Kubva Bhabhironi
4, 5. (a) VaIsraeri vapi vakadzoka kubva muutapwa muBhabhironi? (b) Munguva dzazvino uno, chii chinowirirana nokudzoka kwavaIsraeri vachibva muutapwa?
4 Ezra naNehemia vanorondedzera kuti vakasarira vavaIsraeri, vachitungamirirwa naGavhuna Zerubhabheri, vakadzoka sei vachibva Bhabhironi vachienda kunyika yavo, kuzodzorera kunamata kwechokwadi. Nhauro dzose dziri mbiri dzinoshuma kuti ava vadzoki vakaita hwerengedzo yavane 42 360. Zviuru zvechiverengero ichocho vakanga vari “varume vavanhu vaIsraeri.” Nhauro dzacho dzinotevera kuronga vaprista. Ipapo kunouya vaRevhi vanenge 350, kubatanidza vaimbi navachengeti vemikova vechiRevhi. Ezra naNehemia vanonyorawo nezvezviuru zvokuwedzera izvo sezviri pachena vaiva vaIsraeri, zvimwe kunyange vaprista, asi avo vaisagona kubvumikisa dzinza ravo.—Ezra 1:1, 2; 2:2-42, 59-64; Nehemia 7:7-45, 61-66.
5 Ava vakasarira vaIsraeri vakapinzwa muutapwa uye avo gare gare vakadzoka kuJerusarema uye kuna Judha vakaratidzira kuzvipira kwakatanhamara kuna Mwari uye musengwa mukuru kukunamata kwechokwadi. Sezvacherekedzwa, tinoona munguva dzazvino uno wirirano yakafanira muvakasarira vaIsraeri womudzimu uyo akabuda muutapwa kuBhabhironi Guru muna 1919.
6. Mwari akashandisa sei vaIsraeri vomudzimu munguva yedu?
6 Chibviro chokusunungurwa kwavo muna 1919, vakasarira vehama dzakazodzwa dzaKristu vakafambira mberi nokushingaira mukunamata kwechokwadi. Jehovha akakomborera nhamburiko dzavo dzokuunganidza vokupedzisira vavane 144 000 vanoumba “Israeri waMwari.” (VaGaratia 6:16, NW; Zvakazarurwa 7:3, 4) Seboka, vakasarira vakazodzwa vanoumba boka ro“muranda akatendeka naakachenjera” rinoshandiswa kugovera zvokudya zvomudzimu zvakawanda zvinopa upenyu, izvo vakashanda zvakaoma kuparadzira pasi rose.—Mateo 24:45-47, NW.
7. Ndivanaani vari kusonganirana navakazodzwa mukunamata kwechokwadi?
7 Sezvakaratidza nyaya yakapfuura, vanhu vaJehovha zvino vanobatanidza mamirioni a“mamwe makwai,” avo vane tariro inopiwa naMwari yokupfuura mudambudziko guru riri pamberi apa. Vanoshuva kubatira Jehovha nokusingaperi pasi pano, umo vasati vachizonzwazve nzara nenyota uye umo misodzi yokusuruvara isati ichizoyererazve. (Johane 10:16; Zvakazarurwa 7:9-17; 21:3-5) Tinowana here munhauro yavadzoki kuBhabhironi chinhu chipi nechipi chinowirirana navakadaro? Hungu!
Vasati Vari vaIsraeri Vanodzokawo
8. Ndivanaani vakaperekedza vaIsraeri vachidzoka kubva Bhabhironi?
8 Apo danidzo yakabuda yokuti vadi vaJehovha muBhabhironi vadzoke kuNyika Yakapikirwa, zviuru zvavaisava vaIsraeri zvakagamuchira. Mundaza dzakagoverwa naEzra naNehemia, tinorava nezva“vaNetinimi” (kureva kuti, “Vakapiwa”) uye “vana vavaranda vaSoromoni,” vane chiverengero chakabatanidzwa chaiva 392. Nhauro dzacho dzinodudzawo vamwe vanopfuura 7 500: ‘varandarume navarandasikana,’ pamwe chete na“vaimbi varume navakadzi” vaisava vaRevhi. (Ezra 2:43-58, 65; Nehemia 7:46-60, 67) Chii chakasunda vaisava vaIsraeri vakawanda kudaro kudzoka?
