Kupfekerei Kuzvininipisa?
MUNYORI weAmerica Edgar Allan Poe akanga achangobva kupedza kurava nhau yake itsva kushamwari. Ivo nejee vakataura kuti iye akanga ashandisa zita regamba kazhinji kazhinji zvikuru. Poe akaita sei? Imwe shamwari yakayeuka, kuti: “Mudzimu wake wokudada hausati waizoshivirira tsiuro yapachena yakadaro, naizvozvo akashatirwa zvikuru, shamwari dzake dzisati dzagona kumudzivisa, iye akanga akandira pepa riri rose mumwoto unopfuta.” Yakarasika yakanga iri nhau “inofadza zvikuru, isina chose chose rusuruvaro rwake . . . rwenguva dzose.” Kuzvininipisa kungave kwakaichengetedza.
Kunyange zvazvo rudado ruchiita kuti vanhu vaite zvinhu zvokusachenjera, rwakapararira munyika. Asi vabatiri vaJehovha vanofanira kuva vakasiana. Vanofanira kupfeka nguvo yakasanogadzirwa yokuzvininipisa.
Kuzvininipisa Chii?
Muapostora Pauro akanongedzera kunguvo yechiKristu yakaisvonaka yokuzvininipisa apo akanyorera vatendi biyake vaiva muguta rakare reKorose. Iye akakurudzira, kuti: “Savakasarudzwa vaMwari, vatsvene navanodiwa, zvipfekedzei mumene zvidakadaka zvinyoro zvetsitsi, mutsa, ndangariro inozvininipisa, unyoro, uye mwoyo murefu.”—VaKorose 3:12, NW.
Hungu, kuzvininipisa i“ndangariro inozvininipisa.” Iko ku“zvininipisa kwendangariro; kushaikwa kworudado; unyoro.” Munhu anozvininipisa “ane mwero mumudzimu; haadadi.” Iye “anoremekedza zvikuru kana kuti nenzira yakapfava.” (The World Book Dictionary, Volume I, peji 1030) Kuzvininipisa hausi umbwende kana kuti utera. Zvomenemene, rudado runoratidzira utera, nepo kuratidzira kuzvininipisa kazhinji kazhinji kuchiraira ushingi nesimba.
MuMagwaro shoko rechiHebheru rinoshandurwa kuti “zvininipise umene” chaizvoizvo rinoreva kuti “zvitsike umene.” Nokudaro, munyori akachenjera waZvirevo akapa zano, achiti: “Mwanakomana wangu, . . . wabatwa namashoko omuromo wako, . . . uzvirwire, zvawabatwa noruoko rwowokwako: Enda, undozvininipisa [zvitsike umene] ukumbire zvikuru kune wokwako.” (Zvirevo 6:1-3) Ndiko kuti, kandira rudado parutivi, bvuma mhosho yako, ruramisa zvinhu.
Kunofanira Kuva Kwechokwadi
Havasi vanhu vose vanoratidzika kuva vanozvininipisa vane kuzvininipisa kwechokwadi. Vamwe vanhu vanoratidzika kuva vanozvininipisa vangava vanodada zvomenemene uye vachaita chinhu chipi nechipi kuti vawane chavanoda. Ipapo kuna avo vanoshandisa unyengeri hwokuzvininipisa kwenhema kuti vaorore vamwe. Somuenzaniso, muapostora Pauro akasangana navamwe vakaratidzira “kuzvininipisa kwenhema,” uye iye akaratidzira kuti munhu upi noupi anoita ikoku zvomenemene akanga achi“zvitutumadza pasina chisakiso chakafanira kupfurikidza nechimiro chake chenyama chendangariro.” Munhu akadaro aifunga nenzira yakaipa kuti kuva nenyasha dzaMwari kwaitsamira pakuti aidya, ainwa, kana kuti aibata zvinhu zvakati kana kuti aichengeta mazuva orudzidziso kana kuti kwete. Chokwadi, iye angave akaratidzika kuva mutsvene naanozvininipisa, asi kuzvininipisa kwake kwenhema kwakanga kusina maturo. (VaKorose 2:18, 23, NW) Kutaura idi, kwakamutungamirira kufunga kuti mubairo woupenyu waipiwa kuavo vairamba zvinhu zvokunyama. Kwakaparira chimiro chamanomano chokudisa zvenyika nemhaka yokuti rambidzo dzokuzvinyima dzakanangidzira ngwariro pazvinhu zvokunyama izvo aiti anozvidza.
