Chii Chiri Chokutanga Muupenyu Hwako?
“Ndizivisei nzira yandinofanira kufamba nayo.”—PISAREMA 143:8.
1. Mambo Soromoni akagumisei pamusoro pezvirondwa zvavanhu nezvinoitwa?
IWE zvimwe unoziva somunhu upi noupi kuti upenyu hwakazadzwa nemibato nezvinoitirwa hanya. Apo unofunga nezvazvo, unogona kuziva zvimwe zvaizvozvo sezvinokosha. Mimwe mibato nezvinoitirwa hanya zvinokosha zvishoma kana kuti hazvitombokoshi. Kuti unoziva ikoku kunoreva kuti unotsinhirana nomumwe wavarume vakachenjera zvikurusa ati ambovapo, Mambo Soromoni. Pashure pokunge ahwirudzura zvakakwana mibato youpenyu, akagumisa kuti: “Itya Mwari, uchengete mirayiro yake; nokuti ndizvo zvakafanira vanhu vose.” (Muparidzi 2:4-9, 11; 12:13) Ikoku kune revoi nokuda kwedu nhasi?
2. Mubvunzoi unokosha uyo vanhu vanotya Mwari vanofanira kuzvibvunza vamene, kuchitungamirira kumibvunzoi inowirirana?
2 Kana uchida ku“tya Mwari, uchengete mirayiro yake,” zvibvunze umene uyu mubvunzo unodenha, ‘Chii chiri chokutanga muupenyu hwangu?’ Sezvinobvumwa, ungasarangarira mubvunzo iwoyo zuva nezuva, asi kuregererei kuurangarira zvino? Kutaura idi, unokarakadza mimwe mibvunzo inowirirana, yakadai sokuti, ‘Ndingava ndiri kuisa simbiso isina kufanira pabasa rangu kana kuti pazvinhu zvokunyama here? Musha wangu, mhuri, uye vadiwa vanokwana papi munhau yacho?’ Pwere ingabvunza kuti, ‘Dzidzo inotora ngwariro yangu nenguva kusvikira kutambanukoi? Chaizvoizvo, basa rokuzvifadza, mutambo, kana kuti chimwe chimiro chevaraidzo kana kuti ruzivo rwezvokugadzira zvinhu ifariro yangu huru here?’ Uye pasinei zvapo nezera redu kana kuti mamiriro ezvinhu, tinofanira kubvunza nenzira yakarurama kuti, ‘Kubatira Mwari kune nzvimboi muupenyu hwangu?’ Sezvingabvira ungabvumirana nezvokudikanwa kwezvokutanga. Asi tinogona kuwana sei uye kupi rubatsiro rwokuzvironga nenzira yokuchenjera?
3. Kuisa zvokutanga kunobatanidzei nokuda kwavaKristu?
3 “Chokutanga” rine mufungo mukuru wechimwe chinhu chinouya pamberi pezvimwe zvose kana kuti chinoda kurangarirwa kutanga. Ungava uri mumwe weZvapupu zvaJehovha kana kuti uri pakati pamamiriyoni evadzidzi vapachokwadi veShoko raMwari anosonganirana nazvo, rangarira chokwadi ichi: “Chinhu chimwe nechimwe chine musi wacho, uye shoko rimwe nerimwe pasi pedenga rine nguva yaro.” (Muparidzi 3:1) Nenzira yakarurama, ikoko kunobatanidza kuratidza kwako kuitira hanya kworudo ukama hwemhuri. (VaKorose 3:18-21) Kunobatanidza kuita gadziriro yokutendeseka yemhuri yako kupfurikidza nebasa rokunyika. (2 VaTesaronika 3:10-12; 1 Timotio 5:8) Uye nokuda kwechinjo, ungaronga nguva yebasa rokuzvifadza kana kuti varaidzo yapanhambo nenhambo kana kuti nhandaro. (Enzanisa naMarko 6:31.) Pakufunga kwakakomba, kunyange zvakadaro, hauoni kuti hapana nechimwe chaizvozvi chiri chokutanga muupenyu here? Chimwe chinhuwo zvacho chinokosha zvikuru.
