Jobho Akatsungirira—Isu Tinogonawo!
“Tarirai, vakatsunga mwoyo tinoti vakaropafadzwa.”—JAKOBHO 5:11.
1. Mumwe muKristu akwegura akatii pamusoro pemiedzo yake?
‘DHIYABHOROSI ari kundironda! Ndinonzwa chaizvo saJobho!’ Namashoko akadaro A. H. Macmillan akataura mirangariro yake kushamwari yapedyo padzimbahwe reZvapupu zvaJehovha. Hama Macmillan vakapedza upenyu hwavo hwapasi pazera ramakore 89 pana August 26, 1966. Vaiziva kuti mbiri yebasa rokutendeka ravaKristu vakazodzwa kufanana naivo yaizo“vatevera.” (Zvakazarurwa 14:13) Zvirokwazvo, ivo vaizopfuurira mberi mubasa raJehovha kupfurikidza nokumutsirwa kuupenyu hwokusafa mudenga. Shamwari dzavo dzakafara kuti Hama Macmillan vakawana tuso iyoyo. Mumakore avo okugumisira pasi pano, zvisinei, vakanetswa nemiedzo yakasiyana-siyana, kubatanidza zvinetso zvoutano izvo zvakavaita kuti vazive zvikuru nezvekuedza kwaSatani kuputsa perero yavo kuna Mwari.
2, 3. Jobho akanga ari ani?
2 Apo Hama Macmillan vakati vakanzwa chaizvo saJobho, vakanga vachinongedzera kumurume akanga atsungirira miedzo mikuru yokutenda. Jobho aigara mu“nyika yeUzi,” sezvingabvira kuchamhembe kweArabia. Muzukuru womwanakomana waNoa Shemi, akanga ari munamati waJehovha. Miedzo yaJobho sezviri pachena yakaitika nguva yakati pakati porufu rwaJosefa nenguva apo Mosesi akazvibvumikisa amene kuva akarurama. Mukati menhambo iyoyo hapana munhu akanga akaenzana naJobho pasi pano mukuzvipira kwoumwari. Jehovha akarangarira Jobho somunhu asina chaaipomerwa, akarurama, anotya Mwari.—Jobho 1:1, 8.
3 So“mukuru pakati pavana vaMabvazuva,” Jobho akanga ana vabatiri vakawanda, uye zvipfuwo zvake zvaisvika 11 500. Asi fuma yomudzimu yakanga iri youkoshi ukurusa kwaari. Kufanana namadzibaba oumwari nhasi, Jobho sezvingabvira zvikurusa akadzidzisa vanakomana vake vanomwe navanasikana vatatu pamusoro paJehovha. Kunyange pashure pokunge vasisagare mumusha wake, iye akaita somuprista wemhuri kupfurikidza nokuvabayira zvibayiro, zvimwe vakanga vatadza.—Jobho 1:2-5.
4. (a) Neiko vaKristu vanotambudzwa vachifanira kurangarira munhu Jobho? (b) Pamusoro paJobho, mibvunzoi yaticharangarira?
4 Jobho ndimumwe munhu wokuti vaKristu vari kutambudzwa varangarire kuitira kuti vazvisimbise vamene nokuda kwokutsungirira kwokushivira. “Tarirai,” akanyora kudaro mudzidzi Jakobho. “Vakatsunga mwoyo tinoti vakaropafadzwa; makanzwa zvokutsungirira kwaJobho, makaona Ishe zvaakavavarira naye, kuti Ishe une mwoyo munyoro kwazvo, une tsitsi.” (Jakobho 5:11) SaJobho, vateveri vaJesu vakazodzwa na“vazhinji-zhinji” vomuzuva razvino vanoda kutsungirira kuti vagonane nemiedzo yokutenda. (Zvakazarurwa 7:1-9) Naizvozvo, miedzoi iyo Jobho akatsungirira? Neiko yakaitika? Uye tinogona sei kubetserwa muzvakaitika zvake?