9. Mudzimu waMwari wakabatanidzwa sei mukudzoka kubva muutapwa?
9 Ezra 1:5, (NW) inotaura nezve“munhu ari wose ane mudzimu wakamutswa naMwari wechokwadi, kuti vaende kundovakazve imba yaJehovha.” Hungu, Jehovha akasunda vose avo vakadzoka. Iye akanyandura mudzimu wavo, ndiko kuti, kombamiro yavo inosunda ndangariro. Kunyange mumatenga, Mwari aigona kuita ikoku kupfurikidza nokushandisa mudzimu mutsvene wake, simba rake rinobata basa. Nokudaro, avo vose vakasimuka “kuti vaende kundovakazve imba yaJehovha” vakabetserwa “nomudzimu” waMwari.—Zekaria 4:1, 6, NW; Hagai 1:14.
Wirirano Yomuzuva Razvino Uno
10, 11. Iwiriranoi inogona kuitwa navaisava vaIsraeri vakadzoka kubva Bhabhironi?
10 Ndivanaani vanodeya kufananidzirwa navadzoki vaisava vaIsraeri vakadaro? MaKristu akawanda angapindura, kuti: ‘VaNetinimi vanowirirana na“mamwe makwai” nhasi.’ Chokwadi, asi vaisava vaNetinimi chete; nokuti vose vaisava vaIsraeri vakadzoka vanomirira maKristu nhasi ayo asati ari Israeri womudzimu.
11 Bhuku rinonzi You May Survive Armageddon Into God’s New Worlda rakati: “Vakasarira vavaIsraeri vane 42 360 vakanga vasati vari ivo bedzi vakabva muBhabhironi nagavhuna Zerubhabheri . . . Kwaiva nezviuru zvavaisava vaIsraeri . . . Kunze kwavaNetinimi kwaiva navamwe vaisava vaIsraeri, varanda, nyanzvi dzavaimbi vechirume nevechikadzi uye vazukuru vavabatiri vaMambo Soromoni.” Bhuku racho rakatsanangura, kuti: “VaNetinimi, varanda, vaimbi uye vanakomana vavabatiri vaSoromoni, vaisava vaIsraeri vose, vakabva munyika youtapwa ndokudzoka navakasarira vaIsraeri . . . Naizvozvo kwakarurama here kufunga nhasi kuti vanhu vamarudzi akasiana-siana avo vasati vari Israeri womudzimu vangazvisonganisa vamene navakasarira vaIsraeri womudzimu ndokusimudzira kunamata Jehovha Mwari navo? Hungu.” Vakadaro ‘vazova vaNetinimi vomuzuva razvino uno, vokufananidzira, vaimbi, uye vanakomana vavabatiri vaSoromoni.’
12. Mwari anoshandisa sei mudzimu wake munzira chaiyo nokuda kwavaIsraeri vomudzimu, asi nei tichigona kuva nechokwadi chokuti unowanikwa kuvose vavanamati vake?
12 Somumuenzaniso wekare, Mwari anogovera mudzimu wakewo nokuda kwaavo vanokarira kurarama nokusingaperi pasi pano. Chokwadi, havasati vachiberekwazve. Mumwe nomumwe wavane 144 000 ane chinoitika chimwe chokuberekwazve somwanakomana womudzimu waMwari ndokuzodzwa nomudzimu mutsvene. (Johane 3:3, 5; VaRoma 8:16; VaEfeso 1:13, 14) Chokwadika, kuzodza ikoko kuratidzirwa kwechienzi kwomudzimu waMwari nokuda kweboka duku. Asi mudzimu waMwari unodikanwawo kuita kuda kwake. Nokudaro, Jesu akati: ‘Baba vari mudenga vanopa mudzimu mutsvene kuavo vanovakumbira.’ (Ruka 11:13) Kana uyo ari kukumbira ane tariro yokudenga kana kuti ari wamamwe makwai, mudzimu waJehovha unowanika zvikuru kuita kuda kwake.