4. VaFiripi 1:9, 10 ine chokuita sei nokuisa kwedu zvokutanga?
4 Zvimwe unoziva kuti nheyo dzinotungamirira dzeBhaibheri iyamuro dzinokosha mukuronga zvokutanga nokuita zvisarudzo zvokuchenjera. Somuenzaniso, pana VaFiripi 1:9, 10, vaKristu vanokurudzirwa ku“wanda pakuziva nokunzwisisa kwose.” Nomugumisiroi? Muapostora Pauro akawedzera kuti: “Kuti mugova nechokwadi chezvinhu zvinokosha zvikuru, (NW).” Ikoko hakuna mufungo here? Pahwaro hwezivo yakarurama, muKristu anonzwisisa anogona kuziva chinofanira kuva chefariro yokutanga—chokutanga—muupenyu.
Muenzaniso Pamusoro Pechokutanga
5. Mukurondedzera muenzaniso wakasiyirwa vaKristu, Magwaro anoratidza sei chakanga chiri chokutanga muupenyu hwaJesu?
5 Tinowana rutivi runokosha rwezivo mumashoko omuapostora Petro okuti: “Nokuti makadanirwa izvozvo, Kristu zvaakakutambudzikiraiwo, akakusiyirai mufananidzo, kuti mutevere makwara ake.” (1 Petro 2:21) Hungu, kuti tizive chiri chokutanga muupenyu, tinogona kunzvera icho Jesu Kristu aifunga pamusoro pako. Pisarema 40:8 yakati nenzira youporofita nezvake: “Ndinofara kwazvo kuita kuda kwenyu, Mwari wangu; zvirokwazvo murayiro wenyu uri mumwoyo mangu.” Iyi ndiyo nzira iyo akataura nayo mufungo mumwe chetewo: “Zvokudya zvangu ndizvo, kuti ndiite kuda kwowakandituma, nokupedza basa rake.”—Johane 4:34; VaHebheru 12:2.
6. Tinogona sei kuva nemigumisiro mimwe cheteyo sezvakaita Jesu mukuisa kuda kwaMwari pakutanga?
6 Cherekedza chinokosha ichocho—kuita kuda kwaMwari. Muenzaniso waJesu unosimbisa icho vadzidzi vake nenzira yakarurama vanofanira kuita chokutanga muupenyu hwavo, nokuti akataura kuti “mumwe nomumwe, kana akwaniswa, uchava somudzidzisi wake.” (Ruka 6:40) Uye sezvo Jesu akafamba munzira iyo Baba vake vakaronga, akaratidza kuti pakanga pane “mufaro wakazara” mukuchengeta kuda kwaMwari kuri chokutanga. (Pisarema 16:11; Mabasa 2:28) Unoona izvo ikoko kunoreva here? Sezvo vateveri vaJesu vachisarudza kuita kuda kwaMwari sechinhu chokutanga muupenyu hwavo, vachafarikanya “mufaro wakazara” uye upenyu chaihwoihwo. (1 Timotio 6:19) Naizvozvo pane chinopfuura chikonzero chimwe chokuita kuti kuda kwaMwari kuve chokutanga muupenyu hwedu.
7, 8. Miedzoi iyo Jesu akatarisana nayo, uye tinogona kudzidzei muna ikoku?
7 Pashure chaipo pokunge Jesu aratidzira kuzvipa amene kuita kuda kwaMwari, Dhiyabhorosi akatsvaka kumutsausa. Sei? Nomuedzo munharaunda nhatu. Nguva imwe neimwe Jesu akapindura namashoko apaMagwaro, akajeka. (Mateo 4:1-10) Asi mimwe miedzo yakamumirira—chitambudzo, kusekwa, kutengeswa naJudhasi, pomero dzenhema, uye ipapo rufu padanda rokutambudzira. Zvisinei, hapana nomumwe wemiedzo iyi wakaita kuti Mwanakomana akavimbika waMwari abve panzira yake. Panhambo yakakomba, Jesu akanyengetera kuti: “Kurege kuva kuda kwangu. . . . Kuda kwenyu ngakuitwe.” (Mateo 26:39, 42) Mumwe nomumwe wedu haafaniri kuororwa zvikuru nourwu rutivi rwomuenzaniso rwatakasiyirwa, kuchitiparira ku“ramba [ti]chinyengetera” here?—VaRoma 12:12.