Pane rumwe rutivi, kuzvininipisa kwechokwadi kunodzora munhu pakuratidzira kuzvikoshesa mumupfekero, kutsvinda, uye mutoo woupenyu. (1 Johane 2:15-17) Munhu akapfeka nguvo yokuzvininipisa haasati achikwevera ngwariro isina kufanira kwaari amene kana kuti mano ake. Panzvimbo pezvo, kuzvininipisa kunomubetsera kubata vamwe nomutoo wokurangarira nokuzviona amene sokumuona kunoita Mwari. Uye ikoko kunodaro sei?
Murangariro waJehovha
Apo muporofita Samueri akanga odokuzodza mambo mutsva worudzi rwaIsraeri, akafunga kuti mwanakomana waJese Eriabhi akanga ari chisarudzo chaJehovha. Asi Mwari akaudza Samueri, kuti: “Usatarira chiso chake, kana mumhu wake, nokuti ndamuramba; nokuti Jehovha haaoni somunhu, nokuti munhu unotarira zviri kunze, asi Jehovha unotarira zviri pamwoyo.” Vanomwe vavakomana vaJese vakarambwa. Chisarudzo chaMwari chakanga chiri Dhavhidhi, uyo akabvumikisa kuva munhu worutendeko nokuzvininipisa.—1 Samueri 13:14; 16:4-13.
Nguvo yokuzvininipisa inotitaviridza pakudada, kuzvitutumadza—uye kusatenderwa naMwari. Iye “anoshora vanozvitutumadza, asi anopa mutsa usakafanirwa kuvanozvininipisa.” (Jakobho 4:6, NW) Murangariro wake unoratidzwa mumashoko owezvamapisarema: “Nokuti Jehovha uri kumusoro, kunyange zvakadaro une hanya nounozvininipisa; asi una manyawi Jehovha unomuziva ari kure.” (Pisarema 138:6; 1 Petro 5:5, 6) Icho Mwari anokarira kuvabatiri vake chiri pachena muuyu mubvunzo, unobvunzwa pana Mika 6:8: “Chinotsvakwa naJehovha kwauri chinyiko, asi kuti uite zvakarurama, ude unyoro, uye ufambe uchizvininipisa pamberi paMwari wako?”
Kunoratidzirwa naMwari naKristu
Hakushamisi kuti Jehovha anotikarira kuratidza kuzvininipisa! Ndirimwe ramavara ake amene. Pashure pokunge Mwari amununura pavavengi vake, Dhavhidhi akaimba, achiti: “Makandipawo [Jehovha] nhovo yokuponesa kwenyu, . . . [uye kuzvininipisa kwenyu mumene kuchandiita mukuru, NW].” (Pisarema 18:35; 2 Samueri 22:1, 36) Kunyange zvazvo Jehovha ari mumatenga marefu zvikurusa, “iye unozvidukupisa kuti aone zviri kudenga napasi, unosimudza murombo abve muguruva, nomushaiwi unomumutsa abve padurunhuru; kuti amugarise pamwe chete namachinda.” (Pisarema 113:5-8) Mwari anoratidza kuzvininipisa kupfurikidza nokushandisa ngoni kurudzi rwomunhu runotadza. Kubata kwake navatadzi uye kupa kwake Mwanakomana wake sechibairo chezvivi iratidziro dzokuzvininipisa kwake, rudo, uye mamwe mavara.—VaRoma 5:8; 8:20, 21.
Jesu Kristu, uyo akanga ari “munyoro [naane, NW] mwoyo unozvininipisa,” akagadza muenzaniso mukurusa wavanhu wokuzvininipisa. (Mateo 11:29) Iye akaudza vadzidzi vake, kuti: “Ani naani unozvikudza uchaninipiswa, naani naani unozvininipisa, uchakudzwa.” (Mateo 23:12) Ikoko kwakanga kusati kuchingova zvako kukatutsira. Pamadekwana asati afa, Jesu akashambidza tsoka dzavaapostora vake, achiita basa raiwanzoitwa navaranda. (Johane 13:2-5, 12-17) Jesu akabatira Mwari nokuzvininipisa asati auya kupasi uye akaratidzira kuzvininipisa chifo chorumuko rwake achienda kunzvimbo yakakwirira mudenga. Naizvozvo Pauro akapa zano vatendi biyake roku‘rangarira vamwe kuva vakuru kwavari’ ndokuva nechimiro chokuzvininipisa chaJesu Kristu.—VaFiripi 2:3, 5-11.