13. Mudzimu unogona sei kushanda pavose vavabatiri vaMwari?
13 Mudzimu waMwari wakasunda vose vari vaviri vaIsraeri navaisava vaIsraeri kudzoka kuJerusarema, uye unosimbisa nokubetsera vose vavanhu vake vakavimbika nhasi. Kana tariro yomuKristu inogoverwa naMwari iri upenyu mudenga kana kuti upenyu pasi pano, anofanira kuparidzira mashoko akanaka, uye mudzimu mutsvene unomugonesa kuva akatendeka muna ikoko. Ari wose wedu—pasinei zvapo netariro yedu—anofanira kusakurira zvibereko zvomudzimu, uyo isu tose zvedu tinoda mumwero wakazara.—VaGaratia 5:22-26.
Vakapiwa Nokuda Kwebasa Chairo
14, 15. (a) Pakati pavaisava vaIsraeri avo vakadzoka, mapokai maviri akadudzwa? (b) Ndivanaani vaiva vaNetinimi, uye ivo vakaitei?
14 Pakati pezviuru zvavaisava vaIsraeri avo mudzimu wakasunda kudzoka paiva namapoka maduku maviri ayo Shoko raMwari rakadudza—vaNetinimi navanakomana vavabatiri vaSoromoni. Vaiva vanaani? Vakaitei? Uye ikoku kungarevei nhasi?
15 VaNetinimi vakanga vari boka raiva namavambo avaisava vaIsraeri uye avo vakaropafadzwa kushumira navaRevhi. Yeuka vaKanani vakabva Gibheoni avo vakava “vatemi vehuni navateki vemvura yeungano neyeatari yaJehovha.” (Joshua 9:27) Zvimwe vamwe vavazukuru vavo vaiva pakati pavaNetinimi vakadzoka vachibva Bhabhironi, pamwe chete navamwe vakanga vawedzerwa savaNetinimi mukati mokutonga kwaDhavhidhi uye padzimwe nguva. (Ezra 8:20) VaNetinimi vakaitei? VaRevhi vakapiwa kubetsera vaprista, uye pashure paikoko vaNetinimi vakapiwa kubetsera vaRevhi. Kunyange nokuda kwavokumwe vakadzingiswa, iyoyi yaiva ropafadzo.
16. Basa ravaNetinimi rakachinja sei pashure penguva yakati?
16 Apo boka rakadzoka kubva Bhabhironi, raiva navaRevhi vashomanene, kuenzaniswa navaprista kana kuti vaNetinimi uye “vana vavaranda vaSoromoni.” (Ezra 8:15-20) Dictionary of the Bible, rakanyorwa naDr. James Hastings, rinoti: “Pashure penguva yakati tinowana [vaNetinimi] vakagadzikana zvakakwana kwazvo seboka rinoyera ravakuru vakuru, kuti maropafadzo anopiwa kwavari.” Magazini yakakurumbira inonzi Vetus Testamentum inoti: “Chinjo yakaitika. Pashure poKudzoka Kubva muUtapwa, ava [vokumwe] vakanga vasicharangarirwi savaranda veTembere, asi savashumiri mairi, vachifarikanya mugariro wakafanana nouyo wamamwe mapoka, ayo aibatira muTembere.”—Ona bhokisi “Mugariro Wakachinjwa.”
