Zvirungamutauro Zviri muBhaibheri Unozvinzwisisa Here?
ZVIRUNGAMUTAURO zvinopa pfungwa yakadzama mumashoko mashomanana. MuBhaibheri mune zvirungamutauro zvakawanda zvinotaurwa semifananidzo zvinobatsira muverengi kuti anzwisise zvaanenge achiverenga.a Somuenzaniso, imwe ongororo inoratidza kuti Jesu akashandisa zvirungamutauro zvinopfuura 50 muMharidzo yepaGomo yaakapa.
Nei uchifanira kufarira zvirungamutauro izvi? Chimwe chikonzero ndechokuti kana ukazvinzwisisa uchanakidzwa paunenge uchiverenga Bhaibheri uye uchawedzera kunzwisisa uye kukoshesa Shoko raMwari. Uye, kana ukagona kuona zvirungamutauro, unokwanisa kunyatsonzwisisa mashoko ari muBhaibheri. Kutaura chokwadi, kutadza kuona zvirungamutauro zviri muBhaibheri hakungoiti kuti uvhiringike asi kunogona kuita kuti uwane pfungwa isiri iyo.
Kunzwisisa Zvirungamutauro
Zvirungamutauro zvinofananidza imwe pfungwa neimwe. Pfungwa inenge ichitaurwa nezvayo inonzi musoro wenyaya, uye pfungwa yainenge ichifananidzwa nayo inonzi, mufananidzo. Pfungwa mbiri idzi dzinenge dziine padzakafanana. Saka chinokosha pakuti unzwisise zvinonyatsoreva chirungamutauro chacho ndechokunzwisisa zvinhu zvitatu zvataurwa izvi.
Pane dzimwe nguva zvingava nyore kuona musoro wenyaya nomufananidzo. Asi zvinhu izvi zvinogona kufanana pane zvakawanda. Chii chichakubatsira kuziva zvakarurama zvinenge zvichinyatsorehwa nechirungamutauro chacho? Kazhinji kacho mamwe mashoko ari munyaya yacho ndiwo anogona kukubatsira.b
Somuenzaniso, Jesu akaudza ungano yaiva muSadhisi kuti: “Kunze kwokuti ukamuka, ndichauya sembavha.” Pano Jesu akanga ari kufananidza kuuya kwake (musoro wenyaya) nokuuya kwembavha (mufananidzo). Asi kuuya kwaJesu nokuuya kwembavha zvakafanana papi? Mamwe mashoko ari munyaya anogona kutibatsira. Jesu akaenderera mberi achiti: “Hauzombozivi kuti ndichauya kwauri paawa ipi.” (Zvakazarurwa 3:3) Saka fananidzo iyi haisi kutaura chinangwa chokuuya kwake. Akanga asiri kureva kuti aizouya kuzoba. Asi, chakafanana apa ndechokuuya kwake vanhu vasingatarisiri uye asina kutaura.
Kunyange zvakadaro, dzimwe nguva chirungamutauro chinenge chiri mune imwe ndima yeBhaibheri chingakubatsira kunzwisisa chimwe chirungamutauro chakafanana nacho mune imwe ndima yeBhaibheri. Somuenzaniso, muapostora Pauro akashandisa chirungamutauro chakafanana nechakashandiswa naJesu paakanyora kuti: “Imi munonyatsoziva kuti zuva raJehovha riri kuuya sezvinonyatsoita mbavha usiku.” (1 VaTesaronika 5:2) Pauro paakataura mashoko aya haana kutaura zvakananga kufanana kwepfungwa dzacho. Zvisinei, kuenzanisa chirungamutauro ichi nechakashandiswa naJesu pana Zvakazarurwa 3:3 kunogona kukubatsira kunzwisisa kufanana kwakaita pfungwa yacho. Chirungamutauro ichi chinonyatsoyeuchidza zvine simba vaKristu vose vechokwadi kuti vanofanira kuramba vakamuka!
Zvirungamutauro Zvinotidzidzisa NezvaMwari
Hapana anogona kunzwisisa zvose kuti Jehovha ndiMwari akaita sei uye zvose zvaanokwanisa kuita. Munguva yekare, Mambo Dhavhidhi akanyora kuti ‘ukuru hwaJehovha hahugoni kuongororwa.’ (Pisarema 145:3) Ataura mamwe mabasa akaitwa naMwari, Jobho akati: “Tarirai! Aka kanongova kachikamu kadukuduku kenzira dzake, uye tinongonzwa zevezeve rokutaura kwake! Asi ndiani anganzwisisa kutinhira kwake kune simba?”—Jobho 26:14.