8 Hungu, apo tinogadza zvokutanga zvedu muupenyu, nhungamiro youmwari inobetsera zvikuru, zvikurukuru kana tichitarisana navavengi vechokwadi uye vashori vokuda kwaMwari. Yeuka mukumbiro waMambo Dhavhidhi akatendeka nokuda kwenhungamiro paakawana chishoro chavavengi. Tichanzwisisa ikoku sezvatinorangarira chikamu chePisarema 143. Ichochi chinofanira kutibetsera kuziva nzira yatinogona nayo kusimbisa ukama hwedu hwomunhu oga naJehovha ndokusimbiswa kuchengeta kuita kuda kwaMwari kuri chokutanga muupenyu hwedu.
Jehovha Anonzwa uye Anopindura Minyengetero Yedu
9. (a) Kunyange zvazvo Dhavhidhi akanga ari mutadzi, mashoko ake nezviito zvinoratidzirei? (b) Nei tisingafaniri kurega kuita zvakarurama?
9 Kunyange zvazvo aiva munhu anotadza, Dhavhidhi aitenda kuti Jehovha aizonzwa mukumbiro wake. Akateterera nenzira yokuzvininipisa kuti: “Inzwai munyengetero wangu, Jehovha; teererai kukumbira kwangu; ndipindurei nokutendeka kwenyu nokururama kwenyu. Regai kutonga muranda wenyu; nokuti hapana munhu mumwe mupenyu ungaruramiswa pamberi penyu.” (Pisarema 143:1, 2) Dhavhidhi akanga achiziva kusakwana kwake, bva mwoyo wake wakanga wakakwana kuna Mwari. Nokudaro, akange ane chivimbo chokuti aizogamuchira mhinduro mukururama. Ikoku hakutikurudziri here? Kunyange zvazvo tisingasviki kururama kwaMwari, tinogona kuva nechivimbo chokuti anotinzwa kana mwoyo yedu yakakwana kwaari. (Muparidzi 7:20; 1 Johane 5:14) Patinopfuurira kunyengetera, tinofanira kuva vakatsunga ku“kund[a] zvakaipa nezvakanaka” muano mazuva akaipa.—VaRoma 12:20, 21; Jakobho 4:7.
10. Nei Dhavhidhi akava nenhambo dzokufunganya?
10 Dhavhidhi akanga ane vavengi, sezvatinavowo. Kunyange somupoteri aitiza Sauro, achimanikidzwa kutsvaka utiziro munzvimbo dziri dzoga, dzisingasvikiki, kana kuti samambo ainetswa navavengi, Dhavhidhi akanga ane nhambo dzake dzokufunganya. Akarondedzera kutapura uko ikoku kwakamuita: “Muvengi wakatambudza mweya wangu; . . . Wakandigarisa panzvimbo dzine rima . . . Saka mweya wangu waziya mukati mangu; mwoyo wangu wavhunduswa mukati mangu.” (Pisarema 143:3, 4) Wakava nechikonzero chokunzwa nenzira yakafanana here?
11. Inhamboi dzokufunganya idzo vabatiri vaMwari vomuzuva razvino uno vakatarisana nadzo?
11 Dzvinyiriro yomuvengi, miedzo nemhaka yenhamo yakakomba yezvemari, kurwara kwakakomba, kana kuti zvimwe zvinetso zvinotambudza zvakatungamirira vamwe vavanhu vaMwari kunzwa kuti mudzimu wavo wakanga uchizoneta. Pane imwe nhambo mweya yavowo yakaita sokunge kuti yakafa. Kunenge kuti somunhu mumwe nomumwe vakadanidzira kuti: “Makandiratidza madambudzo mazhinji akaipa, ndimi muchatiraramisazve, . . . dzokaizve mundinyaradze.” (Pisarema 71:20, 21) Vakabetserwa sei?