17. Neiko vaNetinimi vakagamuchira zvakawanda zvokuita, uye ufakazii hweBhaibheri huripo nokuda kwaikoku?
17 Chokwadika, vaNetinimi havana kuva vaenzani vavaprista navaRevhi. Mapoka apashure vaiva vaIsraeri, avo vakasarudzwa naJehovha amene uye vaisafanira kutsiviwa navaisava vaIsraeri. Bva, ratidziro dzeBhaibheri ndedzokuti mukutarisana nechiverengero chakaderedzwa chavaRevhi, vaNetinimi vakapiwa zvakawanda zvokuita mubasa raMwari. Vakagoverwa pokugara pedyo netembere. Muzuva raNehemia vakashanda navaprista mukugadzira masvingo pedyo netembere. (Nehemia 3:22-26) Uye mambo wePersia akaraira kuti vaNetinimi vahesvurwe pamitero, savaRevhi vaihesvurwa nemhaka yebasa ravo retembere. (Ezra 7:24) Ikoku kunoratidzira kuti ava “vakapiwa” (vaRevhi navaNetinimi) vakanga vakasanobatanidzwa sei panguva iyeyo muzvinhu zvomudzimu uye kuti migove yavaNetinimi yakawedzera sei mukuwirirana nechinodikanwa, kunyange zvazvo vasina kutongoverengwa savaRevhi. Apo Ezra gare gare akaunganidza vatapwa kudzoka, hapana vaRevhi vaiva pakati pavo pakutanga. Naizvozvo iye akasimbisa nhamburiko dzokuunganidza vamwe. Ikoko kwakaguma navaRevhi 38 navaNetinimi 220 vakadzoka kuzobatira sa“vabatiri veimba yaMwari wedu.”—Ezra 8:15-20.
18. Vanakomana vavabatiri vaSoromoni vangave vakaita basa ripi?
18 Boka rechipiri ravaisava vaIsraeri vakasarudzwa vaiva vanakomana vavabatiri vaSoromoni. Bhaibheri rinopa udzame hushomanene pamusoro pavo. Vamwe vakanga vari “vanakomana vaSotai.” Ezra anowedzera shoko chairo kuzita iroro, achiriita Has·so·pheʹreth, sezvinobvira kureva kuti “munyori [the scribe].” (Ezra 2:55; Nehemia 7:57) Nokudaro ivo vangave vaiva vashandi vavanyori kana kuti vakopi, sezvinobvira vanyori vapatembere/vanotarisira. Kunyange zvazvo vaiva vorudzi rwokumwe, vanakomana vavabatiri vaSoromoni vakabvumikisa kuzvipira kwavo kuna Jehovha kupfurikidza nokubva muBhabhironi nokudzoka kuzogoverana mukudzorera kunamatwa Kwake.
Kuzvipa Timene Nhasi
19. Ukamai huri pakati pavakazodzwa nhasi namamwe makwai?
19 Munguva yedu, Mwari akashandisa vakasarira vakazodzwa zvakasimba mukutungamirira kunamata kwakachena nokuzivisa mashoko akanaka. (Marko 13:10) Ivava vakafara sei kuona makumi ezviuru, mazana ezviuru, uye ipapo mamirioni amamwe makwai achivakumbanira mukunamata! Uye ibatira pamwe inofadza zvakadini yave iripo pakati pavakasarira namamwe makwai!—Johane 10:16.
20. Inzwisisoi itsva ine mufungo pamusoro pewirirano yavaNetinimi navanakomana vavabatiri vaSoromoni? (Zvirevo 4:18)
20 Vose vaisava vaIsraeri avo vakadzoka vachibva muutapwa muBhabhironi rakare vanowirirana namamwe makwai ayo zvino anobatira navakasarira vaIsraeri womudzimu. Zvakadini, kunyanguvezvo, nezveidi rokuti Bhaibheri rinodudza vaNetinimi navanakomana vavabatiri vaSoromoni? Mumuenzaniso vaNetinimi navanakomana vavabatiri vaSoromoni vakapiwa maropafadzo anopfuura ayo avamwe vadzoki vaisava vaIsraeri. Ikoku kungagona kusanodeya kufananidzira kuti Mwari nhasi akatambanudzira maropafadzo uye akawedzera mabasa kumamwe makwai akakura mumudzimu uye anodisisa.