Sezvo Mwari naKristu vachiratidzira kuzvininipisa, avo vanoshuva tendero youmwari vanofanira kuratidzira iri vara. Kana takazvitutumadza padzimwe nguva, kungava kuchenjera kuzvininipisa timene ndokunyengeterera kanganwiro yaMwari. (Enzanisa na 2 Makoronike 32:24-26.) Uye panzvimbo pokuva nepfungwa dzokuzvitutumadza pamusoro pedu timene, tinofanira kushandisa zano raPauro, rokuti: “Musatsvaka zvinorumbidzwa, asi mufambidzane navanozvininipisa.” (VaRoma 12:16) Kunyanguvezvo, kuzvininipisa kunogona sei kutibetsera navamwe?
Betsero Dzokuzvininipisa
Betsero imwe yokuzvininipisa ndeyokuti kunotidzora pakuzvitutumadza pamusoro pedu timene. Isu nokudaro tinodzivisira vamwe shatiriso ndokudzivisa kukwenudzwa kwomunhu oga kana vasati vachifadzwa nezviitwa zvedu. Tinofanira kuganza muna Jehovha, kwete matiri timene.—1 VaKorinte 1:31.
Kuzvininipisa kunotibetsera kuwana nhungamiro youmwari. Jehovha akatumira ngirozi kuna Dhanieri ine chiono nemhaka yokuti muporofita iyeyo akazvininipisa amene pamberi paMwari pakutsvaka nhungamiro nenzwisiso. (Dhanieri 10:12) Apo Ezra akanga odokutungamirira vanhu vaJehovha vachibuda muBhabhironi nendarama yakawanda nesirivha zvokunatsa nazvo tembere yaiva muJerusarema, akazivisa kuzvinyima zvokudya kuti vagogona kuzvininipisa vamene pamberi paMwari. Muuyo wacho? Jehovha akavadzivirira padenho yomuvengi mukati morwendo rune ngozi. (Ezra 8:1-14, 21-32) Kufanana naDanieri naEzra, ngatiratidzirei kuzvininipisa ndokutsvaka nhungamiro yaJehovha panzvimbo pokuedza kuita mabasa akapiwa naMwari nouchenjeri hwedu timene nesimba.
Kana takapfeka nguvo yokuzvininipisa, ticharemekedza vamwe. Somuenzaniso, vana vane kuzvininipisa vanoremekedza ndokuteerera vabereki vavo. MaKristu anozvininipisa anoremekedzawo vatendi biyavo vamamwe marudzi, madzinza, uye migariro, nokuti kuzvininipisa kunoita kuti tive vasingasaruri.—Mabasa 10:34, 35; 17:26.
Kuzvininipisa kunosimudzira rudo norugare. Munhu anozvininipisa haarwisi vatendi biyake munhamburiko yokusimbisa anofungidzirwa kuva maruramiro ake. Pauro aingoita zvinhu bedzi zvakanga zvichivaka uye zvaisazonetsa hana yehama. (VaRoma 14:19-21; 1 VaKorinte 8:9-13; 10:23-33) Kuzvininipisa kunotibetserawo kusimudzira rudo norugare kupfurikidza nokukanganwira vamwe nokuda kwezvivi zvavo kwatiri. (Mateo 6:12-15; 18:21, 22) Kunotisunda kuenda kumunhu agumburwa, kubvuma mhosho yedu, kukumbira kanganwiro yake, uye kuita chatinogona kururamisa chakaipa chipi nechipi chatingave takaita. (Mateo 5:23, 24; Ruka 19:8) Kana munhu akagumburwa akatisvika, kuzvininipisa kunotisunda kugadzikisa zvinhu nenzira yorugare mumudzimu worudo.—Mateo 18:15; Ruka 17:3.
Ruponeso runotsamira pakuratidzira kuzvininipisa. Somuenzaniso, pamusoro paMwari, kunonzi: “Muchaponesa vanhu vanozvininipisa; asi meso enyu anorwisana navanozvitutumadza, kuti mugovaderedza.” (2 Samueri 22:28, NW) Apo Mambo Jesu Kristu ‘anotasva nokuda kwezvokwadi, kuzvininipisa, uye kururama,’ achaponesa avo vanozvininipisa vamene pamberi pake naBaba vake. (Pisarema 45:4) Avo vanoratidza kuzvininipisa vanogona kuwana nyaradzo mumashoko, anoti: “Tsvakai Jehovha, imi mose vanyoro venyika, imi makachengeta mitemo yake; tsvakai kururama, tsvakai unyoro; zvimwe mungavandika nezuva rokutsamwa kwaJehovha.”—Zefania 2:3.