Nzira Yokutarisana Nayo Nenhamburiko Dzavavengi
12. Mambo Dhavhidhi akagonana sei nengozi nemiedzo?
12 Pisarema 143:5 rinoratidza icho Dhavhidhi akaita paakakombwa nengozi uye miedzo mikuru: “Ndinorangarira mazuva akare; ndinofungisisa zvose zvamakaita; ndinofunga basa ramaoko enyu.” Dhavhidhi akayeuka kubata kwaMwari navabatiri Vake uye nzira iyo iye amene akanga anunurwa nayo. Akafungisisa pamusoro peizvo Jehovha akanga aita nokuda kwezita Rake guru. Hungu, Dhavhidhi akazvichengeta amene achiitira hanya mabasa aMwari.
13. Apo tinotarisana nemiedzo, kurangarira kwedu mienzaniso yakare neyazvino uno yavabatiri vakatendeka kuchatibetsera sei kutsungirira?
13 Hatina kuyeuka kazhinji kazhinji kubata kwaMwari navanhu vake here? Zvirokwazvo! Ikoku kunobatanidza chinyorwa chakaitwa ne‘gore guru rezvapupu’ munguva dzakatangira chiKristu. (VaHebheru 11:32-38; 12:1) VaKristu vakazodzwa vaiva muzana rokutanga ramakore vakakurudzirwawo ku“rangarira mazuva okutanga” uye zvavakanga vatsungirira. (VaHebheru 10:32-34) Zvakadiniko nezvakaitika zvavabatiri vaMwari vomunguva dzazvino uno, zvakadai seizvo zvinorondedzerwa muna Jehovah’s Witnesses—Proclaimers of God’s Kingdom?a Nhoroondo dzakanyorwa imomo nomune zvimwe zvinyorwa dzinotigonesa kuyeuka nzira iyo Jehovha akabetsera nayo vanhu vake kutsungirira zvirambidzo, kuiswa mutorongo, chiito chenyongori, uye misasa yavaranda neyechibharo. Kwave kune miedzo munyika dzakasakadzwa nehondo, dzakadai seBurundi, Liberia, Rwanda, uye yaichimbova Yugoslavia. Apo chishoro chakazviratidzira chimene, vabatiri vaMwari vakatsungirira nemhaka yokuchengeta ukama hwakasimba naJehovha. Ruoko rwake rwakatsigira avo vakaita kuda kwake chokutanga muupenyu hwavo.
14. (a) Ndoupi mumwe muenzaniso wokutsigira kwaMwari munhu aiva mumamiriro ezvinhu angava akafanana needu? (b) Unodzidzei mumuenzaniso iwoyo?
14 Zvisinei, ungapindura kuti hausati wava nokubatwa zvisina kufanira kwoutsinye kwakadaro, uye ungarangarira kuti kungasamboitika. Kutsigira kwaMwari vanhu vake, kunyange zvakadaro, nguva dzose hakuna kuva mune izvo vamwe vangarangarira semamiriro ezvinhu anoshamisa. Akatsigira vanhu“wo zvavo” vakawanda vaiva mumamiriro ezvinhu “enguva dzose.” Heuno mumwe chete wemienzaniso yakawanda: Nharireyomurindi yaDecember 1, 1996 yakanga ine nhoroondo yakataurwa naPenelope Makris here? Muenzaniso wakaisvonaka zvakadini weperero yechiKristu! Unogona kuyeuka zvaakatsungirira kuvavakidzani, nzira yaakarwisana nayo noundonda hwakakomba, uye nhamburiko dzaakashandisa kuti arambe ari muushumiri hwenguva yakazara here? Zvakadiniko nechakaitika chake chinotusa muMytilene? Pfundo ndeiri, Unoona mienzaniso yakadaro sebetsero dzedu tose mukuisa zvokutanga, kuisa kuita kuda kwaMwari pakutanga muupenyu hwedu here?