21. Dzimwe dzehama dzine tariro yapasi dzakagamuchira sei mabasa namaropafadzo zvakawedzerwa?
21 Maropafadzo akawedzerwa avaNetinimi akabatanidzwa zvakananga nemibato yomudzimu. Vanakomana vavabatiri vaSoromoni sezviri pachena vakagamuchira mitoro yokutarisira. Nenzira yakafanana nhasi, Jehovha akakomborera vanhu vake ne“zvipo muvarume” zvokutarisira zvinodikanwa zvavo. (VaEfeso 4:8, 11, 12, NW) Vanobatanidzwa muiyi gadziriro mazana akawanda ehama dzakakura mumudzimu, dzine ruzivo rwokuzviwanira idzo dzinogoverana mu‘kufudza mapoka,’ dzinobatira savatariri vamatunhu navoruwa uye muMatare eBazu pamapazu 98 eWatch Tower Society. (Isaya 61:5) Padzimbahwe renyika reSosaiti, munhungamiro yo“mutariri akatendeka” noMutumbi wake Unodzora, varume vanokwanisa vanogamuchira rovedzo nokubetsera mukugadzirira migove yezvokudya zvomudzimu. (Ruka 12:42) Vamwe vazvipiri vakazvitsaurira venguva refu vakarovedzwa kushandisa misha yeBheteri namafekitari uye kutarisira mapurogiramu munyika yose mukuvaka mapazu matsva nehoro nokuda kwokunamata kwechiKristu. Ivo vakaita zvakanaka mukubatira savabetseri vapedyo vavakasarira vakazodzwa, avo vanoumba rutivi rwouprista hwoumambo.—Enzanisa na 1 VaKorinte 4:17; 14:40; 1 Petro 2:9.
22. Neiko kwakafanira kuti vamwe vamamwe makwai vapiwe mitoro inorema zvino, uye tinofanira kuita sei kuna ikoku?
22 Munguva dzakare, vaprista navaRevhi vakapfuurira kubatira pakati pavaJudha. (Johane 1:19) Nhasi, zvisinei, vakasarira vaIsraeri womudzimu vari pasi pano vanofanira kupfuurira kuderera. (Sianisa naJohane 3:30.) Pakupedzisira, pashure poruparadziko rweBhabhironi Guru, vane 144 000 vose ‘vakaiswa chisimbiso’ vachava mudenga nokuda kweroorano yeGwaiana. (Zvakazarurwa 7:1-3; 19:1-8) Asi zvino mamwe makwai anofanira kupfuurira kuwedzera. Idi rokuti vamwe vavo, vakaenzana navaNetinimi uye vanakomana vavabatiri vaSoromoni, zvino vari kugoverwa mitoro inorema mukutarisira kwavakasarira vakazodzwa harivasakisi kuva vanozvitutumadza kana kuti kuzvikoshesa. (VaRoma 12:3) Ikoku kunotipa chivimbo chokuti sezvo vanhu vaMwari “vanobuda mudambudziko guru,” kuchava navarume vane ruzivo rwokuzviwanira—“machinda”—vakagadzirira kutungamirira pakati pamamwe makwai.—Zvakazarurwa 7:14, NW; Isaya 32:1; enzanisa naMabasa 6:2-7.