Nhau Inokosha
5. Kusingazivikanwi kuna Jobho, chii chakanga chichiitika mudenga?
5 Kusingazivikanwi naJobho, nhau huru yakanga yodokumutswa mudenga. Rimwe zuva “vanakomana vaMwari vakati vachindomira pamberi paJehovha.” (Jobho 1:6) Mwanakomana waMwari akaberekwa ari mumwe bedzi, Shoko, akanga aripo. (Johane 1:1-3) Ngirozi dzakarurama ‘navanakomana vaMwari’ vengirozi vasina kuteerera vaivapowo. (Genesi 6:1-3) Satani akanga aripo, nokuti kudzingwa kwake kudenga hakusati kwaizoitika kutozosvikira pashure pokugadzwa kwoUmambo muna 1914. (Zvakazarurwa 12:1-12) Muzuva raJobho, Satani aizomutsa nhau inokosha. Akanga odokupokana ururami hwouchangamire hwaJehovha pachisiko Chake chose.
6. Satani akanga achiedza kuitei, uye akachera sei Jehovha?
6 “Wabvepiko?” Jehovha akabvunza kudaro. Satani akapindura, kuti: “Pakupota-pota nenyika, napakufamba-famba pairi.” (Jobho 1:7) Akanga ave achitsvaka mumwe munhu wokuparadza. (1 Petro 5:8, 9) Kupfurikidza nokuputsa perero yavanhu vamwe navamwe vaibatira Jehovha, Satani aizoedza kubvumikisa kuti hapana munhu aizoteerera zvizere Mwari achisundwa norudo. Achitaura nhau yacho, Jehovha akabvunza Satani, kuti: “Wacherekedza muranda wangu Jobho here? Nokuti hakuna munhu wakafanana naye panyika, munhu wakakwana, wakarurama, unotya Mwari, achinzvenga zvakaipa.” (Jobho 1:8) Jobho aisvitsa mipimo youMwari iyo yakabvumira kusakwana. (Pisarema 103:10-14) Asi Satani akapindura nokukurumidza, kuti: “Jobho unotya Mwari pasina here? Hamuna kumupoteredza here norumhanda, iye neimba yake, nezvose zvaanazvo, pamativi ose? Makaropafadza mabasa amaoko ake, uye fuma yake yakawanda panyika.” (Jobho 1:9, 10) Dhiyabhorosi nokudaro akachera Jehovha nokureva kuti hapana munhu anoMuda nokuMunamata nokuda kwezvaAri asi kuti Iye anopfumbamuromo zvisikwa kuti zviMubatire. Satani akapomera kuti Jobho aibatira Mwari nokuda kwezvakanaka zvoudyire, kwete achisundwa norudo.
Satani Anodenha!
7. Dhiyabhorosi akadenha Mwari munzirai, uye Jehovha akapindura sei?
7 “Asi,” Satani akadaro, “tambanudzai henyu ruoko rwenyu zvino, murove zvose zvaanazvo, ipapo iye uchakushorai pachena.” Mwari aizopindura sei kukudenha kwokunyomba kwakadaro? “Tarira,” Jehovha akadaro. “Zvose zvaanazvo zviri paruoko rwako; asi usatambanudzira ruoko rwako kwaari.” Dhiyabhorosi akanga ataura kuti zvose Jobho akanga anazvo zvakanga zvakakomborerwa, zvakawedzerwa, uye zvakadzivirirwa. Mwari aizobvumira Jobho kutambura, kunyange zvazvo muviri wake waisafanira kukuvadzwa. Atsunga kuita chakaipa, Satani akabva pamusangano wacho.—Jobho 1:11, 12.
8. (a) Jobho akava nokurasikirwai kwokunyama? (b) Chii chakanga chiri chechokwadi pamusoro pe“mwoto waMwari”?