15. Ndezvipi zviri zvimwe zvezviito zvaJehovha zvatinofanira kufungisisa?
15 Kunotisimbisa kufungisisa pamibato yaJehovha, sezvakaita Dhavhidhi. Mukuita donzo rake, Jehovha akaita gadziriro yoruponeso kupfurikidza norufu rwoMwanakomana wake, rumuko, uye kupiwa mbiri. (1 Timotio 3:16) Akagadza Umambo hwake hwokudenga, akabvisa Satani namadhimoni ake mumatenga, uye akadzorera kunamata kwechokwadi pasi pano. (Zvakazarurwa 12:7-12) Akaumba paradhiso yomudzimu uye akakomborera vanhu vake newedzero. (Isaya 35:1-10; 60:22) Vanhu vake zvino vari kupa uchapupu hwokupedzisira dambudziko guru risati ravamba. (Zvakazarurwa 14:6, 7) Hungu, tine zvakawanda zvokufungisisa pamusoro pazvo.
16. Tinokurudzirwa kuitira hanya chii, uye ikoku kucharovererei patiri?
16 Kuzvichengeta timene tichiitira hanya basa ramaoko aMwari panzvimbo pokuva vanobatikana namabasa avanhu kunosimbisa patiri kuti simba rinoshandiswa raJehovha haridzivisiki. Mabasa iwayo, kunyange zvakadaro, haana kuganhurirwa kumabasa anooneka anoshamisa echisiko mumatenga uye pasi pano. (Jobho 37:14; Pisarema 19:1; 104:24) Mabasa ake anoshamisa anobatanidza zviito zvokununurwa kwavanhu vake muvadzvinyiriri vari vavengi, sezvinoratidzirwa muzvakaitika zvavanhu vake vakare vakasarudzwa.—Eksodho 14:31; 15:6.
Kuziva Nzira Yokufamba Nayo
17. Jehovha akanga ari chaiyeiye sei kuna Dhavhidhi, uye tinogona sei kunyaradzwa kupfurikidza naikoku?
17 Dhavhidhi akanyengeterera yamuro achityira kuti upenyu hungamuperera: “Ndinotambanudzira maoko angu kwamuri; mweya wangu unokushuvai senyika yakaomerwa. Kurumidzai kundipindura, Jehovha; mweya wangu waziya; regai kundivanzira chiso chenyu; ndigosava savanoburukira kugomba.” (Pisarema 143:6, 7) Dhavhidhi, mutadzi, aiziva kuti Mwari akanga achiziva mamiriro ake ezvinhu. (Pisarema 31:7) Padzimwe nguva isuwo tingarangarira kuti umudzimu hwedu hwasvika pamwero wakaderera. Asi mamiriro ezvinhu haasi asina tariro. Jehovha, uyo anonzwa minyengetero yedu, angakurumidzisa kudzorerwa kwedu kupfurikidza nokutizorodza kupfurikidza navakuru vane rudo, nyaya dzomuNharireyomurindi, kana kuti mativi emisangano anoratidzika kuva akagadzirirwa isu chaizvo.—Isaya 32:1, 2.
18, 19. (a) Ndoupi unofanira kuva mukumbiro wedu wapachokwadi kuna Jehovha? (b) Tinogona kuva nechokwadi chei?
18 Chivimbo chedu muna Jehovha chinotisunda kumukumbira kuti: “Ndinzwisei unyoro hwenyu mangwanani; nokuti ndinovimba nemi; ndizivisei nzira yandinofanira kufamba nayo.” (Pisarema 143:8) Akaodza mwoyo Hanzvadzi Makris here, vakanga vari voga pachitsuwa cheGreece? Naizvozvo achakuodza mwoyo sezvaunoita kuda kwake chinhu chokutanga muupenyu hwako here? Dhiyabhorosi navamiriri vake vangada kudzivisa kana kuti kumisa chose chose basa redu rokuzivisa Umambo hwaMwari. Tingava tichibatira munyika umo kunamata kwechokwadi kunobvumirwa zvikuru kana kuti tichibatira umo kunodzvinyirirwa, minyengetero yedu yakabatana inotsinhirana nokukumbira kwaDhavhidhi kuti: “Ndirwirei Jehovha, pana vavengi vangu; ndinovanda nemi.” (Pisarema 143:9) Chengeteko yedu mukurwisana nengwavaira yomudzimu inotsamira mukugara munzvimbo yakavanzika yoWokumusorosoro.—Pisarema 91:1.