Kunyange zvakadaro, Bhaibheri rinoshandisa zvirungamutauro zvinokubatsira kunzwisisa zvishoma unhu hwakanaka hwaMwari wedu wokudenga. Jehovha anotsanangurwa saMambo, Muiti wemitemo, Mutongi, uye Murwi—zviri pachena kuti munhu waunofanira kuremekedza. Anotsanangurwawo soMufudzi, Mupi zano, Mudzidzisi, Baba, Muporesi, uye Mununuri—unogona kuda munhu akadai. (Pisarema 16:7; 23:1; 32:8; 71:17; 89:26; 103:3; 106:21; Isaya 33:22; 42:13; Johani 6:45) Tsanangudzo dziri nyore kunzwisisa dzakadai dzinoita kuti ufunge nezvounhu hwakanaka hwezvinhu zvaanenge afananidzwa nazvo. Zvirungamutauro zvakadaro zvinogona kubudisa pfungwa yakadzama nemashoko mashomanana.
Bhaibheri rinofananidzawo Jehovha nezvinhu zvisina upenyu. Anotsanangurwa se“Dombo raIsraeri,” se“ibwe,” uye se“nhare.” (2 Samueri 23:3; Pisarema 18:2; Dheuteronomio 32:4) Akafanana papi nezvinhu izvi? Sezvo dombo guru rakatsiga, risingazununguki, Jehovha Mwari anogonawo kukuchengetedza nokuti akatsiga uye haazununguki.
Bhuku reMapisarema rakazara zvikuru nezvirungamutauro zvinorondedzera zvakawanda nezvounhu hwaJehovha. Somuenzaniso, Pisarema 84:11 rinoti Jehovha “izuva nenhoo” nokuti ndiye anopa chiedza, upenyu, simba uye nokutidzivirira. Ukuwo, Pisarema 121:5 inoti “Jehovha ndiye mumvuri wako kuruoko rwako rworudyi.” Sezvo mumvuri uchikudzivirira pazuva rinobanda, Jehovha anogona kudzivirira vaya vanomushumira kubva pamatambudziko anoita seanopisa, achivadzivirira no“ruoko” rwake kana kuti ne“mapapiro” ake sezvinoita mumvuri.—Isaya 51:16; Pisarema 17:8; 36:7.
Zvirungamutauro Zvinotsanangura Jesu
Bhaibheri rinotaura kakawanda kuti Jesu “Mwanakomana waMwari.” (Johani 1:34; 3:16-18) Vamwe vasiri vaKristu vanoomerwa nokunzwisisa nyaya iyi, nokuti Mwari haana mukadzi uye haana kuita sesu vanhu. Zviri pachena kuti, haaiti mwanakomana sezvinoita vanhu. Saka mashoko aya ane chirungamutauro. Chirungamutauro ichi chinobatsira muverengi kunzwisisa kuti ukama hwaJesu naMwari hwakafanana nohwababa nemwana. Chirungamutauro ichi chinoratidza kuti Jesu akawana upenyu hwake kuna Jehovha, zvaakasikwa naye. Saizvozvowo munhu wokutanga Adhamu anonziwo “mwanakomana waMwari.”—Ruka 3:38.
Jesu akashandisa zvirungamutauro kutsanangura mabasa akasiyana-siyana aanoita muchinangwa chaMwari. Somuenzaniso, akati: “Ndini muzambiringa wechokwadi, uye Baba vangu ndivo murimi.” Jesu akabva afananidza vadzidzi vake nemapazi omuzambiringa. (Johani 15:1, 4) Ipfungwa dzipi dzinokosha dzatinodzidziswa nechirungamutauro ichi? Kuti mapazi arambe ari mapenyu uye achibereka, anofanira kuramba ari pamuzambiringa. Saizvozvowo, vadzidzi vaJesu vanofanira kuramba vari pamwe chete naye. Jesu akati: “Hamungambogoni kuita chinhu musiri pamwe neni.” (Johani 15:5) Uye sezvinongoitwa nomurimi kuti anotarisira kuti muzambiringa wake ubereke, Jehovha anotarisira vaya vari pamwe chete naKristu kuti vabereke zvibereko mune zvokunamata.—Johani 15:8.