8 Nokukurumidza, denho youSatani yakavamba. Mumwe wavabatiri vaJobho akamupa aya mashoko akaipa: “Mombe dzakanga dzichirima, nembongoro dzichichera kurutivi rwadzo, vaSebhea vakadziwira, ndokudzitora, navafudziwo vakavauraya neminondo inopinza.” (Jobho 1:13-15) Dziviriro yakanga yakapoteredza fuma yaJobho yakabviswa. Panodokuva pakare pakarepo, simba ramadhemoni rakananga rakashandiswa, nokuti mumwe mubatiri akashuma, kuti: “Mwoto waMwari wakabva kudenga, ukapisa makwai navafudzi, ukavapedza.” (Jobho 1:16) Hwaiva udhiyabhorosi hwakadini kukuita kuti kuratidzike sokuti Mwari akanga aparira ngwavaira yakadaro kunyange pamubatiri wake amene! Sezvo mheni ichibva kudenga, Jehovha aigona kuva akapomerwa zviri nyore, asi chaizvoizvo mwoto wakanga uri wamanyuko oudhemoni.
9. Kurasikirwa nefuma kwakatapura sei ukama hwaJobho naMwari?
9 Sezvo Satani akapfuurira kudenha kwacho, mumwe mubatiri akashuma kuti vaKardhea vakanga vatora ngamera dzaJobho uye vakanga vauraya vamwe vafudzi vose. (Jobho 1:17) Kunyange zvazvo Jobho akatambura kuparadzwa kwefuma kwakadaro, ikoku hakuna kuparadza ukama hwake naMwari. Ungagona kutsungirira kurasikirwa kwokunyama kukuru pasina kuputsa perero yako kuna Jehovha here?
Nhamo Huru Inorova
10, 11. (a) Chii chakaitika kuvana gumi vaJobho? (b) Pashure porufu rune ngwavaira rwavana vaJobho, iye akarangarira sei Jehovha?
10 Dhiyabhorosi akanga asati apedza naJobho. Zvakare mumwe mubatiri akashuma, kuti: “Vanakomana venyu navanasikana venyu vakanga vachidya nokunwa waini mumba momukuru wavo, dutu guru ndokubva kurutivi rwerenje, ndokurova pamakona mana eimba, iyo ikawira pamusoro pavana, vakafa; ini ndoga ndapukunyuka, ndauya kuzokuudzai.” (Jobho 1:18, 19) Vasingazivi vangataura kuti kuparadzwa kwakaparirwa nemhepo iyoyo kwakanga kuri ‘chiito chaMwari.’ Zvisinei, simba ramadhemoni rakanga ragunzva Jobho panorwadza zvikurukuru.
11 Arohwa nenhamo, Jobho ‘akabvarura nguo yake isina maoko, akagera vhudzi romusoro wake, akawira pasi, akapfugama.’ Bva, teerera mashoko ake. “Jehovha wakapa, Jehovha wakatora, zita raJehovha ngarikudzwe.” Nhoroondo yacho inowedzera, kuti: “Pazvinhu izvi zvose Jobho haana kutadza, haana kuti Mwari wakaita noupenzi.” (Jobho 1:20-22) Satani akakundwa zvakare. Zvakadini kana tikafanira kutambura kufirwa nenhamo savabatiri vaMwari? Kuzvipira kusina udyire kuna Jehovha nechivimbo maari zvinogona kutibetsera kutsungirira savachengeti veperero, sezvakangoita Jobho. Vakazodzwa navabiyavo avo vane tariro yapasi vanogona zvirokwazvo kuwana nyaradzo nesimba mune iyi nhoroondo yokutsungirira kwaJobho.
Nhau Yacho Inokomba Zvikuru
12, 13. Pane mumwe musangano mudenga, Satani akakumbirei, uye Mwari akapindura sei?
12 Nokukurumidza Jehovha akadanira mumwe musangano munzvimbo dzokudenga. Jobho akanga ava munhu asina mwana, akaitwa murombo, anoratidzika saakarohwa naMwari, asi perero yake yakanga yakakwana. Chokwadika, Satani haasati aizobvuma kuti pomero dzake pana Mwari naJobho dzakanga dziri dzenhema. Zvino ‘vanakomana vaMwari’ vakanga vodokunzwa nharo nokupikisana sezvo Jehovha akasunda Dhiyabhorosi kuti asvitse nhau yacho kumugumo.