23. Neiko tose zvedu tichifanira kusakurira mudzimu wokupa pamusoro pebasa raMwari?
23 Vose avo vakadzoka kubva Bhabhironi vakanga vachidisa kushanda zvakaoma uye kubvumikisa kuti ivo vakanga vachirangarira zvikuru kunamatwa kwaJehovha mundangariro nomwoyo. Ndizvimwe chetezvo nhasi. Pamwe chete navakasarira vakazodzwa, “vaeni . . . zvomenemene vanomira ndokufudza mapoka.” (Isaya 61:5, NW) Naizvozvo pasinei hapo nokuti itariroi yatinayo inogoverwa naMwari, uye pasinei hapo nokuti maropafadzoi angave akatambanudzirwa kuvakuru vakazodzwa nomudzimu pamberi pezuva rokurevererwa kwaJehovha paArmagedhoni, tose zvedu ngatisakurire mudzimu usina udyire, wakanaka, wokupa. Nepo tisingagoni kuripira Jehovha nokuda kwebetsero dzake dzose huru, ngativei vomweya wose muchipi kana chipi chatinoita mukati mesangano rake. (Pisarema 116:12-14; VaKorose 3:23) Nokudaro tose zvedu tinogona kuzvipa timene nokuda kwokunamata kwechokwadi, sezvo mamwe makwai anosanobatira navakazodzwa, avo vakatemerwa ku“tonga samadzimambo pamusoro papasi.”—Zvakazarurwa 5:9, 10, NW.
[Mashoko Omuzasi]
a Mapeji 142-8; rakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.
Mapfundo Okuyeuka
◻ Munzirai umo vaRevhi vakanga vari “vakapiwa” muna Israeri wakare?
◻ Ndavapi vaisava vaIsraeri vakadzoka kubva muutapwa, vachideya kufananidzira vanaani?
◻ Ichinjoi inoratidzika kuva yakaitika navaNetinimi?
◻ NezvavaNetinimi navanakomana vavabatiri vaSoromoni, iwiriranoi zvino inonzwisiswa?
◻ Chivimboi chinoparirwa nebatira pamwe pakati pavakazodzwa namamwe makwai?
[Bhokisi riri papeji 14]
MUGARIRO WAKACHINJWA
Maduramashoko akawanda eBhaibheri namaenisaikoropidhia anotsinhira pamusoro pechinjo dzakawanwa navamwe vaisava vaIsraeri avo vakadzoka vachibva muutapwa. Somuenzaniso, pasi pe“Chinjo munzvimbo yavo,” Encyclopædia Biblica inoti: “Nzvimbo yavo yenzanga yaiva, sezvatoratidzirwa, panguva imwe cheteyo dzakasimudzwa nenzira iri madikanwa. [VaNetinimi] vakanga vasati vachaoneka savaranda murevo yorumano yeshoko iroro.” (Yakapepetwa naCheyne naBlack, Volume III, peji 3399) MuThe Cyclopædia of Biblical Literature, John Kitto anonyora, kuti: “Kwakanga kusingakarirwi kuti vakawanda vavo [vaNetinimi] vaizodzoka kuiyi nzvimbo yakaderera muParestina . . . Kuzvipira kwokuzvidira kwakanzarwozvo kuratidzirwa naava vanhu kwakasimudza zvikuru nzvimbo yavaNetinimi.” (Volume II, peji 417) The International Standard Bible Encyclopedia inoonesa kuti: “Muchiedza cheiyi songaniro nomugariro wavo wekare munguva yaSoromoni, kunogona kutaurwa kuti varanda vaSoromoni vaiva nemitoro inokosha mutembere yechipiri.”—Yakapepetwa naG. W. Bromiley, Volume 4, peji 570.
[Mufananidzo uri papeji 15]
Apo vaIsraeri vakadzokakundovakazve Jerusarema, zviuru zvavaisava vaIsraeri zvakavaperekedza
[Kwazvakatorwa]
Pictorial Archive (Near Eastern History) Est.
[Mufananidzo uri papeji 17]
Dare reBazu muKorea. Sezvakaita vaNetinimi vakare, varume vamamwe makwai vane mitoro inorema mukunamata kwechokwadi nhasi