Mapisarema
Rwiyo rwaDhavhidhi.
27 Jehovha ndiye chiedza changu+ neruponeso rwangu.
Ndingatya aniko?+
Jehovha ndiye nhare yeupenyu hwangu.+
Ndingadedereswa naaniko?
2 Vanhu vakaipa pavakandirwisa vachida kundibvambura-bvambura,+
Mhandu dzangu nevavengi vangu ndivo vakagumburwa vakawa.
Kunyange ndikasangana nehondo,
Ndichangoramba ndiine chivimbo.
4 Chinhu chimwe chete chandakakumbira Jehovha,
Ndicho chandichatsvaga,
Kuti ndigare mumba maJehovha mazuva ese eupenyu hwangu,+
Kuti ndirambe ndakatarisa kufadza kwaJehovha
5 Nekuti achandivanza munzvimbo yake yekuvanda pazuva redambudziko;+
Achandiviga munzvimbo yakavanda yetende rake;+
Achandikwidza pamusoro pedombo.+
6 Saka musoro wangu wava pamusoro pevavengi vangu vakandikomba;
Ndichapa zvibayiro patende rake ndichishevedzera nemufaro;
Ndichaimba ndichirumbidza Jehovha.*
8 Ndichitaura ndichikumiririrai, mwoyo wangu wakati:
“Tsvagai chiso changu.”
Haiwa Jehovha, ndichatsvaga chiso chenyu.+
9 Musandivanzira chiso chenyu.+
Musadzinga mushumiri wenyu makatsamwa.
Ndimi mubatsiri wangu;+
Musandirasa kana kundisiya, Mwari weruponeso rwangu.
11 Ndirayiridzeiwo munzira yenyu Jehovha,+
Nditungamirirei mugwara rekururama nekuda kwevavengi vangu.
12 Musandiisa mumaoko emhandu dzangu,+
Nekuti zvapupu zvenhema zviri kundipomera,+
Uye zviri kundityisidzira zvichida kundirwisa.
Tarisira kuna Jehovha.