13 Achidana Satani kuti azvidavirire, Jehovha akabvunza, kuti: “Wabvepiko?” Mhinduro yacho? “Pakupota-pota nenyika, napakufamba-famba pairi.” Jehovha zvakare akakwevera ngwariro kumubatiri wake Jobho asina chaaipomerwa, akarurama, aitya Mwari, uyo akanga achakabatisisa perero yake. Dhiyabhorosi akapindura, kuti: “Ganda rinotsihwa neganda, zvose zvaanazvo munhu ungazviisira upenyu hwake. Asi tambanudzai ruoko rwenyu zvino, murove mafupa ake nenyama yake, ipapo uchakushorai pachena.” Naizvozvo Mwari akati: “Tarira, iye uri paruoko rwako; asi kwoga urege upenyu hwake.” (Jobho 2:2-6) Achikarakadza kuti Jehovha akanga asati abvisa dziviriro dzose dzinotaviridza, Satani akakumbira kukuvadza fupa nenyama zvaJobho. Dhiyabhorosi aisazobvumidzwa kuuraya Jobho; asi Satani akaziva kuti hosha yomuviri yaizomurwadza ndokukuita kuti kuoneke sokuti akanga achitambura chirango chaibva kuna Mwari nokuda kwezvivi zvakavanzika.
14. Satani akarova Jobho nechii, uye neiko paisava nomunhu aigona kupa mutamburi betsero?
14 Adzingwa pamusangano iwoyo, Satani akapfuurira nokufara kwoutsinye. Akarova Jobho na“maronda akaipa, kubva patsoka dzake kusvikira pamusoro wake.” Jobho akatsungirira nhamo yakadini sezvaakagara mumadota achizvikwenya amene nechaenga! (Jobho 2:7, 8) Hapana chiremba womunhu aigona kumuunzira rusununguko muiyi hosha inorwadza zvikuru, inosemesa, uye inonyadzisa, nokuti yakanga yaparirwa nesimba rouSatani. Jehovha bedzi ndiye aigona kuporesa Jobho. Kana uri mubatiri waMwari anorwara, usatongokanganwa kuti Mwari anogona kukubetsera kutsungirira uye anogona kukupa upenyu munyika itsva isina hosha.—Pisarema 41:1-3; Isaya 33:24.
15. Mudzimai waJobho akamukurudzira kuitei, uye chii chakanga chiri kuita kwake?
15 Pakupedzisira, mudzimai waJobho akati: “Uchakabatisisa perero yako here? Tuka Mwari ufe hako!” (NW) “Perero” inoreva kuzvipira kusina mhaka, uye angave akataura nenzira yokunyomba kuita kuti Jobho atuke Mwari. Asi iye akapindura, kuti: “Iwe unotaura sezvinotaura mumwe wavakadzi mapenzi. Tingagamuchira zvakanaka bedzi paruoko rwaMwari, tikasagamuchira zvakaipawo here?” Kunyange aya manomano aSatani haana kushanda, nokuti tinoudzwa kuti: “Pazvinhu izvi zvose Jobho haana kutadza nomuromo wake.” (Jobho 2:9, 10) Ngatiti mitezo yemhuri inoshora yaizotaura kuti tiri kuzvinetesa nenzira youpenzi muzvinorondwa zvechiKristu ndokutikurudzira kuramba Jehovha Mwari. SaJobho, tinogona kutsungirira muedzo wakadaro nemhaka yokuti tinoda Jehovha uye tinoshuva kurumbidza zita rake dzvene.—Pisarema 145:1, 2; VaHebheru 13:15.