Kuzvininipisa Nesangano raMwari
Kuzvininipisa kunotungamirira vanhu vaMwari kunzwisisa sangano rake nokugara naro savachengeti veperero. (Enzanisa naJohane 6:66-69.) Kana tikasapiwa ropafadzo yebasa yataikarira kugamuchira, kuzvininipisa kunotibetsera kubatira pamwe naavo vanoita mutoro mukati meungano. Uye batira pamwe yedu yokuzvininipisa inogadza muenzaniso wakanaka.
Pane rumwe rutivi, kuzvininipisa kunotidzivisa kuratidzira kusava namaturo pamusoro pamaropafadzo edu ebasa pakati pavanhu vaJehovha. Kunotidzivisa kutsvaka rumbidzo nokuda kwebasa ratakaropafadzwa kuita musangano raMwari. Uyezve, kana tiri kubatira savakuru, kuzvininipisa kunotibetsera kubata boka raMwari nounyoro.—Mabasa 20:28, 29; 1 Petro 3:8.
Kuzvininipisa Nechirango
Nguvo yokuzvininipisa inotibetsera kugamuchira chirango. Vanhu vanozvininipisa havana kufanana naMambo waJudha Uzia, ane mwoyo wakava unozvitutumadza kwazvo zvokuti akabvuta mabasa ouprista. Iye ‘akaita nenzira yokusatendeka mukurwisana naJehovha ndokupinda mutembere kuzopisa zvinonhuwira paatari yezvinonhuwira.’ Apo Uzia akatsamwira vaprista nokuda kwokumururamisa, akarohwa namaperembudzi. Mutengo wakadini wokubhadhara nokuda kwokushaikwa kwokuzvininipisa! (2 Makoronike 26:16-21; Zvirevo 16:18) Usatongova akafanana naUzia ndokurega rudado ruchikudzivisa kugamuchira chirango chinobva kuna Mwari kupfurikidza neShoko Rake nesangano.
Muna ikoku Pauro akaudza maKristu eHebheru akazodzwa, kuti: “Makakanganwa kwazvo kuraira kunotaura kwamuri sokuvanakomana, kuchiti: ‘Mwanakomana wangu, usazvidza kuranga kwa[Jehovha, NW], usapera mwoyo kana uchirairwa naye; nokuti waanoda [Jehovha, NW] unomuranga, unorova zvikuru mwanakomana mumwe nomumwe waanogamuchira.’ . . . Zvino kuranga kwose, kana kuchaitwa, kwakaita sokusingafadzi, kunochemedza; asi pashure kunoberekera ivo, vakadzidziswa nako, zvibereko zvorugare, ndizvo zvibereko zvokururama.” (VaHebheru 12:5-11) Yeukawo, kuti “kuraira kwokurairirwa inzira youpenyu.”—Zvirevo 6:23.
Ramba Wakapfeka Kuzvininipisa
Kunokosha sei kuti maKristu nguva dzose apfeke nguvo yokuzvininipisa! Kunotisunda kutsungirira savazivisi voUmambo, kupupurira nokuzvininipisa paimba neimba mukutsvaka avo “vane ndangariro yakarurama nokuda kwoupenyu husingaperi.” (Mabasa 13:48, NW; Mab 20:20) Zvamazvirokwazvo, kuzvininipisa kunotibetsera kuramba tichiteerera Mwari murutivi rwuri rwose, kunyange zvazvo vashori vanodada vachivenga nzira yedu yakarurama.—Pisarema 34:21.
Nemhaka yokuti kuzvininipisa kunotisunda ku‘vimba naJehovha nomwoyo wedu wose,’ anoruramisa nzira dzedu. (Zvirevo 3:5, 6) Kutaura idi, kana bedzi takapfeka iri vara rakaisvonaka tinogona zvirokwazvo kufamba naMwari ndokufarikanya tendero yake nechikomborero. Mudzidzi Jakobho akanyora, kuti: “Zvininipisei mumene mumeso aJehovha, uye iye achakukudzai.” (Jakobho 4:10, NW) Naizvozvo ngatipfekei kuzvininipisa, nguvo iyoyo yakaisvonaka yakagadzirwa naJehovha Mwari.