Iva Nechokwadi Chokuona Pazvakafanana
Tinogona kurasika pfungwa yacho kana tikangoverenga zvirungamutauro tisinganzwisisi pazvakafanana. Somuenzaniso, mashoko ari pana VaRoma 12:20 anoti: “Kana muvengi wako aine nzara, mupe zvokudya; kana aine nyota, mupe chimwe chinhu kuti anwe; nokuti nokuita izvi uchatutira marasha anopisa pamusoro wake.” Kuisa marasha pamusoro womunhu kunoreva kutsiva here? Kwete, hatingafungi kudaro kana tikanzwisisa pazvakafanana. Chirungamutauro ichi chinobva pane zvaiitwa kare pakunyudutsa simbi. Simbi isati yanyungudutswa yaipiswa pamarasha, uye mamwe marasha aiiswawo pamusoro pesimbi yacho. Nzira iyi yainyatsobvisa marara ose kusvikira pangosara simbi yacho chete. Saizvozvowo, kuitira mutsa munhu akadaro kunoita kuti achinje mafungiro ake uye aite zvakanaka.
Kunyatsonzwisisa chirungamutauro hakungoiti kuti zvitijekere mupfungwa asiwo kunototibaya mwoyo. Tinonzwisisa kurwadza kwechivi pachinofananidzwa nechikwereti. (Ruka 11:4) Asi patinokanganirwa naJehovha uye paanodzima chikwereti chataizofanira kubhadhara, tinotura befu! Patinoudzwa kuti ‘anofukidza’ uye kuti ‘anodzima’ zvivi zvedu—zvinoita sokudzima zvinhu zvakanyorwa pabhodhi—zvinoita kuti tive nechivimbo chokuti haazotitongeri zvivi zvacho munguva yemberi. (Pisarema 32:1, 2; Mabasa 3:19) Zvinonyaradza zvikuru kuziva kuti Jehovha anogona kudzima zvivi zvedu zvinooneka somucheka wakatsvuka kuti piriviri oita kuti zvichene kuti mbembe sechando!—Isaya 1:18.
Zvirungamutauro izvi zvinongova mutakunanzva wemazana ezvimwe zvinowanikwa muShoko raMwari Bhaibheri. Saka paunenge wava kuverenga Bhaibheri rako, isa pfungwa dzako pazvirungamutauro. Zvipe nguva yokunyatsoona kuti zvakafanana papi uye fungisisa nezvazvo. Kana ukadaro unowedzera kunzwisisa uye kufarira kwaunoita Magwaro.
[Mashoko Omuzasi]
a Munyaya ino shoko rokuti “zvirungamutauro” rinoreva tsumo, madimikira, mifananidzo nezvimwewo zvidavado zvinoshandiswa pakutaura.
b Enisaikoropidhiya yeBhaibheri inonzi Insight on the Scriptures, yakabudiswa neZvapupu zvaJehovha, ine mashoko akawanda anogona kubatsira pakutsanangura kufanana kunenge kwakaita pfungwa dzacho.
[Bhokisi riri papeji 13]
Kubatsira Kunoita Zvirungamutauro
Zvirungamutauro zvinobatsira munzira dzakasiyana-siyana. Pfungwa yakaoma kunzwisisa inogona kufananidzwa nechimwe chinhu chiri nyore kunzwisisa. Zvirungamutauro zvakawanda zvinogona kushandiswa kujekesa pfungwa dzakasiyana-siyana dzeimwe nyaya. Pfungwa dzinokosha dzinogona kusimbiswa nechirungamutauro kana kuti dzinogona kuitwa kuti dzinakidze.
[Bhokisi riri papeji 14]
Ziva Zvinhu Zvinoumba Zvirungamutauro
CHIRUNGAMUTAURO: “Imi muri munyu wenyika.” (Mateu 5:13)
MUSORO WENYAYA: Imi (vadzidzi vaJesu)
UFANANIDZO: Munyu
PAZVAKAFANANA PANYAYA YAITAURWA: Kuchengetedza
CHIDZIDZO: Vadzidzi vaiva nemashoko aigona kuchengetedza upenyu hwevanhu vakawanda
[Mashoko Okukwezva Vaverengi ari papeji 15]
“Jehovha ndiye Mufudzi wangu. Hapana chandingashayiwa.”