Vanyengeri Vatatu Vanozvitutumadza
16. Ndivanaani vakauya, sezvinofungidzirwa kuzonyaradza Jobho, asi Satani akavashandisa sei?
16 Mune rakabvumikisa kuva rimwe zano rouSatani, “shamwari” nhatu dzakauya, sezvaifungidzirwa kuzonyaradza Jobho. Mumwe akanga ari Erifazi, sezvingabvira muzukuru waAbrahama kupfurikidza naEsau. Sezvo Erifazi akanga achitanga mukutaura, pasina kupokana akanga ari mukurusa. Aivapowo, akanga ari Bhirdhadhi, muzukuru waShuha, mumwe wavanakomana vaAbrahama naKetura. Murume wechitatu akanga ari Zofari, ainzi muNamati kuzivisa mhuri yake kana kuti nzvimbo yokugara, zvichida kuchamhembe kwakadziva kumadokero kweArabia. (Jobho 2:11; Genesi 25:1, 2; 36:4, 11) Saavo vanoedza kuita kuti Zvapupu zvaJehovha zvirambe Mwari nhasi, ava vatatu vakashandiswa naSatani munhamburiko yokuita kuti Jobho abvume kuva nemhaka kupomero dzenhema ndokuputsa perero yake.
17. Vashanyi vatatu vakaitei, uye chii chavasina kuita kwamazuva manomwe nousiku hunomwe?
17 Vatatu vacho vakaratidza kunzwira tsitsi kukuru kupfurikidza nokuchema, kubvarura nguo dzavo, uye kumwaya guruva pamisoro yavo. Asi ipapo vakagara naJobho mazuva manomwe nousiku hunomwe vasina kutaura shoko rimwe rokunyaradza! (Jobho 2:12, 13; Ruka 18:10-14) Ava vanyengeri vatatu vanozvitutumadza vakanga vasina umudzimu kwazvo zvokuti vakanga vasina chinhu chinonyaradza chokuti vataure pamusoro paJehovha nezvipikirwa zvake. Bva, vakanga vachisvika mhedziso dzakaipa uye vachigadzirira kudzishandisira Jobho nokukurumidza sezvavaiva vawirirana nomuitiro wavose wenhamo yavose. Nenzira inofadza, kunyarara kwamazuva manomwe kusati kwaguma, murume muduku Erihu akagara kwaaigona kunzwa.
18. Neiko Jobho akatsvaka rugare murufu?
18 Pakupedzisira Jobho akadzongonyedza runyararo rwacho. Asina kuwana nyaradzo kuvashanyi vacho vatatu, akatuka zuva rokuberekwa kwake uye akashamisika kuti neiko upenyu hwake hwaisiririsa hwakanga huchirebeswa. Akatsvaka rugare murufu, asingambofungidziri kuti aizombogona kuva nomufaro chaiwoiwo zvakare asati afa, zvino zvaakanga ava murombo, akafirwa, uye airwara zvakakomba. Asi Mwari haaizorega Jobho achikuvadzwa kusvikira parufu.—Jobho 3:1-26.
Vapomeri vaJobho Vanodenha
19. Erifazi akapomera Jobho zvenhema mumativii?
19 Erifazi akatanga kutaura muzvikamu zvitatu zvokukurukura izvo zvakaedzazve kuperera kwaJobho. Mukutaura kwake kwokutanga, Erifazi akabvunza, kuti: “Vakarurama vakatongoparadzwa papi?” Iye akagumisa kuti Jobho anofanira kuva akaita chimwe chinhu chakaipa kuti agamuchire chirango chaMwari. (Jobho, maganhuro 4, 5) Mukutaura kwake kwechipiri, Erifazi akaseka uchenjeri hwaJobho ndokubvunza, kuti: “Unozivei iwe zvatisingaziviwo isu?” Erifazi akareva kuti Jobho akanga achiedza kuzviratidza amene kuva mukuru kuna Wamasimba-ose. Achigumisa kudenha kwake kwechipiri, akarondedzera Jobho seane mhaka yokuramba kutenda, yepfumbamuromo, uye yokunyengera. (Jobho, ganhuro 15) Mukutaura kwake kwokupedzisira, Erifazi akapomera Jobho zvenhema mhosva zhinji—ugororo, kunyima chingwa nemvura vanoshayiwa, uye kudzvinyirira chirikadzi nenherera.—Jobho, ganhuro 22.