19 Kupwiswa kwedu nezvechiri chinhu chokutanga kwakasimba zvikuru. (VaRoma 12:1, 2) Dzivisa, ipapoka, nhamburiko dzenyika dzokuisa pauri zvainofunga kuti zvinokosha muchirongwa chavanhu chezvinhu. Pfuurira kuita kuti rutivi rwuri rwose rwoupenyu hwako rwuratidzire chaunoziva kuti ndechokutanga—kuita kuda kwaMwari.—Mateo 6:10; 7:21.
20. (a) Tadzidzei pamusoro paDhavhidhi paPisarema 143:1-9? (b) VaKristu nhasi vanoratidzira sei mudzimu waDhavhidhi?
20 Ndima pfumbamwe dzokutanga dzePisarema 143 dzinosimbisa ukama hwaDhavhidhi hwomunhu oga hwapedyo naJehovha. Paakakomberedzwa navavengi, nenzira yokusununguka akakumbira Mwari nhungamiro. Akadurura mwoyo wake, achitsvaka betsero munzira yakarurama yokufamba nayo. Zvakafanana nhasi nevakasarira vevakazodzwa nomudzimu pasi pano neshamwari dzavo. Vanorangarira ukama hwavo naJehovha kuva hunokosha sezvavanomukumbira nhungamiro. Vanochengeta kuita kuda kwaMwari pakutanga, pasinei zvapo nedzvinyiriro dzinobva kuna Dhiyabhorosi nenyika.
21. Nei kuchikosha kuti tigadze muenzaniso wakanaka kana tichizodzidzisa vamwe chinofanira kuva chokutanga muupenyu hwavo?
21 Mamiriyoni ari kufunda Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha anofanira kuziva kuti kuita kuda kwaMwari ndekwokutanga. Tinogona kuabetsera kunzwisisa ikoku pakukurukura ganhuro 13 rebhuku raZivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi, iyo inosimbisa nheyo dzinobatanidzwa mukuva anoteerera Shoko.b Chokwadika, vanofanira kuona zvatinovadzidzisa zvichiratidzirwa matiri. Pashure penhambo pfupi zvikuru yenguva, ivowo vachasvika pakuziva nzira yavanofanira kufamba mairi. Sezvo aya mamiriyoni pachawo anonzwisisa chinofanira kuva choukoshi hukurusa muupenyu hwawo, vakawanda vachasundwa kutora nhano dzetsauriro norubhabhatidzo. Pashure paikoko, ungano inogona kuvabetsera kuramba vachifamba munzira youpenyu.
22. Mibvunzoi icharangarirwa munyaya inotevera?
22 Vakawanda vanobvuma nyore nyore kuti kuda kwaMwari kunofanira kuva kwoukoshi hukurusa muupenyu hwavo. Kunyange zvakadaro, Jehovha nenzira inofambira mberi anodzidzisa sei vabatiri vake kuita kuda kwake? Ikoku kunovaunzira betseroi? Iyi mibvunzo icharangarirwa, pamwe chete nekurukurirano yendima inokosha, Pisarema 143:10, munyaya inotevera.
[Mashoko Omuzasi]
a Rakabudiswa muna 1993 neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.
b Rakabudiswa muna 1995 neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.
Ndeipi Iri Mhinduro Yako?
◻ Kupfurikidza nokushandisa VaFiripi 1:9, 10, tinogona sei kuziva zvokutanga?
◻ Jesu akaratidza sei chakanga chiri chokutanga muupenyu hwake?
◻ Tinogona kudzidzei muzviito zvaDhavhidhi apo akanga ari mumuedzo?
◻ Pisarema 143:1-9 inotibetsera munzirayi nhasi?
◻ Chii chinofanira kuva chokutanga muupenyu hwedu?
[Mufananidzo uri papeji 10]
Zviito zvaDhavhidhi zvakabvumikisa kutsamira kwake pana Jehovha
[Kwazvakatorwa]
Rakabudiswazve kubva muIllustrirte Pracht - Bibel/Heilige Schrift des Alten und Neuen Testaments, nach der deutschen Uebersetzung D. Martin Luther’s