20. Kudenha kwaBhirdhadhi pana Jobho kwakanga kuri kworudzii?
20 Achitora chikamu chechipiri muchimwe nechimwe chezvikamu zvitatu zvekurukurirano, Bhirdhadhi aiwanzotevera musoro mukuru wakagadzwa naErifazi. Kutaura kwaBhirdhadhi kwaiva kupfupi asi kuchirwadza zvikuru. Akatopomera vana vaJobho kuita chakaipa uye nokudaro kuva vakafanirwa norufu. Nokufunga kusina kururama, akashandisa uyu muenzaniso: Sezvo nhokwe netsanga zvichioma pasina mvura, ndozvakwakaita na“vose vanokanganwa Mwari.” Kutaura ikoko ndokwechokwadi, asi kwaisashanda kuna Jobho. (Jobho, ganhuro 8) Bhirdhadhi akaronga hosha dzaJobho seidzo dzinouya pana vakaipa. (Jobho, ganhuro 18) Mukutaura kwake kupfupi kwechitatu, Bhirdhadhi akataura kuti munhu i“gonye” uye ‘honye’ uye naizvozvo haana kuchena pamberi paMwari.—Jobho, ganhuro 25.
21. Zofari akapomera chii Jobho?
21 Zofari akanga ari wechitatu kutaura mukukurukurirana kwacho. Muzvose hazvo, nzira yokufunga kwake yakatevera iyo yaErifazi naBhirdhadhi. Zofari akapomera Jobho uipi uye akamukurudzira kubvisa miitiro yake yokutadza. (Jobho, ganhuro 11, 20) Pashure pezvikamu zviviri Zofari akarega kutaura. Akanga asina chokuwedzera muchikamu chechitatu. Munguva yose iyi, zvisinei, Jobho nenzira yokushinga akapindura vapomeri vake. Somuenzaniso, pane imwe nguva iye akati: “Imi mose muri vanyaradzi pasina. Ko mashoko asina maturo achapera here?”—Jobho 16:2, 3.
Tinogona Kutsungirira
22, 23. (a) Somuchakaitika chaJobho, Dhiyabhorosi angaita sei achiedza kuputsa perero yedu kuna Jehovha Mwari? (b) Kunyange zvazvo Jobho akanga achitsungirira miedzo yakasiyana-siyana, chii chatingabvunza pamusoro pechimiro chake chendangariro?
22 SaJobho, tinganangana nounopfuura muedzo mumwe panguva imwe, uye Satani angashandisa kuodzwa mwoyo kana kuti zvimwe zvisakiso munhamburiko dzake dzokuputsa perero yedu. Iye angaedza kutiita kuti tipandukire Jehovha kana tiri kuva nezvinetso zvemari. Kana mudiwa akafa kana kuti tikava noutano hwakaipa, Satani angatsvaka kutipesvedzera kupomera Mwari. Seshamwari dzaJobho, mumwe munhu angatotipomera zvenhema. Sezvakaratidzira Hama Macmillan, Satani angave ari ‘kutironda,’ asi tinogona kutsungirira.
23 Sezvatacherekedza kusvika panguva ino, Jobho akanga ari kutsungirira miedzo yake yakasiyana-siyana. Zvisinei, akanga achingotsungirirawo zvake here? Akanga akaora mwoyo zvomenemene here? Ngationei kana Jobho akanga arasikirwa netariro yose chaizvoizvo.
Waizopindura Sei?
◻ Satani akamutsa nhaui huru muzuva raJobho?
◻ Jobho akaedzwa zvikurusa nemitooi?
◻ “Shamwari” nhatu dzaJobho dzakamupomera chii?
◻ Somuchakaitika chaJobho, Satani angaedza sei kuputsa perero yedu kuna Jehovha?
[Mufananidzo uri papeji 10]
A. H. Macmillan